RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Chii Chinoreva Mirairo Ine Gumi Kwauri?
    Nharireyomurindi—1989 | November 15
    • Gare gare, Jehovha akapa Mosesi muraidzo mumimwe mirairo youmwari nokuda kwaIsraeri. (Eksodho 20:4–23:19) Pamwe chete, iyoyi yakasvika kumitemo 600. Uye wakanga uri mufaro wakadini kuziva kuti ngirozi yaMwari yakanga ichienda iri pamberi porudzi rwacho kugadzirira nzira yokupinda muNyika Yakapikirwa! (Eksodho 23:20-22) Jehovha akazivisa, kuti: “Ndichaita pamberi pavanhu vako zvinoshamisa, zvisina kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti vanhu vose vauri pakati pavo vaone basa raJehovha, nokuti ndinoita chinhu chinotyisa newe.” Uyewo, chii chaida Mwari kuvanhu vake? “Rangarira zvandinokuraira nhasi.” Hungu, teerero kumitemo yose yaJehovha nemirairo yakanga ichikosha.—Eksodho 34:10, 11.

  • Chii Chinoreva Mirairo Ine Gumi Kwauri?
    Nharireyomurindi—1989 | November 15
    • Asi zvakadiniko nezvomurairo wechina, uyo une chokuita nezuva reSabata? Uyu murairo wakasimbisa kuremekedzwa kwezvinhu zvinoyera, sezvo Jehovha akanga aratidzira kare pakutanga “kuchengetwa kwesabata” pamusoro pokuunganidzwa kwemana. (Eksodho 16:22-26) Nemhaka yokuti vamwe vaIsraeri havana kuteerera nokukurumidza, Jehovha akavayeuchidza nenzira yakajeka kuti akanga avapa murairo iwoyo. ‘“Tarirai, Jehovha zvaakakupai sabata,’ . . . Vanhu vakazorora nezuva rechinomwe.” (Eksodho 16:29, 30) Gare gare, Jehovha akaratidza kuti iyi gadziriro yaibatanidza zvose sei, achiti: “Pakati pangu navanakomana vaIsraeri chiratidzo kusvikira kunguva isingazivikanwi.”—Eksodho 31:17, NW.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe