-
Unokoshesa Upenyu Sezvinoita Mwari Here?“Rambai Muri Murudo rwaMwari”
-
-
16. Mashoko api ari muBhaibheri anoshanda panyaya yokubvisa pamuviri? (Onawo mashoko omuzasi.)
16 Kunyange upenyu hwomwana asati aberekwa hunokosha mukuona kwaMwari. MuIsraeri yekare, mumwe munhu paaikuvadza mukadzi ane pamuviri zvokuti aifa kana kuti mwana ari mudumbu ofa, Mwari aizvitora sokuponda, uye nyakuuraya aifanira kuripa “mweya nomweya,” kana kuti upenyu noupenyu.c (Verenga Eksodho 21:22, 23.) Saka funga kuti Jehovha anonzwa sei paanoona vana vasati vaberekwa vasingaverengeki vari kuurayiwa nemaune nokubviswa kwepamuviri gore negore, vakawanda vavo vachifira yokuti vabereki vavo vanenge vachida kusununguka kuita unzenza.
-
-
Unokoshesa Upenyu Sezvinoita Mwari Here?“Rambai Muri Murudo rwaMwari”
-
-
c Vanyori vemaduramashoko eBhaibheri vanoti mashoko echiHebheru akashandiswa “anonyatsoratidza zviri pachena kuti hazvingaiti kuti areve kufa kwomukadzi wacho chete.” Cherechedzawo kuti, Bhaibheri haritauri kuti zera romwana wacho ari mudumbu ndiro raishandiswa naJehovha pakupa mutongo.
-