-
Jehovha Paakatsanangura ZvaariNharireyomurindi—2009 | May 1
-
-
Pagomo reSinai, Mosesi akateterera kuna Jehovha achiti: “Ndapota, ndiratidzei kubwinya kwenyu.” (Eksodho 33:18) Mangwana acho, muprofita wacho akakomborerwa kuona chikamu chokubwinya kwaMwari.a Mosesi haana kudonongodza zvaakaona pazvinhu zvinoshamisa zvaakaratidzwa. Asi, akanyora pamusoro pezvimwe zvinhu zvinokosha—zvakataurwa naMwari. Ngationgororei zvakataurwa naJehovha zviri pana Eksodho 34:6, 7.
Chokutanga chinotaurwa naJehovha pamusoro pounhu hwake ndechokuti iye ndi“Mwari ane ngoni nenyasha.” (Ndima 6) Maererano neimwe nyanzvi, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “ngoni” rinoreva kuti Mwari ane “tsitsi, sedzinoratidzwa nababa kuvana vavo.” Shoko rinoshandurwa kuti “nyasha” rinoenderana neshoko rechiito “rinotsanangura munhu anobatsira mumwe munhu anenge achida rubatsiro zvichibva pamwoyo.” Zviri pachena kuti Jehovha anoda kuti tizive kuti anotarisira vanomunamata sezvinoita vabereki kuvana vavo—norudo uye vaine hanya nezvavanoda.—Pisarema 103:8, 13.
Zvadaro Jehovha anoti “anononoka kutsamwa.” (Ndima 6) Haakurumidzi kutsamwira vashumiri vake vepanyika. Asi anovaitira mwoyo murefu, achishivirira kukanganisa kwavo achivapa nguva yokuti vachinje mararamiro avo okutadza.—2 Petro 3:9.
Mwari anoenderera mberi achiti, “azere nomutsa worudo, nechokwadi.” (Ndima 6) Mutsa worudo, kana kuti rudo rwakavimbika, unhu hunokosha hunoita kuti Jehovha ave noukama hwakasimba hunogara nokusingaperi nevanhu vake. (Dheuteronomio 7:9) Chokwadi chose chinobva kuna Jehovha. Haanyengedzi kana kunyengedzwa. Sezvo ari “Mwari wechokwadi,” tinogona kuva nokutenda kwakakwana muzvose zvaanotaura, kusanganisira zvaakavimbisa zvomunguva yemberi.—Pisarema 31:5.
-
-
Jehovha Paakatsanangura ZvaariNharireyomurindi—2009 | May 1
-
-
a Mosesi haana kunyatsoona Jehovha, nokuti hapana munhu anogona kuona Mwari ndokurarama. (Eksodho 33:20) Zviri pachena kuti Jehovha akaratidza Mosesi kubwinya kwake, ndokutaura naye achimiririrwa nengirozi.
-