“Jehovha, Mwari Uzere Nyasha Nengoni”
“Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.”—EKSODHO 34:6.
1. (a) Inyaradzo ipi inogoverwa neBhaibheri kune avo vakaona vadiwa vavo vachitsauka pakunamata kwechokwadi? (b) Jehovha anoona sei vanokanganisa vakadaro?
“MWANASIKANA wangu akandiudza kuti akanga asingachadi kuva mutezo weungano yechiKristu,” vanodaro vamwe baba vechiKristu. “Kwamazuva, mavhiki, kunyange mwedzi pashure pacho, ndairwadziwa neshungu mumuviri wangu. Zvaipfuura rufu.” Zvechokwadi zvinoshungurudza kuona mudiwa achitsauka panzira yokunamata kwakachena. Zvakadaro zvakamboitika kwauri here? Kana zvakadaro, uchanyaradzwa nokuziva kuti Jehovha anokunzwira urombo. (Eksodho 3:7; Isaya 63:9) Asi anoona sei vanokanganisa vakadaro? Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anovakumbira netsitsi kuti vadzoke kune nyasha dzake. Akateterera vaJudha vakapanduka vomuzuva raMaraki kuti: “Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri.”—Maraki 3:7.
2. Bhaibheri rinoratidza sei kuti ngoni rutivi runokosha rwounhu hwaJehovha?
2 Ngoni dzaMwari dzakaratidzwa Mosesi paGomo reSinai. Ipapo, Jehovha akazvizivisa sa“Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eksodho 34:6) Kutaura uku kunosimbisa kuti ngoni rutivi rwunokosha rwounhu hwaJehovha. Unoda “kuti vose vatendeuke,” akanyora kudaro muapostora wechiKristu Petro. (2 Petro 3:9) Chokwadika, ngoni dzaMwari dzine padzinogumira. “Usingapembedzi munhu une mhosva,” Mosesi akaudzwa kudaro. (Eksodho 34:7; 2 Petro 2:9) Zvisinei, “Mwari rudo,” uye ngoni rutivi rukuru rwevara iroro. (1 Johane 4:8; Jakobho 3:17) Jehovha haazo“gari akatsamwa nokusingaperi,” uye “unofarira kuva nenyasha.”—Mika 7:18, 19.
3. Maonero aJesu ngoni akanga akasiyana sei neevanyori navaFarise?
3 Jesu akanga akafanana naBaba vake vokudenga zvakakwana. (Johane 5:19) Kubata kwake vaiita zvakaipa netsitsi kwakanga kusiri kuvapembedza zvivi zvavo asi kuvaratidzira tsitsi dzakafanana nedzaairatidzira vairwara munyama. (Enzanisa naMarko 1:40, 41.) Hungu, Jesu akaisa ngoni pakati pe“zvinhu zvikuru” zvoMutemo waMwari. (Mateo 23:23) Kusiyana naizvozvo, funga nezvevanyori navaFarise, vaiva nepfungwa dzomutemo dzokururamisira dzaisawanzova nengoni. Pavakaona Jesu achitaura navatadzi, vakanyunyuta vachiti: “Uyu munhu unogamuchira vatadzi, achidya navo.” (Ruka 15:1, 2) Jesu akapindura vapomeri vake nemifananidzo mitatu, mumwe nomumwe unosimbisa ngoni dzaMwari.
4. Ndeipi mienzaniso miviri yakarondedzerwa naJesu, uye mumwe nomumwe wairevei?
4 Wokutanga, Jesu akataura nezvomurume akasiya makwai 99 achinotsvaka rimwe rakanga rarasika. Airevei? “Mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe unotendeuka, kupfuura pavakarurama vana makumi mapfumbamwe navapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.” Jesu akazotaura nezvomukadzi aitsvaka drakema rakarasika ndokufara paakariwana. Airevei? “Mufaro uripo pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe unotendeuka.” Jesu akarondedzera mufananidzo wake wechitatu senyaya.a Vakawanda vanoiti ndiyo nyaya pfupi yakanakisisa yati yambotaurwa. Kufunga nezvenyaya iyi kuchatibetsera kunzwisisa ndokutevedzera ngoni dzaMwari.—Ruka 15:3-10.
Mwanakomana Anopanduka Anobva Pamba
5, 6. Mumuenzaniso waJesu wechitatu mwanakomana muduku akaratidza sei kusaonga kwazvo?
5 “Mumwe munhu waiva navanakomana vaviri. Muduku wavo akati kuna baba vake: Baba, ndipei mugove wenhaka uchazova wangu. Akavagovera pfuma yake. Mazuva mashoma akati apfuura, mwanakomana muduku akaunganidza zvose, akaenda kunyika iri kure; akaparadzako nhaka yake achifamba nemitoo yakaipa.”—Ruka 15:11-13.b
6 Mwanakomana muduku pano akaratidza kusaonga kwazvo. Kutanga, akati aida nhaka yake, uye akabva aidya “achifamba nemitoo yakaipa.” Kutaura kwokuti “mitoo yakaipa” kunoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki rinoreva kuti “upenyu hwamadiro.” Imwe nyanzvi inotaura kuti shoko racho “rinoreva kurasa zvachose tsika dzakanaka.” Nechikonzero chakanaka, jaya romunyaya yaJesu rinowanzonzi mupambadzi, shoko rinorondedzera munhu asina hanya zvikuru uye anopambadza.
7. Nhasi ndiani akafanana nemupambadzi uya, uye nei vanhu vakawanda vakadaro vachida kusununguka “munyika iri kure”?
7 Nhasi kune vanhu vakafanana nemupambadzi here? Hungu. Zvinosuruvarisa, kuti vashomanana vakasiya “[i]mba” yakachengeteka yaBaba vedu vokudenga, Jehovha. (1 Timotio 3:15) Vamwe vaivava vanofunga kuti mhoteredzo yeimba yaMwari inonyanyodzvinyirira, kuti ziso rinorinda raJehovha rinovhiringidza kupfuura kudzivirira. (Enzanisa naPisarema 32:8.) Funga nezvomumwe musikana wechiKristu akarerwa maererano nenheyo dzeBhaibheri asi gare gare akazobatanidzwa mukushandisa zvisina kufanira doro nezvinodhaka. Achifunga nezvenguva iyoyo isina kujeka youpenyu hwake, anoti: “Ndaida kuratidza kuti ndaigona kuzviitira upenyu huri nani. Ndaida kuita zvandaida kuita, uye ndakanga ndisingadi kuti mumwe munhu andiudze zvakasiyana.” Kufanana nomwanakomana uya anopambadza, uyu musikana aida kusununguka. Zvinosuruvarisa kuti aifanira kudzingwa muungano yechiKristu nemhaka yemiitiro yake isiri yomumagwaro.—1 VaKorinte 5:11-13.
8. (a) Avo vanoshuva kurarama mukupesana nemitemo yaMwari vangabetserwa sei? (b) Nei munhu achifanira kufungisisa chisarudzo chake panhau yokunamata?
8 Zvinorwadza zvikuru apo watinotenda naye anoratidza chishuvo chokurarama mukupesana nemitemo yaMwari. (VaFiripi 3:18) Izvi pazvinoitika, vakuru navamwe vane zvikwaniriso zvomudzimu vanoedza kugadzirisa anokanganisa wacho. (VaGaratia 6:1) Kunyange zvakadaro, hapana munhu anomanikidzwa kugamuchira joko rokuva mudzidzi wechiKristu. (Mateo 11:28-30; 16:24) Kunyange pwere dzinofanira kuzvisarudzira nhau yokunamata somunhu oga, padzinosvika zera rokuzvisarudzira. Pakupedzisira, mumwe nomumwe wedu munhu akasununguka uyo achazvidavirira kuna Mwari. (VaRoma 14:12) Chokwadika, ticha‘chekawo chatinodyara’—chidzidzo icho mupambadzi womunyaya yaJesu aizokurumidza kudzidza.—VaGaratia 6:7, 8.
Nhamo Munyika Iri Kure
9, 10. (a) Mugariro womwanakomana anopambadza wakachinja sei, uye akaita sei? (b) Taura muenzaniso wokuti vamwe nhasi vanosiya kunamata kwechokwadi vanova sei nenhamo yakafanana neyomwanakomana uya anopambadza.
9 “Zvino wakati apedza zvose, nzara huru ikasvika panyika iyo, akatanga kushayiwa. Ipapo akaenda, akandozviisa kune mumwe wavanhu venyika iyo; iye akamutumira kuminda yake, kundofudza nguruve. Wakanga achida kuzvigutsa namateko aidyiwa nenguruve; asi kwakanga kusina munhu waimupa.”—Ruka 15:14-16.
10 Kunyange zvazvo akanga asina pokugara, mupambadzi uya akanga asati afunga zvokudzokera kumba. Panzvimbo paizvozvo, akasangana nomumwe munhu aigara ikoko uyo akamupa basa rokufudza nguruve. Sezvo Mutemo waMosesi waiti nguruve dzaiva mhuka dzisina kuchena, basa rakadaro raisazogamuchirwa nomuJudha. (Revhitiko 11:7, 8) Asi kana mupambadzi uya akambonetswa nehana yake, aifanira kuidzvinyirira. Zvakare akanga asingagoni kukarira waaishandira, mugari wemo, kuti anetseke nezvemanzwire omubvakure asina pokugara. Mugariro womupambadzi uya wakafanana nezviitiko zvavakawanda nhasi vanosiya nzira yakatwasuka yokunamata kwakachena. Kakawanda, vakadaro vanobatanidzwa mumabasa avaimboona seanonyangadza. Somuenzaniso, rimwe jaya rakapandukira kurerwa kwaro kwechiKristu parakanga rava namakore 17. “Unzenza nokushandisa zvisina kufanira zvinodhaka zvakaita kuti ndikanganwe makore edzidziso dzakavakirwa paBhaibheri,” anobvuma kudaro. Nenguva isipi, jaya iri rakazviwana riri mujeri nemhaka yokupamba nepfuti nokuponda. Kunyange zvazvo akazomuka mumudzimu gare gare, akaripa zvikuru sei nokuda kwoku“farira zvivi nguva duku”!—Enzanisa naVaHebheru 11:24-26.
11. Nhamo yomwanakomana anopambadza yakawedzera sei, uye vamwe nhasi vakawana sei kuti zvinokwezva zvenyika “kunyengera kusina maturo”?
11 Nhamo yomwanakomana anopambadza yakawedzera nokuti “kwakanga kusina munhu waimupa.” Ko shamwari dzake dzaakanga achangobva kuwana dzakanga dziri kupi? Zvino sezvaakanga asisina mari, akanga oita se“anovengwa” nadzo. (Zvirevo 14:20) Nenzira yakafanana, vakawanda nhasi vanotsauka pakutenda vanowana kuti zvinokwezva nezvinofungwa nenyika ino zvinoparira “kunyengera kusina maturo.” (VaKorose 2:8) “Pasina nhungamiro yaJehovha ndakarwadziwa zvikuru nokuodzwa mwoyo,” akadaro mumwe musikana akasiya sangano raMwari kwenguva yakati. “Ndakaedza kuwirirana nenyika, asi vakandiramba, nemhaka yokuti ndakanga ndisina kunyatsofanana navamwe. Ndakaita somwana arasika aida baba kuti vamutungamirire. Ndipo pandakaziva kuti ndaida Jehovha. Handina kuzomboda kurarama ndisinaye zvakare.” Mupambadzi womumuenzaniso waJesu akazoziva zvakafanana.
Mupambadzi Anopengenuka
12, 13. Ndezvipi zvakabetsera vamwe nhasi kuti vapengenuke? (Ona bhokisi.)
12 “Wakati [apengenuka, NW], akati: Varanda vazhinji sei vababa vangu vane zvokudya zvakawandisa, asi ini ndofa pano nenzara. Ndichasimuka, ndiende kuna baba vangu, nditi kwavari: Baba, ndatadzira kudenga, napamberi penyu, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; mundiite somumwe wavaranda venyu. Akasimuka, akaenda kuna baba vake.”—Ruka 15:17-20.
13 Mupambadzi “akapengenuka.” Kwenguva yakati, akanga akanyura mukutsvaka mafaro, seari munyika isiri chaiyoiyo. Asi zvino akazonyatsoziva mugariro wake womudzimu wechokwadi. Hungu, kunyange zvazvo rakanga rakanganisa, jaya iri rakanga richine tariro. Pane zvinhu zvakanaka zvaraiita. (Zvirevo 24:16; enzanisa na2 Makoronike 19:2, 3.) Zvakadini naavo vanosiya ungano yaMwari nhasi? Zvingava zvine musoro here kugumisa kuti havachina kana tariro, kuti kupanduka kwavo kunoratidza kuti vakatadzira mudzimu mutsvene waMwari munzira dzose? (Mateo 12:31, 32) Kwete hazvo. Vamwe vavo vanotambudzwa nenzira yavo isina kunaka, uye pashure penguva yakati vakawanda vavo vanozopengenuka. “Handina kumbofa ndakakanganwa nezvaJehovha, kunyange kwezuva rimwe,” inodaro imwe hanzvadzi, ichifunga nezvenguva yayakapedza isiri musangano raMwari. “Ndaigaronyengetera kuti neimwe nzira, nerimwe zuva, andigamuchire muchokwadi.”—Pisarema 119:176.
14. Mwanakomana anopambadza akatsunga kuitei, uye akaratidza sei kuzvininipisa mukuita kudaro?
14 Asi avo vakatsauka vangaitei nezvomugariro wavo? Munyaya yaJesu mupambadzi uya akafunga kudzokera kumba ndokukumbira baba vake ruregerero. “Mundiite somumwe wavaranda venyu,” mupambadzi wacho akatsunga kutaura kudaro. Muranda akanga ari mushandi aibhadharwa zuva roga roga aigona kudzingwa angopiwa notisi yezuva rimwe. Uyu akanga akatoderera kupfuura muranda uyo, mupfungwa yakati, akanga akafanana nomutezo wemhuri. Naizvozvo mupambadzi haana kufunga kuti adzorerwe kumugariro wake waaimbova nawo somwanakomana. Aizove anoda zvikuru kugamuchira nzvimbo yakadereresa, kuitira kuti aratidze kuvimbika kwake kwaakanga amutsidzira kuna baba vake zuva nezuva. Zvisinei, mwanakomana anopambadza aizoshamisika.
Kugamuchirwa Kunofadza
15-17. (a) Baba vakaita sei pavakaona mwanakomana wavo? (b) Nguo, mhete yomunwe, uye shangu zvakapiwa mwanakomana nababa vake zvinomirirei? (c) Kuronga mutambo kwababa kunoratidzei?
15 “Wakati achiri kure, baba vake vakamuona, vakamunzwira tsitsi, vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusveta. Mwanakomana akati kwavari: Baba, ndatadzira kudenga napamberi penyu, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu. Asi baba vakati kuvaranda vavo: Kurumidzai, muuye nenguo yakaisvonaka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshangu patsoka dzake; muuye nemhuru yakakodzwa, muibaye, tidye, tifare; nokuti mwanakomana wangu uyu wakanga afa, wararamazve; wakanga arashika, wawanikazve. Zvino vakatanga kufara.”—Ruka 15:20-24.
16 Mubereki wose ane rudo angashuva kuti mwana wake amuke mumudzimu. Nokudaro, tinogona kungofungidzira baba vomwanakomana anopambadza vachitarira mazuva ose nzira yaiva mberi kweimba yavo, vachikarira nomwoyo wose kudzoka kwomwanakomana wavo. Zvino vanoona mwanakomana wavo achikwira nenzira yacho! Chitarisiko chomwana wacho pasina mubvunzo chakanga chachinja. Zvisinei, baba vacho vanomuziva achiri “kure.” Havatarisi mamvemve aakapfeka uye kuodzwa mwoyo kwake; vanoona mwanakomana wavo, uye vanomumhanyira!
17 Baba vacho pavakasvika kumwanakomana wavo, vakawira pamutsipa womwanakomana wavo ndokumutsvoda zvinyoronyoro. Ipapo vakaudza varanda vavo kuti vape mwanakomana wavo nguo, mhete yomunwe, uye shangu. Iyi nguo yakanga isiri chipfekowo zvacho, asi “yakaisvonaka”—zvichida yakasonwa zvakanaka kwazvo yedziya dzaiwanzopiwa muenzi anokudzwa. Sezvo mhete yomunwe neshangu zvaisawanzopfekwa navaranda, baba vacho vakanga vari kujekesa kuti mwanakomana wavo akanga ari kugamuchirwa semutezo wemhuri wakazara. Asi baba vacho vakaita zvakatowanda. Vakarayira kuti mutambo wokupemberera kudzoka kwomwanakomana wavo uitwe. Zvakajeka kuti murume uyu akanga asiri kukanganwira mwanakomana wake asingadi kana kuti nemhaka bedzi yokuti kudzoka kwemwanakomana wake kwaimumanikidzira; aida kukanganwira. Zvakamuita kuti afare.
18, 19. (a) Nyaya yomwanakomana anopambadza inokudzidzisei nezvaJehovha? (b) Sezvinoratidzirwa nokubata kwake neJudha neJerusarema, Jehovha ano“mbomi[ri]ra” sei kudzoka kwomutadzi?
18 Kusvika panguva ino, nyaya yomwanakomana anopambadza inotidzidzisei pamusoro paMwari watakaropafadzwa kunamata? Kutanga, kuti Jehovha “uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eksodho 34:6) Zvechokwadi, ngoni ivara guru raMwari. Ndiyo nzira yake yaanobata nayo vanoshayiwa. Ipapo, nyaya yaJesu inotidzidzisa kuti Jehovha “unofarira kukanganwira.” (Pisarema 86:5) Anoita seari kutsvaka vanhu vakatadza vanochinja mwoyo, izvo zvingaita kuti avanzwire ngoni.—2 Makoronike 12:12; 16:9.
19 Somuenzaniso, funga nezvokubata kwaMwari naIsraeri. Muporofita Isaya akafuridzirwa naJehovha kuti arondedzere Judha neJerusarema se‘vairwara kubva pamusoro kusvika patsoka.’ Asi, akatiwo: “Jehovha uchambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naizvozvo uchakudzwa, kuti ave nenyasha nemi.” (Isaya 1:5, 6; 30:18; 55:7; Ezekieri 33:11) Kufanana nababa vomunyaya yaJesu, Jehovha anoita seari ‘kutarira kunzira.’ Anokarira nomwoyo wose kudzoka kwavose vakasiya imba yake. Izvi hazvisi izvo zvatingakarira kuna baba vane rudo here?—Pisarema 103:13.
20, 21. (a) Vakawanda nhasi vari kukwezvwa sei nengoni dzaMwari? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
20 Gore roga roga, ngoni dzaJehovha dzinokweva vakawanda kuti vapengenuke uye vatangezve kunamata kwechokwadi. Izvi zvinofadza vadiwa vavo zvikuru! Somuenzaniso, funga nezvababa vechiKristu vadudzwa pakutanga. Zvinofadza kuti mwanasikana wavo akamuka mumudzimu uye zvino anoshanda somushumiri wenguva yakazara. “Ndiri kufara sezvinogona kuita munhu mugadziriro ino yezvinhu yasakara,” anodaro. “Misodzi yangu yokuchema yakachinja kuva misodzi yokufara.” Zvechokwadi, Jehovha anofarawo!—Zvirevo 27:11.
21 Asi pane zvakawanda nezvenyaya yomupambadzi. Jesu akapfuudzira nyaya yake kuitira kuti agosiyanisa ngoni dzaJehovha nekufunga kusingachinjiki, uye kwokupomera kwaiva kwakazara muvanyori navaFarise. Kuti akazviita sei—uye kuti izvi zvinorevei kwatiri—zvichakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Nyaya nemimwe mifananidzo zvinorondedzerwa muBhaibheri hazvina hazvo kuitika chaizvoizvo. Uyezve, sezvo chinangwa chenyaya idzi chiri chokudzidzisa chidzidzo chetsika, hatifaniri hedu kutsvaka zvinofananidzirwa namashoko acho ose.
b Zvinorehwa nouporofita hwenyaya iyi zvinokurukurwa muchinyorwa cheNharireyomurindi yaFebruary 15, 1989, mapeji 16, 17.
Kuhwirudzura
◻ Kuratidza ngoni kwaJesu kwakasiyana sei nokwavaFarise?
◻ Nhasi ndiani akafanana nemupambadzi uya, uye sei?
◻ Migariro ipi yakaita kuti mupambadzi uya apengenuke?
◻ Baba vakaratidza sei ngoni kumwanakomana wavo anopfidza?
[Bhokisi riri papeji 11]
VAKAZOPENGENUKA
Chii chakabetsera vamwe vakanga vakambodzingwa muungano yechiKristu kuti vapengenuke? Tsinhiro dzinotevera dzinojekesa nhau yacho.
“Mumwoyo mangu ndakanga ndichiri kuziva kuti chokwadi chakanga chiri kupi. Kufunda Bhaibheri nokupinda misangano yechiKristu kwamakore akawanda zvakanga zvandibetsera zvikuru. Ndaigona sei kuramba ndakafuratira Jehovha? Akanga asina kundisiya; ndini ndakanga ndamusiya. Pakupedzisira, ndakabvuma kuti ndakanga ndisina kururama uye ndakasindimara zvikuru uye kuti Shoko raJehovha rakanga rakarurama nguva yose iyi—‘unokohwa chaunodyara.’”—C.W.
“Mwanasikana wangu muduku akatanga kutaura, uye izvozvo zvakandibaya mwoyo sezvandaida kumudzidzisa zvinhu zvakadai sokuti Jehovha ndiani uye nzira yokunyengetera nayo kwaari. Handina kugona kurara, uye pakati pohumwe usiku ndakatyaira motokari kuenda kune imwe paka ndokungochema. Ndakachema, uye ndakanyengetera kuna Jehovha kekutanga pashure penguva yakareba. Zvandaingoziva ndezvokuti ndaidazve Jehovha muupenyu hwangu, uye ndaingoti dai akandikanganwira.”—G.H.
“Paitaurwa nyaya yezvitendero, ndaiudza vanhu kuti kudai ndaizosarudza chitendero chinodzidzisa chokwadi, ndaizofanira kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ipapo ndaitaura kuti ndaimbova mumwe wazvo, asi handina kugona kurarama maererano nezvinodikanwa, naizvozvo ndakarega. Ndichiziva izvi, kakawanda ndainzwa ndine mhaka uye ndisingafari. Pakupedzisira ndakabvuma kuti, ‘Handisi kufara. Ndinofanira kuchinja zvikuru.’”—C.N.
“Makore makumi matatu namashanu akapfuura ini nomurume wangu takadzingwa. Ipapo, muna 1991, takafara zvikuru kushanyirwa navakuru vaviri vakatizivisa nezvokuti zvaibvira kudzokera kuna Jehovha. Mwedzi mitanhatu gare gare, takafara zvikuru kudzorerwa. Ini nomurume wangu tine makore 79 ne63.”—C.A.