Va“kaita Saizvozvo”
“Rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirayiro yake; mirayiro yake hairemi.”—1 JOHANE 5:3.
1. Chii chinogona kutaurwa kana toreva nezveukuru hworudo rwaMwari?
“MWARI RUDO.” Vose vanosvika pakuziva Mwari ndokuteerera mirayiro yake vanowana kunzwisisa kukuru kworudo irworwo. “Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.” Sezvatinotenda chibayiro chinokosha chorudzikinuro chaJesu, ti‘norambira murudo rwaMwari.’ (1 Johane 4:8-10, 16) Nokudaro tingafarikanya pfuma yezvikomborero zvomudzimu zvino uye mutsika yezvinhu ichauya, upenyu husingaperi.—Johane 17:3; 1 Johane 2:15, 17.
2. Kuchengeta mirayiro yaMwari kwakabetsera sei vabatiri vake?
2 Chinyorwa cheBhaibheri chakazara nemienzaniso yaavo vakachengeta mirayiro yaMwari uye vakakomborerwa zvikuru somugumisiro. Ivava vanobatanidza zvapupu zvakatangira vaKristu, nezvavamwe vavo muapostora Pauro akanyora, kuti: “Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa, vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika.” (VaHebheru 11:13) Gare gare, vabatiri vechiKristu vaMwari vakazvipira vakabetserwa ne“nyasha nezvokwadi [izvo] zvakauya naJesu Kristu.” (Johane 1:17) Mukati memakore 6 000 enhau yorudzi rwomunhu, Jehovha akatusa zvapupu zvakatendeka izvo zvakateerera mirayiro yake, iyo zvirokwazvo “[isinga]remi.”—1 Johane 5:2, 3.
Mumazuva aNoa
3. Munzirai umo Noa akaita “saizvozvo”?
3 Chinyorwa cheBhaibheri chinoti: “Nokutenda Noa wakati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, akagadzira areka nokutya Mwari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunouya nokutenda.” So“muparidzi wokururama,” Noa akateerera Mwari zvakakwana, achinyevera nyika yaiva namasimba masimba yakatangira Mafashamo pamusoro porutongeso rwoumwari rwakanga ruchiswedera. (VaHebheru 11:7; 2 Petro 2:5) Mukuvaka areka, akasanotevedzera purani yakagoverwa nenzira youmwari. Ipapo akapinza mukati mhuka dzakasarudzwa uye migove yezvokudya. “Noa akaita saizvozvo; sezvaakarayirwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.”—Genesi 6:22.
4, 5. (a) Pesvedzero yakaipa yakatapura sei rudzi rwomunhu kusvikira kuzuva rino? (b) Neiko tichifanira kuita “saizvozvo” mukuteerera mirayiro youmwari?
4 Noa nemhuri yake vaitofanira kugonana nepesvedzero yakaipa yengirozi dzisina kuteerera. Ava vanakomana vaMwari vakashanduka kuva vanhu ndokugara navakadzi, vachibereka mubatanidzwa wavana vanopfuura vanhu avo vaidheerera rudzi rwomunhu. “Nyika yakanga yaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumanikidzana.” Jehovha akatuma Boporodzi kuti ribvise chizvarwa ichocho chakaipa. (Genesi 6:4, 11-17; 7:1) Chibviro chezuva raNoa ngirozi dziri madhimoni hadzina kutenderwa kuva nechimiro chavanhu. Kunyange zvakadaro, ‘nyika yose inopfuurira kuva musimba rowakaipa,’ Satani Dhiyabhorosi. (1 Johane 5:19; Zvakazarurwa 12:9) Nenzira youporofita, Jesu akaenzanisa chizvarwa ichocho chaipandukira chomuzuva raNoa nechizvarwa chorudzi rwomunhu icho chakamuramba chibviro chapanguva yechiratidzo “chokuuya” kwake chakavamba kuva chakajeka muna 1914.—Mateo 24:3, 34, 37-39; Ruka 17:26, 27.
5 Nhasi, somuzuva raNoa, Satani ari kuedza kuparadza rudzi rwomunhu nepasi redu. (Zvakazarurwa 11:15-18) Nokudaro ndokwekurumidziro kuti titeerere murayiro wakafuridzirwa, wokuti: “Pfekai nhumbi yakakwana yesimbi inobva kuna Mwari kuti mugokwanisa kumira makasimba mukurwisana namanomano aDhiyabhorosi.” (VaEfeso 6:11, NW mashoko omuzasi) Muna ikoku, tinosimbiswa kupfurikidza nokufunda Shoko raMwari nokurishandisa muupenyu hwedu. Uyezve, tine sangano raJehovha rinoitira hanya, no“muranda [waro] wakatendeka, wakangwara” navakuru varo vane rudo, kuti vatifudze nokushivira munzira iyo yatinofanira kufamba nayo. Tine basa rokuparidza renyika yose rokuita. (Mateo 24:14, 45-47) Kufanana naNoa, uyo akasanoteerera mirayiridzo youmwari, ngatiitei “saizvozvo” nguva dzose.
Mosesi—Munyoro Kupfuura Vanhu Vose
6, 7. (a) Chisarudzoi chinotusa icho Mosesi akaita? (b) Muenzanisoi woushingi uyo Mosesi akatisiyira?
6 Rangarira mumwe murume wokutenda—Mosesi. Aigona kuve akafarikanya upenyu hwokuzvigutsa mukati moumbozha hweEgipita. Asi akasarudza “kuitirwa zvakaipa pamwe chete navanhu vaMwari pakufarira zvivi nguva duku.” Somubatiri waJehovha akatumwa, “akatarira mubayiro [uye] wakatsungirira somunhu unoona iye usingaonekwi.”—VaHebheru 11:23-28.
7 Pana Numeri 12:3, tinorava, kuti: “Munhu uyu Mosesi wakanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” Nenzira inopesana, Farao weEgipita akaita sounozvikudza kupfuura vanhu vose. Apo Jehovha akarayira Mosesi naAroni kuzivisa rutongeso rwake pana Farao, vakaita sei? Tinoudzwa, kuti: “Mosesi naAroni vakaita saizvozvo; sezvavakanga varayirwa naJehovha, vakaita saizvozvo.” (Eksodho 7:4-7) Muenzaniso woushingi wakadini nokuda kwedu isu tinozivisa rutongeso rwaMwari nhasi!
8. VaIsraeri vaidikanirwa sei kuita “saizvozvo,” uye kufara kwakavapo somugumisiro kuchafanana sei munguva pfupi iri mberi?
8 VaIsraeri vakatsigira Mosesi nokuvimbika here? Pashure pokunge Jehovha atambudza Egipita namapfumbamwe amatambudziko gumi, akapa vaIsraeri mirayiridzo ine udzame pakuchengeta Paseka. “Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata. Vana vaIsraeri vakaita saizvozvo; Mosesi naAroni sezvavakanga varayirwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.” (Eksodho 12:27, 28) Pakati pousiku hwezuva iroro rakanga rakazara nezviitiko, Nisani 14, 1513 B.C.E., ngirozi yaMwari yakapfuurira kuuraya matangwe ose eEgipita asi yakapfuura misha yavaIsraeri. Neiko matangwe avaIsraeri akaponeswa? Nemhaka yokuti akanga awana dziviriro muropa regwayana rePaseka, rakasaswa pamasuo avo. Vakanga vaita chaizvo seizvo Jehovha akanga arayira Mosesi naAroni. Hungu, “vakaita saizvozvo.” (Eksodho 12:50, 51) PaGungwa Dzvuku, Jehovha akaita chimwe chishamiso mukuponesa vanhu vake vaimuteerera nepo achiparadza Farao nehondo yake ine simba. VaIsraeri vakafara sei! Nenzira yakafanana nhasi, vakawanda vakateerera mirayiro yaJehovha vachafara kuva zvapupu zvichaona kurevererwa kwake paArmagedhoni.—Eksodho 15:1, 2; Zvakazarurwa 15:3, 4.
9. Iropafadzoi dzomuzuva razvino uno dzinofananidzirwa nokuita kwavaIsraeri “saizvozvo” maererano netabhernakeri?
9 Apo Jehovha akarayira Israeri kuunganidza mupiro ndokuvaka tabhernakeri murenje, vanhu norupo vakapa tsigiro yavo yakakwana. Ipapo, kunyange kuudzame hudukusa, Mosesi navashandibiyake vaidisa vakatevera purani dzounyanzvi hwokuvaka dzakagoverwa naJehovha. “Naizvozvo basa rose retabhernakeri yetende rokusongana rakapera; vana vaIsraeri vakaita zvose zvakanga zvarayirwa Mosesi naJehovha, vakaita saizvozvo.” Nenzira yakafanana, pakutsaurirwa kwouprista, “Mosesi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arayirwa naJehovha, wakazviita saizvozvo.” (Eksodho 39:32; 40:16) Munguva dzazvino uno, tine mukana wokupa tsigiro yomwoyo wose kubasa rokuparidza uye kupurogiramu dzewedzero yoUmambo. Iropafadzo yedu nokudaro kubatana mukuita “saizvozvo.”
Joshua—Aiva Noushingi uye Akasimba Zvikuru
10, 11. (a) Chii chakashongedzera Joshua kuti abudirire? (b) Tinogona sei kusimbiswa kuti tigonane nemiedzo yomuzuva razvino uno?
10 Apo Mosesi akarayira Joshua kutungamirira Israeri kuti apinde munyika yakapikirwa, sezvinobvira Shoko rakanyorwa rakafuridzirwa raJehovha rakanga riripo bedzi mumabhuku mashanu aMosesi, pisarema rimwe kana kuti maviri, uye bhuku raJobho. Mosesi akanga arayira Joshua kuunganidza vanhu apo vaizosvika Nyika Yakapikirwa uye “kurava murayiro uyu pamberi pavaIsraeri vose, vaunzwe.” (Dheuteronomio 31:10-12) Uyezve, Jehovha amene akarayira Joshua, kuti: “Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwa imomo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.”—Joshua 1:8.
11 Kurava “bhuku” raJehovha zuva nezuva kwakashongedzera Joshua kuti abate nemiedzo yaiva mberi, kungofanana nokusimbisa kunoita kuraviwa kwezuva nezuva kweShoko raJehovha, Bhaibheri, Zvapupu Zvake zvomuzuva ranhasi kuti zvigonane nemiedzo yaaya “mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1) Sezvo takakomberedzwa nenyika ina masimba masimba, ngatiyeukeiwo murayiro waMwari kuna Joshua, wokuti: “Simba, utsunge mwoyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.” (Joshua 1:9) Pashure pokukurira Kanani, marudzi aIsraeri akatuswa zvikuru pakugadzikana munhaka dzawo. “Vana vaIsraeri vakaita sezvakarayirwa Mosesi naJehovha.” (Joshua 14:5) Tuso yakafanana yakamirira isu tose nhasi tinorava Shoko raMwari ndokurishandisa muupenyu hwedu, nenzira yokuteerera tichiita “saizvozvo.”
Madzimambo—Akatendeka uye Asingateereri
12. (a) Murayiroi wakapiwa kumadzimambo muna Israeri? (b) Kukundikana kuteerera kwamadzimambo kwakaguma nei?
12 Zvakadiniko namadzimambo omuna Israeri? Jehovha akanga arayira mambo ichi chaidikanwa: “Kana iye ogara pachigaro chake choushe, unofanira kunyora murayiro uyu mubhuku yake, achitora mashoko ari kuvaprista vaRevhi; inofanira kugara naye, kuti aravemo mazuva ose oupenyu hwake; kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, nokuchengeta mashoko ose omurayiro uyu nezvakatemwa izvi, kuti azviite.” (Dheuteronomio 17:18, 19) Madzimambo aIsraeri akateerera murayiro iwoyo here? Kakawanda zvikurusa, vakakundikana zvinosiririsa, zvokuti vakatambura kutukwa kwakanga kwafanotaurwa pana Dheuteronomio 28:15-68. Pakupedzisira, Israeri akaparadzirwa “kubva pamugumo mumwe wenyika kusvikira kuno mumwe mugumo.”
13. Tingabetserwa sei, sezvakaitwa Dhavhidhi, kupfurikidza nokuratidza kuda Shoko raJehovha?
13 Zvisinei, Dhavhidhi—mambo wokutanga akatendeka muna Israeri—akaratidza kuzvipira kusiri kwenguva dzose kuna Jehovha. Akabvumikisa kuva ‘mwana weshumba muna Judha,’ achifananidzira Kristu Jesu, ‘shumba [inokurira] yorudzi rwaJudha, mudzi waDhavhidhi.’ (Genesi 49:8, 9; Zvakazarurwa 5:5) Simba raDhavhidhi raiva pai? Aionga zvikuru Shoko raJehovha rakanyorwa uye akararama maererano naro. MuPisarema 19, “pisarema raDhavhidhi,” tinorava kuti: “Murayiro waJehovha wakakwana.” Pashure pokunongedzera kuchiyeuchidzo, mirayiro, murau, uye zvakatemwa naJehovha, Dhavhidhi anopfuurira kutaura, kuti: “Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka; zvinotapirawo kupfuura uchi nomusvi wamazinga ouchi. Uyezve, muranda wenyu unonyeverwa nazvo; pakuzvichengeta pane mubayiro mukuru.” (Pisarema 19:7-11) Kana kuraviwa kwezuva nezuva kweShoko raJehovha nokufungisisa pariri zvaitusa makore 3 000 apfuura, ikoku kwakadaro zvikuru sei nhasi!—Pisarema 1:1-3; 13:6; 119:72, 97, 111.
14. Nzira yaSoromoni inoratidza sei kudikanwa kweinopfuura zivo?
14 Zvisinei, hakuna kukwana kungowana zivo. Kunokoshawo kuti vabatiri vaMwari vaite mutsinhirano nezivo iyoyo, kuishandisa maererano nokuda kwoumwari—hungu, kuita “saizvozvo.” Ikoku kunogona kuenzanisirwa muchiitiko chomwanakomana waDhavhidhi Soromoni, uyo Jehovha akasarudza “kuti agare pachigaro choushe chaJehovha muna Israeri.” Soromoni akagamuchira mugove wokuvaka tembere, achishandisa purani dzounyanzvi hwokuvaka idzo Dhavhidhi akagamuchira “mumweya.” (1 Makoronike 28:5, 11-13) Soromoni aigona sei kuita iri basa guru? Mukupindura mumwe munyengetero, Jehovha akamupa uchenjeri nezivo. Naizvozvi, uye kupfurikidza nokuomerera kupurani dzakagoverwa nenzira youmwari, Soromoni akagona kuvaka imba iyoyo yakaisvonaka, iyo yakasvika pakuzadzwa nembiri yaJehovha. (2 Makoronike 7:2, 3) Gare gare, zvisinei, Soromoni akakundikana. Mumativii? Mutemo waJehovha wakanga wataura nezvamambo muna Israeri, kuti: “Ngaarege kuzviwanzira vakadzi, kuti mwoyo wake urege kutsauka.” (Dheuteronomio 17:17) Bva Soromoni “wakanga anavakadzi vana mazana manomwe, vakunda vamadzimambo, navarongo vana mazana matatu; vakadzi vake . . . vakatsausa mwoyo wake kuti atevere vamwe vamwari.” Mumakore ake apashure, Soromoni akatsauka pakuita “saizvozvo.”—1 Madzimambo 11:3, 4; Nehemia 13:26.
15. Josia akaita sei “saizvozvo”?
15 Kwaiva namadzimambo mashomanene aiteerera muna Judha, wokupedzisira wavo akanga ari Josia. Mugore ra648 B.C.E., akavamba kubvisa kunamata zvidhori kubva munyika uye kuvandudza tembere yaJehovha. Makanga muri imomo umo muprista mukuru akawana “bhuku yomurayiro waJehovha, wakanga wapiwa naMosesi.” Josia akaitei pamusoro paikoku? “Mambo akakwira kumba kwaJehovha, anavarume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusarema, navaprista, navaRevhi, navanhu vose, vakuru navaduku; akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakanga yawanikwa mumba maJehovha. Mambo akamira panzvimbo yake, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirayiro yake, nezvipupuriro zvake, nezvaakatema, nomwoyo wake wose nomweya wake wose, kuti aite mashoko esungano akanyorwa mubhuku iyi.” (2 Makoronike 34:14, 30, 31) Hungu, Josia “akaita saizvozvo.” Somugumisiro wenzira yake yokutendeka, kuitwa kworutongeso rwaJehovha pana Judha asina kutenda kwakanonotswa kusvikira mumazuva avanakomana vake vakasindimara.
Kurarama Maererano Neshoko raMwari
16, 17. (a) Tinofanira kutevera mumakwara aJesu mumativii? (b) Ndevapi vamwe vabatiri vaMwari vakatendeka vanogovera mienzaniso nokuda kwedu?
16 Pavanhu vose vati vamborarama, muenzaniso wakaisvonaka wokufungisisa paShoko raMwari nokurarama maererano naro ndiIshe Jesu Kristu. Shoko raMwari rakanga rakaita sezvokudya kwaari. (Johane 4:34) Akaudza vateereri vake, kuti: “Mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni Baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo.” (Johane 5:19, 30; 7:28; 8:28, 42) Jesu “akaita saizvozvo,” achizivisa, kuti: “Handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.” (Johane 6:38) Isu tiri Zvapupu zvaJehovha zvakazvitsaurira tinorayirwa kuita “saizvozvo” kupfurikidza nokutevera mumakwara aJesu.—Ruka 9:23; 14:27; 1 Petro 2:21.
17 Kuita kuda kwaMwari kwakanga kuri kwokutanga nguva dzose mundangariro yaJesu. Akanga akarovedzana zvikuru neShoko raMwari uye nokudaro akanga akashongedzerwa kupa mhinduro dzapaMagwaro. (Mateo 4:1-11; 12:24-31) Kupfurikidza nokupa ngwariro nguva dzose kuShoko raMwari, isuwo tinogona kuva vaka“kwan[a], [va]gadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.” (2 Timotio 3:16, 17) Ngatiteverei muenzaniso wavabatiri vakatendeka vaJehovha vomunguva dzekare uye vomunguva dzapashure uye kupfuura vose uyo waTenzi wedu, Jesu Kristu, uyo akati: “Kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye kuti sezvandakarayirwa naBaba, ndizvo zvandinoita.” (Johane 14:31) Isu ngatiratidzewo kuda kwedu Mwari kupfurikidza nokupfuurira kuita “saizvozvo.”—Marko 12:29-31.
18. Chii chinofanira kutinyandura ku“va . . . vaiti veshoko,” uye chii chichatevera kukurukurwa?
18 Sezvatinofungisisa pamusoro penzira yokuteerera yavabatiri vaMwari vomunguva dzeBhaibheri, hatikurudzirwi here kuita basa rokutendeka mukati memazuva okupedzisira etsika yakaipa yaSatani? (VaRoma 15:4-6) Zvirokwazvo tinofanira kunyandurwa ku“va . . . vaiti veshoko” mumufungo wakazara zvikurusa, seizvo nyaya inotevera ichakurukura.—Jakobho 1:22.
Unoyeuka Here?
◻ “Rudo rwaMwari” runofanira kurevei kwatiri?
◻ Tinodzidzei mumienzaniso yaNoa, Mosesi, uye Joshua?
◻ Madzimambo aIsraeri akateerera “shoko” raMwari kusvikira kutambanukoi?
◻ Jesu Muenzaniso wedu sei mukuita “saizvozvo”?
[Mifananidzo iri papeji 15]
Noa, Mosesi, uye Joshua “vakaita saizvozvo”