RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi—2000 | October 15
    • Jehovha, uyo akatipa upenyu hwedu, akarayira kuti ropa harifaniri kudyiwa. (Genesi 9:3, 4) MuMutemo waIsraeri wekare, Mwari akarambidza kushandiswa kweropa pose pose nokuti rinomirira upenyu. Akarayira kuti: “Upenyu hwenyama huri muropa; ndakakupai iro paartari, kuti riyananisire mweya yenyu.” Zvakadini kana munhu akauraya mhuka nokuda kwezvokudya? Mwari akati: “Unofanira kudurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva.”a (Revhitiko 17:11, 13) Jehovha akadzokorora adzokororazve murayiro uyu. (Dheuteronomio 12:16, 24; 15:23) Soncino Chumash yechiJudha inoti: “Ropa harifaniri kuchengetwa asi kuonekwa serisina kukodzera kudyiwa nokuridururira pasi.” Hapana muIsraeri aifanira kuzvitorera, kuchengeta, uye kushandisa ropa rechimwe chisikwa, Mwari ari muridzi woupenyu hwacho.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi—2000 | October 15
    • Pane dzimwe nguva, chiremba achakurudzira murwere kupa ropa rake pachake mavhiki akati kuvhiya kusati kwaitwa (kupa ropa rako pachako usati wavhiyiwa) kuitira kuti kana zvichizodiwa, anogona kuisira murwere wacho ropa rake rakachengetwa. Zvisinei, kuunganidza, kuchengeta uye kuisira ropa zvakananga kwakadai kunopesana nezvinotaurwa muna Revhitiko uye Dheuteronomio. Ropa harifaniri kuchengetwa; rinofanira kudururirwa pasi—kuita seriri kudzorerwa kuna Mwari. Asi hazvo, Mutemo waMosesi hauchashandi zvino. Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza nheyo dzakaiswa naMwari mauri, uye zvakatsunga ‘kurega ropa.’ Nokudaro, hatipi ropa, uye hatichengeti ropa redu iro rinofanira ‘kudururirwa pasi’ kuti rizoisirwa. Kuita kwakadaro kunopesana nomutemo waMwari.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi—2000 | October 15
    • a Purofesa Frank H. Gorman anonyora kuti: “Kudururira ropa pasi kunonyatsonzwisiswa sechiito chokukudza chinoratidza kuremekedza upenyu hwemhuka uye, nokudaro kuremekedza Mwari, akasika uye anopfuurira kutarisira upenyu ihwohwo.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe