RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Unogona Sei Kutarisira Mhuri?
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
    • 16, 17. (a) Mutemoi wakapiwa naJehovha wakadzivirira vaIsraeri muzvirwere zvakati? (b) Nheyo inotsigira Dheuteronomio 23:12, 13 inogona sei kushandiswa mumhuri dzose?

      16 Rangarira mumwe muenzaniso. Makore anenge 3 500 apfuura, Mwari akapa rudzi rwaIsraeri Mutemo wake kuti aronge kunamata kwavo uye, kusvikira kumwero wakati, upenyu hwavo hwezuva riri rose. Mutemo iwoyo wakabetsera kudzivirira rudzi rwacho pahosha kupfurikidza nokutanga mitemo inokosha youtsanana. Mutemo mumwe wakadaro waiva nechokuita nokuraswa kwetsvina yavanhu, iyo yaifanira kufusirwa zvakafanira kure nomusasa kuitira kuti nharaunda umo vanhu vaigara haisati yaizoshatiswa. (Dheuteronomio 23:12, 13) Mutemo wakare iwoyo uchiri zano rakanaka. Kunyange nhasi vanhu vanorwara ndokufa nemhaka yokuti havasati vachiutevera.a

  • Unogona Sei Kutarisira Mhuri?
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
    • a Mubhuku remirayiridzo rinopa zano renzira yokudzivisa nayo manyoka—hosha inozivikanwa navose inotungamirira kunzufu dzakawanda dzavacheche—World Health Organization inoti: “Kana pasina chimbudzi: itira tsvina kure nemba, uye nenzvimbo umo vana vanotamba, uye anenge mamita 10 kubva panocherwa mvura; fukidza tsvina yacho nevhu.”

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe