Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Maererano nemishumo yenhau, pashure pokunge mwana aberekwa, zvimwe zvipatara zvinochengeta chavakuru nerukuvhute kuti zvigotora zvinhu muropa razvo. Ikoku kunofanira kunetsa muKristu here?
Munzvimbo dzakawanda, hapana chinhu chakafanana naichocho chinoitika, naizvozvo vaKristu havafaniri kunetseka. Kana pane chikonzero chakanaka zvikuru chokudavira kuti muitiro wakadaro unoteverwa muchipatara umo muKristu achasunungukira, kungava kwakafanira kungozivisa chiremba kuti chavakuru chacho nerukuvhute zvinofanira kuraswa, kwete kushandiswa munzira ipi neipi.
Zvinhu zvakasiyana-siyana zvokurapa nazvo zvakawanwa mumanyuko ezvinhu zvipenyu, mhuka kana kuti zvimwe vanhu. Somuenzaniso, mahormone akati akatorwa kubva mudope remabhiza ane mazamu. Ropa rebhiza rave riri manyuko etetanus serum, uye gamma globulin yokurwisa hosha yanguve ichitorwa kubva muropa rezvavakuru zvevanhu (rusarira). Zvavakuru zvacho zvinochengetwa ndokuomeswa nechando nezvimwe zvipatara uye gare gare zvinotorwa nerabhoritori yokugadzira mishonga kuitira kuti ropa racho rakapfuma muzvinouraya utachiona rigone kugadzirwa nerabhoritori yacho kuti gamma globulin itorwe.
Nguva pfupi yapfuura zvikuru, vanzveri vakataura kuti vakabudirira mukushandisa ropa rerusarira kuti varape rumwe rudzi rweleukemia, uye kwakafungidzirwa kuti ropa rakadaro ringabetsera mukumwe kusashanda zvakanaka kwegadziriro yedziviriro yemuviri kana kuti munzvimbo yekuisira mwongo wemapfupa. Nokudaro, kwave kune kuziviswa kwakati pamusoro pevabereki vanotorwa ropa rerusarira, richiomeswa nechando, uye richichengetwa kuitira kuti ringabetsera mukurapwa kwemwana wavo mumakore anouya.
Kutengeswa kwakadaro kweropa rechavakuru hakusati kuchitongokwezva kuvaKristu vechokwadi, avo vanotungamirira kufunga kwavo nemutemo wakakwana waMwari. Musiki wedu anorangarira ropa serinoyera, richimirira upenyu hwakapiwa naMwari. Kushandiswa bedzi kweropa kwaakabvumira kwakanga kuri paartari, pamusoro pezvibayiro. (Revhitiko 17:10-12; enzanisa naVaRoma 3:25; 5:8; VaEfeso 1:7.) Nezvisizvo, ropa raibviswa muchisikwa raifanira kudururirwa pasi, kuraswa.—Revhitiko 17:13; Dheuteronomio 12:15, 16.
Apo vaKristu vanovhima mhuka kana kuti kuuraya huku dzepamusha kana kuti nguruve, vanobvisa ropa racho ndokurirasa. Havaridururi chaizvoizvo pasi, nokuti pfundo nderokuti vanorasa ropa racho panzvimbo pokurishandisa kupi nokupi.
VaKristu vanopinzwa muchipatara vanonzwisisa kuti zvinhu zvemuviri zvinobviswa pavari zvinoraswa, zvinhu zvacho zvingava tsvina yomuviri, mutezo wakatapurwa nechirwere, kana kuti ropa. Sezvinobvumwa, chiremba angada kuti nzvero dzakati dzitange dzaitwa, dzakadai sekunzverwa kwemvura inoraswa nemuviri, kunzvera kwekutsvaka chirwere pamutezo une mota, kana kuti kunzverwa kweropa. Asi pashure paizvozvo, zvinhu zvacho zvinoraswa maererano nemutemo womunzvimbomo. Murwere womuchipatara haatongofaniri kuita zvikumbiro chaizvo pamusoro paikoku nemhaka yokuti kuri zvose zviri zviviri kune mufungo uye kwokuchenjera mune zvokurapa kurasa zvinhu zvakadaro zvomuviri. Kana murwere ane chikonzero chine mufungo chokusava nechokwadi kana muitiro wakadaro wenguva dzose uchizoteverwa, iye angagona kukududza kuna chiremba anobatanidzwa, achitaura kuti nokuda kwezvikonzero zverudzidziso iye anoda kuti zvinhu zvose zvakadaro zviraswe.
Zvisinei, sezvadudzwa, ikoku hakusati kuchiwanzonetsa nokuda kwemurwerewo zvake nemhaka yokuti munzvimbo dzakawanda kutorwa kwakadaro nokushandiswazve kwerusarira hakutomborangarirwa, ndoda kushandiswa nguva dzose.
Nyaya Inoti “Ngativengei Zvakaipa,” Inooneka mu“Nharireyomurindi” yaJanuary 1, 1997, Yakaratidzika Kuva Yainangidzira Ngwariro Pakuvatwa Kwevana. Uyu Muitiro Unofanira Kurondedzerwa Sei?
Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary inorondedzera “kuvatwa kwevana” se“vatano yakashata umo vana vari vanovatwa vanodiwa.” Mativi ouyu muitiro anozvidzwa pana Dheuteronomio 23:17, 18. Ipapo Mwari akarambidza kuva hure repatemberi (“kana kuti, ‘mukomana anochengeterwa kuvatwa,’ mukomana anochengeterwa madonzo evatano yakashata,” mashoko emuzasi). Idzi ndima dzinorambidzawo munhu upi noupi kupinza “muimba yaJehovha” mutengo “wembwa” (“sezvingabvira ngochani; munhu anoshandisa ungochani nokuda kwevatano, zvikurukuru nemukomana,” mashoko emuzasi). Idzi nongedzero dzeMagwaro nedzenyika dzinobvumikisa kuti icho Nharireyomurindi yakanga iri kukurukura kwakanga kuri kuitwa kwemwana anobatwa zvisina kufanira mune zvevatano, kubatanidza kubatwa-batwa, nemukuru.