Musazvisunga Mumene Pajoko Navasingatendi
“Musasungwa pajoko zvisakafanira navasingatendi. Nokuti . . . munhu akatendeka ane mugove wei nomunhu asingatendi?”—2 VAKORINTE 6:14, 15, “NW.”
1. Imwe hanzvadzi yakasvika sei pakuroorwa naasingatendi?
MUMWE weZvapupu zvaJehovha anobva kuUnited States yapakati pokumavirazuva akarasikirwa nomurume wake mutsaona yemotokari makore akati apfuura. “Pakutanga ndakaparadzwa,” iye anoyeuka kudaro, “asi ndakanga ndakatsunga kusarega ikoku kuchidzongonyedza basa rangu kuna Jehovha. Pashure pamakore maviri, kunyanguvezvo, ndakavamba kunzwa sendisingadikanwi pakati pavaroorani vomuungano. Mwanasikana wangu neni takanga tisingakokwi nguva dzose kukuvhakacha kwemhuri. Apo ndakacherechedza varoorani vechiKristu vachiratidzirana chidakadaka, ndakanzwa ndichitorambwa zvikuru. Hakuna munhu airatidzika kuva anocherechedza kuti ndakanga ndichineta zvikuru mumudzimu. Naizvozvo apo mumwe murume wenyika wandaiziva kubasa akandikumbira kuenda kuzvokudya, ndakaenda. Ndisati ndakuziva, ndakanga ndodanana naye. Pakupedzisira, ndakanga ndaneta kwazvo uye ndakurirwa noushoma hwangu zvokuti ndakabvuma kuroorwa naye.”
2. Neiko chishuvo chokuroora chiri chomuzvarirwo, uye roorano yakarongwa kuumbei?
2 Hungu, chishuvo chokugoverana upenyu nomukwanyina chinogona kuva chakasimba zvikuru, uye ndechomuzvarirwowo. Jehovha amene akati: “Hakuna kunaka kuti murume apfuurire ari oga. Ndichamuitira mubetseri, somukwaniri [“mukwanyina,” chimwe chinhu chakamukodzera] wake.” (Genesi 2:18, New World Translation Reference Bible, mashoko omuzasi) Roorano yakarongedzerwa kuumba chisungo chapedyo, chechigarire chomubatanidzwa pakati pomurume nomukadzi. Akanga asiri Adhama asi Jehovha uyo akati: “Naizvozvo munhu unofanira kusiya baba vake naamai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.” (Genesi 2:22-24; enzanisa naMateo 19:4-6.) Zvichida mwoyo wako unoshuva mukwanyina akadaro.
3, 4. (a) Bhaibheri rinonyevera sei pamusoro pokuumba batano dzapedyo navasingatendi? (b) Zano raPauro pamusoro pokupinda mujoko kusakafanira rinoshanda kuroorano munzirai? (c) MaKristu eKorinte angave akanzwisisa sei shoko rokuti “vasingatendi”? (Ona mashoko omuzasi.)
3 Bhaibheri, kunyanguvezvo, rinonyevera pamusoro pokuumba batano yapedyo navasingatendi. Muapostora Pauro akakutaura, kuti: “Musasungwa pajoko zvisakafanira [“Musazvisunga mumene muboka risina kufanira,” The Jerusalem Bible] navasingatendi.a Nokuti . . . munhu akatendeka ane mugove weiyi naasingatendi.”b (2 VaKorinte 6:14, 15, NW) Pauro angave airangarira rambidzo yoMutemo waMosesi pakusungira pamwe chete pajoko nzombe nembongoro nokuda kwokurima. (Dheuteronomio 22:10) Mbongoro iduku muukuru uye haina kusimba zvakafanana uye yaizotambura somuuyo wokusungwa pajoko zvisakafanira kwakadaro. Sezvo roorano yakafanana nejoko rinobatanidza murume nomudzimai pamwe chete, kuti muKristu aroore asingatendi kwaizoguma nokusungwa pajoko zvisakafanira. (Mateo 19:6) Joko rakadaro kazhinji kazhinji rinounza dzvinyiriro yakawedzerwa nokuora mwoyo kuroorano.—Enzanisa na 1 VaKorinte 7:28.
4 Bva, sezvinoratidzira chinoitika chokutanga, mamwe maKristu akasarudza kuroora vasingatendi. Neiko vamwe vachikuwana kwakaoma kuroora “bedzi munaShe”?—1 VaKorinte 7:39, NW.
Chikonzero Nei Vamwe Vachitarira Kune Imwe Nzvimbo
5. Ratidzira kuti vamwe vanobatanidzwa sei munyengano naasingatendi.
5 Hakusati kuri kuti ivo vanotanga zvavo kufuratira zano raMwari. Rangarira mugariro wehanzvadzi yechiKristu ingada kuroorwa. Iyo ingashuva murume wechiKristu, asi hakuratidziki kuva nehama dzakawanda dzakakodzera dziri muboka rake reshamwari dzinotenda. Iye anoziva nezvezera rake. Iye angashuva kuva nemhuri. Rutyo rwokukwegura ari oga nokudikanwa kwokunzwa achidiwa kunogona kumuita kuti anzwe asina kudzivirirwa. Kana, ipapoka, murume wenyika achiratidza fariro maari, kunogona kuva kwakaoma kudzivisa. Iye angaratidzika kuva ane mutsa, munyoro. Iye angasasvuta kana kuti kushandisa mutauro wakashata. Ipapoka kunouya mirangariro isakarurama: ‘Chokwadi, iye akanaka zvikuru kupfuura dzakawanda dzehama dzandinoziva!’ ‘Iye anofarira kufunda.’ ‘Ndinoziva zvinoitika umo hanzvadzi yakaroorwa naasingatendi uye iye pakupedzisira akava mutendi biyake.’ ‘Kune roorano dzechiKristu dzisingashandi!’—Ona Jeremia 17:9.
6, 7. (a) Imwe hanzvadzi isina kuroorwa yakarondedzera sei kangaidziko yayo? (b) Mubvunzoi unofanirwa nerangariro yedu?
6 Hungu, kunogona kuva kunokangaidza zvikuru nokuda kwomuKristu asina kuroorwa anoda kuroorwa. Vamwe vanotonzwa vaora mwoyo. “Chiverengero chehama dzakakodzera chiduku zvikuru kwazvo,” yakadaro imwe hanzvadzi isina kuroorwa mukurondedzera mugariro uri munharaunda mayo. “Asi chiverengero chehanzvadzi dzisina kuroorwa chikuru zvikuru kwazvo. Sezvo hanzvadzi inoona upwere hwayo huchikurumidza kupfuura, zvisarudzo zvake zvinosvika pakusatongoororwa kana kuti kuroorwa pabanza rokutanga raanowana.”
7 Kunyanguvezvo, zano reBhaibheri rakajeka: ‘Musazvisunga mumene pajoko navasingatendi.’ (2 VaKorinte 6:14) Ko iyi nyevero youmwari yakashata kana kuti haina mufungo here?
Ratidzirwo Yetarisiro Yorudo yaMwari
8. Jehovha akaratidzira sei kuti ane fariro dzedu dzakanakisa pamwoyo?
8 Jehovha anoitira hanya zvikuru garikanyo yedu isingagumi. Haana here, pandyiko huru kwaari amene, kupa Mwanakomana wake so“rudzikinuro mutsinhano navazhinji”? (Mateo 20:28, NW) Haasati ari ‘Iye anotidzidzisa kuti tizvibetsere timene’ here? (Isaya 48:17) Haasati achipikira kuti ‘haasati achizotirega tichiedzwa kupfuura kwatinogona kutsungirira’ here? (1 VaKorinte 10:13) Nenzira ine mufungo, ipapoka, paanotiudza kusazvisunga timene pajoko navasingatendi, iye anofanira kuva nefariro dzedu dzakanakisisa pamwoyo! Rangarira kuti iyi nyevero iratidzirwo sei yetarisiro yake yorudo nokuda kwedu.
9. (a) Inyeveroi inopa Pauro pakuumba kwomuKristu chisungo chapedyo naasingatendi? (b) Chii chiri revo yeshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “tsinhirano,” uye rinoratidzira sei chitambudzo chinomuka apo muKristu anozvisunga amene pajoko naasingatendi?
9 Roorano yakarongwa noMusiki kuti iumbe chisungo chapedyosa pakati pavanhu, murume nomudzimai vachiva “nyama imwe.” (Genesi 2:24) Kuchenjera here kuti muKristu aumbe chisungo chapedyo chakadaro naasingatendi? Pauro anopindura kupfurikidza nokumutsa nhevedzano yemibvunzo yokuchenjera, mumwe nomumwe wayo unokarira aiwa: “Ko kururama kune kuwadzanai nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chine goveranoi nerima? Kupfuurirazve, ko pane tsinhiranoi [chiGiriki, sym·phoʹne·sis] iripo pakati paKristu naBheriari [Satani]? Kana kuti munhu akatendeka ane mugove wei nomunhu asingatendi?” (2 VaKorinte 6:14, 15, NW) Shoko rechiGiriki rokuti sym·phoʹne·sis rinoreva chaizvoizvo kuti “kurira pamwe chete” (kubva muna syn, “ne,” uye pho·neʹ, “kurira.”) Rine nongedzero kutsinhirano inobudiswa nezviridzwa. Chokwadika, hapana tsinhirano iri pakati paKristu naSatani. Nenzira yakafanana, mujoko risakafanira, kwakaomera zvikuru murume nomudzimai ku‘tsinhirana.’ Ivo vakafanana nezviridzwa zviviri zvisingatsinhirani nechimwe nechimwe, zvichibudisa kurira kusingatsinhirani panzvimbo penziyo.
10. Ndizvinhui zvinokosha muroorano inofadza, uye ibetseroi dziripo apo kunenge kune joko rakafanira?
10 Ipapoka, munhu womudzimu anogona seiko kufarikanya tsinhirano yakakwana nomunhu wenyama? (1 VaKorinte 2:14) Zvitendero, nheyo, uye nharidzano zvavose ndizvinhu zvinokosha muroorano inofadza. Hakuna chinhu chinopa simba guru zvikuru kuroorano kupfuura kuzvipira kwavaviri kuMusiki. Apo kunenge kune joko rakafanira, murume nomudzimai vanogona kukurudzirana mukunamata. Vose vari vaviri vanogona kutarira kuMagwaro kuti vapedze misiano yavo. Hakusi pachena here, ipapoka, kuti Jehovha anotiudza kusazvisunga timene pajoko navasingatendi nemhaka yokuti anoda kuti tifarikanye chisungo chinobvira chapedyosa nomukwanyina wedu weroorano?
11. Neiko mibatanidzwa yeroorano navasinganamati yairambidzwa muna Israeri, uye mubvunzoi unonyandura mufungo unomutswa?
11 Kuteerera nyevero yeBhaibheri kunotidzivisirawo miuyo inorwadza iyo kazhinji kazhinji inovapo apo muKristu anozvisunga amene pajoko naasingatendi. Somuenzaniso, kune kubvira kwokuti asingatendi achabvisa mukwanyina wechiKristu pakubatira Jehovha. Rangarira nyevero yaJehovha kuna Israeri wakare. Mibatanidzwa yeroorano navasinganamati yairambidzwa. Neiko? “Uchatsausa mwanakomana wako arege kunditevera,” Jehovha akanyevera kudaro, “kuti ashumire vamwe vamwari.” (Dheuteronomio 7:3, 4) Atarisana nechishoro chinobva kumukwanyina asingatendi, kungava nekombamiro yokuenda kunzira iri nyore zvikurusa. Kuri nyore kufunga kuti, ‘Hakusati kuchizoitika kwandiri!’ Asi kwakaitika kumurume wouchenjeri hwaSoromoni. Ko zvimwe chetezvo hazvingagoni kuitika kwauri here?—1 Madzimambo 11:1-6; enzanisa na 1 Madzimambo 4:29, 30.
12. Mutemo waMwari wairambidza roorano kuvokumwe wakabatira sei sedziviriro nokuda kwavaIsraeri? Enzanisira.
12 Kunyange kana mutendi asingabviswi pakunamata kwechokwadi, kuchine zvinetso nedzvinyiriro zvinobatanidzwa kazhinji kazhinji nomusha wakakamuraniswa mune zvorudzidziso. Rangarira, zvakare, mutemo waMwari kuna Israeri. Ngatitii musikana wechiIsraeri akabvuma kuroorwa nomurume wechiKanani. Nemhaka yemiitiro yevatano yakanga yapararira munyika yeKanani, ruremekedzoi rwaaizova narwo nokuda kwomutemo waMwari wake? Iye, somuenzaniso, aizorega nokudisa here vatano mukati mokuenda kumwedzi, sezvaidikanwa noMutemo waMosesi?c (Revhitiko 18:19; 20:18; enzanisa naRevhitiko 18:27.) Muchinoitika chomurume wechiIsraeri uyo akaroora musikana wechiKanani, iye aizova anotsigira sei apo aienda kuJerusarema katatu gore rimwe nerimwe kuzopinda mitambo yapanhambo nenhambo? (Dheuteronomio 16:16) Sezvinooneka, mutemo waMwari unorambidza roorano dzakadaro wakabatira sedziviriro nokuda kwavaIsraeri.
13. (a) Neiko munhu wenyika asina hana yakarovedzwa neBhaibheri, yechiKristu? (b) Idzvinyiriroi nezvinetso zvinotarisana navamwe mumisha yakakamuraniswa mune zvorudzidziso?
13 Zvakadiniko nhasi? Mipimo yetsika yavanhu venyika iri kure zvikuru neiyo yeBhaibheri. Hazvinei hazvo nokuti vanhu venyika vangaratidzika kuva vakachena sei, ivo havana hana yakarovedzwa neBhaibheri, yechiKristu. Ivo havana kupedza makore vachifunda Shoko raMwari, ‘kushandura ndangariro yavo’ uye ‘kubvisa hunhu hwekare.’ (VaRoma 12:2; VaKorose 3:9) Nokudaro, muKristu anozvisunga amene pajoko naasingatendi kazhinji kazhinji anozviratidzira amene kuchinetso chikuru nenhamo. Vamwe vanotarisana nedzvinyiriro inodzokororwa yadzokororwazve yokugoverana mumiitiro yevatano yakashata kana kuti kuchengeta mazororo enyika. Uye vamwe vanotonyunyuta nezvoushoma. Imwe hanzvadzi yakanyora, kuti: “Ushoma hwaunonzwa paunenge wakaroorwa nomumwe munhu asingadi Jehovha ndihwo ushoma hwakaipisisa hunofungidzirika. Unoona, hauna mumwe wokugoverana naye zvokwadi, icho chiri chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwako.”
14. (a) Mumusha wakakamuraniswa, neiko kwakaoma kurera vana mu“chirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha”? (b) Ndoupi ungava muuyo pavana mumusha wakakamuraniswa?
14 Mumusha wakakamuraniswa, kunogona kuva kwakaoma zvikuru kurera vana mu“chirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4, NW) Ko asingatendi, somuenzaniso, achabvumira nokudisa vana kupinda misangano kana kuti kugoverana muushumiri hwomumunda here? Kazhinji kazhinji vana vanoguma vakamuraniswa muchidakadaka chavo—ivo vanoda vabereki vose vari vaviri, asi mubereki mumwe bedzi anoda Jehovha. Imwe hanzvadzi yakaroorwa naasingatendi yakati: “Ndaiva muchinetso chikuru mukati meroorano yangu yamakore 20. Vanakomana vangu vakakura nenyongano huru nekangaidziko dzemirangariro uye zvino rutivi rwenyika. Mwanasikana wangu kazhinji kazhinji anoshatiriswa nokufanira kuva kure neni zvikuru kwazvo nemhaka yamaruramiro ababa vake okushanya. Zvinetso zvose izvozvi zviripo nemhaka yokuti pandakanga ndine makore 18, ndakasarudza kufuratira imwe yenheyo dzaJehovha.” Nheyoiko? Musazvisunga mumene pajoko navasingatendi!
15. Neiko Jehovha achipa zano rokusazvisunga timene pajoko navasingatendi?
15 Nenzira yakajeka, Jehovha anoda kuti tiwane zvakanakisisa muupenyu. Icho anoda kwatiri, kubatanidza zano rake rokuti tisazvisunga timene pajoko navasingatendi, chiri nokuda kwenakirwo yedu. (Dheuteronomio 10:12, 13) Kuroora asingatendi kufuratira zano rapaMagwaro, uchenjeri hunoshanda, uye chinoitika chinorwadza kazhinji kazhinji chavamwe.
Mibvunzo Inowanzobvunzwa
16, 17. (a) Kana tisingangwariri, mirangariro yedu ingadzongonyedza sei kufunga kwakanaka? (b) Zano raMwari rinofanira kufuratirwa here nemhaka yemigariro yechienzi umo muKristu akaroorwa naasingatendi uye zvino vose vari vaviri vanobatira Jehovha? Tsanangura.
16 Bva, kana tisingangwariri, mirangariro ingadzongonyedza kufunga kwakanaka. Tingavamba kurangarira kuti chechienzi chinogona kuitwa kwatiri. Rangariro yakati kuti yemibvunzo inowanzobvunzwa zvikuru.
17 Zvakadiniko nemigariro umo imwe hama kana kuti imwe hanzvadzi yakaroorwa naasingatendi, uye zvino vose vari vaviri vari kubatira Jehovha? Kunyange zvakadaro, nheyo dzaJehovha dzakapunzwa. Ko mugumo unoruramisa mutoo here? Chinoratidzira murangariro waMwari waavo vanofuratira zano rake ndichinoitika chavaJudha vaidzokera vachibva muutapwa hweBhabhironi. Apo vamwe vakatora vadzimai vechihedheni, vanyori veBhaibheri Ezra naNehemia havana kurega kushurikidza zviito zvavo nesimba. VaJudha ivavo “vakaita nenzira yokusatendeka,” vakapara “ushati hukuru,” uye vakawana “mhaka.” (Ezra 10:10-14; Nehemia 13:27, NW) Chimwe chinhuzve chokurangarira: Patinofuratira zano raMwari, tingazvikuvadza timene mumudzimu, tichikuvadza hana yedu. Imwe hanzvadzi ine murume asingatendi akava mutendi pakupedzisira yakati: ‘Ndichiri kubata namavanga endangariro. Handigoni kukuudzai kuti ndinonzwa zvakashata sei apo vamwe vanonongedza kwandiri ndokuti, “Asi kwakavashandira.”’
18. Ndeipi iri nzira youchenjeri kana ukakwezverwa kumumwe munhu achigere kubhapatidzwa, uye chii chaucharatidzira nomutoo iwoyo?
18 Zvakadiniko kana ukakwezverwa kumumwe munhu ari kufunda Bhaibheri nokupinda misangano, kunyange zvazvo iye achigere kubhapatidzwa? Tinofara apo munhu upi noupi anoratidza fariro muzvokwadi yeBhaibheri. Mubvunzo, kunyanguvezvo, ndouyu: Unofanira here kutevera chishuvo chako? Nenzira yakajeka, nzira youchenjeri kumira kutozosvikira nguva yakati pashure pokunge shamwari yako yabhapatidzwa uye iri kuita fambiro mberi mukuratidzira zvibereko zvomudzimu waMwari musati maronga musi wokundovhakacha. (VaGaratia 5:22, 23) Kungasava nyore kushandisa zano rakadaro, asi kupfurikidza nokuita saizvozvo ucharatidzira kuzvipira kunheyo dzeBhaibheri; ikoku kuchavanzarika hwaro hwakaisvonaka hwomufarwa wechokwadi muroorano. Kana shamwari yako ichikuitira hanya zvechokwadi uye iri kusvika zvirokwazvo pakuda Jehovha, pasina panikiro iye achava anodisa kumira kutozosvikira mose muri vaviri mava “munaShe”—azvitsaurira uye abhapatidzwa—pamberi penyengano. Yeukawo kuti rudo rwechokwadi harukuvadzwi nenhambo yenguva.—1 VaKorinte 7:39, NW; Genesi 29:20.
19. Chii chaunofanira kurangarira kana uri kuva nechitambudzo mukuwana mukwanyina weroorano pakati pavatendi biyako?
19 Zvakadiniko kana uri kuva nechitambudzo mukuwana mukwanyina weroorano akakodzera pakati pavatendi biyako? “Ndine makore 26 okukura, handina kuroorwa, uye ndine ushoma chaizvoizvo,” yakadaro imwe hanzvadzi. Chokwadi, kuva asina kusaroorwa kungakuomera, asi zvinetso zvinobva mukusungwa pajoko zvisakafanira muroorano zvinogona kuva zvakaoma zvikuru! Kuteerera zano raMwari kungada kutenda, kuzvidzora, uye shiviriro, asi iva nechokwadi chokuti Jehovha anoziva uye anoshuva chiri chakanakisisa nokuda kwako. (1 Petro 5:6, 7) Kuite nhau yomunyengetero, uye ipapo mirira Jehovha. (Pisarema 55:22) Mutsika ino yezvinhu, hakuna munhu ane upenyu hunogutsa zvakakwana. Mwoyo wako ungashuva mukwanyina. Vamwe, kunyanguvezvo, vane mugove wavo wezvinetso, zvimwe zvazvo hazviperi mutsika ino. Munongova munyika itsva iri kuuya bedzi umo “chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose” chichagutswa chose chose.—Pisarema 145:16, NW.
20. Imwe hanzvadzi isina kuroorwa yakataura sei chisarudzo chayo, uye kupfurikidza nokutsunga zvakafanana igutsikanoi yaungava nayo?
20 Munguvayi, tsunga kusazvisunga umene pajoko naasingatendi. Imwe hanzvadzi isina kuroorwa ine makore 36 okukura yakataura chisarudzo chayo neiyi nzira: “Ndinonyengetera kuna Jehovha zuva riri rose nokuda kwomukwanyina weroorano. Handina chishuvo chokutsvaka kunze kwesangano raJehovha, asi miedzo ichiripo. Munguvayi, ndinoronga kushandira mavara achandivandudza somunhu kuti ndigozova rudzi rwomukadzi womudzimu urwo murume womudzimu ari kutsvaka.” Ko iwe wakatsunga zvakafanana here? Kana zvakadaro, unogona kuva negutsikano inobva mukubvumikisa ruvimbiko rwako kuna Mwari weruramisiro youmwari.—Pisarema 37:27, 28.
[Mashoko Omuzasi]
a Pana 1 VaKorinte 14:22, Pauro akashandisa shoko rokuti “vasingatendi” mukusiana na“vanotenda,” kana kuti vanhu vakabhapatidzwa. VaKorinte, ipapoka, vaizonzwisisa shoko rokuti “vasingatendi” kuva rinonongedzera kuvanhu vasina kubhapatidzwa.—Ona Mabasa 8:13; 16:31-34; 18:8.
b “Muchimiro chikuru nheyo yacho ingataurwa zvakadai: ‘Musaumba ukama hupi nohupi, hungava hwechinguvana kana kuti hwechigarire, navasingatendi uko kungatungamirira kukubvumiraniswa pane zvisina kufanira kwemipimo yechiKristu kana kuti kupinza mungozi kusimba kwechapupu chechiKristu. Uye neiko pane paradzano yakadaro? Nemhaka yokuti asingatendi haagoverani mipimo yomuKristu, kunzwira ngoni, kana kuti nharidzano.’”—The Expositor’s Bible Commentary, Volume 10, peji 359.
c Ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaSeptember 15, 1972, mapeji 575-6.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Bhaibheri rinoyera sei pakuumba batano dzapedyo navasingatendi?
◻ Neiko mamwe maKristu akazvitsaurira achitarira kunze kweungano nokuda kwomukwanyina weroorano?
◻ Nyevero yaJehovha pamusoro pokupinda mujoko kusakafanira iri chaizvoizvo ratidzirwo yeitiro hanya yorudo yake sei nokuda kwedu?
◻ Mibvunzoi pamusoro pokuwana mukwanyina inowanzobvunzwa, uye iwe ungaipindura sei?