CHIDZIDZO 25
Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?
Bhaibheri rinotaura kuti munhu “anorarama kwenguva pfupi uye akamomoterwa nenhamo.” (Jobho 14:1) Mwari anoda kuti tirarame upenyu hwakadaro here? Kana zvisiri izvo, ane chinangwa chei nesu? Chinangwa ichocho chichazombozadziswa here? Mhinduro dzinopiwa neBhaibheri kumibvunzo iyi dzinonyaradza.
1. Jehovha anoda kuti tirarame upenyu hwakaita sei?
Jehovha anoda kuti tirarame upenyu hwakanakisisa. Paakasika vanhu vekutanga, Adhamu naEvha, akavaisa muparadhiso yakanga yakanaka chaizvo, munda weEdheni. Zvadaro “Mwari akavakomborera, akati kwavari: ‘Berekai muwande, muzadze nyika, muitonge.’” (Genesisi 1:28) Jehovha aida kuti vave nevana, vaite kuti nyika yese ive paradhiso uye kuti vachengete mhuka. Chinangwa chake chaiva chekuti vanhu vave neutano hwakanaka uye vararame nekusingaperi.
Kunyange zvazvo zvinhu zvisina kufamba sezvaainge aronga,a chinangwa chake hachina kuchinja. (Isaya 46:10, 11) Mwari achiri kuda kuti vanhu vanomuteerera vararame nekusingaperi pasina matambudziko.—Verengai Zvakazarurwa 21:3, 4.
2. Tingaitei kuti tirarame upenyu hune chinangwa iye zvino?
Jehovha akatisika tichifanira ‘kutungamirirwa naye,’ uye tiine chido chekumuziva nekumunamata. (Verengai Mateu 5:3-6.) Anoda kuti uve neushamwari hwepedyo naye, “ufambe munzira dzake dzese, umude” uye kuti umushumire “nemwoyo wako wese.” (Dheuteronomi 10:12; Pisarema 25:14) Kana tikadaro, tinogona kurarama tichifara pasinei nematambudziko atinosangana nawo. Kunamata Jehovha kunoita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa.
WEDZERA KUONGORORA
Dzidza nezverudo rukuru rwakaratidzwa naJehovha paakatisikira nyika uye zvinodzidziswa neShoko rake nezvechinangwa cheupenyu.
3. Jehovha anoda kuti tirarame upenyu hwakanakisisa
Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:
Mwari akasika nyika yatinogara yakanaka kudai nechinangwa chei?
Verengai Muparidzi 3:11, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Vhesi iyi inokudzidzisei nezvaJehovha?
4. Chinangwa chaJehovha hachina kuchinja
Verengai Pisarema 37:11, 29 uye Isaya 55:11, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Tinoziva sei kuti chinangwa chatakasikirwa naJehovha hachina kuchinja?
5. Kunamata Jehovha kunoita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa
Kuziva chinangwa cheupenyu kunoita kuti tirarame tichifara. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:
Kudzidza nezvechinangwa cheupenyu kwakabatsira sei Terumi?
Verengai Muparidzi 12:13, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Sezvo Jehovha ari iye akatisika, tingaratidza sei kuti tinotenda zvaakatiitira?
MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Mwari akatisikirei?”
Ungamupindura sei?
PFUPISO
Jehovha anoda kuti tirarame tichifara panyika pano nekusingaperi tisina matambudziko. Kana tikamunamata nemwoyo wese, tichava neupenyu hune chinangwa iye zvino.
Kudzokorora
Chinangwa chaJehovha paakasika Adhamu naEvha chaiva chei?
Tinoziva sei kuti chinangwa chaMwari chaakasikira vanhu hachina kuchinja?
Ungaitei kuti urarame upenyu hune chinangwa?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Verenga nezveuchapupu hunoratidza kuti munda weEdheni waivako zvechokwadi.
“Munda weEdheni—Waivako Kana Kuti Ingano?” (Nharireyomurindi, January 1, 2011)
Verenga unzwe kuti nei tiine chokwadi chekuti nyika icharamba iripo nekusingaperi.
Ongorora zvinotaurwa neBhaibheri nezvemawaniro aungaita chinangwa cheupenyu.
Ona kuti mumwe murume aifunga kuti ane zvese zvaanoda muupenyu akazoona kuti chii chaaishayiwa.
a Muchidzidzo chinotevera, uchadzidza kuti chii chakazokanganisika.