Shunemi—Yairatidzirwa Norudo Namasimba Masimba
KUMAODZANYEMBA kweGarirea, kudivi rokumabvazuva kwebani reJezreeri, kwaiva neguta reShunemi. Mune iri guta duku makarwirwa mbiri dzehondo dzine revo zvikurusa dzenhau yeBhaibheri, asi raizivikanwawo senzvimbo yakaberekerwa vakadzi vaviri vakaratidzira rudo rwokuvimbika.
Seri kweShunemi kwaiva negomo rinofungidzirwa kuva reMore, nepo kune rimwe divi rebani, anenge makiromita masere, kwaiva neGomo reGirboa. Pakati pemakomo maviri iwayo, paiva nenyika yaiva nemvura, inobereka zvibereko—imwe yenharaunda dzinobereka zvikurusa muIsraeri yose.
Mune iyi nzvimbo yakasvibira yokumaruwa yakapoteredza Shunemi ndimo makaitikira imwe yenhoroondo dzorudo inofadza zvikurusa yati yambotaurwa—Rwiyo rwaSoromoni. Rwiyo urwu rwunotaura pamusoro pemumwe musikana wokumaruwa uyo akasarudza kuroorwa nemufudzi biyake panzvimbo pokugamuchira chipo chaMambo Soromoni chokuva mumwe wavadzimai vake. Soromoni akashandisa uchenjeri hwake hwose noupfumi kuti adiwe. Nguva nenguva, aimurumbidza achiti: “Ndianiko uyo unotarira samambakwedza, wakanaka somwedzi, wakachena sezuva?” Uye akavimbisa kumupfekedza zvuma zvinodhura zvaaigona kufungidzira.—Rwiyo rwaSoromoni 1:11; 6:10.
Kuti ambomuratidze zvakaita upenyu hwoumambo, Soromoni akamuita kuti amuperekedze kuJerusarema sorutivi rwekufamba kwake, aine 60 vavarwi vake vakaisvonaka. (Rwiyo rwaSoromoni 3:6-11) Akamugarisa muimba yake yamambo, imba yaiorora kwazvo zvokuti apo mambokadzi weSheba akaiona, “akapera mweya.”—1 Madzimambo 10:4, 5.
Asi musikana wokuShunemi aiva akavimbika kumukomana mufudzi. “Somuapuri pakati pemiti yokudondo,” akadaro, “ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana.” (Rwiyo rwaSoromoni 2:3) Soromoni ngaafare zvake nemizambiringa yake mizhinji. Muzambiringa mumwe chete—pamwe chete nomudiwa wake—zvakanga zvakamukwanira. Rudo rwake rwaisagona kuzununguswa.—Rwiyo rwaSoromoni 8:11, 12.
Mumwe mukadzi akaisvonaka aigara muShunemi. Hapana chatinoziva pamusoro pechimiro chake chokunze, asi zvirokwazvo akanga akaisvonaka pamwoyo. Bhaibheri rinotaura kuti ‘akazviganhurira’—kana kuti akazvishandisa—kuitira kuti agovere muporofita Erisha zvokudya zvenguva dzose nepekurara.—2 Madzimambo 4:8-13.
Tinogona kufungidzira Erisha achidzoka nokuonga pashure perwendo rurefu, runonetesa, kukamuri rapamusoro iro iye nomurume wake vakanga vamugadzirira. Sezvinobvira aiwanzoshanyira musha wavo, sezvo ushumiri hwake hwaiva hwamakore 60. Nei uyu mukadzi weShunemi akasimbirira kuti Erisha aifanira kugara pamusha pavo nguva iri yose yaaipfuura nenzira iyoyo? Nemhaka yokuti aikoshesa basa raErisha. Uyu muporofita aizvininipisa, asina udyire akaita sehana yerudzi, achiyeuchidza madzimambo, vaprista, uye vanhuwo zvavo nezvebasa ravo rokubatira Jehovha.
Pasina mubvunzo mukadzi weShunemi wacho aiva mumwe wevanhu vairangarirwa naJesu paakati: “Unogamuchira muporofita muzita romuporofita, uchapiwa mubayiro womuporofita.” (Mateo 10:41) Jehovha akapa mubayiro chaiwo kune uyu mukadzi aitya Mwari. Kunyange zvazvo akanga asina kubereka mwana kwemakore akawanda, akabereka mwanakomana. Makore akawanda gare gare iyewo akayamurwa naMwari apo nzara yamakore manomwe yakaparadza nyika. Iyi nhoroondo inoorora inotiyeuchidza kuti mutsa watinoratidza kuvabatiri vaMwari hauregi kucherekedzwa naBaba vedu vokudenga.—2 Madzimambo 4:13-37; 8:1-6; VaHebheru 6:10.
Hondo Huru Mbiri
Kunyange zvazvo Shunemi ichiyeukwa semusha weava vakadzi vaviri vakanga vakavimbika, makarwirwawo hondo mbiri dzakachinja nhau yevaIsraeri. Pedyopo paiva nenzvimbo yakakodzera—bani raiva pakati pegomo reMore neGirboa. Vatungamiriri vemauto munguva dzeBhaibheri nguva dzose vaidzika musasa paiva nemvura yakawanda, nzvimbo yakakwirira nokuda kwedziviriro, uye, kana zvaibvira, nzvimbo yakatanhamara yakafuratira mupata wenyika wakaoma une nzvimbo yakaringana kushandisa mapoka avarume, mabhiza, uye ngoro. Shunemi neGirboa zvaive zvakadaro.
Mukati menguva yevatongi, hondo yevaMidhiani, vaAmareki, uye vamwe yaisvika 135 000, yakanga yakadzika musasa mubani raiva mberi kweMore. Makamera avo “akanga akawanda sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa.” (Vatongi 7:12) Vaiva vakavatarisa kune rimwe divi rebani, pedyo netsime reHarodhi mujinga meGomo reGirboa, vaiva vaIsraeri vachitungamirirwa noMutongi Gidheoni, uyo aingova bedzi nevarwi 32 000.
Mukati memazuva apo hondo yakanga isati yarwiwa, rutivi rumwe norumwe rwaiedza kuvhundutsira rumwe. Mapoka evarwi vainyomba, makamera ehondo, ngoro, uye mabhiza zvaigona kutyisidzira varwi. Pasina mubvunzo vaMidhiani—avo vakanga vatosvika apo vaIsraeri vaiungana—vaiva chiono chinotyisa. Apo Gidheoni akabvunza kuti, “Ndiani ari kutya nokudedera?” zvikamu zviviri muzvitatu zvehondo yake zvakabva panzvimbo yehondo.—Vatongi 7:1-3, NW.
Varwi 10 000 vaIsraeri parizvino vakatarira kune rimwe divi rebani vachiona vavengi 135 000, uye nokukurumidza Jehovha akaderedza nhamba yavarwi vaIsraeri kusvikira ku300 bedzi. Richitevedzera tsika yechiIsraeri, iri boka duku rakakamurwa kuva zvikamu zvitatu. Murima, vakaenda kumativi akasiyana-siyana ndokumira munzvimbo dzavo kumativi matatu emusasa wevavengi. Ipapo pakurayira kwaGidheoni, vane 300 vakapwanya zvirongo zvakanga zvakavanza mwenje iyoyo, vakasimudza mwenje yavo, ndokudanidzira vachiti, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!” Vakaridza hwamanda dzavo ndokuramba vachiridza. Murima, boka rakakatyamadzwa revarwi rakafungidzira kuti mapoka 300 akanga achivarwisa. Jehovha akaita kuti varwisane voga, uye “hondo yose ikamhanya, vakaridza mhere, vakatiza.”—Vatongi 7:15-22; 8:10.
Hondo yechipiri yakarwiwa pedyo neShunemi mukati menguva yaMambo Sauro. Bhaibheri rinoshuma kuti “vaFiristia vakaungana, vakavaka misasa yavo paShunemi; Sauro akaunganidza vaIsraeri vose, ivo vakavaka misasa yavo paGirboa,” kungofanana nezvakanga zvaita hondo yaGidheoni makore akawanda izvozvo zvisati zvaitika. Asi Sauro, kusafanana naGidheoni, aisanyanyovimba naJehovha, achisarudza kubvunza rimwe svikiro rokuEndori. Apo akaona musasa wavaFiristia, “akatya, mwoyo wake ukadedera kwazvo.” Muhondo yakatevera, vaIsraeri vakatiza uye vakakurirwa zvikuru. Vose vari vaviri Sauro naJonatani vakarasikirwa noupenyu hwavo.—1 Samueri 28:4-7; 31:1-6.
Naizvozvo nhau yeShunemi inoratidzirwa nezvose zviri zviviri rudo nemasimba masimba, kuvimba naJehovha uye kuvimba nemadhimoni. Mune uyu mupata wenyika, vakadzi vaviri vakaratidza rudo nemutsa nguva dzose, uye vatungamiriri vaviri vaIsraeri vakarwa hondo huru. Mienzaniso yose iri mina inoratidzira kukosha kwokuvimba naJehovha, uyo asingatongoregi kupa mubayiro vose vanomubatira.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Musha wazvinouno weSulam paichimbova neShunemi yakare, More riri kumashure
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.