Zita Rako Rinomborevei?
Mukadzi wokuEthiopia anosununguka mwana mukomana. Asi mufaro wake unopera osuruvara paanoona mwana wake akangoti rabada. Ambuya pavanotora rusvava rwacho kuti varugezese, kakomana kanoti pfakanyu, kotanga kufema, uye kanochema! Zita rababa vomucheche wacho rinoreva kuti, “Chishamiso,” saka vabereki vanobatanidza zita iroro nerimwe shoko rechiAmharic votumidza mwana wavo zita rokuti, Chishamiso Chaitwa.
KuBurundi, mumwe murume wechiduku anotiza masoja anoda kumuuraya. Paanenge akavanda mumunda, murume wacho anovimbisa kuti kana Mwari akamuponesa, achatumidza dangwe rake kuti Manirakiza, kureva kuti, “Mwari Ndiye Muponesi.” Papera makore mashanu, achitenda kuti achiri mupenyu, murume uya anotumidza dangwe rake zita riya.
VAMWE havana kujaira kutumidza vana mazita ane zvaanoreva, asi tsika yacho yakatanga kare zvikuru. Kutaura chokwadi, Bhaibheri rine mazita akawanda akadaro. Kunzwisisa zvinoreva mazita akasiyana-siyana evanhu kuchakubatsira paunoverenga Bhaibheri. Chimboona mimwe mienzaniso.
Mazita Ane Zvaanoreva Mumagwaro echiHebheru
Rimwe remazita akatanga kunyorwa muBhaibheri nderaSeti, rinoreva kuti, “Akagadzwa.” Evha, amai vaSeti, akatsanangura zvakaita kuti asarudze zita iroro paakati: “Mwari andipa mumwe mwana panzvimbo paAbheri, nokuti Kaini akamuuraya.” (Genesisi 4:25) Rameki, muzukuru waSeti, akatumidza mwanakomana wake kuti Noa, zvinoreva kuti, “Kuzorodzwa” kana kuti, “Kunyaradzwa.” Rameki akati akatumidza mwanakomana wake zita iroro nokuti “uyu achatinyaradza pabasa redu nepakurwadziwa kwemaoko edu kunobva panyika yakatukwa naJehovha.”—Genesisi 5:29.
Mwari pachake akachinja mazita evamwe vanhu vakanga vakura achida kuprofita zvimwe zvinhu. Somuenzaniso, akachinja zita raAbramu, raireva kuti, “Baba Vakwidziridzwa,” akamutumidza kuti Abrahamu, raireva kuti, “Baba Verudzi.” Sezvaireva zita rake, Abrahamu akava baba vemarudzi akawanda. (Genesisi 17:5, 6) Onawo kuti mudzimai waAbrahamu, Sarai, zvimwe zita rake raireva kuti, “Kukakavara.” Akafara zvikuru paakatumidzwazve naMwari kuti, “Sara,” raireva kuti, “Mwanasikana wamambo,” zvaireva kuti aizova tateguru wemadzimambo.—Genesisi 17:15, 16.
Mwari akasarudza kuti iye atumidze vamwe vana mazita. Somuenzaniso, akaudza Abrahamu naSara kuti vatumidze mwanakomana wavo kuti Isaka, zvaireva kuti, “Kuseka.” Zita iroro raizoramba richiyeuchidza vabereki ava vakavimbika nezvezvavakanga vaita pavakaudzwa kuti vaizova nomwana vakwegura. Isaka paakakura akava mushumiri akavimbika waMwari, hapana mubvunzo kuti zita rake rakaramba richiita kuti Abrahamu naSara vafare pavainge vaine mwanakomana wavo wavaida.—Genesisi 17:17, 19; 18:12, 15; 21:6.
Muroora waIsaka, Rakeri akatumidza zita mwanakomana wake, wegotwe, nechimwewo chikonzero. Ava pedyo nokufa, Rakeri akatumidza mwana wacho kuti Bheni-oni zvaireva kuti, “Mwanakomana Wokuchema Kwangu.” Murume wacho, Jakobho, akanga ashayikirwa nomudzimai, akachinja zvishoma akamutumidza kuti Bhenjamini, zvichireva kuti, “Mwanakomana Wokurudyi.” Zita iri raireva nzvimbo inotsigirwawo kwete inongofarirwa.—Genesisi 35:16-19; 44:20.
Vamwe vakatumidzwa kana kuzvitumidza mazita aienderana nechitarisiko chomunhu wacho. Somuenzaniso, Isaka naRebheka pavakava nemwanakomana akaberekwa aine mvere tsvuku dzaive dzakaita senguo yakagadzirwa nemvere dzegwai, vakamutumidza kuti Isau. Nei? MuchiHebheru zita iroro rinoreva, “Munhu Ane Mvere.” (Genesisi 25:25) Sezvinoonekwa mubhuku raRute, Naome aiva nevanakomana vaviri. Mumwe ainzi Maroni, zvaireva kuti, “Murwere, Munhu Asingakoshi,” uye mumwe wacho ainzi Kiriyoni, zvaireva kuti, “Ndonda.” Hazvitaurwi kuti mazita aya vakaapiwa pakuberekwa here kana kuti pave paya, asi zvinoita sokuti aive akakodzera, nokuti varume vaviri ava vakakurumidza kufa.—Rute 1:5.
Imwe tsika yaigara ichiitwa yaiva yokuchinja zvishoma mazita. Paakadzokera kuBheterehema, apererwa nokuti akanga ashayikirwa nomurume uye nevanakomana, Naomi akanga asingachadi kudanwa nezita iroro raireva kuti, “Mufaro Wangu.” Asi, akaramba achiti:“Musandishevedza kuti Naomi. Ndishevedzei kuti Mara [zvaireva kuti, “Kusuruvara”], nokuti Wemasimbaose akandishungurudza kwazvo.”—Rute 1:20, 21.
Imwewo tsika yakanga iri yokutumidza mwana zita raiita kuti vasakanganwa chiitiko chinokosha chakaitika pakaberekwa mwana wacho. Somuenzaniso, zita romuprofita Hagai rinoreva kuti, “Akaberekwa paMutambo.”a
Mazita Ane Zvaaireva Muzana Remakore Rokutanga
Zita raJesu rine zvinokosha zvarinoreva zvine chokuita nebasa rake. Asati aberekwa, vabereki vake vakarayirwa naMwari achishandisa ngirozi kuti: ‘Munofanira kumutumidza kuti Jesu,’ zvinoreva kuti, “Jehovha Muponesi.” Nei? Ngirozi yakataura naJosefa yakati, “Achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.” (Mateu 1:21) Pashure pokunge Jesu azodzwa nomudzimu mutsvene paakabhabhatidzwa, zita rake rakabatanidzwa nezita rokuremekedza rechiHebheru rokuti, “Mesiya.” MuchiGiriki, zita rokuremekedza iroro rinoshandurwa kuti, “Kristu.” Mashoko ose ari maviri anoreva kuti, “Akazodzwa.”—Mateu 2:4.
Jesu pachake akasarudza kutumidza vamwe vadzidzi vake mazita aiva nezvaaitsanangura. Somuenzaniso, akatumidza Simoni zita rechiSemitic rokuti Kefasi, zvinoreva kuti, “Dombo.” Kefasi akazonyanya kuzivikanwa nezita iroro rashandurirwa muchiGiriki kuti, “Petro.” (Johani 1:42) Jesu akatumidza Jakobho naJohani avo vaiva mukoma nomunun’una kuti, “Bhoanajisi,” rinoreva kuti, “Vanakomana Vokutinhira.”—Mako 3:16, 17.
Vadzidzi vaJesu vakaramba vachiita tsika iyi yokupa mazita echipiri aienderana nechimwe chinhu. Mumwe muenzaniso ndewemudzidzi Josefa, akatumidzwa nevaapostora kuti Bhanabhasi, zvinoreva kuti, “Mwanakomana Wokunyaradza.” Bhanabhasi akararama zvaienderana nezita rake achinyaradza vakawanda muupenyu uye mune zvokunamata.—Mabasa 4:34-37; 9:27; 15:25, 26.
Kukosha Kwezita Rako
Hatina kusarudza mazita atakapiwa patakaberekwa. Zvisinei, ndisu pachedu tinosarudza kuti zita racho richarevei. (Zvirevo 20:11) Wadii kuzvibvunza kuti: ‘Kudai Jesu kana kuti vaapostora vaizowana mukana, vaizonditumidza kuti ani? Nderipi zita raizova rakakodzera kutsanangura unhu hwangu kana kuti hwandinonyanya kuratidza?’
Mubvunzo uyu unoda kuti tinyatsofungisisa. Nei? Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti, “Zita rakanaka rinofanira kusarudzwa panzvimbo pepfuma zhinji.” (Zvirevo 22:1) Chokwadi, kana tikazviitira zita kana kuti mukurumbira wakanaka kwatinogara, tinenge tiine chinhu chinokosha. Zvisinei, chinonyanya kukosha ndechokuti kana tikaita zita rakanaka naMwari, tinowana pfuma isingaperi. Sei? Mwari akavimbisa kuti achanyora mazita evaya vanomutya ‘mubhuku rake rokuyeuchidza,’ uye achaita kuti vazorarama upenyu husingaperi.—Maraki 3:16; Zvakazarurwa 3:5; 20:12-15.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvomuAfrica zvine mazita akabva pamisoro yemagungano eZvapupu akaitika pazvakaberekwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]
Nderipi zita raizova rakakodzera kutsanangura unhu hwangu kana kuti hwandinonyanya kuratidza?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 14]
Emanueri Aiva Ani?
Mamwe mazita evanhu vomuBhaibheri aiva ouprofita uye anotsangura basa raizoitwa nemunhu wacho. Somuenzaniso, muprofita Isaya akafuridzirwa kunyora kuti: “Tarirai! Musikana achava nepamuviri, achabereka mwanakomana, uye achamutumidza kuti Emanueri.” (Isaya 7:14) Zita iroro rinoreva kuti, “Mwari Anesu.” Vamwe vanoongorora Bhaibheri vakaedza kubatanidza kuzadzika kwokutanga kwouprofita uhwu nomumwe wemadzimambo evaIsraeri kana kuti mumwe wevanakomana vaIsaya. Zvisinei, munyori weEvhangeri Mateu akaratidza kuti uprofita hwaIsaya hwakanyatsozadzika pana Jesu.—Mateu 1:22, 23.
Vamwe vakati sezvo Bhaibheri rakati Jesu ndiye Emanueri, rinotodzidzisa kuti Jesu ndiMwari. Kana zvakadaro, murume wechiduku Erihu, akanyaradza uye akaruramisa Jobho aivawo Mwari. Nei? Zita rake rinoreva kuti, “Ndiye Mwari Wangu.”
Jesu haana kumbozviti ndiye Mwari. (Johani 14:28; VaFiripi 2:5, 6) Asi ainyatsoratidza unhu hwaBaba vake, uye akazadzisa zvose zvakavimbiswa naMwari nezvaMesiya. (Johani 14:9; 2 VaKorinde 1:20) Zita rokuti Emanueri rinonyatsotsanangura basa raJesu saMesiya, muzukuru waDhavhidhi, anoratidza kuti Mwari anotarisira vaya vanomunamata.
[Mufananidzo]
EMANUERI “Mwari Anesu”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 15]
Zita Rinonyanya Kukosha Kupfuura Ose
Zita raMwari rinowanika kanenge ka7 000 muBhaibheri. Zita iroro rinomiririrwa nemavara mana echiHebheru aya יהוה, anowanzoshandurwa kuti “Jehovha” muchiShona. Zita iroro rinorevei? Mosesi paakabvunza nezvezita raMwari, Jehovha akapindura kuti: “Ndichava iye wandichava.” (Eksodho 3:14) Saka, zita raMwari rinopa chokwadi chokuti achaita chero zvinenge zvichidiwa kuti azadzise zvinangwa zvake. (Isaya 55:8-11) Mwari paanovimbisa chimwe chinhu, tinogona kunyatsovimba naye toronga upenyu hwedu huchienderana nezvaanenge avimbisa. Nei? Nemhaka yezvinoreva zita rake rokuti Jehovha.
[Mufananidzo uri papeji 13]
ABRAHAMU
“Baba Verudzi”
[Mufananidzo uri papeji 13]
SARA
“Mwanasikana wamambo”