Tevedzera Kutenda Kwavo
“Kwamunoenda Ndiko Kwandichaendawo”
RUTE naNaomi vakanga vachifamba nemugwagwa unopfuura nemumapani eMoabhi. Vakanga vangosara vari vaviri munzvimbo iyoyo yakati sandarara. Ita souri kuona Rute achitarira zuva rakanga rava kupinda muna amai varo, obva atarisa vamwene vake achinetseka kuti vari vaviri vacharara kupi. Rute aida vamwene vake chaizvo uye aizoita zvose zvaaigona kuti avatarisire.
Vaviri ava vaishungurudzika kwazvo. Naomi akanga atova nemakore ari chirikadzi asi panguva iyi akanga achichema vanakomana vake Maroni naKiriyoni vakanga vachangobva kufa. Rute akanga achishungurudzikawo nokufa kwomurume wake Maroni. Rute naNaomi vaienda kutaundi reBhetrehema kuIsraeri. Naomi akanga achienda kumusha kwake asi Rute aisaziva kwaaienda. Akanga asiya hama dzake, nyika yake netsika dzake uye vanamwari vake.—Rute 1:3-6.
Chii chakaita kuti mukadzi uyu wechiduku achinje mararamiro ake saizvozvo? Aizokwanisa sei kurarama upenyu hutsva uye kuriritira Naomi? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichatidzidzisa zvakawanda nezvokutevedzera kwatingaita kutenda kwaRute, mukadzi uyu wechiMoabhi. Parizvino ngatimboonai kuti zvakafamba sei kuti vakadzi vaviri ava vazopedzisira vava parwendo rurefu rwokuBhetrehema.
Mhuri Yakawirwa Nedambudziko Rakakura
Rute akakurira muMoabhi, nyika duku yaiva nechokumabvazuva kweGungwa Rakafa. Nzvimbo yacho yaiva nemakomo marefu akati sandara, aiva nemiti mishoma uye mipata yakadzika. “Nyika yeMoabhi” yaiva neivhu rakaorera uye yaigara ichiita goho kunyange panguva yakwaiita nzara muIsraeri. Izvi ndizvo zvakaita kuti Rute aonane naMaroni nemhuri yavo.—Rute 1:1.
Murume waNaomi ainzi Erimereki paakaona kuti nzara yaruma muIsraeri, akabva atama iye nomudzimai wake nevanakomana vake vaviri vachinogara sevapoteri kunyika yaiva kure yeMoabhi. Kutama kwavakaita waiva muedzo pakutenda kwavo, nokuti sevaIsraeri vaifanira kugara vachienda kunonamata panzvimbo tsvene yainge yasarudzwa naJehovha. (Dheuteronomio 16:16, 17) Naomi akaramba aine kutenda kwakasimba. Asi akashungurudzika chaizvo pakafa murume wake.—Rute 1:2, 3.
Anofanira kunge akazonetsekawo vanakomana vake pavakaroora vakadzi vechiMoabhi. (Rute 1:4) Naomi aiziva kuti tateguru werudzi rwake Abrahamu akanga aita zvose zvaaigona kuti atsvakire mwanakomana wake Isaka mudzimai pavanhu verudzi rwake vainamata Jehovha. (Genesisi 24:3, 4) Mutemo waMosesi wakazonyevera vaIsraeri kuti vaisafanira kurega vana vavo vachiroora kana kuroorwa nemamwe marudzi, nokuti vaigona kuzotsauswa vonamata zvidhori.—Dheuteronomio 7:3, 4.a
Kunyange zvakadaro, Maroni naKiriyoni vakaroora vakadzi vechiMoabhi. Izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti Naomi azvidye mwoyo, asi zviri pachena kuti akaita zvose zvaaigona kuti anyatsoratidza mutsa nerudo kuvaroora vake Rute naOpa. Pamwe aitarisira kuti rimwe zuva vaizonamatawo Jehovha sezvaaiita. Chinonyanya kukosha ndechokuti Rute naOpa vaida Naomi chaizvo. Ushamwari hwavakaumba hwakazovabatsira pavakawirwa nedambudziko rakakura. Rute naOpa vakabva vafirwa nevarume vavo vasati vava nevana.—Rute 1:5.
Chitendero chaRute chakaita kuti agone kutsungirira dambudziko iri here? Chinenge chisina. VaMoabhi vainamata vanamwari vakawanda, asi wavainyanya kunamata ainzi Kemoshi. (Numeri 21:29) Zvinoita sokuti chitendero chevaMoabhi chaiitawo utsinye hwaiitwa panguva iyoyo, uhwo hwaisanganisira kuuraya vana sezvibayiro. Zvose zvakadzidzwa naRute kubva kuna Maroni naNaomi nezverudo uye ngoni dzaJehovha Mwari waIsraeri zvinofanira kunge zvakamushamisa sezvo zvainge zvakasiyana chaizvo nezvaaiziva pamusoro pavanamwari vake. Jehovha aitonga nerudo kwete noutsinye. (Dheuteronomio 6:5) Kufa kwomurume wake kunofanira kunge kwakatoita kuti Rute anyanye kuwirirana naNaomi uye anyatsoteerera paainzwa vamwene vake vachitaura nezvaMwari wemasimbaose Jehovha, mabasa ake anoshamisa uye mabatiro aanoita vanamati vake nerudo uye ngoni.
Naomi aida chaizvo kugara achinzwa zvaiitika kumusha kwake. Zvinoita sokuti mumwe munhu aifamba achitengesa akamuudza kuti nzara yakanga yapera kuIsraeri. Jehovha akanga ava kubatsira vanhu vake. Izvi zvakanga zvava kuenderanazve nezita rokuti Bhetrehema, iro rinoreva kuti “Imba Yezvokudya.” Saka Naomi akafunga zvokudzokera kumusha kwake.—Rute 1:6.
Ko Rute naOpa vaizoita sei? (Rute 1:7) Vakanga vava kuwirirana chaizvo naNaomi nokuti vose vakanga vawirwa nedambudziko rakafanana. Zvinoita sokuti Rute akanyanya kuwirirana naNaomi nenyaya yokuti Naomi aiva nemutsa uye aitenda zvakasimba muna Jehovha. Chirikadzi nhatu idzi dzakabva dzasimuka ndokunanga kuJudha.
Nyaya iri mubhuku raRute inotiyeuchidza kuti munhu wose anogona kuwirwa nedambudziko, pasinei nokuti akanaka here kana kuti akaipa. (Muparidzi 9:2, 11) Inotiratidzawo kuti patinofirwa nemunhu watinoda, zvakanaka kuti tinyaradzwe nevamwe, kunyanya nevaya vanopotera kuna Jehovha, Mwari ainamatwa naNaomi.—Zvirevo 17:17.
Rudo Rwakavimbika Rwaiva naRute
Chirikadzi nhatu idzi padzakanga dzafamba makiromita akawanda, Naomi akatanga kunetseka. Akafunga nezvevakadzi vechiduku vaaifamba navo uye rudo rwavakanga vamuratidza iye nevanakomana vake. Akanga asingadi kuremedzazve vakadzi ava. Nyangwe dai vakadzi ava vaizosiya nyika yavo voenda naye kuBhetrehema, aizonovaitirei?
Saka Naomi akazoti kuvaroora vake: “Endai, dzokerai, mumwe nomumwe kuimba yaamai vake. Jehovha ngaakuitirei mutsa worudo, sezvamakaitira ini uye varume vaya vakafa.” Akataurawo mashoko airatidza kuti aiva netarisiro yokuti Jehovha aizovakomborera nokuita kuti varoorwe nevamwe varume. Nyaya yacho inoti: “Akabva avatsvoda, vakatanga kuchema kwazvo, vakasvimha misodzi.” Saka hazvitishamisi kuti nei Rute naOpa vakanga vachida chaizvo vamwene vavo vaiva nemutsa uye vaifungawo vamwe. Vakadzi vaviri ava vakaramba vachiti kuna Naomi: “Aiwa, asi tichadzokera nemi kuvanhu venyu.”—Rute 1:8-10.
Zvisinei Naomi akatsika madziro. Akati hapana zvaaigona kunovaitira kuIsraeri sezvo akanga asisina murume anomuriritira kana vanakomana vaigona kuvaroora. Akatiwo akanga asisina tariro yokuroorwazve uye kuvazve nevanakomana. Akaratidza kuti chainyanya kumudya mwoyo ndechokuti akanga asingakwanisi kuvariritira.—Rute 1:11-13.
Opa akaona kuti zvaitaurwa navamwene vake zvaiva nemusoro. Amai vake, hama dzake nemusha wavo zvakanga zviri kuMoabhi. Akaona sokuti kuramba achigara muMoabhi kwaizomubatsira. Saka akabva atsvoda Naomi achiratidza kushushikana kwazvo ndokudzokera kumusha kwake.—Rute 1:14.
Ko Rute aizoita sei? Zvakataurwa naNaomi zvaishandawo kwaari. Zvisinei, nyaya yacho inoti: “Asi Rute akavanamatira.” Zvinoita sokuti Naomi akatanga kufamba achienda, asi paakacheuka akaona Rute achitevera. Saka akati: “Tarira! Mukadzinyina wako chirikadzi adzokera kuvanhu vake navanamwari vake. Dzokera nomukadzinyina wako chirikadzi.” (Rute 1:15) Mashoko aNaomi anobudisa imwe pfungwa inokosha. Anoratidza kuti Opa akanga asiri kungodzokera kuhama dzake chete asiwo ku“navanamwari vake.” Aigutsikana nokuramba achinamata Kemoshi nevamwe vanamwari venhema. Ndiwo maonero aiva naRute here?
Rute paakatarisa Naomi vari voga mumugwagwa iwoyo, akaratidza kuti aiva nechokwadi nezvaaiita. Aida Naomi naMwari wake nemwoyo wose. Saka akati: “Musanditeterera kuti ndikusiyei, kuti ndirege kuenda nemi; nokuti kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, pamunorara ndipo pandichararawo. Vanhu venyu vachava vanhu vanguwo, naMwari wenyu Mwari wanguwo. Pamunofira ndipo pandichafirawo, uye ndipo pandichavigwawo. Jehovha ngaandiitire saizvozvo awedzere pazviri kana chimwe chinhu kunze kworufu chikatiparadzanisa.”—Rute 1:16, 17.
Mashoko aRute ane simba zvokuti vakawanda vanoaziva, kunyange zvazvo pava nemakore anenge 3 000 kubva paakafa. Mashoko aya anonyatsoratidza kuti Rute aiva neunhu hunokosha, kureva rudo rwakavimbika. Rudo rwake rwakanga rwakasimba chaizvo zvokuti aizoramba akanamatirana naNaomi. Rufu chete ndirwo rwaizovaparadzanisa. Rute ainge azvipira kusiya zvinhu zvose zvokuMoabhi kusanganisira vanamwari veko. Vanhu vaNaomi ndivo vaizova vanhu vakewo. Kusiyana naOpa, Rute akataura nemwoyo wose kuti aida kuti Mwari waNaomi Jehovha ave Mwari wakewo.b
Saka vaviri vacho vakasimudzira norwendo rwavo rurefu rwokuenda kuBhetrehema. Zvinofungidzirwa kuti rwendo rwacho rwakavatorera vhiki rose. Sezvo vose vakanga vachinetseka, hapana mubvunzo kuti vainyaradzana.
Vakawanda nhasi vanosangana nezvinhu zvinoita kuti vashushikane. Munguva dzino dzinonzi neBhaibheri “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” tinoshushikana uye tinorasikirwa nezvinhu zvakawanda. (2 Timoti 3:1) Saka iye zvino zvava kutonyanya kukosha kuti titevedzere unhu hwaiva naRute. Munyika ino izere matambudziko, zvinobatsira chaizvo kuva nerudo rwakavimbika, kureva rudo rwusingaperi nokufamba kunoita nguva. Rudo rwerudzi urwu runodiwa pakati pemurume nemudzimai, mumhuri, muushamwari uye muungano yechiKristu. Patinoedza kuva nerudo urwu, tinenge tichitevedzera muenzaniso wakanaka waRute.
Rute naNaomi muBhetrehema
Kutaura kuti une rudo rwakavimbika kwakasiyana nokuzozviita. Rute aiva nemukana wokuratidza kuti aiva nerudo rwakavimbika kwete kuna Naomi chete asiwo kuna Jehovha, Mwari waakanga asarudza kunamata.
Rute naNaomi vakazopedzisira vasvika kuBhetrehema, guta raiva kure nemakiromita anenge 10 kubva kumaodzanyemba kweJerusarema. Zvinoita sokuti mhuri yaNaomi yaimbova nemukurumbira muguta duku iroro nokuti vanhu vose vakanga vava kungotaura nezvekudzoka kwake. Vakadzi veikoko vainyatsomuti ndee vobva vati, “Ndiye Naomi here uyu?” Zviri pachena kuti Naomi akanga asiyana chaizvo nezvaakanga akaita pavakatamira kuMoabhi. Chiso nechimiro chake zvairatidza kuti akanga ava nemakore akawanda achitambura uye achishushikana.—Rute 1:19.
Naomi akaudza vakadzi ivavo vaiva hama dzake nevavakidzani vaakambogara navo kuti upenyu hwakanga hwamuipira chaizvo. Akafunga kuti zita rake rokuti Naomi iro rinoreva kuti “Mufaro Wangu,” raifanira kuchinjwa ronzi Mara, zvinoreva kuti “Kushungurudzwa.” Chokwadi zvainzwisa tsitsi! Sezvakamboitawo Jobho, Naomi paakamomoterwa nenhamo, akafunga kuti Jehovha Mwari ndiye aikonzera matambudziko ake.—Rute 1:20, 21; Jobho 2:10; 13:24-26.
Sezvo vakanga vagarisika muBhetrehema, Rute akatanga kufunga kuti oita sei kuti azviriritire iye naNaomi. Akaziva kuti Mutemo wakanga wapiwa naJehovha kuvanhu vake vaIsraeri waiva neurongwa hwerudo hwaibatsira varombo. Vaibvumidzwa kupinda muminda yevanhu panguva yokukohwa vachitevera mushure mevakohwi uye vachiunganidza zvainge zvasarira nezvaiva kumapeto kweminda yacho.c —Revhitiko 19:9, 10; Dheuteronomio 24:19-21.
Yaiva nguva yokukohwa bhari, munenge muna April pakarenda yemazuva ano, uye Rute akaenda kuminda achitsvaka kuti ndekupi kwaaizobvumidzwa kuunganidza zvaisaririra pakukohwa. Akangozviwana ava mumunda waBhoazi, murume aiva akapfuma uye ari hama yomushakabvu Erimereki, murume waNaomi. Kunyange zvazvo Mutemo waimubvumidza kuunganidza zvaisarira pakukohwa, haana kungosvika achiunganidza, asi akatanga akumbira jaya raitarisira vakohwi. Jaya racho rakamubvumidza, achibva atanga kushanda.—Rute 1:22–2:3, 7.
Ita souri kuona Rute achitevera mushure mevakohwi. Vakohwi pavari kucheka bhari nesikiri dzavo dzakagadzirwa nematombo, iye anokotama achinhonga zvasaririra nezvavanodonhedza, osunga madzinde acho kuita zvisote, obva aenda nazvo kwaachanozvipurira. Iri raiva basa raitora nguva, rainetesa uye rainyanya kurwadza kana zuva rava kupisa. Asi Rute akaramba akangoti sika-sika uye aingomira chete kuti apukute ziya raiva pahuma uye kuti adye kudya kwemasikati “mumba.” Pano shoko rokuti “mumba” rinofanira kunge richireva mumvuri waigadzirirwa vashandi kuti vavande zuva.
Rute akanga asingazviitiri kuti aonekwe nemumwe munhu. Asi Bhoazi akamuona achibva abvunza jaya raitarisira vakohwi kuti mukadzi uyu aiva ani. Murume uyu aiva nokutenda ainzi Bhoazi akakwazisa vashandi vake, vamwe vacho vangangodai vaiva vanhu vemaricho kana kuti vokune dzimwe nyika. Akavakwazisa achiti: “Jehovha ngaave nemi.” Vakabva vapindurawo saizvozvo. Mukweguru uyu Bhoazi uyo aida Jehovha akafarira Rute achimutora semwana wake.—Rute 2:4-7.
Bhoazi akashevedza Rute achiti “mwanasikana” uye akamuudza kuti arambe achiuya kuzounganidza zvaisarira pakukohwa mumunda make uye kuti arambe ari pedyo nevasikana vemuimba yaBhoazi kuitira kuti pasava nemajaya aizomunetsa. Bhoazi akava nechokwadi chokuti Rute awana kudya kwemasikati. Asi chinotonyanya kukosha ndechokuti akamurumbidza uye akamukurudzira. Akazviita sei?—Rute 2:8, 9, 14.
Rute paakabvunza Bhoazi kuti sei akanga amunzwira nyasha iye akanga ari wokune imwe nyika, Bhoazi akapindura kuti akanga anzwa zvose zvaakaitira vamwene vake Naomi. Naomi anofanira kunge airumbidza muroora wake Rute vamwe vakadzi vomuJerusarema vachinzwa uye Bhoazi akazonzwawo nezvazvo. Bhoazi aizivawo kuti Rute akanga ava munamati waJehovha sezvo akataura kuti: “Jehovha ngaakupe mubayiro wezvaunoita, uye ngapave nomubayiro wako wakakwana unobva kuna Jehovha Mwari waIsraeri, ane mapapiro awauya kuzotsvaka kupotera pasi pawo.”—Rute 2:12.
Mashoko iwayo anofanira kunge akakurudzira Rute chaizvo. Chaiva chokwadi kuti akanga asarudza kuvanda mumapapiro aJehovha Mwari sezvinoita nyana reshiri rinenge rakavhumbamirwa naamai varo. Rute akatenda Bhoazi nokumusimbisa kwaakanga aita. Akaramba achishanda kusvikira ava manheru.—Rute 2:13, 17.
Rute akatisiyira muenzaniso wakanaka kwazvo wokutenda isu tose tiri kutambura panguva dzino dzokuoma kweupfumi. Haana kuzvitora kuti aiva nekodzero yokupiwa zvinhu nevamwe, saka aionga zvose zvaaipiwa. Haana kunyara kuita basa rakaderera uye kushanda nesimba kwenguva yakareba achiitira kuti ariritire vamwene vake vaaida. Aitenda nemwoyo wose mazano okuti ashande zvakanaka nevanhu vakanaka. Chinonyanya kukosha ndechokuti haana kukanganwa kuti Baba vake Jehovha Mwari ndivo vaiva nzvimbo yokupotera yaizonyatsomudzivirira.
Kana tikaratidza rudo rwokuvimbika serwaiva naRute totevedzera kuzvininipisa kwake, kushanda nesimba uye kuonga kwake, vamwe vachakurudzirwa nemuenzaniso wedu wakanaka. Asi Jehovha aizogovera sei Rute naNaomi zvavaida? Mubvunzo iwoyo uchakurukurwa mune imwe magazini ichauya.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Vaverengi Vanobvunza Kuti—Nei Mwari Aida Kuti Vanamati Vake Varoorane Nevanhu Vavainamata Navo Chete?,” iri papeji 29.
b Zvinofadza kuti Rute haana kungotaura zita rokuremekedza rokuti “Mwari” chete sezvaiitwa nevanhu vaisava vaJudha, asi akashandisa zita raMwari rokuti Jehovha. Bhuku rinonzi The Interpreter’s Bible rinoti: “Apa munyori ari kuratidza kuti munhu uyu wekune imwe nyika anonamata Mwari wechokwadi.”
c Mutemo uyu waishamisa kuna Rute nokuti kumusha kwake kwakanga kusina zvinhu zvakadaro. Mumazuva iwayo kuNear East chirikadzi dzaiitirwa utsinye. Rimwe duramanzwi rinoti: “Mukadzi paaifirwa nomurume wake, kazhinji airiritirwa nevanakomana vake uye kana asina vanakomana aigona kuzvitengesa semuranda, kuita zvechipfambi, kana kuzviuraya.”
[Bhokisi riri papeji 26]
Kabhuku Kazere Nepfuma
Vanhu vanorondedzera bhuku raRute sekabhuku kazere nepfuma. Mubhuku raRute mune mashoko anoratidza kuti rakanyorwa riini. Asi bhuku iri harirondedzeri zviri mubhuku riri pashure paro raVatongi. (Rute 1:1) Zviri pachena kuti mabhuku acho ose ari maviri akanyorwa nemuprofita Samueri. Asi paunoverenga Bhaibheri unogona kuona kuti pakaiswa bhuku raRute panonyatsokodzera. Pashure pokuverenga nezvehondo uye kupamba zvinorondedzerwa mubhuku raVatongi, unobva wasvika pakabhuku kaRute ako kanotiyeuchidza kuti Jehovha haambokanganwi vanhu vane runyararo vanonetswa nemiedzo zuva nezuva. Nyaya yemhuri iyi ine zvidzidzo zvinokosha kwatiri tose nezverudo, kurasikirwa, kutenda uye kuvimbika.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Rute akaratidza uchenjeri nokuwirirana naNaomi panguva yaakafirwa uye paaishungurudzika
[Mufananidzo uri papeji 24, 25]
“Vanhu venyu vachava vanhu vanguwo, naMwari wenyu Mwari wanguwo”
[Mufananidzo uri papeji 27]
Rute ainge akazvipira kuita basa rakaoma uye rakaderera kuti azviriritire iye naNaomi