RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Mukadzi Akanaka Kwazvo”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
    • 1, 2. (a) Rute akanga achiita basa rei? (b) Rute akaziva nezvezvinhu zvipi zvakanaka zvaiva muMutemo waMwari uye zvaiitwa nevanhu vake?

      RUTE akagwadama pedyo nemurwi wehura dzebhari dzaakanga aswera achiunganidza. Kwakanga kwava kusviba muminda yaiva muBhetrehema, uye vashandi vakawanda vakanga vava kutonanaira vakananga kugedhi reguta duku raiva pamusoro pechikomo chaiva pedyo. Rute anofanira kunge akanga arukutika, nokuti ainge ashanda kubva mangwanani. Kunyange zvakadaro akaramba achishanda, achipura hura dzacho kuti tsanga dzibude. Kunyange zvazvo basa racho rakanga rakaoma, rainge riri zuva rakanaka nokuti akawana zvaaisatombotarisira kuwana.

  • “Mukadzi Akanaka Kwazvo”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
    • 5, 6. (a) Rute akabudirira zvakadini pazuva rake rekutanga kuunganidza zvaisaririra mumunda maBhoazi? (b) Naomi akaita sei paakaona Rute?

      5 Panguva iyo Rute akanga apedza kupura bhari uye aiunganidza yose pamwe chete, akaona kuti akanga aunganidza inenge efa, kana kuti marita 22. Bhari yacho ingangodaro yairema makirogiramu 14! Zvichida akaisungira mujira ndokuitsiga pamusoro, ndokubva apinda munzira akananga kuBhetrehema kunze zvakwaisviba.—Rute 2:17.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe