-
“Kurwa ndokwaJehovha”Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2016 | Nha. 5
-
-
Zirume racho ndiGoriyati! Dhavhidhi akazoona chaiita kuti masoja atye. Goriyati aiva zihofori chairo uye airema kupfuura varume vaviri vakasimba. Aiva nezvombo zvakakura, uye aiva nyanzvi pakurwa. Aidaidzira nehasha uye chimbofungidzira inzwi rake richiita maungira mumakomo paaishora uto revaIsraeri namambo wavo Sauro. Akati kana paine munhu anoda kurwa naye ngaauye vapedzerane, poonekwa kuti ndevapi vakurirwa!—1 Samueri 17:4-10.
-
-
“Kurwa ndokwaJehovha”Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2016 | Nha. 5
-
-
Dhavhidhi akakurudzira mambo achiti: “Musarega chero munhu upi zvake achipera mwoyo.” Sauro neuto rake vakanga vapererwa. Zvimwe vakanga vari kuzvienzanisa nezirume iri ranga rakakura, vachizviona vachigumira muchiuno chake kana kuti pachipfuva. Vaitozviona vachitsakatiswa naGoriyati. Asi Dhavhidhi haana kuona saizvozvo. Akatozvipira kurwisa Goriyati.—1 Samueri 17:32.
-