Tevedzerai Kutenda Kwavo
Akanyengetera Kuna Mwari Achidurura Mwoyo Wake
HANA anotanga kuita twakawanda-wanda achigadzirira rwendo rwacho, kuitira kuti asaramba achifunga nezvedambudziko rake. Yaifanira kunge iri nguva inofadza; Erikana murume wake, aiva netsika yokuenda nemhuri yake yose gore negore kunonamata patebhenekeri kuShiro. Jehovha aida kuti nguva dzakadaro dzinakidze. (Dheuteronomio 16:15) Hapana mubvunzo kuti Hana ainakidzwa nemitambo iyi kubvira achiri muduku. Asi mumakore mashoma akanga apfuura zvinhu zvakanga zvamuchinjira.
Akanga akakomborerwa kuti aiva nomurume aimuda. Asi Erikana aiva nomumwe mukadzi ainzi Penina, uye zvaiita sokuti mukadzi uyu akanga aine chinangwa chokushungurudza Hana. Penina akanga awana nzira yokuita kuti mitambo iyi yaiitwa gore negore irwadze Hana zvikuru. Aizviita sei? Chinotokosha, kutenda kwaHana muna Jehovha kwakamubatsira sei kuti atsungirire zvaiita sokuti zvakanga zvisingatsungiririki? Kana iwe uri kutarisana nemamiriro ezvinhu ari kukushungurudza muupenyu, ungakurudzirwa nenyaya yaHana.
“Mwoyo Wako Unonetsekerei?”
Bhaibheri rinotaura nezvematambudziko makuru maviri aiva naHana. Rokutanga ane zvishoma zvaaikwanisa kuita nezvaro kwoti rechipiri hapana zvaaitombokwanisa kuita nezvaro. Chokutanga, aiva pabarika, uye mukadzinyina wake aimuvenga. Chechipiri, akanga asina mbereko. Kushaya mbereko idambudziko rinoomera mukadzi wose anenge achida kuva nevana; asi panguva yakararama Hana uye patsika yavo, chaiva chinhu chaishungurudza zvikuru. Mhuri yoga yoga yaitoti kuva nevana ndiko kwaizoita kuti zita remhuri risafa. Zvaiita sokuti kushaya mbereko chituko uye chinhu chainyadzisa.
Kudai aisashushwa naPenina, Hana angadai asina kunyanya kunetseka nezvedambudziko rake. Barika rakagara risinganakidzi. Pabarika vanhu vaigara vachingokwikwidzana, vachirwisana uye vachiudzana magaramwoyo. Tsika yacho yakanga yakasiyana chaizvo nourongwa hwaMwari hwokuva nomukadzi mumwe chete hwaakanga atanga mumunda weEdheni.a (Genesisi 2:24) Saka Bhaibheri hariratidzi kuti barika rakanaka, uye zvaiitika mumhuri yaErikana zvinonyatsoratidza kuti barika harina kunaka.
Unoonaka, Hana ndiye aiva nyachide waErikana. VaJudha vanoti waakatanga kuroora ndiHana, ndokuzoroora Penina kwatopera makore. Pasinei nokuti izvi ndezvechokwadi here kana kuti kwete, Penina, uyo aiitira Hana shanje chaizvo, akawana nzira dzakawanda dzokutambudza nadzo mukadzinyina wake. Chainyanya kuita kuti Penina aone seari nani pana Hana ndechokuti aiva nembereko. Penina akabereka vana vakawanda, uye pose paaibereka mumwe mwana zvaiita kuti azvikudze chaizvo. Pane kunzwira tsitsi Hana uye kumunyaradza panyaya iyi yaimuodza mwoyo, Penina aitoti ndazviwanira pano otomutsvinyira nenyaya iyoyo yaaiziva kuti yaimubata-bata. Bhaibheri rinoti Penina aimunetsawo kwazvo “achiitira kuti avhiringidzike.” (1 Samueri 1:6) Zvose izvi Penina aizviita nemaune. Aida kurwadzisa Hana, uye akabudirira.
Zvinoita sokuti pavaienda kunonamata kuShiro gore negore, Penina ndipo paaibva ati dzawira mutswanda. Erikana aipa mumwe nomumwe ‘wevanakomana nevanasikana vose’ vaPenina migove yezvibayiro zvaizopiwa Jehovha. Asi Hana aingopiwa mugove wake chete sezvo akanga asina mwana. Penina aibva azvikudza nezvazvo oyeuchidza Hana nezvokushaya mbereko kwake zvokuti mai nhiya imi Hana aibva atanga kuchema nokutotadza kudya. Zvaiva pachena kuna Erikana kuti nyachide wake Hana ane zvaimunetsa uye kuti akanga asiri kudya, saka akaedza kumunyaradza. Akamubvunza kuti: “Hana, unosvimhirei misodzi, unoregererei kudya, mwoyo wako unonetsekerei? Handisi nani kwauri kupfuura vanakomana gumi here?”—1 Samueri 1:4-8.
Erikana akaziva kuti kunetseka kwaiita Hana kwaikonzerwa nokushaya kwake mbereko. Uye Hana aida chaizvo kuvimbiswa kuti aidiwa.b Asi Erikana haana kumbotaura nezvoutsinye hwaPenina, uye nhoroondo yacho haina painomboratidza kuti Hana akamuudza nezvazvo. Zvichida akaona kuti kufumura Penina kwaizova kutozvisikira moto muziso. Erikana ane zvaaizochinja here? Izvi zvaisazoita kuti Penina atonyanya kuvenga Hana here, uye vana nevashandi vomukadzi uyu aimuvenga vaisazomutevedzerawo here? Izvi zvaitozongoita kuti Hana arambe achingoona sokuti aiva zambiringa munyemba pamba pake.
Pasinei nokuti Erikana ainyatsoziva here utsinye hwose hwaiitwa naPenina kana kuti aisaziva, Jehovha Mwari aizviona zvose. Shoko rake rinonyatsotaura zvose zvaiitika, richiyambira vose vaya vane shanje nevanoita utsinye. Asiwo, vanhu vasina mhosva uye vanoda zvorunyararo, vakaita saHana, vanogona kunyaradzwa nokuziva kuti Mwari wokururamisira achagadzirisa zvinhu zvose panguva yakamukodzera uye sezvaanoda iye. (Dheuteronomio 32:4) Zvichida Hana aizviziva, ndosaka akatsvaka kubatsirwa naJehovha.
‘Haana Kuzonetsekazve’
Ava mambakwedza, yainge yangova batai-batai mumba macho. Munhu wose, kusanganisira vana, vakanga vari kugadzirira rwendo. Mhuri yakakura yaifamba makiromita anopfuura 30 kuenda kuShiro ichipfuura nomunyika yaiva nezvikomo yeEfremu.c Netsoka, rwendo rwacho rwaigona kutora zuva rimwe kana maviri. Hana aiziva zvaizoitwa nomukadzinyina wake. Zvisinei, Hana haana kuda kusara kumba. Nezvaakaita izvi, akasiyira vanamati vaMwari mazuva ano muenzaniso wakanaka. Hatimbofaniri kuita kuti zvinokanganiswa nevamwe zvititadzise kunamata Mwari wedu. Kana tikadaro, tinozvitadzisa kuwana makomborero anotisimbisa kuti tirambe tichitsungirira.
Mhuri yacho yakakura yapedza zuva rose ichitenderera nomunzira dzomumakomo, yakazosvika pedyo nokuShiro. Yakagara pasi, pakakomo kaiva kakapoteredzwa nezvimwe zvikomo zvakati kwirirei. Pavakanga vava kusvika, Hana anofanira kunge aifungisisa nezvezvaaizonotaura kuna Jehovha achinyengetera. Mhuri yacho payakangosvika, yakabva yadya. Hana akasiya vamwe vose vachangosvika akaenda kutebhenekeri yaJehovha. Mupristi Mukuru Eri aivapo, akagara pedyo negwatidziro resuo retemberi. Asi Hana ainyanya kufunga nezvaMwari wake. Pano patebhenekeri, aiva nechivimbo chokuti aizonzwiwa. Chero dai vamwe vose vaizotadza kunzwisisa dambudziko rake, Baba vake vokudenga vaizomunzwisisa. Akakurirwa neshungu, misodzi ndiye mokoto mokoto.
Hana akadurura zviri pamwoyo pake kuna Jehovha achidedera nokuchema. Miromo yake yaidedera paaitaura nechomumwoyo achifunga mashoko anganyatsobudisa marwadzo ake. Akatora nguva refu achinyengetera, achidurura zviri pasi pomwoyo wake kuna Baba vake. Haana kungogumira pakukumbira Mwari kuti amupe mwana. Hana aida chaizvo kupawo Mwari zvaaigona kwete kungogamuchira makomborero chete. Saka akaita mhiko achiti kana akaita mwanakomana, achapa mwana wacho kuti ashumire Jehovha kwoupenyu hwose.—1 Samueri 1:9-11.
Saka zvakaitwa naHana muenzaniso wokuti vashumiri vose vaMwari vatevedzere pavanenge vachinyengetera. Jehovha anoda chaizvo kuti vanhu vataure zviri pamwoyo yavo vakasununguka, vachidurura zvose zviri pamwoyo yavo sezvinongoita mwana anovimba nevabereki vake vane rudo. (Pisarema 62:8; 1 VaTesaronika 5:17) Muapostora Petro akafuridzirwa kuti anyore mashoko aya anonyaradza nezvokunyengetera kuna Jehovha: ‘Kandai kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari, nokuti iye ane hanya nemi.’—1 Petro 5:7.
Vanhu havambonzwisisi uye havana tsitsi saJehovha. Hana paainyengetera misodzi ichiyerera, akashamiswa nemumwe munhu akataura. Akanga ari mupristi mukuru Eri, akanga ava nekanguva achimucherechedza. Akati: “Ucharamba wakadhakwa kusvikira rini? Pengenuka pawaini yako.” Eri akanga aona kudedera kwaiita miromo yaHana, kuchema kwaaiita uye kuratidza kushungurudzika kwaaiita. Pane kubvunza kuti chii chanetsa, akangomhanyira kuti akadhakwa.—1 Samueri 1:12-14.
Hana anofanira kunge akarwadziwa chaizvo kuti panguva yaaishungurudzika ndipo paakapomerwa nhema, uye zvinotonyanya kurwadza zvacho ndezvokuti aimupomera wacho akanga ari munhu airemekedzwa zvikuru. Kunyange hazvo zvakadaro, zvaakaita zvinoratidza kuti aiva nokutenda kwakasimba. Haana kubvumira kuti kutadza kwevanhu kuvhiringidze kunamata kwake Jehovha. Akapindura Eri noruremekedzo achibva atsanangura nyaya yake. Eri achiona kuti zvaaifunga handizvo, akabva amupindura zvinyoro-nyoro achiti: “Enda norugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe chikumbiro chako chawamukumbira.”—1 Samueri 1:15-17.
Hana akanzwa sei paakanga adurura mwoyo wake kuna Jehovha akamunamata patebhenekeri yake? Nyaya yacho inoti: “Mukadzi wacho akaenda, akadya, uye chiso chake hachina kuzonetsekazve.” (1 Samueri 1:18) Pandima ino Bhaibheri Rinoera rinoti: “Chiso chake chakanga chafarukana.” Mwoyo waHana wakagadzikana. Akaturira nhamo dzake kuna Baba vake vokudenga vane simba kudarika rake. (Pisarema 55:22) Pane dambudziko raungati harigonekwi naMwari here? Kwete, hapana chinomukunda.
Patinoona sokuti hatichagoni, zvatiremera ngatitevedzerei zvakaitwa naHana toudza Mwari takasununguka nokuti Bhaibheri rinomuti: “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2) Kana tikazviita tine kutenda, tinogona kupedzisira taona kuti kusurukirwa kwedu kuchatsiviwa ‘nerugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.’—VaFiripi 4:6, 7.
“Hakuna Dombo Rakafanana naMwari Wedu”
Mangwana acho mangwanani, Hana akadzokera kutebhenekeri naErikana. Kunenge kuti akanga amuudza nezvechikumbiro chake uye mhiko yake, nokuti Mutemo waMosesi waiti kana mudzimai akaita mhiko murume wake asingazvizivi, aigona kuita kuti isashande. (Numeri 30:10-15) Asi murume uyu akavimbika haana kudaro. Iye naHana vakatonamata Jehovha patebhenekeri vasati vadzokera kumba.
Penina akazoziva rini kuti zvokutsvinyira Hana zvakanga zvisingachashandi? Nhoroondo yacho haitauri, asi mashoko okuti ‘haana kuzonetsekazve’ anoratidza kuti kubvira ipapo Hana akanga ava kufara. Chero zvazvingava, Penina akazoona kuti kutsvinya kwaaiitahapana zvakwaibatsira. Ndipo pokupedzisira kunzwa nezvezita rake muBhaibheri.
Mwedzi payakapindana, kugadzikana kwepfungwa dzaHana kwakaita kuti afare. Akava nepamuviri. Kufara kwake hakuna kuita kuti amboti kanganwei nezvekwaibva makomborero aya. Mwanakomana wacho paakazvarwa, akamutumidza zita rokuti Samueri, rinoreva kuti “Zita raMwari,” uye zviri pachena kuti rinoreva kudana pazita raMwari pachake sezvakamboitwa naHana. Gore iroro haana kuenda kuShiro naErikana pamwe nevamwe vomumhuri. Akasara kumba achirera mwana kwemakore matatu kusvikira arumurwa. Akabva azvishingisa kuti aende kutemberi achiitira kunosiya mwanakomana wake waaida.
Zviri pachena kuti kuparadzana ikoko kwakanga kusiri nyore. Ichokwadi hacho kuti Hana aiziva kuti Samueri aizonyatsotarisirwa kuShiro, zvichida nevamwe vakadzi vakanga vachishanda patebhenekeri. Kunyange zvakadaro, mwana akanga achiri muduku, uye sezvatinoziva hapana amai vasingadi kugara nemwana wavo. Pasinei nezvose izvi, Hana naErikana vakauya nemwanakoma uyu, vasingamanikidzwi asi vachitofara. Vakapa zvibayiro paimba yaMwari, uye vakasiya Samueri kuna Eri, vakamuyeuchidza nezvemhiko yakanga yaitwa naHana makore matatu akanga adarika.
Hana akaita munyengetero uyo Mwari akaona zvakakodzera kuti unyorwe muShoko rake rakafuridzirwa. Sezvaunoverenga mashoko ake akanyorwa pana 1 Samueri 2:1-10, uchaona kuti mumutsetse mumwe nomumwe munoratidza kutenda kwakasimba kwaaiva nakwo. Akarumbidza Jehovha pamusana pokushandisa kwake simba rake rinoshamisa, kukwanisa kwake kuninipisa vanhu vanozvikudza, kuropafadza vanodzvinyirirwa, uye kugumisa upenyu kana kuti kununura munhu parufu. Akarumbidza Baba vake pamusana poutsvene hwavo husina anoenzana nahwo, kururamisira kwavanoita uye kuvimbika kwavo. Zvakanga zvakakodzera kuti Hana ati: “Hakuna dombo rakafanana naMwari wedu.” Jehovha akakodzera kuvimbwa naye, haachinji-chinji, uye inzvimbo yokuvanda kune vaya vanodzvinyirirwa uye anobatsira vaya vanomunamata.
Samueri akanga akakomborerwa chaizvo kuva naamai vaiva nokutenda kwakasimba muna Jehovha. Kunyange hazvo akasurukirwa nokusava navo paaikura, haana kumboona sokuti vamukanganwa. Gore negore, Hana aiuya kuShiro, achiuya nejasi duku risina maoko kuitira kuti Samueri agoshandisa patebhenekeri. Hana pachake akasona jasi iri kuratidza kuda kwaaiita mwana wake. (1 Samueri 2:19) Imbofungidzira Hana achipfekedza Samueri jasi idzva, achirigadziridza kuti rimire zvakanaka, achimutarisa kuratidza kumuda paanenge achitaura naye mashoko anokurudzira. Zvechokwadi Samueri akanga akakomborerwa kuva naamai vakadai, uye kukura kwake akafadza vabereki vake pamwe chete nevaIsraeri vose.
Mwari haana kubva achikanganwa Hana. Jehovha akamukomborera nokumupa mbereko, akaberekera Erikana vamwe vana vashanu. (1 Samueri 2:21) Zvimwe chikomborero chikuru pane zvose zvakawanikwa naHana ushamwari hwaakaita naBaba vake Jehovha, uhwo hwakaramba huchikura nokupindana kwemakore. Dai iwewo ukatevedzera kutenda kwaHana.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida kuona kuti sei Mwari akamborega vanhu vachiita barika kwekanguva, ona nyaya inoti “Mwari Anobvumira Barika Here?” iri papeji 30 yeNharireyomurindi yaJuly 1, 2009.
b Kunyange zvazvo nhoroondo yacho ichiti Jehovha akanga ‘avhara chibereko chaHana,’ hapana chinoratidza kuti Mwari akanga asingafariri mukadzi uyu aizvininipisa uye akanga akatendeka. (1 Samueri 1:5) Dzimwe nguva Bhaibheri rinoti Mwari ndiye aita zvinhu asi iye anenge angozvirega zvichiitika kwekanguva.
c Kureba kworwendo rwacho kuri kutorerwa pakuti taundi rokumusha kwaErikana reRama, rinofanira kunge riri iro nzvimbo yainzi Arimatiya mumazuva aJesu.
[Bhokisi riri papeji 17]
Minyengetero Miviri Yakanakisisa
Minyengetero miviri yakaitwa naHana yakanyorwa muna 1 Samueri 1:11 uye 1 Samueri 2:1-10, ine zvinhu zvakanakisisa zvirimo. Ngatimbokurukurai zvishoma zvacho:
◼ Hana akanyengetera minyengetero yake miviri yokutanga kuna “Jehovha wemauto.” Ndiye munhu wokutanga pane vanotaurwa nezvavo muBhaibheri akashandisa mashoko iwayo. Mashoko aya anowanikwa ka503 muBhaibheri reShanduro Yenyika Itsva uye anenge achireva kuti Mwari anopa mitemo kuuto rengirozi dziri kudenga.
◼ Cherechedza kuti Hana akanyengetera munyengetero wake wechipiri, kwete mwana azvarwa asi pavakanga vachipa mwana wacho kuti ashandire Mwari kuShiro. Saka mufaro waHana waibva pakukomborerwa naJehovha kwete pakushayisa Penina chokutaura.
◼ Hana paakati, “Chokwadi simba rangu rinokwidziridzwa nokuda kwaJehovha,” kunenge kuti akanga achifunga nezvenzombe ine simba inenge ichiita basa. Kutaura zvazviri Hana akanga achiti: ‘Jehovha munondisimbisa.’—1 Samueri 2:1.
◼ Mashoko aHana nezve“muzodziwa” waMwari ane zvaaireva zvaizozadzika mune remangwana. Shoko racho rakafanana nerinoreva kuti “mesiya,” uye muBhaibheri Hana ndiye akatanga kurishandisa achireva mambo akazodzwa aizouya.—1 Samueri 2:10.
◼ Papera makore anenge 1 000, mai vaJesu, Mariya, vakataura mamwe mashoko akada kufanana neaHana vachirumbidza Jehovha.—Ruka 1:46-55.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kushaya mbereko kwaishungurudza Hana chaizvo, uye Penina akatoita zvose zvaaigona kuti awedzere kurwadzisa Hana
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Ungakwanisa kutevedzera muenzaniso waHana wokunyengetera zvichibva pamwoyo here?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kunyange hazvo Eri akamufungira zvisizvo, Hana haana kumugumbukira