Tevedzera Kutenda Kwavo
Zvaakaita Zvairatidza Kungwara
ABHIGAIRI akaona kutya kwaiita jaya racho. Jaya racho raitya—uye raifanira kutya. Gava rakanga radambura musungo. Panguva iyoyo, varwi 400 vakanga vari kuuya, vachida kuita kanyama-kanyama murume wose wemuimba yaNabhari, murume waAbhigairi. Nei?
Nabhari ndiye aiva muparanzvongo. Semagariro ake, akanga aita utsinye. Zvisinei, iye zvino akanga adenha mago—akanga adenha mutungamiriri aidiwa weboka revarwi vakadzidziswa uye vakavimbika. Iye zvino, rimwe jaya raishandira Nabhari, zvimwe raiva mufudzi, rakauya kuna Abhigairi, richivimba kuti aizowana zano rokununura varume vemuimba yaNabhari. Asi mukadziwo zvake aizokwanisa kuitei kumauto?
Chokutanga, ngatimboonai kuti mukadzi anoshamisa uyu akanga akaita sei. Abhigairi aiva ani? Tsekwende iyi yakanga yambotanga sei? Uye tinodzidzei kumuenzaniso wake wokutenda?
“Akanga Akangwara Uye Aine Chimiro Chakanaka”
Abhigairi naNabhari vakanga vasingamboenderani. Nabhari akanga azviwanira mudzimai akanaka, asi Abhigairi akanga aroorwa nemunhu akanga asingaiti. Kunyange zvakadaro, murume wacho yaiva shoroma. Saka aizvitorera padenga, asi vamwe vaimuona sei? Hapana mumwe munhu anonyombwa muBhaibheri kupfuura iye. Zita rake chairo rinoreva kuti “Munhu asina musoro,” kana kuti “Benzi.” Vabereki vake vakamutumidza paakaberekwa here kana kuti rakanga riri rokunemera pamusana peunhu hwake? Chero zvazvingava, zita iri rakanga rakamukodzera. Nabhari “akanga aine hasha uye akaipa pamabasa ake.” Aiva mushushi uye ari musiyadzasukwa, aityiwa zvikuru uye akanga asingafarirwi.—1 Samueri 25:2, 3, 17, 21, 25.
Abhigairi akanga akasiyana zvikuru naye. Zita rake rinoreva kuti “Baba Vangu Vazvifadza.” Vanababa vakawanda vanodada nokuva nevana vanenge vari tsvarakadenga, asi baba vakachenjera vanotonyanya kufara kana mwana wavo akanaka mumwoyo. Kakawanda, munhu akanaka kunze anotadza kuona kuti anofanira kuva neunhu hwakadai seuchenjeri, kunzwisisa, ushingi kana kuti kutenda. Asi Abhigairi akanga asina kudaro. Bhaibheri rinoti “akanga akangwara uye aine chimiro chakanaka.”—1 Samueri 25:3.
Vamwe vangashamisika kuti nei mukadzi wechiduku uyu akangwara akaroorwa nebenzi zvaro. Yeuka kuti munguva dzemuBhaibheri vabereki ndivo vairongera vana vavo wokuroorana naye. Kana vabereki vakasaronga vari ivo, kubvumirana kwavo nazvo kwaikosheswa zvikuru. Vabereki vaAbhigairi vaida here kuti aroorwe naNabhari, kana kuti ndivo vakanga vazvironga, nokuti vakanga vaona mari uye mukurumbira waNabhari? Urombo here hwakaita kuti vadaro? Chero zvazvaive, mari yaNabhari haina kuita kuti ave murume kwaye.
Vabereki vakachenjera vanonyatsodzidzisa vana vavo kuti varemekedze imba. Havakurudziri vana vavo kuti varoorane nemunhu nokuti ane mari kana kuvamanikidza kutsvaka munhu wokudanana naye vachiri vaduku zvokuti vanenge vasingakwanisi kuita mabasa uye kufunga sevanhu vakuru. (1 VaKorinde 7:36) Zvisinei, zvakanga zvisingachabatsiri kuti Abhigairi arambe achifunga nezvazvo. Chero zvakaitika, akaroorwa naNabhari, uye akanga akatsunga kuita zvaaikwanisa muimba yakanga yakaoma.
“Adzituka Kwazvo”
Nabhari akanga awedzera kuti zvinhu zviipire Abhigairi. Murume waakanga atuka ndiDhavhidhi. Uyu akanga ari mushumiri akavimbika waJehovha akanga azodzwa nomuprofita Samueri, achiratidza kuti Dhavhidhi akanga asarudzwa naMwari kuti ave mambo kana Sauro abva. (1 Samueri 16:1, 2, 11-13) Paaitiza Mambo Sauro aiva negodo uye aiva mhondi, Dhavhidhi aigara musango aine varwi vakavimbika 600.
Nabhari aigara kuMaoni asi aishandira munzvimbo yaiva pedyo yeKameri uye zvimwe aiva nemunda imomo.a Mataundi aya aiita kuti zvive nyore kuenda kumafuro aive munzvimbo dzakakwirira dzaive dzakanakira kupfuya makwai, uye Nabhari aiva nemakwai 3 000. Zvisinei, nzvimbo yaive yakapoteredza yakanga isina kurimwa. Kumaodzanyemba ndiko kwaiva nerenje reParani. Nechokumabvazuva, mugwagwa waienda kuGungwa Rine Munyu waipfuura nemunzvimbo yakanga isina miti iine makoronga nemapako. Dhavhidhi nevarume vake pavaiva munzvimbo iyi vaisararama zviri nyore, zviri pachena kuti vaivhima kuti vawane zvokudya uye pane zvaive zvakaoma zvavaitsungirira. Kakawanda vaisangana nevakomana vaifudza zvipfuwo zvomupfumi Nabhari.
Masoja iwayo aishanda nesimba aibata sei vafudzi ava? Zvaiva nyore kuti vapote vachiba mamwe makwai acho, asi havana kumbodaro. Pane kudaro, vaitodzivirira makwai aNabhari uye varanda vake. (1 Samueri 25:15, 16) Pane ngozi dzakawanda dzaigona kuwira makwai uye nevafudzi vacho. Zvikara zvairura zvaive zvakawanda panguva iyoyo. Vakanga vari pedyo nemuganhu weIsraeri wekumaodzanyemba, saka mbavha dzokune dzimwe nyika dzaigara dzichiedza kuba.b
Rinofanira kuva basa raiva rakaoma kutsvaka zvokudya zvevarume ivavo murenje. Saka rimwe zuva Dhavhidhi akatuma varume gumi kuna Nabhari kuti vakumbire kubatsirwa. Dhavhidhi akasarudza nokuchenjera nguva yokukumbira. Paiva panguva yomutambo wokuveura makwai, uye zvaive zvakajairika kuti vanhu varatidze mutsa uye vaite mabiko. Dhavhidhi akakumbira achishandisa mashoko okuremekedza. Akazviti “mwanakomana wako Dhavhidhi,” zvimwe achimuremekedza achiratidza kuti Nabhari aiva mukuru. Nabhari akati chii?—1 Samueri 25:5-8.
Akashatiriswa zvikuru! Jaya rambotaurwa kunotangira nyaya ino paraitsanangurira Abhigairi rakati ‘atuka kwazvo’ nhume dzacho. Nabhari nokunyima kwake akanyunyutira zvinhu zvake zvaikosha zvaiti chingwa, mvura, uye nyama. Akatuka Dhavhidhi achiti akanga asina basa uye akamufananidza nemuranda akanga atiza. Maonero aiva naNabhari anenge aive akafanana neaSauro, uyo aivenga Dhavhidhi. Vari vaviri vakanga vasina maonero aJehovha. Mwari aida Dhavhidhi uye aimuona semunhu aizova mambo weIsraeri, kwete somuranda akanga apanduka.—1 Samueri 25:10, 11, 14.
Nhume dzaDhavhidhi padzakamuudza zvakanga zvataurwa, akatsamwa zvikuru. Akarayira kuti, “Munhu wose ngaasungirire bakatwa rake!” Dhavhidhi akatora zvombo, ndokutungamirira varume 400 kuti vanorwa. Akapika kuti aizotsvaira murume wose wemuimba yaNabhari. (1 Samueri 25:12, 13, 21, 22) Kutsamwa kwaDhavhidhi kwainzwisisika, asi zvaakanga ava kuda kuita ndizvo zvaiva zvakaipa. Bhaibheri rinoti: “Hasha dzomunhu hadziiti kuti pave nokururama kwaMwari.” (Jakobho 1:20) Zvisinei, Abhigairi aizoponesa sei imba yake?
“Kuchenjera Kwako Ngakukomborerwe”
Tatoona Abhigairi achitora danho rokutanga kugadzirisa dambudziko rakakura zvikuru. Kusiyana nomurume wake Nabhari, akaratidza kuti aida kuteerera. Jaya rakataura nezvaNabhari richiti: “Akanyanya kuva munhu pasina kuti titaure naye.”c (1 Samueri 25:17) Zvinosuruvarisa kuti kuzvitorera padenga kwaiita Nabhari kwakaita kuti asada kuteerera vamwe. Kuzvikudza kwakadaro kwakapararira kusvikira nhasi uno. Jaya iri raiziva kuti Abhigairi akanga asina kudaro, ndokusaka rakaenda kunomuudza nezvedambudziko racho.
Abhigairi akakurumidza kufunga ndokubva azviita. Tinoverenga kuti, “Abhigairi akabva achimbidza.” Kanokwana kana tinoona munyaya iyi muchishandiswa shoko rechiito rokuti ‘kuchimbidza’ richishandiswa pamukadzi uyu. Akagadzira chipo chomutsa kuna Dhavhidhi nevarume vake. Akaisa chingwa, waini, makwai, zviyo zvakakangwa, nemakeke emazambiringa, nemakeke emaonde. Zviri pachena kuti Abhigairi ainyatsoziva zvaaiva nazvo uye kuti ainyatsoita mabasa ake epamba, sezvinongoitwa nemukadzi anokwanisa anozotsanangurwa mubhuku reZvirevo. (Zvirevo 31:10-31) Akafanotumira zvinhu izvi nevamwe varanda vake, iye ndokuzotevera ari oga. Tinoverenga kuti, “Asi haana zvaakaudza murume wake Nabhari.”—1 Samueri 25:18, 19.
Izvi zvinoreva here kuti Abhigairi akanga ari kupandukira kodzero dzomurume wake dzokuva musoro wemba? Kwete. Nabhari akanga aitira zvakaipa mushumiri akazodzwa waJehovha zvokuti zvaigona kuguma nokufa kwevanhu veimba yaNabhari vakanga vasina mhosva. Kudai Abhigairi aizongopeta maoko, aizovawo here nemhosva pamwe chete nomurume wake? Chero zvaizoitika, iye akakoshesa kuzviisa pasi paMwari pane kuzviisa pasi pemurume wake.
Pasina nguva Abhigairi akasangana naDhavhidhi nevarume vake. Akabva achimbidzazve, iye zvino kwaiva kuburuka pambongoro yake uye kuzvininipisa pamberi paDhavhidhi. (1 Samueri 25:20, 23) Ndokubva ataura manzwiro aiva pamwoyo pake, achikumbira kunzwirwa tsitsi iye neimba yake uye nemurume wake. Chii chakaita kuti mashoko ake asvike pamwoyo?
Akazvipa mhosva uye akakumbira kuti aregererwe iye naDhavhidhi. Akabvuma zvechokwadi kuti murume wake raiva benzi sezvaingoreva zita rake, zvimwe zvichireva kuti Dhavhidhi nokuremekedzwa kwaaiva nako aisafanira kuranga munhu akadaro. Akaratidza kuti aivimba naDhavhidhi somumiririri waJehovha, achibvuma kuti Dhavhidhi airwa “hondo dzaJehovha.” Akaratidzawo kuti aiziva zvakanga zvavimbiswa naJehovha kuna Dhavhidhi uye nezvoumambo, nokuti akati: “Jehovha . . . achakurayirai kuti muve mutungamiriri waIsraeri.” Uye akakurudzira Dhavhidhi kuti asaita zvinhu zvaizomupa mhosva yeropa kana kuti ‘zvizomudzungaidza’—zviri pachena kuti zvaireva kuzonetswa nehana. (1 Samueri 25:24-31) Chokwadi aya aiva mashoko aibaya mwoyo!
Dhavhidhi akaita sei? Akatambira zvakanga zvaunzwa naAbhigairi ndokuti: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, akutuma nhasi kuti usangane neni! Kuchenjera kwako ngakukomborerwe, uye komborerwa iwe wandidzivisa nhasi kuti ndirege kuva nemhosva yeropa.” Dhavhidhi akamurumbidza nokuti akaratidza ushingi hwekukurumidza kuzosangana naye, uye akabvuma kuti Abhigairi akanga amudzivisa kuti asawana mhosva yeropa. Akabva amuudza kuti: “Enda kumba kwako norugare,” achizvininipisa akabvuma kuti: “Ona, ndateerera inzwi rako.”—1 Samueri 25:32-35.
“Heuno Murandasikana Wenyu”
Vaparadzana, Abhigairi aingofunga nezvokusangana kwakanga kwaitika; uye aingofunga nezvokusiyana kwakanga kwakaita Dhavhidhi munhu aiva nemutsa akavimbika nebenzi rakanga rakamuroora. Asi haana kuramba achifunga nezvazvo. Tinoverenga kuti: “Gare gare Abhigairi akapinda maiva naNabhari.” Hungu, akadzokera kumurume wake akatsunga kuramba ari mudzimai wake achiita zvaaikwanisa. Aifanira kumuudza nezvechipo chaakanga apa Dhavhidhi nevarume vake. Murume wacho aifanira kuzviziva. Abhigairi aifanirawo kumuudza nezvengozi yakanga yadziviswa kuti iitike, kuitira kuti Nabhari asanyara kana mumwe munhu aizotangira mukadzi wake kumuudza. Zvisinei haana kukwanisa kumuudza panguva iyi. Akanga ari kufara samambo uye akanga akapera nokudhakwa.—1 Samueri 25:36.
Akaratidzazve ushingi uye kuchenjera, akamirira kuti azomuudza mangwana acho paainge asisina kudhakwa. Ainge asisina kudhakwa uye aizomunzwisisa, asi zvaive zvakanyanya kuipa ndezvokuti aigona kukurumidza kutsamwa. Asi, akangoenda kwaari akamuudza nyaya yacho yose. Hapana mubvunzo kuti Abhigairi aitarisira kuti aizoputika nehasha, zvimwe kusvika pakutoda zvokurwa. Asi, akangogara pasi asina zvaaiita, asingapfakanyiki.—1 Samueri 25:37.
Chii chakanga chaitika kumurume uyu? “Mwoyo wake ukava wakafa mukati make, iye akaita sedombo.” Pamwe akanga aita sitiroko. Zvisinei, akaenda kwamupfiganebwe papera mazuva gumi—uye akanga asina kurwara. “Jehovha akabva arova Nabhari, zvokuti akafa.” (1 Samueri 25:38) Nokuurayiwa kwakakodzera kwaakaitwa, Abhigairi akanga asununguka. Kunyange zvazvo Jehovha asingapindiri achiuraya nenzira inoshamisa, nyaya iyi inonyatsotiyeuchidza kuti hapana udzvinyiriri hwemumba kana kuti kusabatwa zvakanaka zvaangatadza kuona. Panguva yake, haazoregi kururamisa zvinhu.
Kunze kwokusunungurwa pamurume akanga akaipa, Abhigairi akanga aine chimwe chikomborero. Paakaziva kuti Nabhari akanga afa, Dhavhidhi akatuma vanhu kunokumbira kuti amuroore. Abhigairi akapindura achiti, “Heuno murandasikana wenyu kuti ave mushandikadzi wokuti ageze tsoka dzevashandi vashe wangu.” Zviri pachena kuti haana kuzvikudza achiti aizova mukadzi waDhavhidhi; akatoti aida kuva muranda wevaranda vaDhavhidhi! Zvadaro tinoverengazve nezvokuchimbidza kwake, iye zvino achigadzirira kuenda kuna Dhavhidhi.—1 Samueri 25:39-42.
Izvi zvakanga zvisingarevi kuti zvinetso zvake zvakanga zvapera; upenyu hwaAbhigairi naDhavhidhi hwaisazongova mutserendende. Dhavhidhi akanga atoroora Ahinoamu, uye kuroorwa pabarika kwakanga kwakaomera vakadzi vakavimbika kare ikako.d Uye Dhavhidhi akanga asati ava mambo; paizova nezvinetso uye matambudziko zvaaizofanira kukunda asati atanga kushumira Jehovha samambo. Asi Abhigairi paaibatsira nokutsigira Dhavhidhi, achizomuberekera mwanakomana, akaona kuti akanga aine murume aimukoshesa uye aimudzivirira. Pane imwe nguva Dhavhidhi akatomununura kubva kuvanhu vakanga vamutora nechisimba! (1 Samueri 30:1-19) Saka Dhavhidhi akatevedzera Jehovha Mwari, uyo anoda uye anokoshesa vakadzi vakangwara, vane ushingi uye vakavimbika kudaro.
[Mashoko Omuzasi]
a Iri iguta raiva kumucheto kwerenje rokumaodzanyemba kwete Gomo reKameri rinozivikanwa zvikuru raiva kure zvikuru riri nechokuchamhembe.
b Zvimwe Dhavhidhi ainzwisisa kuti kudzivirira vagari vomunzvimbo iyi uye zvipfuwo zvavo kwaiva kushumira Jehovha Mwari. Mumazuva iwayo, Jehovha aiva nechinangwa chokuti vanhu vedzinza raAbrahamu, Isaka naJakobho vagare munyika iyoyo. Kuidzivirira kuvanhu vedzimwe nyika vaipinda nechisimba uye vaida kuba raiva basa dzvene.
c Mashoko akashandiswa nejaya iri kana akatorwa shoko neshoko anenge achireva kuti “mwanakomana wabheriari (munhu asingakoshi).” Dzimwe shanduro dzeBhaibheri pamutsetse uyu dzinotsanangurawo Nabhari semurume “akanga asingateereri chero ani zvake” uye dzogumisa dzichiti, “hazvibatsiri kutaura naye.”
d Ona nyaya inoti “Mwari Anobvumira Barika Here?” iri papeji 30.
[Mufananidzo uri papeji 19]
Kusiyana nomurume wake, Abhigairi aigona kuteerera vamwe
[Mufananidzo uri papeji 20]
Abhigairi akazvininipisa, akaratidza ushingi uye kungwara paaitaura naDhavhidhi