-
Akaratidza KungwaraTevedzera Kutenda Kwavo
-
-
CHITSAUKO 9
Akaratidza Kungwara
1-3. (a) Imba yaAbhigairi yakanga yava pedyo nokupinda mutsekwende sei? (b) Tichadzidzei nezvemukadzi uyu anoshamisa?
ABHIGAIRI akaona kuti jaya racho rakanga richitya. Rakanga ravhundutswa uye raiva nechikonzero chakanaka chokudaro. Vanhu vakanga vava pedyo nokupinda mutsekwende. Panguva iyoyo chaiyo, varwi vanenge 400 vakanga vari munzira, vakatsunga kuuraya munhu wese wechirume weimba yaNabhari, murume waAbhigairi. Nemhaka yei?
2 Nabhari ndiye akanga akonzera zvose izvozvo. Akanga aita utsinye uye aratidza kusindimara sezvaakanga agara achiita. Zvisinei, panguva ino, akanga atsvinyira munhu asiri iye—mutungamiriri aidiwa weboka remauto rakavimbika rakanyatsodzidziswa basa. Iye zvino, mumwe wevashandi vechiduku vaNabhari, zvichida mufudzi, akauya kuna Abhigairi, aine chivimbo chokuti Abhigairi aizofunga zano rokuponesa imba yaNabhari. Asi mukadzi mumwe chete aizoitei neuto?
Mukadzi mumwe chete aizoitei neuto?
-
-
Akaratidza KungwaraTevedzera Kutenda Kwavo
-
-
‘Iye Avatuka Kwazvo’
8. Nabhari akanga atsvinyira ani, uye nei ungati uku kwaisava kuchenjera?
8 Nabhari akanga achangobva kuita kuti zvinhu zviomere Abhigairi kupfuura zvaaimboita. Murume waakanga atsvinyira aiva Dhavhidhi. Uyu aiva mushumiri akatendeka waJehovha uyo akanga azodzwa nemuprofita Samueri, zvichiratidza kuti Dhavhidhi akanga asarudzwa naMwari kuti atsive Sauro pakuva mambo. (1 Sam. 16:1, 2, 11-13) Paaitiza Mambo Sauro aiva negodo uye aida kumuuraya, Dhavhidhi aigara musango aine varwi vake vakatendeka 600.
-
-
Akaratidza KungwaraTevedzera Kutenda Kwavo
-
-
12 Akaviruka nehasha! Jaya rambotaurwa patangira nyaya ino rakarondedzera chiitiko chacho kuna Abhigairi richiti Nabhari ‘avatuka kwazvo.’ Nabhari uyo akanga akaomera akagunun’una zvinonzwika nezvechingwa chake, mvura yake, nenyama yake izvo zvaikosha kwaari. Akatsvinyira Dhavhidhi semunhu asingakoshi uye akamuenzanisa nemuranda akanga atiza. Maonero aNabhari angangodaro aiva akafanana neaSauro, uyo aivenga Dhavhidhi. Varume vacho vari vaviri vaiva nemaonero akasiyana neaJehovha. Mwari aida Dhavhidhi uye aimuona samambo waIsraeri womunguva yemberi kwete somuranda akapanduka.—1 Sam. 25:10, 11, 14.
-
-
Akaratidza KungwaraTevedzera Kutenda Kwavo
-
-
14. (a) Kuti agadzirise chikanganiso chakanga chaitwa naNabhari, Abhigairi akatora danho rokutanga munzira ipi? (b) Tingadzidzei pakusiyana kwakaita Nabhari naAbhigairi? (Onawo mashoko omuzasi.)
14 Munzira yakati, tatoona Abhigairi achitora danho rokutanga pakugadzirisa chikanganiso ichi chakakura. Kusiyana nemurume wake, Nabhari, Abhigairi akaratidza kuti aida kuteerera. Kana zviri zvokuudza Nabhari nezvenyaya yacho, mushandi wacho akati nezvake: “Akanyanya kuva munhu pasina kuti titaure naye.”c (1 Sam. 25:17) Zvinosuruvarisa kuti kuzvionera padenga kwaiita Nabhari kwakaita kuti asada kuteerera. Kuzvikudza kwakadaro kwakanyanya kunyange mazuva ano. Asi jaya racho raiziva kuti Abhigairi akanga akasiyana, izvo pasina mubvunzo zvakaita kuti riende kwaari nedambudziko iri.
Kusiyana naNabhari, Abhigairi akaratidza kuti aida kuteerera
-