Swedera Pedyo naMwari
“Mwoyo Wakaputsika Nowakapwanyika” Paunenge Uchida Kukanganwirwa
TOSE tinotadza kazhinji. Pasinei nokuti tinozvidemba zvakadini, tinganetseka kuti: ‘Mwari anonzwa here kunyengetera kwandinoita nomwoyo wose ndichiratidza kuti ndapfidza? Achandikanganwira here?’ Bhaibheri rinodzidzisa chokwadi chinozorodza chokuti: Kunyange zvazvo Jehovha asingaoni chivi sechinhu chisina basa, anoda kukanganwira mutadzi anenge apfidza. Izvi zvakanyatsooneka pane zvakaitika kuna Mambo Dhavhidhi weIsraeri yakare, sezviri pana 2 Samueri chitsauko 12.
Imbofungidzira zvakaitika. Dhavhidhi akaita zvivi zvakakura. Akaita upombwe naBhati-shebha, uye paakaedza kuvanza chivi chacho zvikakundikana, akaronga kuti murume wake aurayiwe. Dhavhidhi haana kumboti bufu nezvezvivi zvake, achiita semunhu asina zvaaita kwemwedzi inoverengeka. Zvisinei, Jehovha aizviona. Akaona zvivi zvaDhavhidhi. Asi akaonawo kuti Dhavhidhi aigona kupfidza. (Zvirevo 17:3) Jehovha aizoitei?
Jehovha anotumira muprofita Natani kuna Dhavhidhi. (Ndima 1) Achitungamirirwa nomudzimu mutsvene, Natani anotaura namambo achingwarira kuti asamugumbura. Angabatsira sei Dhavhidhi kuti aone kuti ari kuzvinyengera uye aone kukura kwakaita zvivi zvake?
Natani anoudza Dhavhidhi imwe nyaya yaane chokwadi kuti ichanyatsosvika pamwoyo pomurume uyu aimbova mufudzi, achiitira kuti Dhavhidhi asavhara nyaya yake. Nyaya yacho ndeyevarume vaviri, mupfumi nomurombo. Mupfumi aiva “nemakwai nemombe zvizhinji,” asi murombo aiva ne“gwayana gadzi rimwe chete.” Mupfumi akasvikirwa nomuenzi uye aida kumubikira zvokudya. Pane kuti atore rimwe pamakwai ake, akatora gwayana rimwe chete romurombo. Achifunga kuti nyaya yacho ndeyechokwadi, Dhavhidhi anoputika nehasha obva ati: “Munhu akaita izvi anofanira kufa!” Sei achidaro? Dhavhidhi anotsanangura kuti: “Nokuti haana kunzwa tsitsi.”a—Ndima 2-6.
Nyaya yaNatani yabudirira. Chokwadi, Dhavhidhi anozvipa mhosva. Zvino Natani anomuudza pachena kuti: “Imi ndimi munhu wacho!” (Ndima 7) Natani paanotaura achimiririra Mwari, zviri pachena kuti Jehovha anotora zvaitwa naDhavhidhi sokuti zvaitirwa iye. Paanoputsa mitemo yaMwari, Dhavhidhi anoratidza kusaremekedza Mwari akapa mitemo yacho. Mwari anoti, “Wakandizvidza.” (Ndima 10) Abayiwa mwoyo nokutsiurwa ikoko kunorwadza, Dhavhidhi anoreurura achiti: “Ndakatadzira Jehovha.” Natani anovimbisa Dhavhidhi kuti Jehovha anomukanganwira, asi achakohwa zvaakadyara.—Ndima 13, 14.
Chivi chake pachakabudiswa pachena, Dhavhidhi akabva anyora mashoko atava kuwana pana Pisarema 51. Mupisarema iroro, Dhavhidhi anotaura zvose zviri mumwoyo make, achiratidza kuti apfidza zvechokwadi. Zvivi zvakaitwa naDhadhivhi zvakaita kuti azvidze Jehovha. Asi mambo uyu akanga apfidza paakangokanganwirwa naMwari, akati nezvaJehovha: “Haiwa Mwari, hamuzozvidzi mwoyo wakaputsika nowakapwanyika.” (Pisarema 51:17) Hapana mashoko anganyaradza mutadzi anopfidza anenge achida kunzwirwa ngoni naJehovha kupfuura aya.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uratidze kuti wagamuchira muenzi zvakanaka, waimubikira gwayana. Asi kuba gwayana yaiva mhosva, yaifanira kuripwa nemakwayana mana. (Eksodho 22:1) Dhavhidhi akaona kuti murume wacho haana kuratidza tsitsi paakatora gwayana. Akatadzisa murombo wacho kuva nemhuka yaizoita kuti mhuri yake iwane mukaka nemvere dzemakwai uye ingadai yakazobereka akaguma ava nemakwai akawanda.