-
Chirikadzi yeZarefati Yakapiwa Mubayiro Nokuti Yaiva NokutendaNharireyomurindi—2014 | February 15
-
-
Jehovha ainge ataura kuti mvura yaizotora nguva yakareba isina kunaya muumambo hwaAhabhi, mambo akaipa waIsraeri. Eriya paakataura nezvekusanaya kwemvura, Mwari akaita kuti avande Ahabhi uye akaita chishamiso chokuti makunguo amuunzire chingwa nenyama. Jehovha akabva audza Eriya kuti: “Simuka, enda kuZarefati, reSidhoni, ugare ikoko. Tarira! Ndicharayira mumwe mukadzi ari ikoko, chirikadzi, kuti akupe zvokudya.”—1 Madz. 17:1-9.
-
-
Chirikadzi yeZarefati Yakapiwa Mubayiro Nokuti Yaiva NokutendaNharireyomurindi—2014 | February 15
-
-
Chirikadzi iyi yakaziva kuti Eriya aiva muIsraeri aitya Mwari. Izvi zvinoratidzwa nemashoko ayo okuti “naJehovha Mwari wenyu mupenyu.” Zvinoita sokuti kunyange zvazvo yaiti zivei nezvaMwari wevaIsraeri, yakanga isingamuzivi zvokutozosvika pakumuti “Mwari wangu.” Yaigara mutaundi reZarefati, raiva muSidhoni kana kuti raiva pasi peSidhoni iyo yaiva muFenikiya. MuZarefati munofanira kunge maigara vanamati vaBhaari. Asi Jehovha ane chimwe chinhu chakanaka chaakaona pachirikadzi iyi.
Kunyange zvazvo chirikadzi yeZarefati yaigara nevanhu vainamata zvidhori, yakaratidza kuti yaiva nokutenda. Jehovha akatuma Eriya kuchirikadzi iyi kuti aibatsire uye kuti iye azvidzivirirewo. Izvi zvinogona kutipa chidzidzo chinokosha.
Havasi vose vaigara muZarefati umo mainamatwa Bhaari vainge vakanyanya kuipa. Kutumwa kwakaitwa Eriya kuchirikadzi iyi kunoratidza kuti Jehovha anofunga nezvevanhu vane mwoyo yakanaka vasati vava kumushumira. Zvechokwadi “murudzi rwose munhu anomutya [Mwari] uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mab. 10:35.
-