Rutongeso Rwakaitwa Mumupata Wokutonga
“Marudzi avanhu ngaamuke, aende kumupata waJehoshafati; nokuti ndipo pandichagara ndichitonga marudzi ose.”—JOERE 3:12.
1. Nei Joere achiona vazhinji zhinji vakaungana “mumupata wokutonga”?
“VAZHINJI ZHINJI, vazhinji zhinji varipo mumupata wokutonga”! Tinorava mashoko iwayo anonyandura pana Joere 3:14. Neiko ava vazhinji zhinji vachiunganidzwa? Joere anopindura kuti: “Zuva raJehovha rava pedyo.” Izuva guru rokurevererwa kwaJehovha—zuva rokuita rutongeso pavazhinji zhinji vakaramba Umambo hwaMwari hwakavamba hunodzorwa naKristu Jesu. Pakupedzisira, “vatumwa vana” vaZvakazarurwa ganhuro 7 vanofanira kurega kubatisisa kwavo “mhepo ina dzenyika,” kuchiguma no“kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.”—Zvakazarurwa 7:1; Mateo 24:21.
2. (a) Nei nzvimbo yokuitwa kworutongeso rwaJehovha nenzira yakakodzera ichinzi “mupata waJehoshafati”? (b) Jehoshafati akaitei nenzira yakafanira apo akadenhwa?
2 Pana Joere 3:12, nzvimbo yakaitirwa urwu rutongeso inonzi “mupata waJehoshafati.” Nenzira yakafanira, mukati menguva yebope yenhau yaJudha, Jehovha akaita rutongeso ipapo nokuda kwaMambo akanaka Jehoshafati, uyo ane zita rinoreva kuti “Jehovha Mutongi.” Kurangarira chakaitika panguva iyoyo kuchatibetsera zviri nani kunzwisisa chodokuitika munguva yedu. Chinyorwa chacho chinowanwa muna 2 Makoronike ganhuro 20. Mundima 1 yeganhuro iroro, tinorava kuti “vana vaMoabhi, navamwe vavaAmoni pamwe chete navo, vakasvika kuzorwa naJehoshafati.” Jehoshafati akaita sei? Akaita izvo vabatiri vakatendeka vaJehovha vanoita nguva dzose pavanenge vari mungwavaira. Akatendeukira kuna Jehovha nokuda kwenhungamiro, achinyengetera zvakasimba kuti: “Haiwa, Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti hatine simba rokurwa navazhinji ava vanouya kuzorwa nesu; hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri.”—2 Makoronike 20:12.
Jehovha Anopindura Munyengetero
3. Mirayiridzoi iyo Jehovha akapa kuna Judha apo vakatarisana nokudenha kwamarudzi akavakidzana?
3 Apo “vaJudha vose vakamira pamberi paJehovha, pamwe chete nepwere dzavo, navakadzi vavo, navana vavo,” Jehovha akapa mhinduro yake. (2 Makoronike 20:13) Sokushandisa chaizvo kwaanoita “muranda wakatendeka, wakangwara” nhasi, nokudaro Munzwi mukuru womunyengetero akapa simba muporofita wechiRevhi Jahazieri rokupa mhinduro Yake kuvakaungana. (Mateo 24:45) Tinorava kuti: “Zvanzi naJehovha kwamuri: Musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari. . . . Imi hamungafaniri henyu kurwapo; zvigadzireipo, murambe mumire henyu, muone kurwirwa kwenyu naJehovha. . . . musatya kana kuvhunduswa; budai mangwana mundorwa navo, nokuti Jehovha unemi.”—2 Makoronike 20:15-17.
4. Munzirai umo Jehovha aida kuti vanhu vake vashingaire, kwete kuva vasina chavanoita, apo vakatarisana nedenho yomuvengi?
4 Jehovha aida zvakawanda kuna Mambo Jehoshafati navanhu vake kupfuura kungogara bedzi vasingaiti chipi nechipi, vachingomirira kununurwa kwenenji. Vaitofanira kutanga kuita chiito mukubata nedenho yomuvengi. Mambo ‘naavo vose vaJudha, kunyange vaduku vavo vose pamwe chete nepwere dzavo, navadzimai vavo, navanakomana vavo, vakaratidzira kutenda kwakasimba sezvo vakafumomuka nokuteerera ndokubuda kundosangana nemhomho inovhozhokera. Vari munzira, mambo akapfuurira kugovera murayiridzo woubati ushe hwaMwari nekurudziro, achivakurudzira kuti: “Tendai Jehovha Mwari wenyu, mugosimbiswa; tendai vaporofita vake, mugokunda.” (2 Makoronike 20:20) Kutenda muna Jehovha! Kutenda muvaporofita vake! Imomo ndimo maiva nechinokosha chokubudirira. Nenzira yakafanana nhasi, sezvatinopfuurira kushingaira mubasa raJehovha, ngatisambova vasina chokwadi kuti achaita kuti kutenda kwedu kukunde!
5. Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira sei nhasi sezvazvinorumbidza Jehovha?
5 SavaJudha vomuzuva raJehoshafati, tinofanira ku“[rumbidza, NW] Jehovha, nokuti nyasha dzake hadziperi.” Tinopa sei iyi rumbidzo? Kupfurikidza nokuparidza kwedu Umambo nokushingaira! Sezvo vaJudha ivavo vaka“tanga kuimba nokurumbidza,” nokudaro tinowedzera mabasa kukutenda kwedu. (2 Makoronike 20:21, 22) Hungu, ngatiratidzirei kutenda kwechokwadi kwakafanana sezvo Jehovha anogadzirira kupinda muchiito chokurwisana navavengi vake! Kunyange zvazvo nzira yacho ingaratidzika kuva refu, ngatisarudze kutsungirira, tichishingaira mukutenda, kunyange seizvo vanhu vake vanokunda vari kuita munzvimbo dzine zvinetso dzapasi nhasi. Mune dzimwe nyika dzakatapurwa zvakakomba nechitambudzo, masimba masimba, nzara, uye mamiriro anotyisa ezvoupfumi, vabatiri vakatendeka vaJehovha vari kuwana migumisiro inoshamisa, seizvo 1998 Yearbook of Jehovah’s Witnesses inoshuma.
Jehovha Anoponesa Vanhu Vake
6. Kutenda kwakasimba kunobetsera sei kutichengeta takavimbika nhasi?
6 Marudzi asina umwari akapoteredza Judha akaedza kukurira vanhu vaJehovha, asi nokutenda kwomuenzaniso vabatiri vaJehovha vakadavidza kupfurikidza nokuimba rumbidzo yake. Tinogona kuratidza kutenda kwakafanana nhasi. Kupfurikidza nokuzadza upenyu hwedu namabasa erumbidzo kuna Jehovha, tinosimbisa chifukidziro chedu chesimbi chomudzimu, tisingasiyi nzvimbo yokuti mazano amanomano aSatani apinde. (VaEfeso 6:11) Kutenda kwakasimba kuchadzivisa muedzo wokutsauswa nevaraidzo yakaipa, kudisa zvinhu zvenyama, uye kusakendenga kunoratidzira nyika iri kufa yakatipoteredza. Uku kutenda kusingakundwi kuchatichengeta tichibatira nokuvimbika ne“muranda wakatendeka, wakangwara” sezvatinopfuurira kudyiswa zvokudya zvomudzimu zvinogoverwa “nenguva yakafanira.”—Mateo 24:45.
7. Zvapupu zvaJehovha zvakadavidza sei kudenho dzakasiyana siyana dzokurwisana nazvo?
7 Kutenda kwedu kwakavakirwa paBhaibheri kuchatisimbisa kumira takasimba mukurwisana nokurwisa kwokuvenga kunonyandurwa naavo vanoratidzira mudzimu “wemuranda akaipa” waMateo 24:48-51. Kuzadzika uhwu uporofita munzira inoshamisa, vakaramba kutenda vari kudyara nhema namashoko anoparadzirwa nokushingaira munyika dzakawanda nhasi, kunyange kubetserana navamwe vari munzvimbo dzechiremera pakati pamarudzi. Kwakakodzera, Zvapupu zvaJehovha zvakapindura, sezvinorondedzerwa pana VaFiripi 1:7, kupfurikidza no‘kudzivirira nokusimbisa pamutemo mashoko akanaka.’ Somuenzaniso, pana September 26, 1996, mumhosva yakabva kuGreece, vatongi vapfumbamwe veDare reEurope Rekodzero Dzavanhu, kuStrasbourg, vakabvumirana vose kusimbisazve kuti “Zvapupu zvaJehovha zvinopinda murondedzero yo‘rudzidziso runozivikanwa,’” zvakafanirwa nokufarikanya rusununguko rwomufungo, rwehana, uye rwechitendero, uye kodzero yokuita kuti kutenda kwavo kuzivikanwe. Kana vari vakaramba kutenda, rutongeso rwaMwari runoti: “Zvinorehwa neshumo yazvokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo, nenguruve yakanga yashambidzwa, kukuumburuka mumatope.’”—2 Petro 2:22.
8. Muzuva raJehoshafati, Jehovha akaita sei rutongeso mukurwisana navavengi vavanhu Vake?
8 Kare muzuva raJehoshafati, Jehovha akaita rutongeso paavo vaida kukuvadza vanhu Vake. Tinorava kuti: “Jehovha akaisa vavandiri kuzorwa navana vaAmoni, navaMoabhi, navapagomo reSeiri, ivo vakanga vauya kuzorwa navaJudha; vakakundwa. Nokuti vana vaAmoni navaMoabhi vakamukira vakanga vagere pagomo reSeiri kuti vavauraye nokuvaparadza chose; zvino vakati vapedza avo vakanga vagere paSeiri, mumwe nomumwe ndokubatsira pakuurayana.” (2 Makoronike 20:22, 23) Vagari veJudhea vakadana nzvimbo iyoyo kuti Mupata weBheraka, Bheraka kureva kuti “Chikomborero.” Munguva dzazvino unowo, kuitwa kworutongeso rwaJehovha pavavengi vake kuchaguma nezvikomborero zvikuru nokuda kwavanhu vake amene.
9, 10. Ndivanaani vakazviratidza kuva vakakodzerwa norutongeso rwakashata rwaJehovha?
9 Tingabvunza kuti, Ndivanaani muzuva razvino uno vanofanira kuwana rutongeso rwakashata rwunobva kuna Jehovha? Kuwana mhinduro kumubvunzo iwoyo, tinofanira kudzokera kuuporofita hwaJoere. Joere 3:3 inotaura nezvavavengi vavanhu vake avo “vakatenga chifeve nomukomana, vakatengesa musikana vachipiwa waini.” Hungu, vanorangarira vabatiri vaJehovha savakadereresa kwavari, vana vavo havakoshi kupfuura mutengo wechifeve kana kuti mutengo wechirongo chewaini. Vachafanira kuzvidavirira nokuda kwaikoko.
10 Vakafanirwa zvakaenzana norutongeso ndeavo vanoita uhure hwomudzimu. (Zvakazarurwa 17:3-6) Uye vane mhaka zvikuru ndeavo vanokurudzira masimba ezvamatongerwo enyika kutambudza Zvapupu zvaJehovha nokudzivisa mubato wazvo, seizvo vamwe vatungamiriri vorudzidziso vanonyandurira vanhu kumasimba masimba vave vachiita muEastern Europe munguva pfupi yapfuura. Jehovha anotaura chisarudzo chake chokuita chiito mukurwisana navaiti vamabasa akadaro ouipi.—Joere 3:4-8.
“Zvigadzirirei Kurwa!”
11. Jehovha anodenhera sei vavengi vake kukurwa?
11 Tevere, Jehovha anokumbira vanhu vake kuzivisa denho pakati pamarudzi kuti: “Zvigadzirirei kurwa; kurudzirai varume vane simba; varwi vose ngavaswedere, vaende kundorwa.” (Joere 3:9) Iyi iziviso yorudzi rwehondo rusiri rwenguva dzose—hondo yakarurama. Zvapupu zvakavimbika zvaJehovha zvinovimba nezvombo zvomudzimu sezvavanopindura kunhema dzamashoko anoparadzirwa, vachishayisa simba nhema kupfurikidza nechokwadi. (2 VaKorinte 10:4; VaEfeso 6:17) Nokukurumidza, Mwari achatsvenesa “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 16:14) Ichabvisa papasi vashori vose vouchangamire hwaMwari. Vanhu vake pasi pano havasati vachizova norutivi rwokunyama mairi. Chaizvozvo uye nenzira yokufananidzira, vaka‘pfura minondo vachiiita miromo yamapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti.’ (Isaya 2:4) Mukupesana, Jehovha anodenha marudzi anoshoora kuita zvakasiyana: “Pfurai mapadza enyu ive minondo, namapanga enyu okuchekerera miti ave mapfumo.” (Joere 3:10) Anovakumbira kushandisa matura avo ose emichina yehondo nezvombo zvazvino uno muhondo. Asi havasati vachigona kukunda, nokuti kurwa norukundo ndezvaJehovha!
12, 13. (a) Pasinei zvapo nokuguma kweHondo Yamashoko, marudzi akawanda anoratidza sei kuti achiri kuda hondo? (b) Marudzi haana kugadzirira nokuda kwechii?
12 Mukuvamba kwama1990, marudzi akazivisa kuti Hondo Yamashoko yakanga yapera. Mukurangarira izvozvo, vavariro huru yoMubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose yorugare nechengeteko yakawanwa here? Kana! Chii icho zvakaitika muBurundi, Democratic Republic of Congo, Iraq, Liberia, Rwanda, Somalia, uye yaichimbova Yugoslavia zvinotiudza? Mumashoko aJeremia 6:14, vari kuti: “Rugare, rugare! izvo hakuna rugare.”
13 Kunyange zvazvo hondo chaiyo yakamira mune dzimwe nzvimbo, marudzi ari mitezo yeUN achiri kukwikwidzana mukugadzira zvombo zvehondo zvazvino uno. Mamwe anopfuurira kuchengeta matura ezvombo zvenyukireya. Mamwe anogadzira zvombo zvemakemikari kana kuti zvebacteriology zvinoparadza zvikurusa. Sezvo marudzi iwayo anoungana kunzvimbo yokufananidzira inonzi Armagedhoni, anodenha achiti: “Usine simba ngaati: Ndine simba. Chimbidzikai, muuye, imi marudzi ose akapoteredza, muungane.” Panguva iyoyo Joere anodzongonyedza nechikumbiro chake amene achiti: “Imi Jehovha, mhare dzenyu ngadziburukireko.”—Joere 3:10, 11.
Jehovha Anodzivirira Vake Amene
14. Ndivanaani vari mhare dzaJehovha?
14 Ndivanaani vari mhare dzaJehovha? Kane 280 muBhaibheri, Mwari wechokwadi anonzi “Jehovha wehondo.” (2 Madzimambo 3:14) Idzi hondo mauto engirozi dzokudenga ayo agadzirira kuita izvo Jehovha anodziudza kuita. Apo vaAsiria vakatsvaka kubata Erisha, Jehovha pakupedzisira akazarura meso omurindiri waErisha zvokuti aigona kuona chikonzero nei vaisazobudirira: “Akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomwoto zvakanga zvakakomba Erisha.” (2 Madzimambo 6:17) Jesu akataura kuti aigona kuve akakumbira kuna baba vake nokuda kwa“vatumwa vanopfuura mapoka makurukuru ane gumi namaviri.” (Mateo 26:53) Richirondedzera kutasva kwaJesu kuzoita rutongeso paArmagedhoni, Bhuku raZvakazarurwa rinoti: “Hondo dzokudenga dzakamutevera, dzakatasva mabhiza machena dzakafuka mucheka wakanaka, usine tsvina. Mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti arove marudzi nawo; uchaafudza netsvimbo yedare; unotsika chisviniro chehasha dzokutsamwa kwaMwari wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 19:14, 15) Chisviniro chewaini chokufananidzira ichocho chinorondedzerwa mumashoko akajeka se“chisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari.”—Zvakazarurwa 14:17-20.
15. Joere anorondedzera sei hondo yaJehovha mukurwisana namarudzi?
15 Ipapo, Jehovha anopindura sei mukumbiro waJoere wokuuraya mhare dzaMwari amene? Kuri mumashoko awa akajeka: “Marudzi avanhu ngaamuke, aende kumupata waJehoshafati; nokuti ndipo pandichagara ndichitonga marudzi ose akapoteredza. Isai banga renyu mumunda, nokuti zviyo zvaibva; uyai musvine, nokuti chisviniro chewaini chazara, zvisviniro zvinopa fuma; nokuti kushata kwavo kwakura. Vazhinji vazhinji, vazhinji vazhinji varipo mumupata wokutonga! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo mumupata wokutonga. Zuva nomwedzi zvasviba, nyeredzi dzinobvisa kupenya kwadzo. Jehovha uchaomba ari paZioni, uchanzwisa inzwi rake ari paJerusarema; denga rose nenyika zvichadengenyeka.”—Joere 3:12-16.
16. Ndivanaani vachabatanidzwa pakati paavo Jehovha anoitira rutongeso?
16 Zvirokwazvo seizvo zita rokuti Jehoshafati richireva kuti “Jehovha Mutongi,” zvirokwazvo Mwari, Jehovha, achareverera zvizere uchangamire hwake apo anoita rutongeso. Uporofita hunorondedzera avo vanogamuchira rutongeso rwakashata sa‘vazhinji zhinji, vazhinji zhinji vari mumupata wokutonga.’ Vatsigiri vapi navapi vanosara vorudzidziso rwenhema vachava pakati pavazhinji zhinji ivavo. Vanobatanidzwawo vachava avo vanorondedzerwa muPisarema rechipiri—marudzi, mapoka orudzi, madzimambo apasi, uye vakuru vakuru—avo vakada gadziriro yakashata yenyika ino kupfuura ‘kubatira Jehovha nokutya.’ Ava vanoramba ku“sveta mwanakomana.” (Pisarema 2:1, 2, 11, 12) Havabvumi Jesu saMambo anotonga pamwe chete naJehovha. Uyezve, vazhinji zhinji vakaiswa chiratidzo choruparadziko vachabatanidza vanhu vose avo Mambo ane mbiri acharangarira kuva “mbudzi.” (Mateo 25:33, 41) Apo inenge yava nguva yaJehovha yakafanira yokuomba ari muJerusarema rokudenga, Mambo wake waMadzimambo akagadzwa achatasva kuzoita rutongeso irworwo. Denga napasi zvirokwazvo zvichazununguka. Zvisinei, tinovimbiswa kuti: “Jehovha uchava utiziro hwavanhu vake nenhare yavana vaIsraeri.”—Joere 3:16.
17, 18. Ndivanaani vanoziviswa savapukunyuki vedambudziko guru, uye vachafarikanya mamiriroi ezvinhu?
17 Zvakazarurwa 7:9-17 rinozivisa avo vanopukunyuka dambudziko guru sa“vazhinji zhinji” vanoumbwa naavo vose vanoshandisa kutenda musimba rinodzikinura reropa raJesu. Ava vanowana dziviriro pazuva raJehovha, nepo vazhinji zhinji vanoungana vouporofita hwaJoere vachisangana norutongeso rwakashata. Joere anoti kuvapukunyuki: “Muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu, ugere paZioni, iro gomo rangu dzvene,”—nzvimbo inogara Jehovha yokudenga.—Joere 3:17a.
18 Ipapo uporofita hwacho hunotizivisa kuti nzvimbo yoUmambo hwokudenga hwaMwari “[inofanira kuva nzvimbo tsvene, NW] hakuna vatorwa vanozopfuura napo.” (Joere 3:17b) Mudenga nomunzvimbo yapasi yoUmambo hwokudenga ihwohwo, hamusati muchizova navatorwa, nokuti vose vachabatanidzwa mukunamata kwakachena.
19. Mufaro weparadhiso yavanhu vaMwari nhasi unotsanangurwa sei naJoere?
19 Kunyange nhasi, rugare rukuru rwakapararira pakati pavanhu vaJehovha pasi pano. Vakabatana, vari kuzivisa marutongeso ake munyika dzinopfuura 230 uye mumitauro yakasiyana-siyana inopfuura 300. Kubudirira kwavo kunoporofitwa zvakanaka naJoere kuti: “Zvino nezuva iro makomo achadonha waini inotapira, zvikomo zvichayerera mukaka, uye hova dzose dzaJudha dzichayerera mvura zhinji.” (Joere 3:18) Hungu, Jehovha achapfuurira kudurura pavarumbidzi vake pasi pano zvikomborero zvokufara zvakawanda nokubudirira uye nokuyerera kunowedzera kwechokwadi chinokosha. Uchangamire hwaJehovha huchave hwarevererwa zvizere mumupata wokutonga, uye mufaro uchawanda sezvaanogara nokusingaperi pakati pavanhu vake vakadzikinurwa.—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Unogona Kuyeuka Here?
◻ Jehovha akanunura sei vanhu vake mumazuva aJehoshafati?
◻ Ndivanaani avo Jehovha anorangarira kuva vakafanirwa noruparadziko mu“mupata wokutonga”?
◻ Ndivanaani vari mhare dzaJehovha uye vachaita rutivii mukurwa kwokupedzisira?
◻ Mufaroi uyo vanamati vechokwadi vanofarikanya?
[Mufananidzo uri papeji 21]
Judha akaudzwa kuti: ‘Musatya nokuti hondo haizi yenyu asi ndeyaMwari’
[Mufananidzo uri papeji 23]
Jehovha anodenha vavengi vake kuti ‘vapfure miromo yamapadza avo kuva minondo’
[Mufananidzo uri papeji 24]
Bhaibheri rinozivisa boka guru ravapukunyuki vedambudziko guru