Bhuku reBhaibheri Nhamba 37—Hagai
Munyori: Hagai
Nzvimbo Yakanyorerwa: Jerusarema
Kunyora Kwakapedzwa: 520 B.C.E.
Nguva Yakafukidzwa: Mazuva 112 (520 B.C.E.)
1, 2. Mashokoi anopiwa pamusoro pomuporofita Hagai, uye nderipi rakanga riri shoko rake rakapetwa kaviri?
HAGAI ndiro rakanga riri zita rake; muporofita ne“nhume yaJehovha” ndiyo yakanga iri nzvimbo yake, asi ndeapi akanga ari mavambo ake? (Hag. 1:13) Akanga ari ani? Hagai ndewechigumi wevanonzi vaporofita vaduku, uye akanga ari wokutanga wavatatu vakabatira pashure pokunge vaJudha vadzokera kunyika yokumusha kwavo muna 537 B.C.E., vamwe vaviri vachiva Zekaria naMaraki. Zita raHagai (chiHebheru, Chag·gaiʹ) rinoreva kuti “[Akaberekwa pa]Mutambo.” Ikoku kungaratidzira kuti akaberekwa pazuva ramabiko.
2 Sezvakagamuchidzwa negamuchidzanwa rechiJudha, kune mufungo kutaura kuti Hagai akaberekwa muBhabhironi uye akadzokera kuJerusarema naZerubhabheri noMuprista Mukuru Joshua. Hagai akabatira pamwe chete nomuporofita Zekaria, uye pana Ezra 5:1 naEzr 6:14, vaviri vanoratidzwa vachikurudzira vanakomana voutapwa kutangazve kuvakwa kwetembere. Akanga ari muporofita waJehovha mumativi maviri, mukuti akaita zvose zviri zviviri kukurudzira vaJudha kuti vaite mabasa avo kuna Mwari uye akafanotaura, pakati pezvimwe zvinhu, kuzungunuswa kwamarudzi ose.—Hag. 2:6, 7.
3. VaJudha vakanga vakundikana kuzivei pamusoro pechinangwa chokudzokera kwavo kubva muutapwa?
3 Neiko Jehovha akatuma Hagai? Nokuda kweichi chikonzero: Muna 537 B.C.E., Koreshi abudisa murayiro waibvumidza vaJudha kudzokera kunyika yokumusha kwavo kuti vavakezve imba yaJehovha. Asi zvino akanga ava 520 B.C.E., uye tembere yakanga ichiri kure zvikuru nokupedzwa. Makore ose iwaya vaJudha vakanga varega chishoro chavavengi pamwe chete nokusaitira hanya kwavo nokudisa zvenyika zvichivadzivisa kuziva chinangwa chimene chokudzokera kwavo.—Ezra 1:1-4; 3:10-13; 4:1-24; Hag. 1:4.
4. Chii chakanga chadzivisa kuvakwa kwetembere, asi zviitikoi zvakaitika apo Hagai akatanga kuporofita?
4 Sokuratidza kunoita chinyorwa, nokukurumidza apo nheyo yetembere yakavanzarikwa (muna 536 B.C.E.) “vanhu venyika iyo vakashayisa maoko avanhu vaJudha simba, vakavatambudza pakuvaka; vakaripira vanhu vokuvarayira, kuti vakanganise zvavakanga vachida kuita.” (Ezra 4:4, 5) Pakupedzisira, muna 522 B.C.E., ava vashori vaisava vechiJudha vakabudirira mukuita kuti chirambidzo chapamutemo chiiswe pabasa racho. Makanga muri mugore rechipiri rokutonga kwamambo wePersia Dhariusi Hystaspis, ndiko kuti, muna 520 B.C.E., apo Hagai akavamba kuporofita, uye ikoku kwakakurudzira vaJudha kutangazve kuvaka kwavo tembere. Pana ikoko, tsamba yakatumirwa kuna Dhariusi namagavhuna aiva pedyo achikumbira murayiro panhau yacho; Dhariusi akamutsidzira murayiro waKoreshi ndokutsigira vaJudha mukurwisana navavengi vavo.
5. Chii chinobvumikisa kuti bhuku raHagai nderomundaza yamanyoro matsvene eBhaibheri?
5 Hapana kutongova nomubvunzo upi noupi pakati pavaJudha pamusoro pokuva hwomundaza yamanyoro matsvene yechiHebheru kwouporofita hwaHagai, uye ikoku kunotsigirwawo nenongedzero kwaari pana Ezra 5:1 seanoporofita “nezita raMwari waIsraeri,” pamwe chete nepana Ezra 6:14. Kuti uhwu uporofita rutivi rwo‘Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari’ kunobvumikiswa nokuhunokora mashoko kwaPauro pana VaHebheru 12:26, kuti: “Zvino wakapikira, achiti: Ndichabvundisazve kamwe chete, isati iri nyika bedzi, asi nedengawo.”—Hag. 2:6.
6. Uporofita hwaHagai hwakaumbwa nechii, uye isimbisoi inoiswa pazita raJehovha?
6 Uporofita hwaHagai hwakaumbwa nemashoko mana anopiwa munhambo yamazuva 112. Munyorero wake wakapfava uye wakananga, uye simbiso yake pazita raJehovha inokosha zvikuru. Mundima dzake 38, iye anodudza zita raJehovha ka35, ka14 mukutaura kwokuti “Jehovha wehondo.” Haasiyi panikiro yokuti shoko rake rinobva kuna Jehovha: “Hagai, nhume yaJehovha, wakataura navanhu sezvaakarayirwa neshoko rakatumwa naJehovha, akati: Ndinemi—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—1:13.
7. Hagai akakuridzira vaJudha kuitei, uye ndeipi yakanga iri revo yeshoko rake?
7 Iyoyi yakanga iri nguva inokosha zvikuru munhau yavanhu vaMwari, uye basa raHagai rakabvumikisa kuva rinobetsera zvikurusa. Akanga asiri wokupedzisira kudzoka shure mukuita basa rake somuporofita, uye haana kuvanzira vaJudha mashoko. Akanga akananga mukuvaudza kuti yakanga iri nguva yokurega kusundira mberi ndokubatikana nebasa. Yakanga iri nguva yokuvakazve imba yaJehovha nokudzosera kunamata kwakachena kana vaida kufarikanya kubudirira kupi nokupi kunobva muruoko rwaJehovha. Revo yose yeshoko raHagai ndeyokuti kana munhu achizofarikanya zvikomborero zvinobva kuna Jehovha, anofanira kubatira Mwari wechokwadi ndokuita basa iro Jehovha anorayira kuti riitwe.
ZVIRI MUBHUKU RAHAGAI
8. Neiko vaJudha vasiri kukomborerwa mune zvekunyama naJehovha?
8 Shoko rokutanga (1:1-15). Irori rinonangidzirwa kuna Gavhuna Zerubhabheri noMuprista Mukuru Joshua, asi vanhu vachinzwa. Vanhu vave vachiti, “Nguva ichigere kusvika, iyo nguva yokuvakwa kweimba yaJehovha.” Jehovha kupfurikidza naHagai anobvunza mubvunzo unonzvera, kuti: “Ko zvino inguva yamungagara imi mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namatanda, imba ino riri dongo here?” (1:2, 4) Vakadyara zvakawanda nenzira yokunyama, asi zvakavabetsera zvishomanene mune zvokudya, zvokunwa, nezvokupfeka. “Cherekedzai zvamakaita,” anorayira kudaro Jehovha. (1:7) Nguva yasvika yokuunza matanda ndokuvaka imba, kuti Jehovha agokudzwa. VaJudha vari kutarisira zvakanaka dzimba dzavo vamene, asi imba yaJehovha idongo. Naizvozvo, Jehovha akadzivisa dova redenga newedzero yomumunda nechikomborero chake kuti zvisave pamunhu nokushanda kwake.
9. Jehovha anonyandura sei vaJudha kuti vaite basa?
9 Aa, vanowana pfundo racho! Hagai haana kuporofita zvisina maturo. Vatongi navanhu vanovamba ku“teerera inzwi raJehovha Mwari wavo.” Kutya Jehovha kunotsiva kutya munhu. Vimbiso yaJehovha kupfurikidza nenhume yake Hagai ndeyokuti: “Ndinemi.” (1:12, 13) NdiJehovha amene uyo anonyandura mudzimu wagavhuna, mudzimu womuprista mukuru, uye mudzimu wavakasarira vavanhu Vake. Vanoshanda, mazuva 23 chete pashure pokutanga kwokuporofita kwaHagai uye pasinei zvapo nechirambidzo chehurumende yePersia.
10. Vamwe vaJudha vanorangarirei pamusoro petembere yavari kuvaka, asi Jehovha anopikirei?
10 Shoko rechipiri (2:1-9). Usingasviki mwedzi unopfuura pashure pokunge mubato wokuvaka wamutsidzirwa, uye Hagai anopa shoko rake rechipiri rakafuridzirwa. Irori rinotaurwa kuna Zerubhabheri, Joshua, uye vakasarira vavanhu vacho. Sezviri pachena vamwe vavaJudha avo vakadzokera vachibva muutapwa uye avo vakanga vaona yaichimbova tembere yaSoromoni vakarangarira kuti iyi tembere yaisazova chinhu nokuenzanisa. Asi ndokupi kuri kutaura kwaJehovha wehondo? ‘Ivai vakasimba uye shandai, nokuti ndinemi imi vanhu.’ (2:4) Jehovha anovayeuchidza nezvesungano yake navo, uye anovaudza kuti vasatye. Anovasimbisa nechipikirwa chokuti achazungunusa marudzi ndokusakisa kuti zvinhu zvinodikanwa zvavo zvipinde uye kuti achazadza imba yake nembiri. Mbiri yeiyi imba yapashure ichava yakatokura zvikuru kupfuura iyo yeyekare, uye achapa rugare muiyi nzvimbo.
11. (a) Hagai anoonesa kuregeredza kwavaprista kupfurikidza nokufananidzirai? (b) Chii chakabva muna ikoko?
11 Shoko rechitatu (2:10-19). Mwedzi miviri nemazuva matatu gare gare, Hagai anotaura kuvaprista. Iye anoshandisa kufananidzira kuti asimbise pfundo rake. Kutakura kwomuprista nyama tsvene kuchaita kuti zvimwe zvokudya zvipi nezvipi zvaanobata zvive zvitsvene here? Mhinduro ndeyokuti aiwa. Kubatwa kwechimwe chinhu chisina kuchena, zvakadai sechitunha, kunoita kuti uyo anochibata ave asina kuchena here? Mhinduro ndeyokuti hungu. Hagai ipapo anoshandisa kufananidzira kwacho. Vanhu venyika yacho havana kuchena nemhaka yokuregeredza kwavo kunamata kwakachena. Chipi kana chipi chavanopa chinoratidzika kuva chisina kuchena kuna Jehovha Mwari. Nemhaka yaikoku, Jehovha haana kukomborera mabasa avo, uye mukuwedzera akatumira pavari kupisa kunogocha, kuvhuvha, uye chimvuramabwe. Ngavachinje nzira dzavo. Ipapo Jehovha achavakomborera.
12. Ishokoi rokupedzisira iro Hagai anonangidzira kuna Zerubhabheri?
12 Shoko rechina (2:20-23). Hagai anosvitsa iri shoko pazuva rimwe chetero neshoko rechitatu, asi rakanangidzirwa kuna Zerubhabheri. Zvakare Jehovha anotaura nezvoku“zunungusa denga rose nenyika,” asi nguva ino anotambanudza uyu musoro kusvikira kukuparadzwa zvachose kwoumambo hwamarudzi acho. Vakawanda vachawisirwa pasi, “mumwe nomumwe nomunondo wehama yake.” (2:21, 22) Hagai anogumisa uporofita hwake nevimbiso yefariro yaJehovha nokuda kwaZerubhabheri.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
13. Kuporofita kwaHagai kwakanga kuri kwebetseroi yapakarepo?
13 Mashoko mana aJehovha akataurwa kupfurikidza naHagai akanga achibetsera kuvaJudha vezuva iroro. Vakakurudzirwa kuenda chaizvo kubasa, uye mumakore mana nehafu, tembere yakapedzwa kuti ifambisire mberi kunamata kwechokwadi muna Israeri. (Ezra 6:14, 15) Jehovha akakomborera mubato wavo wokushingaira. Makanga muri mukati meiyi nguva yokuvakwa kwetembere umo Dhariusi mambo wePersia akanzvera zvinyorwa zvehurumende ndokusimbisazve murayiro waKoreshi. Basa retembere nokudaro rakapedzwa netsigiro yake yapamutemo.—Ezra 6:1-13.
14. Hagai anogovera zanoi rokuchenjera nokuda kwezuva redu?
14 Uporofita hwacho hunewo zano rokuchenjera nokuda kwezuva redu. Seiko? Kutanga, hunosimbisa kudikanwa kwokuti chisikwa chiise fariro dzokunamatwa kwaMwari pamberi pefariro dzacho chimene pachacho. (Hag. 1:2-8; Mat. 6:33) Hunosimbisawo pfundo rokuti udyire hunozvikunda humene, kuti hakuna maturo kuronda kudisa zvenyika; rugare nouchenjeri zvinobva kuna Jehovha ndizvo zvinopfumisa. (Hag. 1:9-11; 2:9; Zvir. 10:22) Hunosimbisawo kuti basa raMwari iro rimene hariiti kuti munhu achene kutoti riri rakachena uye remweya wose, uye kuti harifaniri kusvibiswa nomufambiro usina kuchena. (Hag. 2:10-14; VaK. 3:23; VaR. 6:19) Hunoratidza kuti vabatiri vaMwari havafaniri kuva vasina tariro, vachitarira shure ku“mazuva akanaka ekare,” asi kutarira mberi, ‘vachiisa mwoyo yavo panzira dzavo’ uye vachitsvaka kuunza mbiri kuna Jehovha. Ipapo Jehovha achava navo.—Hag. 2:3, 4; 1:7, 8, 13; VaF. 3:13, 14; VaR. 8:31.
15. Bhuku raHagai rinoratidzei pamusoro pemigumisiro yokuteerera kwokushingaira?
15 Apo vakangova vakabatikana bedzi mubasa retembere, vaJudha vakadiwa naJehovha, uye vakabudirira. Mhinganidzo dzakaparara. Basa racho rakapedzwa munguva yakanaka. Mubato wokusatya, wokushingaira nokuda kwaJehovha uchatuswa nguva dzose. Zvinetso, chaizvoizvo kana kuti zvinofungidzirwa, zvinogona kukurirwa kupfurikidza nokushandisa kutenda kwoushingi. Kuteerera “shoko raJehovha” kunowana migumisiro.—Hag. 1:1.
16. Uporofita hwaHagai hune wiriranoi netariro yoUmambo, uye hunofanira kutinyandurira kubasai nhasi?
16 Zvakadiniko nouporofita hwokuti Jehovha acha‘zungunusa matenga napasi’? Muapostora Pauro anopa kushandiswa kwaHagai 2:6 muaya mashoko: “Asi zvino [Mwari] wakapikira, achiti: Ndichabvundisazve kamwe chete, isati iri nyika bedzi, asi nedengawo. Zvino shoko iri rokuti, kamwe chete, rinoratidza kubviswa kwezvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingazununguki zvigare. Saka, zvatinopiwa ushe husingazununguki, ngative nokuonga, kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya. Nokuti Mwari wedu mwoto unoparadza.” (VaH. 12:26-29) Hagai anoratidza kuti kuzunungusa kuri nokuda kwoku“wisira pasi zvigaro zvoushe; [noku]paradza simba roushe hwendudzi.” (Hag. 2:21, 22) Mukunokora mashoko uporofita hwacho, Pauro anotaura, mukupesana, nezvoUmambo hwaMwari “husingazununguki.” Mukurangarirwa kweiyi tariro yoUmambo, isu, ipapoka, ngativei ‘vakasimba ndokushanda,’ tichiitira Mwari basa rinoyera. Ngatingwarirewo kuti Jehovha asati akurira marudzi apasi, chimwe chinhu chinokosha chinofanira kunyandurwa uye chinofanira kubuda chichibva maari, nokuda kwokupukunyuka: “Ndichazungunusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”—2:4, 7.