RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 37—Hagai
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
    • 3. VaJudha vakanga vakundikana kuzivei pamusoro pechinangwa chokudzokera kwavo kubva muutapwa?

      3 Neiko Jehovha akatuma Hagai? Nokuda kweichi chikonzero: Muna 537 B.C.E., Koreshi abudisa murayiro waibvumidza vaJudha kudzokera kunyika yokumusha kwavo kuti vavakezve imba yaJehovha. Asi zvino akanga ava 520 B.C.E., uye tembere yakanga ichiri kure zvikuru nokupedzwa. Makore ose iwaya vaJudha vakanga varega chishoro chavavengi pamwe chete nokusaitira hanya kwavo nokudisa zvenyika zvichivadzivisa kuziva chinangwa chimene chokudzokera kwavo.—Ezra 1:1-4; 3:10-13; 4:1-24; Hag. 1:4.

      4. Chii chakanga chadzivisa kuvakwa kwetembere, asi zviitikoi zvakaitika apo Hagai akatanga kuporofita?

      4 Sokuratidza kunoita chinyorwa, nokukurumidza apo nheyo yetembere yakavanzarikwa (muna 536 B.C.E.) “vanhu venyika iyo vakashayisa maoko avanhu vaJudha simba, vakavatambudza pakuvaka; vakaripira vanhu vokuvarayira, kuti vakanganise zvavakanga vachida kuita.” (Ezra 4:4, 5) Pakupedzisira, muna 522 B.C.E., ava vashori vaisava vechiJudha vakabudirira mukuita kuti chirambidzo chapamutemo chiiswe pabasa racho. Makanga muri mugore rechipiri rokutonga kwamambo wePersia Dhariusi Hystaspis, ndiko kuti, muna 520 B.C.E., apo Hagai akavamba kuporofita, uye ikoku kwakakurudzira vaJudha kutangazve kuvaka kwavo tembere. Pana ikoko, tsamba yakatumirwa kuna Dhariusi namagavhuna aiva pedyo achikumbira murayiro panhau yacho; Dhariusi akamutsidzira murayiro waKoreshi ndokutsigira vaJudha mukurwisana navavengi vavo.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 37—Hagai
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
    • 8. Neiko vaJudha vasiri kukomborerwa mune zvekunyama naJehovha?

      8 Shoko rokutanga (1:1-15). Irori rinonangidzirwa kuna Gavhuna Zerubhabheri noMuprista Mukuru Joshua, asi vanhu vachinzwa. Vanhu vave vachiti, “Nguva ichigere kusvika, iyo nguva yokuvakwa kweimba yaJehovha.” Jehovha kupfurikidza naHagai anobvunza mubvunzo unonzvera, kuti: “Ko zvino inguva yamungagara imi mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namatanda, imba ino riri dongo here?” (1:2, 4) Vakadyara zvakawanda nenzira yokunyama, asi zvakavabetsera zvishomanene mune zvokudya, zvokunwa, nezvokupfeka. “Cherekedzai zvamakaita,” anorayira kudaro Jehovha. (1:7) Nguva yasvika yokuunza matanda ndokuvaka imba, kuti Jehovha agokudzwa. VaJudha vari kutarisira zvakanaka dzimba dzavo vamene, asi imba yaJehovha idongo. Naizvozvo, Jehovha akadzivisa dova redenga newedzero yomumunda nechikomborero chake kuti zvisave pamunhu nokushanda kwake.

      9. Jehovha anonyandura sei vaJudha kuti vaite basa?

      9 Aa, vanowana pfundo racho! Hagai haana kuporofita zvisina maturo. Vatongi navanhu vanovamba ku“teerera inzwi raJehovha Mwari wavo.” Kutya Jehovha kunotsiva kutya munhu. Vimbiso yaJehovha kupfurikidza nenhume yake Hagai ndeyokuti: “Ndinemi.” (1:12, 13) NdiJehovha amene uyo anonyandura mudzimu wagavhuna, mudzimu womuprista mukuru, uye mudzimu wavakasarira vavanhu Vake. Vanoshanda, mazuva 23 chete pashure pokutanga kwokuporofita kwaHagai uye pasinei zvapo nechirambidzo chehurumende yePersia.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe