Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Ko mukadzi muduku wechiJudha Estere akavatana namambo wePersia kuti awane nyasha dzake uye nokudaro kuwana betsero here?
Vamwe vangave vakagumisa ikoku kubva mukushuma kwenyika, asi chinyorwa chakavimbika chiri muBhaibheri chinopokanidza uyu murangariro.
Wezvenhau wechiJudha Flavius Josephus anogovera mushumo wenyika wokuti mambokadzi wePersia Vhashti akaramba kuoneka pamberi pomurume wake, Ahashvheroshi. Ipapo, mambo, sezviri pachena Xerxes I wezana ramakore rechishanu P.N.V., nokushatirwa akaramba Vhashti ndokubvuma nzvero youmambo hwose yokuwana mambokadzi mutsva. Mhandara duku dzakaisvonaka dzakaunganidzwa ndokupiwa nguva refu yokuzvinatsa.
“Ipapo, apo [ngomwa yamambo] yakafunga kuti mhandara dzakanga dzava netarisiro yakakwana . . . uye zvino dzakanga dzakodzera kupinda mumubhedha wamambo, iye akatumira imwe zuva riri rose kuzovata namambo, uyo, pashure pokuvatana nayo, pakarepo akaidzorera kungomwa. Asi, apo Estere akauya kwaari, akafadzwa naye uye ipapo, adanana naye, akamuita mudzimai wake wapamutemo ndokuva nomuchato wavo.”—Jewish Antiquities, Book XI, 184-202, rakashandurwa naRalph Marcus, (Book 11, ganhuro 6, ndima 1, 2, sedzakashandurwa naWilliam Whiston).
Iyi nhauro yenyika ingagona kutungamirira munhu kufunga kuti mhandara dzakagoverana muvatano youtere namambo uye kuti musiano bedzi muchinoitika chaEstere wakanga uri wokuti utere hwake hwakatungamirira kuroorano nokuva kwake mambokadzi. Bhaibheri, zvisinei, rinotigovera mashoko akarurama zvikuru naanogutsa.
Pashure pokurondedzera kuzvinatsa, Bhaibheri rinoti: “Zvino musikana [mumwe nomumwe] akapinda nomutoo wakadaro kuna mambo, . . . Waienda madekwana, ndokudzokera mangwana kuimba yechipiri yavakadzi, paaichengetwa naShaashgazi muranda wamambo, waichengeta varongo; haazaipindazve kuna mambo, asi kana achinge afarirwa namambo, akadanwa nezita rake.”—Estere 2:13, 14.
Magwaro anotaura kuti Estere “akatorwa” “kuimba yavakadzi” nokuda kwegadziriro yorunako yenguva refu, yakarondedzerwa: “Naizvozvo Estere akaiswa kuna Mambo Ahashvheroshi . . . Mambo akada Estere kupfuura vamwe vakadzi vose, akanzwirwa tsitsi nounyoro naye kupfuura dzimwe mhandara dzose; naizvozvo akaisa korona youhosi pamusoro pake, akamuita vahosi panzvimbo yaVhashti.”—Estere 2:8, 9, 16, 17.
Wacherechedza here munhauro yeBhaibheri apo vakadzi vakatorwa pashure pokunge vapedza usiku namambo? ‘Kuimba yechipiri yavakadzi, yaitarisirwa navarongo.’ Naizvozvo ivo vakanga vava varongo. Mordhekai, munyori webhuku reBhaibheri raEstere, akanga ari muHebheru, uye pakati pavanhu vake shure panguva iyeyo, murongo aiva nomugariro wenzanga womudzimai wechipiri. Mutemo woumwari wakagovera kuti murume wechiIsraeri aigona kutora musikana wokumwe akanga abatwa mukati mehondo, uye aiva murongo wake, kana kuti mudzimai wechipiri, ane maruramiro nedziviriro yapamutemo. (Dheuteronomio 21:10-17; enzanisa naEksodho 21:7-11.) Vana vaiberekwa nomurongo wapamutemo akadaro vaiva vapamutemo uye vaigona kuwana nhaka. Vanakomana 12 vaJakobho, madzisekuru endudzi 12 dzaIsraeri, vakanga vari vana vavadzimai vake navarongo vapamutemo.—Genesi 30:3-13.
Muitiro wakanga uri wokuti pashure pokunge mhandara dzava namambo wePersia, vakaenda kuimba yavarongo. Ikoku kunoratidzira kuti ivo vakava vadzimai vake vechipiri.
Zvakadiniko naEstere? Bhaibheri harisati richitaura kuti iye akarara namambo uye nokudaro akawana nyasha dzake. Harisati richitaura nezvokuendeswa kwake kuimba yavarongo, asi rinongoti: “Naizvozvo Estere akaiswa kuna Mambo Ahashvheroshi muimba yake youshe . . . Mambo akada Estere kupfuura vamwe vakadzi vose.” Yeuka kuti pamberi pezvi, pasina kubvumiraniswa pane zvisina kufanira kwevatano kupi nokupi kwomugariro wake wokunaka noumhandara, iye “akanzwirwa tsitsi” na“Hegai mutariri wavakadzi.” Uyezve: “Zvino Estere akanzwirwa tsitsi navose vaimuona.” (Estere 2:8, 9, 15-17) Naizvozvo Estere nenzira yakajeka akaorora mambo ndokuwana ruremekedzo rwake, kunyange sezvo akanga awana ruremekedzo rwavamwe.
Tinogona kuva vanoonga sei kuva namaidi nenzwisiso izvo Bhaibheri rinogovera nokuda kwedu! Kunyange zvazvo tava nezviuru zvamakore kubva kuzvinoitika zvacho, isu nokudaro tine chikonzero chechivimbo chokuti Estere akaita norunako rwechokwadi uye mutsinhirano nenheyo dzoumwari.