-
Akadzivirira Vanhu vaMwariTevedzera Kutenda Kwavo
-
-
18. (a) Nei Modhekai angangodaro akaramba kukotamira Hamani? (Onawo mashoko omuzasi.) (b) Varume nevakadzi vane kutenda mazuva ano vanotevedzera sei muenzaniso waModhekai?
18 Murume ainzi Hamani akapiwa chinzvimbo chepamusoro mumuzinda waAhashivheroshi. Mambo akagadza Hamani kuti ave mukuru wemakurukota, achimuita kuti ave chipangamazano wake mukuru uye mutevedzeri wake. Mambo akatorayira kuti vese vaiona Hamani vaifanira kumukotamira. (Est. 3:1-4) Mutemo iwoyo wakakonzera dambudziko kuna Modhekai. Aida kuteerera mambo asi kwete pazvaiita kuti asaremekedze Mwari. Hamani aiva muAgagi. Zviri pachena kuti izvozvo zvinoreva kuti aiva muzukuru waAgagi, mambo wevaAmareki akaurayiwa nemuprofita waMwari Samueri. (1 Sam. 15:33) VaAmareki vainge vakaipa zvikuru zvekuti vakanga vazviita vavengi vaJehovha naIsraeri. Serudzi, vaAmareki vakanga vasingafarirwi naMwari.c (Dheut. 25:19) MuJudha akatendeka aizokotamira sei muAmareki? Modhekai aisazodaro. Akatsika madziro. Nanhasi, varume nevakadzi vakatendeka vari kuisa upenyu hwavo pangozi kuti vateerere nheyo iyi yekuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mab. 5:29.
-
-
Akadzivirira Vanhu vaMwariTevedzera Kutenda Kwavo
-
-
c Hamani angangodaro aiva pakati pevaAmareki vokupedzisira, sezvo “vakanga vasara” vavo vainge vaparadzwa kare mumazuva aMambo Hezekiya.—1 Mak. 4:43.
-