-
Akamira-mira Pakudzivirira Vanhu vaMwariNharireyomurindi—2011 | October 1
-
-
Murume ainzi Hamani akapiwa chinzvimbo chepamusoro mumuzinda waAhashivheroshi. Mambo akamugadza kuti ave mukuru wemakurukota, akamuita chipangamazano wake mukuru uye mutevedzeri wake. Mambo akatorayira kuti vanhu vose pavaiona mukuru mukuru uyu vaifanira kumukotamira. (Esteri 3:1-4) Mutemo iwoyo wakakonzera dambudziko kuna Modhekai. Aisada kutyora mutemo waMwari kuitira kuti afadze mambo. Hamani aiva “muAgagi.” Saka angangodaro aiva muzukuru waAgagi, mambo wevaAmareki akaurayiwa nomuprofita waMwari Samueri. (1 Samueri 15:33) VaAmareki vaiita zvakaipa zvokuti vakazviita vavengi vaJehovha naIsraeri. Rudzi rwevaAmareki rwakanga rusingafarirwi naMwari.b (Dheuteronomio 25:19) Zvaisaita kuti muJudha akatendeka akotamire mutongi wechiAmareki! Modhekai aisakwanisa kudaro. Akatsika madziro. Nanhasi, varume nevakadzi vane kutenda vachiri kuisa upenyu hwavo pamutanhiko vachida kuteerera pfungwa iyi inoti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.
-
-
Akamira-mira Pakudzivirira Vanhu vaMwariNharireyomurindi—2011 | October 1
-
-
b Hamani angangodaro aiva mumwe wevaAmareki vokupedzisira-pedzisira, sezvo “vakanga vasara” vavo vakaparadzwa kare mumazuva aMambo Hezekiya.—1 Makoronike 4:43.
-