Tuso yaJobho—Manyuko Etariro
“Jehovha akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake.”—JOBHO 42:12.
1. Jehovha anoitirei vanhu vake, kunyange apo miedzo inovanetesa zvikuru?
JEHOVHA “anova mutusi waavo vanomutsvakisisa.” (VaHebheru 11:6, NW) Iye anosundawo vanhu vake vakazvipira kupupura noushingi, kunyange kana miedzo yakavaita vakaneta savanhu vakafa. (Jobho 26:5; Zvakazarurwa 11:3, 7, 11) Ikoko kwakabvumikisa kuva kwechokwadi muchiitiko chaJobho anotambura. Kunyange akaipiswa navanyaradzi vatatu venhema, haana kunyaradzwa nokutya munhu. Panzvimbo pezvo, akapa uchapupu hwoushingi.
2. Kunyange zvazvo zvakatambura kutambudzwa nenhamo, Zvapupu zvaJehovha zvakabuda sei mumiedzo yazvo?
2 Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvomuzuva razvino zvakatambura kutambudzwa kukuru kwakadaro nenhamo zvokuti zvakava pedyo norufu. (2 VaKorinte 11:23) SaJobho, zvisinei, zvakaratidza kuda Mwari uye zvakaita kururama. (Ezekieri 14:14, 20) Zvakabudawo mumiedzo yazvo zvakatsunga kufadza Jehovha, zvasimbiswa kupa uchapupu hwoushingi, uye zvazadzwa netariro yechokwadi.
Jobho Unopa Uchapupu Hwakasimba
3. Mukutaura kwake kwokupedzisira Jobho akapa uchapupu hworudzii?
3 Mukutaura kwake kwokupedzisira, Jobho akapa uchapupu hwakatokura zvikuru kupfuura hwaakanga apa kare. Akanyaradza zvizere vanyaradzi vake venhema. Nokutsvinya kunorwadza, iye akati: “Iwe wakabatsira sei usina simba!” (Jobho 26:2) Jobho akarumbidza Jehovha, ane simba rinoturika nyika yedu yapasi pasina chinhu muchadenga ndokurembedza makore akaremerwa nemvura pamusoro papasi. (Jobho 26:7-9) Bva, Jobho akataura kuti zvishamiso zvakadaro ‘zvinongova migumo yenzira dzaJehovha.’—Jobho 26:14.
4. Jobho akatii pamusoro peperero, uye neiko aigona kutaura amene munzira iyoyo?
4 Aine chokwadi chokuva kwake asina mhaka, Jobho akazivisa, kuti: “Kusvikira parufu rwangu handingarashi kusanyengera kwangu.” (Jobho 27:5) Mukupesana nepomero dzenhema dzakakandirwa paari, akanga asina kuita chinhu chokuti afanirwe nezvakanga zvamuwira. Jobho aiziva kuti Jehovha haanzwi minyengetero yavakaramba kutenda asi achatusa vachengeti veperero. Ikoku kungasanotiyeuchidza kuti nokukurumidza dutu reArmagedhoni richabvisa vakaipa panzvimbo yavo yesimba, uye havasati vachizopukunyuka ruoko rwaMwari rusina tsitsi. Kutozosvikira panguva iyeyo, vanhu vaJehovha vachafamba muperero yavo.—Jobho 27:11-23.
5. Jobho akarondedzera sei uchenjeri hwechokwadi?
5 Chimbofungidzira vakachenjera mune zvenyika vatatu vachiteerera sezvo Jobho akaratidza kuti munhu akashandisa unyanzvi hwake kuwana ndarama, sirivha, uye humwe hupfumi huri mupasi nomugungwa. “Zvirokwazvo,” iye akadaro, “mutengo wouchenjeri unopfuura maparera.” (Jobho 28:18) Vanyaradzi venhema vaJobho vaisagona kutenga uchenjeri hwechokwadi. Manyuko ahwo ndiye Musiki wemhepo, mvura, mheni, uye mabhanan’ana. Zvirokwazvo, “kutya Ishe [kwokuremekedza], ndihwo uchenjeri; kurega zvakaipa ndiko kunzwisisa.”—Jobho 28:28.
6. Neiko Jobho akataura nezvoupenyu hwake hwapakuvamba?
6 Pasinei zvapo nokutambura kwake, Jobho haana kurega kubatira Jehovha. Panzvimbo pokubva kune Wokumusoro-soro, uyu murume wokuperera akashuva hwaichimbova “ushamwari hwa[ke na]Mwari.” (Jobho 29:4) Jobho akanga asiri kuganza apo akarondedzera kuti ‘akanunura [sei] vanotambudzika, akazvipfekedza amene nokururama, uye akanga ari baba chaivoivo kuvarombo.’ (Jobho 29:12-16) Panzvimbo pezvo, akanga achidudza maidi oupenyu hwake somubatiri akatendeka waJehovha. Wati watanga chinyorwa chakaisvonaka kudaro here? Chokwadika, Jobho akanga ari kufumurawo unhema hwepomero dzakaitwa navanyengeri vatatu vaizviruramisa.
7. Jobho akanga ave ari rudzii rwomunhu?
7 Jobho akasekwa navarume vaduku ‘vane madzibaba aangadai asina kutomboisa namapoka embwa dzake.’ Akasemwa uye kupfirwa mate. Sezvaakanga atambudzika zvakakomba, Jobho haana kuratidzwa kurangarirwa kwaaifanirwa. (Jobho 30:1, 10, 30) Nemhaka yokuti akanga akazvipira chose chose kuna Jehovha, zvisinei, akanga ane hana yakachena uye aigona kuti: “Ngandiidzwe pachiyero chakarurama, kuti Mwari azive kusanyengera kwangu.” (Jobho 31:6) Jobho akanga asiri mhombwe kana kuti muruki wezano, uye akanga asina kukundikana kubetsera vanoshayiwa. Kunyange zvazvo akanga akafuma, haana kutongovimba noupfumi hwokunyama. Uyezve, Jobho haana kupinda mukunamata zvidhori kupfurikidza nokupa kuzvipira kuzvinhu zvisina upenyu, zvakadai somwedzi. (Jobho 31:26-28) Achivimba naMwari, akagadza muenzaniso wakaisvonaka somuchengeti weperero. Pasinei zvapo nokutambura kwake kwose uye kuvapo kwavanyaradzi venhema, Jobho akaita kuzvidzivirira kwounyanzvi uye akapa uchapupu hwakaisvonaka. Mashoko ake asvika kumugumo, akatarira kuna Mwari soMutongi noMutusi wake.—Jobho 31:35-40.
Erihu Unotaura
8. Erihu akanga ari ani, uye akaratidza sei zvose zviri zviviri ruremekedzo noushingi?
8 Pedyo pakanga pane murume muduku Erihu, muzukuru womwanakomana waNahori Bhuzi uye nokudaro hama yokunyama yokure yeshamwari yaJehovha Abrahama. (Isaya 41:8) Erihu akaratidza kuremekedza varume vakuru kupfurikidza nokuteerera mativi ose ari maviri ekurukurirano yacho. Bva, iye akataura noushingi pamusoro pezvinhu zvavakanga vasina kururama pamusoro pazvo. Somuenzaniso, akatsamwira Jobho kwazvo paku“zviruramisa kupfuura Mwari.” Kutsamwa kwaErihu kwakanangidzirwa zvikurukuru pavanyaradzi venhema. Kutaura kwavo kwairatidzika kuva kunorumbidza Mwari asi chaizvoizvo kwaimuzvidza kupfurikidza nokutora rutivi rwaSatani rwegakava racho. A“zere namashoko” uye achisundwa nomudzimu mutsvene, Erihu akanga ari chapupu chisina kwachakarerekera chaJehovha.—Jobho 32:2, 18, 21.
9. Erihu akakarakadza sei dzorerwo yaJobho?
9 Jobho akanga ava anonyanyoitira hanya kurevererwa kwake amene kupfuura kwaMwari. Kutaura idi, akanga apikisana naMwari. Sezvo mweya waJobho wakasvika pedyo norufu, zvisinei, pakanga pane chiratidzo chokuporeswa. Seiko? Eya, Erihu akasundwa kutaura kuti Jehovha aida Jobho neiri shoko: “Murwirei arege kuburukira kugomba, ndawana dzikinuro. Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana; uchadzokera kumazuva ouduku hwake.”—Jobho 33:24, 25.
10. Jobho akanga achizoedzwa kusvika kutambanukoi, asi chii chatinogona kuva nechokwadi nacho nemhaka ya 1 VaKorinte 10:13?
10 Erihu akaruramisa Jobho nokuda kwokutaura kuti hapana betsero mukufarira Mwari kupfurikidza nokuchengeta perero. Erihu akati: “Mwari haangatongoiti zvisakarurama; Wamasimba-ose haangatongoiti zvakaipa. Nokuti ucharipira munhu sezvaakabata.” Jobho akaita nokukurumidza mukusimbisa ururami hwake amene, asi akaita saizvozvo asina zivo yakakwana nenzwisiso. Erihu akawedzera, kuti: “Dai Jobho aiidzwa kusvikira pakupedzisira, zvaakapindura savanhu vakaipa.” (Jobho 34:10, 11, 35, 36) Nenzira yakafanana, kutenda kwedu neperero zvinogona kubvumikiswa zvizere bedzi kana tika‘edzwa zvikuru’ munzira yakati. Kunyanguvezvo, Baba wedu ano rudo wokudenga haasati achizotirega tichiedzwa kupfuura zvatinogona kutsungirira.—1 VaKorinte 10:13.
11. Apo tinoedzwa chose chose, chii chatinofanira kuyeuka?
11 Sezvo Erihu akapfuurira, akaratidzazve kuti Jobho akanga achiisa simbiso huru zvikuru pakururama kwake amene. Ngwariro inofanira kunangidzirwa paMuiti wedu Mukuru. (Jobho 35:2, 6, 10) Mwari “haachengeti upenyu hwavakaipa; asi unoruramisira vanotambudzika,” akadaro Erihu. (Jobho 36:6) Hapana anogona kupokanidza nzira yaMwari ndokutaura kuti ave asina kururama. Iye akakwirira zvikuru kupfuura zvatinogona kuziva, uye makore ake haanzvereki nenzira isingagumi. (Jobho 36:22-26) Pakuedzwa chose chose, yeuka kuti Mwari wedu anorarama nokusingaperi akarurama uye achatitusa nokuda kwemibato yedu yokutendeka kukurumbidzwa kwake.
12. Kutaura kwokugumisira kwaErihu kunoratidzirei pamusoro pokuita rutongeso kwaMwari pana vakaipa?
12 Apo Erihu aitaura, dutu rakanga rodokutanga. Sezvarakaswedera pedyo, mwoyo wake wakavamba kufemeruka nokudedera. Iye akataura nezvezvinhu zvikuru zvakaitwa naJehovha ndokuti: “Teererai shoko iri, nhasi Jobho; chimbomirai murangarire mabasa anoshamisa aMwari.” SaJobho, tinofanira kurangarira mabasa aMwari anoshamisa nechiremera chinotyisa. “Kana ari Wamasimba-ose, hatigoni kumunzwisisa;” akadaro Erihu. “Une simba guru-guru; haangatambudzi pakutonga nokururama kukuru. Saka vanhu vanomutya.” (Jobho 37:1, 14, 23, 24) Kutaura kwokugumisa kwaErihu kunotiyeuchidza kuti apo Mwari nokukurumidza anoita rutongeso pana vakaipa, haasati achizodukupisa ruramisiro nokururama uye achachengeta avo vanomutya savanamati vake vanoremekedza. Iropafadzo yakadini kuva pakati pavachengeti veperero vakadaro vanobvuma Jehovha saChangamire weChisiko Chose! Tsungirira sezvakaita Jobho, uye usatongorega Dhiyabhorosi achikubvisa panzvimbo yako yakakomborerwa pakati paiwaya mapoka anofara.
Jehovha Anopindura Jobho
13, 14. (a) Jehovha akavamba kubvunza Jobho pamusoro pei? (b) Mapfundoi anogona kuwanwa mune mimwe mibvunzo iyo Mwari akabvunza Jobho?
13 Jobho anofanira kuva akakatyamadzwa sei apo Jehovha akataura kwaari ari muchamupupuri! Dutu iroro rakanga riri chiito chaMwari, kusafanana nemhepo huru Satani akashandisa kuondomora imba ndokuuraya vana vaJobho. Jobho akashaya romuromo sezvo Mwari akabvunza, kuti: “Iwe wakanga uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika? . . . Ndianiko wakateya ibwe rayo rekona? Panguva yakaimba nyeredzi dzamambakwedza pamawa, uye vanakomana vose vaMwari vachipururudza nomufaro?” (Jobho 38:4, 6, 7) Jehovha akabvunza Jobho mubvunzo mumwe pashure pomumwe pamusoro pegungwa, nguo yaro yegore, mambakwedza, masuo orufu, chiedza nerima, uye mapoka enyeredzi. Jobho aisagona kutaura chinhu paakabvunzwa, kuti: “Iwe unoziva mitemo yokudenga here?”—Jobho 38:33.
14 Mimwe mibvunzo yakaratidzira kuti munhu asati asikwa ndokupiwa udzori pamusoro pehove, shiri, mhuka, uye zvinhu zvinokambaira, Mwari akanga ari kuzvigovera—pasina betsero ipi neipi yomunhu kana kuti zano. Mimwe mibvunzo yaJehovha yakadudza zvisikwa zvakadai senyati, mhou, uye bhiza. Jobho akabvunzwa, kuti: “Ko gondo rinokwira nokurayira kwako, richindovaka dendere raro pakakwirira here?” (Jobho 39:27) Chokwadika kwete! Chimbofungidzira kuita kwaJobho apo Mwari akamubvunza, kuti: “Munhu, unokakavara, ungaita nharo noWamasimba-ose here?” Hakushamisi kuti Jobho akati: “Tarirai, ini ndiri muduku hangu; ndingakupindurai here? Ndinofumbira muromo wangu.” (Jobho 40:2, 4) Sezvo Jehovha akarurama nguva dzose, kana tikafanira kutomboedzwa kuti timunyunyutire, tinofanira ku‘isa ruoko rwedu pamuromo wedu.’ Mibvunzo yaMwari yakakudzawo ukuru hwake, chiremera, uye simba, sezvinoratidzirwa muchisiko.
Behemoth neLeviathan
15. Behemoth inowanzorangarirwa kuva mhuka ipi, uye ndeipi iri mimwe yemiitiro yayo?
15 Jehovha akatevera kududza Behemoth, inowanzorangarirwa kuva mvuu. (Jobho 40:15-24) Inoshamisa noukuru hwayo, uremu ukuru, uye dehwe rakaoma, iyi mhuka inodya zvinomera ‘inodya uswa hwakasvibira.’ Manyuko esimba rayo nokusimba ari muchiuno chayo namadzira edumbu rayo. Mafupa amakumbo ayo akasimba se“ndarira dzine mhango.” Behemoth haivhundutswi nemvura dzinoerera nesimba asi inoshambira zviri nyore ichipesana nefungu.
16. (a) Kurondedzerwa kweLeviathan kunokodzera chisikwa chipi, uye ndeapi mamwe maidi pamusoro pacho? (b) Simba reBehemoth neLeviathan ringakarakadza chii pamusoro pokuita migove mubasa raJehovha?
16 Mwari akabvunzawo Jobho, kuti: “Ko ungagona kubata [Leviathan, NW] nechiredzo, kana kutsikirira rurimi rwayo norwonzi here?” Tsananguro yeLeviathan inokodzera ngwena. (Jobho 41:1-34) Haisati ichizoita sungano yorugare nomunhu upi noupi, uye hapana munhu akachenjera ane ushingi kwazvo zvokuti ungadenha ichi chinokambaira. Miseve haichidzingi, uye “inoseka kana ichinzwa kuwunga kwebakatwa.” Leviathan yakashatirwa inoita kuti pakadzama panyanduke sepoto yamafuta anovira. Idi rokuti Leviathan neBehemoth zvakanga zvine simba zvikuru kwazvo kupfuura Jobho rakabetsera kumuninipisa. Isuwo tinofanira kubvuma nenzira yokuzvininipisa kuti hatina simba matiri timene. Tinoda uchenjeri hunopiwa naMwari nesimba kuti tinzvenge mazino aSatani, Nyoka, uye kuti tiite migove yedu mubasa raJehovha.—VaFiripi 4:13; Zvakazarurwa 12:9.
17. (a) Jobho aka“ona Mwari” sei? (b) Chii chakabvumikiswa nemibvunzo iyo Jobho aisakwanisa kupindura, uye ikoku kunogona sei kutibetsera?
17 Aninipiswa zvakakwana, Jobho akabvuma murangariro wake wakaipa uye akabvuma kuti akanga ataura asina zivo. Bva, akanga aratidzira kutenda kuti aizo“ona Mwari.” (Jobho 19:25-27) Ikoko kwaigona kuitika sei, sezvo pasina munhu anogona kuona Jehovha akapfuurira kurarama? (Eksodho 33:20) Zvomenemene, Jobho akaona kuratidzirwa kwesimba roumwari, akanzwa shoko raMwari, uye maziso ake okunzwisisa akazarurwa kuti aone zvokwadi pamusoro paJehovha. Jobho naizvozvo ‘akazvidemba ndokupfidza muguruva namadota.’ (Jobho 42:1-6) Mibvunzo yakawanda yaakanga asina kugona kupindura yakanga yabvumikisa ukuru hwaMwari uye yakanga yaratidza uduku hwomunhu, kunyange munhu akazvipira kuna Jehovha sezvakanga zvakaita Jobho. Ikoku kunotibetsera kuona kuti fariro dzedu hadzifaniri kuiswa pamusoro pokutsveneswa kwezita raJehovha nokurevererwa kwouchangamire hwake. (Mateo 6:9, 10) Itiro hanya yedu huru inofanira kuva kuchengeta perero kuna Jehovha nokukudza zita rake.
18. Vanyaradzi venhema vaJobho vaifanira kuitei?
18 Zvakadini, kunyanguvezvo, nezvevanyaradzi venhema vanozviruramisa? Jehovha aigona kuve akauraya nenzira yakarurama Erifazi, Bhirdhadhi, uye Zofari nokuda kwokusataura zvokwadi pamusoro pake, sezvakanga zvaita Jobho. “Torai nzombe nomwe namakondohwe manomwe, muende kumuranda wangu Jobho,” akadaro Mwari, “muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho uchakunyengetererai.” Vatatu vacho vaifanira kuzvininipisa vamene kuti vabvume. Jobho anochengeta perero aifanira kuvanyengeterera, uye Jehovha akawana munyengetero wake uchigamuchirika. (Jobho 42:7-9) Asi zvakadiniko nomudzimai waJobho, uyo akanga amukurudzira kutuka Mwari ndokufa? Kunoratidzika kuti iye akayananiswa naye nengoni dzaMwari.
Tuso Dzakapikirwa Dzinotipa Tariro
19. Pamusoro paJobho, Jehovha akaratidza sei ukuru Hwake pana Dhiyabhorosi?
19 Nokukurumidza apo Jobho akarega kunetseka pamusoro pokutambura kwake uye amutsiridzwa mubasa raMwari, Jehovha akamuchinjira zvinhu. Pashure pokunge Jobho anyengeterera vatatu vacho, Mwari ‘akashandura mumiriro wake wezvinhu wokutapwa’ uye akamupa ‘zvose zvakanga zviri zvake zvakapetwa ruviri.’ Jehovha akaratidza ukuru Hwake pana Dhiyabhorosi kupfurikidza nokumisa ruoko rwaSatani runoparira hosha uye kuporesa Jobho nenzira inoshamisa. Mwari akadzivisawo mapoka amadhemoni ndokuachengeta ari munzvimbo dzawo kupfurikidza nokuisazve rusvingo kupoteredza Jobho nomusasa wengirozi Dzake.—Jobho 42:10; Pisarema 34:7.
20. Jehovha akatusa nokukomborera Jobho munzirai?
20 Vakoma vaJobho, hanzvadzi, uye vaichimbova vazivikanwi vakaramba vachiuya kuzodya naye, kumunzwira tsitsi, uye kumunyaradza pamusoro pengwavaira Jehovha akanga abvumira kuuya paari. Mumwe nomumwe wavo akapa Jobho mari nemhete yendarama. Jehovha akakomborera kuguma kwaJobho zvikuru kupfuura kuvamba kwake, zvokuti akasvika pakuva namakwai 14 000, ngamera 6 000, zvipani zvemombe 1 000, uye makadzi embongoro 1 000. Jobho akavawo nevanakomana vanomwe navanasikana vatatu, nhamba imwe cheteyo yaakanga anayo kare. Vanasikana vake—Jemima, Kezia, uye Kereni-hapuki—ndivo vakanga vari vakadzi vakanakisisa munyika yacho, uye Jobho akavapa nhaka pakati pehanzvadzi dzavo. (Jobho 42:11-15) Uyezve, Jobho akararama mamwe makore 140 uye akaona zvizvarwa zvina zvavana vake. Nhoroondo yacho inogumisa, kuti: “Jobho akazofa, akwegura, ava namazuva mazhinji.” (Jobho 42:16, 17) Kurebeswa kwoupenyu hwake kwakanga kuri basa rinoshamisa raJehovha Mwari.
21. Tinobetserwa sei nenhoroondo yapaMagwaro pamusoro paJobho, uye tinofanira kusarudza kuitei?
21 Nhoroondo yapaMagwaro pamusoro paJobho inotiita kuti tizive zvikuru nezvamazano aSatani uye inotibetsera kuona kuti uchangamire hwechisiko chose hwakabatanidzwa sei neperero yomunhu. SaJobho, avo vose vanoda Mwari vachaedzwa. Asi tinogona kutsungirira sezvakaita Jobho. Iye akabuda mumiedzo yake nokutenda netariro, uye tuso dzake dzakanga dzakawanda. Savabatiri vaJehovha nhasi, tine kutenda kwechokwadi netariro. Uye itariro huru yakadini Mutusi Mukuru akaisa pamberi pomumwe nomumwe wedu! Kurangarira tuso yokudenga kuchabetsera vakazodzwa kubatira Mwari nenzira yokuvimbika hwasara hwoupenyu hwavo pasi pano. Vakawanda vane kariro dzapasi havasati vachizotongofa, asi avo vachadaro vachatuswa norumuko muParadhiso pasi pano, pamwe chete naJobho amene. Netariro yakadaro yechokwadi mumwoyo nomundangariro, avo vose vanoda Mwari ngavabvumikise Satani kuva murevi wenhema kupfurikidza nokutsigira zvakasimba rutivi rwaJehovha savachengeti veperero navatsigiri vakasimba vouchangamire hwake hwechisiko chose.
◻ Ndeapi mamwe amapfundo akaitwa naJobho mukupindura kwake kwokupedzisira vanyaradzi vake venhema?
◻ Erihu akabvumikisa sei kuva chapupu chisina kwachakarerekera chaJehovha?
◻ Ndeipi yaiva mimwe yemibvunzo yaMwari kuna Jobho, uye mugumisiroyi wayakava nayo?
◻ Wabetserwa sei nenhoroondo yapaMagwaro pamusoro paJobho?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mifananidzo iri papeji 18]
Kutaura kwaJehovha pamusoro peBehemoth neLeviathan kwakabetsera kuninipisa Jobho