-
Ndiani Waunonyanya Kukoshesa Muupenyu Hwako?Nharireyomurindi—2011 | May 15
-
-
7, 8 Jobho akasangana nemiedzo yakaita sei, uye akaratidzei nokuramba achitsungirira?
7 Jehovha akabvumira kuti Satani aunze matambudziko akatevedzana pana Jobho. (Job. 1:12-19) Jobho akaita sei zvinhu pazvakachinja kudaro? Tinoudzwa kuti “haana kutadza kana kutaura chinhu chisina kukodzera kuna Mwari.” (Job. 1:22) Asi izvozvo hazvina kuita kuti Satani anyarare. Akazotizve: “Ganda rinotsiviwa neganda, uye munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake.”a (Job. 2:4) Satani aitaura kuti Jobho aisazoona Jehovha seanokosha kupfuura vamwe vose muupenyu hwake kana akarwadziswa nyama yake.
-
-
Ndiani Waunonyanya Kukoshesa Muupenyu Hwako?Nharireyomurindi—2011 | May 15
-
-
a Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinofunga kuti mashoko okuti “ganda rinotsiviwa neganda” angava achireva kuti Jobho aizoita kuti vana vake nezvipfuwo zvirasikirwe neganda, kana kuti upenyu, chero iye aizoramba aine ganda rake, kana kuti upenyu. Vamwe vanofunga kuti mashoko iwayo anoratidza kuti munhu angasva hake arasikirwa neganda rake kana zvichizoita kuti arambe achirarama. Somuenzaniso, munhu angavhika chibhakera noruoko kuti asarohwa kumeso, achirasikirwa nerimwe ganda kuti arambe aine ganda rake. Chero zvairehwa nedimikira racho, zviri pachena kuti Jobho aizofara kurasikirwa nezvose chero aizoramba aine upenyu hwake.
-