Tariro ine Chokwadi Yavakafa
MUMWE mukadzi ane makore 25 okukura akanyora, kuti: “Muna 1981 amai vangu vokurera vakafa nekenza. Rufu rwavo rwakanga rwakaoma zvikuru pandiri nehanzvadzi yangu yokurerwa. Ndaiva namakore 17, uye hanzvadzi yangu yaiva namakore 11. Ndakarasikirwa navo zvikuru kwazvo. Zvandakanga ndadzidziswa kuti vakanga vari mudenga, eya, ndaida kuzviuraya kuti ndive navo. Vakanga vari shamwari yangu yakanakisisa.”
Kunoratidzika kuva kusina kunaka kwazvo kuti rufu runofanira kuva nesimba rokutora mumwe munhu waunoda. Uye apo kunoitika, mufungo wokusazotongokwanisa zvakare kutaura naye, kuseka, kana kuti kubata mudiwa wako unogona kuva wakaoma zvikurusa kutsungirira. Marwadzo iwayo haasati achibviswa zvawo nokuudzwa kuti mudiwa wako ari mudenga.
Bhaibheri, zvisinei, rinopa tariro yakasiyana zvikuru. Sezvo tacherechedza kare, Magwaro anoratidzira kuti kunobvira kubatanidzwazve nomudiwa wako akafa munguva yemberi iri pedyo, kwete mudenga risingazivikanwi asi pano chaipo pasi pano mumigariro ine rugare, yakarurama. Uye panguva iyoyo vanhu vachava nekariro yokufarikanya utano hwakakwana, uye havasati vachizotongofanira kufazve. ‘Asi zvirokwazvo ikoko kufunga kwokushuva!’ vamwe vangadaro.
Kungadei kukupwisa kuti iyi itariro ine chokwadi? Kuti udavire chipikirwa, ungada kuva nechokwadi chokuti munhu anoita chipikirwa chacho ari zvose zviri zviviri anodisa naanokwanisa kuchiita. Ndiani, ipapoka, anopikira kuti vakafa vachararamazve?
Muchirimo cha31 C.E., Jesu Kristu akapikira noushingi, kuti: “Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa, vachivararamisa, saizvozvo, Mwanakomana unoraramisawo vaanoda kuraramisa. Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi rake [raJesu], vachabuda.” (Johane 5:21, 28, 29) Hungu, Jesu Kristu akapikira kuti mamiriyoni akafa zvino achararamazve papasi rino ndokuva nekariro yokugara pariri nokusingaperi mumigariro ine rugare, yeparadhiso. (Ruka 23:43; Johane 3:16; 17:3; enzanisa Pisarema 37:29 naMateo 5:5.) Sezvo Jesu akaita chipikirwa chacho, kwakanaka kufunga kuti anodisa kuchiita. Asi anokwanisa kuita saizvozvo here?
Asingasviki makore maviri pashure pokuita chipikirwa ichocho, Jesu akaratidzira nenzira ine simba kuti ari zvose zviri zviviri anodisa naanokwanisa kuita rumuko.
“Razaro, Buda!”
Chakanga chiri chiono chinosiririsa. Razaro akanga achirwara zvakakomba. Hanzvadzi dzake mbiri, Maria naMarta, dzakatumira shoko kuna Jesu, uyo akanga ari mhiri kwoRwizi rwaJoridhani: “Ishe, tarirai uyo unodikanwa nemi unorwara.” (Johane 11:3) Ivo vaiziva kuti Jesu aida Razaro. Jesu angasada kuona shamwari yake inorwara here? Nenzira yechienzi, panzvimbo pokuenda kuBhetania nokukurumidza, Jesu akagara kwaakanga ari kwamazuva maviri akatevera.—Johane 11:5, 6.
Razaro akafa nguva yakati pashure pokunge shoko pamusoro pechirwere chake ratumirwa. Jesu akaziva apo Razaro akafa, uye akarangarira kuita chimwe chinhu pamusoro pako. Panguva iyo Jesu pakupedzisira akasvika muBhetania, shamwari yake inodiwa yakanga yava yakafa kwamazuva mana. (Johane 11:17, 39) Jesu aigona here kudzorera kuupenyu mumwe munhu akanga ave afa nguva yakareba kudaro?
Pakunzwa kuti Jesu akanga achiuya, Marta, mukadzi anoshingaira, akamhanya kundosangana naye. (Enzanisa naRuka 10:38-42.) Asiririswa norusuruvaro rwake, Jesu akamuvimbisa, kuti: “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Apo akaratidzira kutenda kwake murumuko rwomunguva yemberi, Jesu akamuudza pachena, kuti: “Ndini kumuka noupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama.”—Johane 11:20-25.
Pakusvika paguva, Jesu akarayira kuti ibwe rakavhara suo raro ribviswe. Ipapo, pashure pokunyengetera zvinonzwika, akarayira, kuti: “Razaro, buda!”—Johane 11:38-43.
Meso ose akanga akatwiriridzirwa paguva. Ipapo, murima, munhu akabuda. Tsoka dzake namaoko zvakanga zvakasungwa nezvokuputirisa, uye chiso chake chakanga chakasungwa nejira. “Mumusunungurei, aende,” akarayira kudaro Jesu. Zvokupedzisira zvokupombera zvisina kusunungurwa zvakawira pasi. Hungu, akanga ari Razaro, murume akanga ave akafa mazuva mana!—Johane 11:44.
Rwakaitika Chaizvoizvo Here?
Nhauro yokumutswa kwaRazaro inopiwa muEvhangeri yaJohane seidi renhau. Udzame hwacho hwakajeka zvikuru zvokusagona kuva nganowo zvayo. Kupanikira kuva kwayo yenhau kupanikira manenji ose eBhaibheri, kubatanidza rumuko rwaJesu Kristu amene. Uye kuramba rumuko rwaJesu kuramba kutenda kwechiKristu kwose zvako.—1 VaKorinte 15:13-15.
Zvomenemene, kana uchigamuchira kuvapo kwaMwari, haufaniri kuva nechinetso mukudavira rumuko. Kuenzanisira: Mumwe munhu anogona kutepa muvhidhiyo chido chake chenhaka, uye pashure pokunge afa, hama dzake dzokunyama neshamwari vanogona kumuona nokumunzwa, chaizvoizvo, sezvaanotsanangura nzira iyo pfuma yake inofanira kubatwa nayo. Makore ane zana apfuura, chinhu chakadaro chakanga chisingafungiki. Uye kuvamwe vanhu zvino vanogara mumativi ari kure enyika, ruzivo rwokurekodha nevhidhiyo harunzwisisiki kwazvo zvokuratidzika kuva rwechienzi. Kana nheyo dzesayenzi dzakatangwa noMusiki dzichigona kushandiswa navanhu kuumbazve chiono chinooneka nechinonzwika chakadaro, Musiki haafaniri kukwanisa kuita zvakawanda zvikuru here? Hakuna mufungo here, ipapoka, kuti Uyo akasika upenyu anokwanisa kuhusikazve?
Nenji rokudzorerwa kwaRazaro kuupenyu rakabatira kuwedzera kutenda muna Jesu norumuko. (Johane 11:41, 42; 12:9-11, 17-19) Nenzira inoorora, rinozivisawo kudisa nechishuvo zvaJehovha noMwanakomana wake kuita rumuko.
‘Mwari Achava Nechishuvo’
Kuita kwaJesu kurufu rwaRazaro kunozivisa tsitsi dzoMwanakomana waMwari. Kunzwa kwake kukuru paiyi nhambo kunoratidzira zvakajeka chishuvo chake chikuru chokumutsa vakafa. Tinorava, kuti: “Zvino Maria wakati achisvika kuna Jesu, achimuona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Zvino Jesu wakati achimuona achichema, navaJudha vakanga vauya naye, vachichemawo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika, akati: Mamuisepiko? Vakati kwaari: Ishe, uyai, muvone. Jesu akachema misodzi. Ipapo vaJudha vakati: Tarirai, waimuda sei!”—Johane 11:32-36.
Tsitsi dzomwoyo wose dzaJesu pano dzinoratidzirwa nokutaura kutatu: “akafa neshungu,” “akatambudzika,” uye “akachema misodzi.” Mashoko omutauro wapakuvamba akashandiswa mukurondedzera ichi chiono chinosiririsa anoratidzira kuti Jesu akasiririswa kwazvo norufu rweshamwari yake inodiwa Razaro nokuona hanzvadzi yaRazaro ichichema zvokuti meso Ake akazara nemisodzi.a
Chinoshamisa kwazvo ndechokuti Jesu akanga adzorera kare vamwe vaviri kuupenyu. Uye akarangarira zvizere kuita zvimwe chetezvo naRazaro. (Johane 11:11, 23, 25) Bva, iye “akachema misodzi.” Kudzorera vanhu kuupenyu, ipapoka, hausati uchingova muitirowo zvawo nokuda kwaJesu. Kunzwa kwake kunyoro nokukuru sokwakaratidzirwa paiyi nhambo kunoratidzira zvakajeka chishuvo chake chikuru chokubvisa kuparadza kwose kworufu.
Sezvo Jesu ari ‘mufananidzo chaiwoiwo wokuvapo kumene kwaJehovha Mwari,’ tinokarira nomazvo zvakafanana kuna Baba vedu vokudenga. (VaHebheru 1:3) Nezvokudisa kwaJehovha amene kuita rumuko, murume akatendeka Jobho akati: “Kana munhu achinge afa, ungararamazve here? . . . Maizodana, ini ndikakupindurai; maishuva basa ramaoko enyu.” (Jobho 14:14, 15) Pano shoko romutauro wapakuvamba rinoshandurwa kuti “maishuva” rinoratidzira chishuvo chapachokwadi chaMwari nokupanga. (Genesi 31:30; Pisarema 84:2) Nenzira yakajeka, Jehovha anofanira kukarira zvikuru rumuko.
Tinogona here kudavira chaizvoizvo chipikirwa chorumuko? Hungu, hapana panikiro kuti Jehovha noMwanakomana wake vari zvose zviri zviviri vanodisa navanokwanisa kuruita. Ikoku kunorevei nokuda kwako? Une kariro yokubatanidzwazve navadiwa vakafa pano chaipo pasi pano asi mumigariro yakasiyana zvikuru!
Jehovha Mwari, uyo akatanga rudzi rwomunhu mubindu rakaisvonaka, akapikira kudzorera Paradhiso papasi rino mukutonga kwoUmambo Hwake hwokudenga musimba raJesu Kristu zvino akapiwa mbiri. (Genesi 2:7-9; Mateo 6:10; Ruka 23:42, 43) MuParadhiso iyoyo ichadzorerwa, mhuri yomunhu ichava nekariro yokufarikanya upenyu husina mugumo, husina chirwere chose nehosha. (Zvakazarurwa 21:1-4; enzanisa naJobho 33:25; Isaya 35:5-7.) Ruchave rwaendawo ruchava ruvengo rwose, kufungira mano kwedzinza, masimba masimba orudzi, uye dzvinyiriro yezvemari. Muchava mupasi iroro rakacheneswa umo Jehovha Mwari kupfurikidza naJesu Kristu achamutsa vakafa.
Iyoyo zvino ndiyo tariro yomukadzi wechiKristu adudzwa pamavambo echikamu chino. Makore anoverengeka pashure pokunge amai vake vafa, Zvapupu zvaJehovha zvakamubetsera kuita fundo yokungwarira yeBhaibheri. Iye anoyeuka, kuti: “Pashure pokudzidza pamusoro petariro yorumuko, ndakachema. Kwaishamisa kuziva kuti ndichaonazve amai vangu.”
Kana mwoyo wako uchishuva zvakafanana kuonazve mudiwa, Zvapupu zvaJehovha zvichakubatsira nomufaro kudzidza nzira yaunogona kuita nayo iyi tariro ine chokwadi yako umene zvikuru. Kuregererei kuonana nazvo paHoro yoUmambo iri pedyo newe, kana kuti kunyorera kero iri pedyosa yakarongwa papeji 32.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “akafa neshungu” rinobva muchiito (em·bri·maʹo·mai) icho chinoratidzira kusundwa zvinorwadza, kana kuti zvikuru. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti: “Pano rinongogona bedzi kureva kuti murangariro mukuru wakadaro wakabata Jesu zvokuti kugomera kwomuzvarirwo kwakabudiswa mumwoyo Wake.” Kutaura kwakashandurwa kuti “akatambudzika” kunobva mushoko rechiGiriki (ta·rasʹso) iro rinoratidzira nhamo. Mukuwirirana nomunyori weduramashoko, rinoreva “kuparira munhu nyongano yomukati . . . kutapura namarwadzo makuru kana kuti rusuruvaro.” Kutaura kwokuti “akachema misodzi” kunobva muchiito chechiGiriki (da·kryʹo) icho chinoreva “kubudisa misodzi, kuchema chinyararire.”
Mibvunzo Yokurangarira
Apo shamwari yake Razaro yakafa, Jesu akaratidzira sei kuti Iye ari zvose zviri zviviri anodisa naanokwanisa kuita rumuko?
Neiko tichigona kugamuchira nhauro yeBhaibheri yorumuko rwaRazaro seidi renhau?
Nhauro iri muna Johane ganhuro 11 inozivisa sei chishuvo chikuru chaJesu chokubvisa kuparadza kworufu?
Chii chinoratidza kuti Jehovha Mwari anokarira rumuko nokudisa?
[Bhokisi riri papeji 28]
Magwaro Anonyaradza
Nguva nenguva, mukutsanangura kuti vakagonana sei nenhamo yavo, vaKristu vakatendeka vakati: “Regai ndikuudzei rugwaro rwandinoda rweBhaibheri.” Kana uri kutambudzika, zvimwe mamwe eaya magwaro achakubetserawo.
“Ngaaongwe, . . . Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VaKorinte 1:3, 4.
“Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.”—Pisarema 145:16.
“Wakatara [Mwari] zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kuna vose, pakumumutsa kuvakafa.”—Mabasa 17:31.
“Ini, iyeni, ndinokunyaradzai.”—Isaya 51:12.
“Somunhu unovaraidzwa namai vake, saizvozvo ndichakuvaraidzai.”—Isaya 66:13.
“Ndizvo zvinondinyaradza pakutambudzika kwangu; nokuti shoko renyu rakandiponesa. Ndakarangarira zvamakatonga kare kare, Jehovha, ndikazvinyaradza. Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, sezvamakareva kumuranda wenyu.”—Pisarema 119:50, 52, 76.
“Nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu.”—Johane 5:28, 29.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Tsitsi huru dzaJesu pakumutsa Razaro dzakaratidzira chishuvo chake chikuru chokubvisa kuparadza kworufu
[Mufananidzo uri papeji 31]
Rumuko, rwakavakirwa pachibayiro chorudzikinuro chaKristu Jesu, ruchaunza mufaro kumarudzi ose