Ndiani Anogona Kuva Shamwari yaMwari?
IWE unogona kuva shamwari yaMwari. Makore 4 000 apfuura, murume Abrahama akaisa kutenda muna Jehovha Mwari. Ikoku kwakarangarirwa kwaari sokururama, uye tateguru ivavo vakasvika pakunzi “shamwari yaJehovha.” (Jakobho 2:23, NW) Naizvozvo kana iwe une kutenda muna Jehovha, unogonawo kuva shamwari yaMwari.
Shamwari sezvingabvira dzinokokwa kuzvokudya savashanyi. Kutaura idi, rutivi rwePisarema rinosanozivikanwa rechi 23 rinomirira Mwari somuchinguri ane nyasha. Irwo runoti: “Munondigadzirira [Jehovha] tafura pamberi pavadzivisi vangu. . . . Mukombe wangu unopfachuka.”—Pisarema 23:5.
Pane imwe nhambo, wezvamapisarema mumwe cheteyo—Mambo Dhavhidhi waIsraeri wakare—akabvunza, kuti: “Jehovha, ndianiko ungatsaukira mutendi renyu? Ndianiko ungagara pagomo renyu dzvene?” (Pisarema 15:1) Nenzira yokufananidzira, ikoku kunoreva kusvika kuna Jehovha mumunyengetero unogamuchirika nokunamata. Iropafadzo inotyisa zvakadini! Vanhu vasina kukwana vanogona sei sezvinobvira kukwanirisa kuva shamwari navashanyi vaMwari?
Pisarema rechi 15 rinopindura uyu mubvunzo. Iro rinodudza zvinodikanwa gumi zvakananga zvaavo vanoshuva kuva shamwari navashanyi vaMwari. Ngatirangarirei izvi zvinodikanwa chimwe nechimwe, tichitanga Pis 15 nendima 2.
“Uyo, unofamba asine mhosva, unoita zvakarurama”
Vana vaAbrahama vakabudirira zvikuru kwazvo nemhaka yokuti Abrahama akanga asina mhaka mutsika mukufamba pamberi paJehovha. (Genesi 17:1, 2) “Kufamba” pane dzimwe nguva kunoreva kuronda nzira yakati muupenyu. (Pisarema 1:1; 3 Johane 3, 4) Nokuda kweshamwari dzaMwari navashanyi, hakuna kukwana kuva worudzidziso, kufarira zvivako zvarwo zvakaisvonaka, uye kugoverana muchengeto dzenguva dzose. Havasati vari vose vanoti “Ishe, Ishe” kana kuti kuzivisa kuti ivo vanoziva Mwari vachafarikanya zvikomborero zvoUmambo hwake. (Mateo 7:21-23; Tito 1:16) Shamwari dzaJehovha ‘dzinofamba dzisina mhaka’ pamberi pake uye ‘dzinoshandisa kururama’ mukuwirirana nemipimo yake.—Mika 6:8.
Ikoku kunobvisa chimiro chiri chose chokusatendeseka, utere hwevatano, uye ushati. Mwari amene anotiudza chikonzero nei, achiti: “Munofanira kuva vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” (1 Petro 1:16, NW) Rudzidziso rwako runonamatira kumipimo yakakwirira yaMwari here, kunyange kudzinga avo vanoramba kuwirirana nezvinodikanwa zvake? Iwe unoomerera pamufambiro wakarurama nokuda kwako umene nemhuri yako here? Kana zvakadaro, uchave uchisvitsa chinodikanwa chinotevera cheshamwari dzaMwari navashanyi.
“Unotaura zvokwadi mumwoyo make”
Kana tichida ushamwari naMwari, hatigoni kureva nhema kana kuti kutendeukira kukunyengera nemwoyo miviri. (Pisarema 12:2) Tinofanira ‘kutaura zvokwadi mumwoyo medu,’ kwete kungova nayo chete pamiromo yedu. Hungu, tinofanira kuva vakatendeseka mukati uye tinofanira kupa ufakazi hwo“kutenda kusina unyengeri.” (1 Timotio 1:5, NW) Vamwe vanhu vanoreva nhema kana kuti kutaura hafu dzezvokwadi kudzivisa manyadzi. Vamwe vanonyengera pabvunzo dzechikoro kana kuti kunyepera mutero. Zviito zvakadaro zvinoratidzira kushaikwa kworudo rwechiri chechokwadi. Asi uzvokwadi namabasa akarurama zvinobva mumwoyo imene yeshamwari dzaMwari. (Mateo 15:18-20) Ivo havanyengedzi kana kuti kunyengera.—Zvirevo 3:32; 6:16-19.
Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Musareverana nhema. Bvisai hunhu hwekare nemiitiro yahwo, uye zvipfekedzei mumene hunhu hutsva.” (VaKorose 3:9, 10, NW) Hungu, avo vanotaura chaizvoizvo zvokwadi mumwoyo mavo vanozvipfekedza vamene “hunhu hutsva.” Iwe wakatendeseka chose chose here newe umene navamwe, uchitaura zvokwadi mumwoyo mako? Kana wakadaro, ikoko kunofanira kutapura zvaunotaura pamusoro pavamwe.
“Iye haana kuchera norurimi rwake” NW
Kuti tisvitse ichi chinodikanwa chavashanyi vaMwari, hatitongofaniri kutaura zvakaipa pamusoro pavamwe. (Pisarema 15:3) Chiito chechiHebheru chinoshandurwa kuti “kuchera” chinotorwa mushoko re“tsoka” uye rinoreva “kufamba” uye nokudaro “kufamba-famba.” VaIsraeri vakarairwa, kuti: “Usafamba-famba pakati pavanhu vokwako, uchivachera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehovha.” (Revhitiko 19:16; 1 Timotio 5:13) Kana tikachera mumwe munhu, kumubira zita rake rakanaka, hatigoni kuva shamwari dzaMwari.
Dhavhidhi akazivisa, kuti: “Ani naani anochera shamwari yake pakavanda, ndichamuparadza.” (Pisarema 101:5, NW) Isuwo tinogona kunyaradza vacheri kana tikaramba kuvateerera. Uye mutemo wakanaka kusataura chinhu pamusoro pomumwe munhu kugotsi kwake izvo tisati taizoda kutaura pamberi pake. Kwakaisvonaka kana tikadzora rurimi rwedu. Bva, kunokosha sei kudzora mabasa eduwo!
“Usingaitiri shamwari yake zvakaipa” NW
Anokosha pano mashoko aJesu: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo.” (Mateo 7:12) Kuti tifarikanye nyasha dzaMwari, tinofanira kurega kuita chiri chakashata. Wezvamapisarema akati: “Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha; iye unochengeta mweya yavatsvene vake; unovarwira paruoko rwavakaipa.” (Pisarema 97:10) Naizvozvo kana tichida ushamwari hwaMwari nebetsero, tinofanira kugamuchira mipimo yake.
Kudzivisa chiri chakashata kunobatanidza kwete kukanganisira munhu upi noupi mumabasa ebhizimisi kana kuti mudzimwe nzira. Mushoko nomuchiito, hatifaniri kuita chinhu chokukuvadza shamwari yedu, asi tinofanira kuva tichimuitira zvinhu zvakanaka. Ikoku kunogona kutapura rutivi rwuri rwose rwoupenyu. Somuenzaniso, pakuchaira, nomutsa tingapa nzira kuvanofamba netsoka. Tinogona kubetsera vakweguru, kukurudzira vakaora mwoyo, kunyaradza vanochema. Muna ikoku, Jehovha anogadza muenzaniso wakaisvonaka. Sezvakataura Jesu, Mwari “vanobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama.” (Mateo 5:43-48) Kwakafanana nokuita zvakanaka kuvamwe kuwirirana neizvo wezvamapisarema anotevera kududza.
“Usingatuki waagere naye”
Tose zvedu tinoita zvikanganiso, uye tinoonga sei apo shamwari dzinosarudza kufuratira idzi mhosho duku! Taizotambudzika kana shamwari yapedyo ikazivisa utera hwedu huduku asi hunokwenudza kuvamwe. Vamwe vanhu vanoita ikoku kubvisa ngwariro pamhosho dzavo vamene kana kuti kuzviita vamene varatidzike kuva vakuru kuvamwe. Asi zviito zvakadaro hazvikodzeri avo vanoshuva kuva shamwari dzaMwari.
“Munhu unofukidza kudarika kwomumwe, unotsvaka rudo; asi unoramba achimutsa shoko, unoparadzanisa shamwari dzinodana,” inodaro Zvirevo 17:9. Chokwadika, hatifaniri kuedza kuvanza chakaipa chakakomba. (Revhitiko 5:1; Zvirevo 28:13) Asi kana tichida kuva shamwari dzaMwari, hatisati tichizo‘tambira,’ kana kuti kugamuchira sedzechokwadi, nhau dzinozvidza pamusoro pavazivikanwi vakarurama. (1 Timotio 5:19) Shamwari dzaJehovha dzinotaura zvakanaka nezvavabatiri vaMwari panzvimbo pokuparadzira nhau pamusoro pavo, kuwedzera kuizvo vanototsungirira zvinobva kuzvidzo dzakaipa dzinoitwa navanhu vasiri voumwari. Shamwari dzaMwari navashanyi vanongwarirawo songaniro dzavo, nokuti Dhavhidhi anowedzera mundima 4, kuti:
“Munhu wakashata unozvidzwa naye”
Kutsvaka betsero dzoudyire, vamwe vanhu vanosonganirana navanhu vakapfuma kana kuti vakatanhamara kunyange kana ivo vakashata. (Enzanisa naJudhasi 16.) Asi hatigoni kuva shamwari dzaJehovha kana tichisonganirana navakaipa. Tinofanira kuvenga zvakaipa zvikuru kwazvo zvokuti hatidi kuva noushamwaridzani naavo vanohushandisa. (VaRoma 12:9) Mambo waIsraeri Jehorami akanga akashata kwazvo zvokuti muporofita Erisha akamuudza, kuti: “NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, zvirokwazvo dai ndisaiva nehanya naJehoshafati mambo waJudha uri pano, handizaitarira kwamuri, kana kukuonai imi.” (2 Madzimambo 3:14) Kuti tive shamwari dzaMwari, tinofanira kuteerera nyevero yaPauro: “Songaniro dzakashata dzinoshatisa tsika dzinobetsera.”—1 VaKorinte 15:33, NW.
Kana tichikoshesa ushamwari hwaJehovha, ipapoka, ticharamba kusonganirana navaiti vezvakaipa. Tichaita basa riri madikanwa bedzi navo. Shamwari dzedu dzichasarudzwa nokuda kwoukama hwadzo hwakanaka naMwari, kwete nokuda kwechimiro chadzo munyika. Tichasarudza shamwari nokuchenjera kana tine rutyo rwokuremekedza rwaMwari. Muna ikoku, cherechedza chinodikanwa chechinomwe chinofanira kusvitswa navashanyi vaJehovha.
“Asi unokudza vanotya Jehovha”
Kuti tive shamwari dzaMwari navashanyi, tinofanira kumutya. Zvirevo 1:7 (NW), inoti: “Kutyiwa kwaJehovha ndiko mavambo ezivo.” Chii chiri “kutyiwa kwaJehovha”? Rutyo rwokuremekedza nokuda kwaMwari nokutya kwakanaka kwokumutsamwisa. Ikoku kunoguma nezivo yechokwadi, chirango chinoponesa upenyu, uye uchenjeri hwokudenga uhwo huri nhungamiro yechokwadi.
Avo vanotya Jehovha vanonamatira kumipimo yake yakarurama kunyange kana ikoku kuchiguma nokunyombwa. Somuenzaniso, vazhinji vanoshora apo avo vanotya Mwari vanoshanda nokubishaira, vakatendeseka pabasa, kana kuti vanotsvaka kubetsera vamwe mumudzimu. Asi munhu woumwari anorangarira sei vanhu vakarurama vakadaro? ‘Iye anokudza avo vanotya Jehovha,’ achivaremekedza zvikuru, kunyange kana ikoku kuchireva kutsungirira ruzvidzo pamwe chete navo. Iwe une ruremekedzo rwakadaro here nokuda kwaavo vanotya Mwari? Achidudza chimwe chinodikanwa chenyasha dzoumwari, wezvamapisarema anowedzera, kuti:
“Iye unoti kana achinge apika, haangazoshanduri shoko rake, kunyange zvikava zvakaipa kwaari”
Nheyo iri pano ndeiya yokuita zvipikirwa zvedu, sezvinoita Mwari. (1 Madzimambo 8:56; 2 VaKorinte 1:20) Kunyange kana isu gare gare tikawana kuti kuita chatakapikira kwakaoma zvikuru, hatifaniri kuchinja ndangariro yedu ndokusiya chipikirwa chedu. Pano magwaro eSeptuagint echiGiriki, Peshitta yeSyria, uye Vulgate yeLatin anoti, “kupika kumuvakidzani wake.” Kana tikapika kuita chimwe chinhu, kana kuita mhiko yakafanira, tinofanira kuiita. (Muparidzi 5:4) Chokwadika, kana tikaziva kuti chimwe chinhu chatakapikira hachisi chapamagwaro, hatifaniri kuchiita.
Joshua haana kuputsa sungano navaGibheoni kunyange zvazvo iye gare gare akaziva kuti vakanga vamunyengedza kupinda mukuiita. (Joshua 9:16-19) Naizvozvo tinofanira kuva varume, vakadzi, uye vanhu vaduku vanochengeta shoko redu. Tisaita zvipikirwa kuvamwe uye ipapo ndokuvasiya vari muzvitambudzo apo mabanza anofadza zvikuru anotizarukira. Jesu akati: “Asi shoko renyu rive: Hon’o Hon’o; Kwete, Kwete.” (Mateo 5:37) Zvikurukuru avo vakazvitsaurira kuna Jehovha vanofanira kutsunga kurarama mukuwirirana nechipikirwa chavo chokumubatira nokusingagumi seZvapupu zvake. Kunze kwokuchengeta zvipikirwa, tinofanira kuva vanorangarira munhau dzemari, sezvinoratidza Dhavhidhi muPisarema rechi 15, ndima 5 Pis 15:5 .
“Iye usingarevi mhindu pamari yake”
Mari inokwereteswa nokuda kwamadonzo ebhizimisi inogona kubhadharwa nenzira yakarurama nemhindu. Asi pano Dhavhidhi akareva ‘kupa mari’ kuvanoshaiwa. Mutemo waMosesi wakati: “Kana ukapa mumwe wavanhu vangu vaunavo chikwereti chemari, ari murombo, usaita kwaari somupi wechikwereti; usareva mhindu kwaari.” (Eksodho 22:25; Revhitiko 25:35, 36) Apo Nehemia akawana varombo vachitambura savanyajambwa vavakweretesi, iye akamisa kushandisa kwakaipa kwakadaro.—Nehemia 5:1-13.
Nokuda kwe“mhindu,” Dhavhidhi akashandisa shoko rechiHebheru rakatorwa murimwe rinoreva “kuruma.” Ikoku kunokarakadza kuti vakweretesi vane makaro vakanga vachidya varombo nezvishomanene zvavaiva nazvo. Nenzira yakajeka, kuri nani zvikuru kubetsera vane urombo pasina kukarira mhindu ipi neipi. Jesu akajekesa pfundo racho nokutaura kuti: “Kana wagadzira chisvusvuro kana chirairo, . . . ukokere varombo, nezvirema, navanokamhina, namapofu. Ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.” (Ruka 14:12-14) Munhu anoshuva kuva shamwari yaMwari nomushanyi haasati aizotongoshandisa zvisakafanira urombo hwomuvakidzani wake uye aizowirirana neizvo wezvamapisarema anopfuurira kududza.
“Kana kugamuchira [fufuro, NW] pamusoro pousine mhosva”
Fufuro ine pesvedzero inoshatisa. VaIsraeri vakarairwa, kuti: “Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza meso avakangwara, nokuminamisa mashoko avakarurama.” (Dheuteronomio 16:19) Kwakaipa zvikuru kutora fufuro kuti ukuvadze “usina mhosva,” zvichida kupfurikidza nokuchinja umboo hwedare. Judhasi Iskarioti akanga akaipa sei mukugamuchira fufuro kuti ashambadze Jesu asina mhaka!—Mateo 26:14-16.
Tingazvirangarira timene kuva vasina mhaka muna ikoku. Asi takamboedzwa here kutenga nzira yedu yokubuda nayo mumugariro unokwenudza? Muporofita Samueri haana kutongogamuchira “fufuro,” kana kuti pfumbamuromo. (1 Samueri 12:3, 4) Tose zvedu tinofanira kuzvibata timene nenzira iyoyo kana tichizova shamwari dzaMwari navashanyi.
“Munhu unoita zvinhu izvezvi haangatongozununguswi”
Pashure pokurondedzera kwaro kane gumi munhu akarurama, Pisarema rechi 15 rinogumisa namashoko ari pamusoro apa. Iwo angasanotiita kuti tikamuranise rudzidziso rwedu. Kana kuri kutenda kwechokwadi, kunofanira kutidzidzisa ku (1) famba nenzira isina mhaka ndokushandisa kururama, (2) kutaura zvokwadi kunyange mumwoyo, (3) kudzivisa kuchera vamwe, uye (4) kurega kuita chinhu chipi nechipi chakashata. Rudzidziso runogamuchirika kuna Mwari rucha (5) tidzivisa kuzvidza vazivikanwi vakarurama uye rucha (6) tiita kuti tidzivise songanirano navanhu vanozvidzika. Kutenda kwechokwadi kuchatisunda ku (7) kudza avo vanotya Jehovha, (8) kuita chatinenge tapikira kuita kana chakafanira, (9) kupa kuvarombo pasina kuchaja mhindu, uye (10) kusatongotora fufuro pamusoro pomunhu asina mhaka.
Dhavhidhi haatauri kuti munhu upi noupi anorava, anonzwa, anotaura, kana kuti kunyange anodavira zvinhu izvozvi “haangatongozununguswi.” Ikoku kuchava chinoitika bedzi chomunhu “unoita zvinhu izvezvi.” Kutenda kusina mabasa kukutsigira kwakafa uye hakugumi netendero youmwari. (Jakobho 2:26) Vaiti vezvinhu zvakanaka vanodudzwa muPisarema rechi 15 havasati vachizozununguswa, nokuti Jehovha achavadzivirira nokuvatsigira.—Pisarema 55:22.
Chokwadika, kune zvakawanda kukunamata kwakachena kupfuura mapfundo gumi anodudzwa muPisarema rechi 15. Vateveri vaJesu gare gare vakadzidza zvimwe zvinhu pamusoro pokunamata Mwari “nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, 24, NW) Naizvozvo unogona, nokuti vanhu vanoita zvinhu izvi varipo nhasi. Songanirano yenguva dzose neizvi Zvapupu zvaJehovha nefundo yeBhaibheri zvichavaka tariro youpenyu muparadhiso yapasi umo iwe unogona kuva mushanyi waMwari neshamwari nokusingaperi.