Chii Chinofadza Vanhu?
Kwemakumi maviri emakore boka ravanzveri munyika yose rave richironda nzvero yakarongwa yomufaro. Vakawanei? “Mufaro hauratidziki kuva unotsamira zvikuru pamamiriro ezvinhu zvokunze,” inoshuma kudaro magazini inonzi Scientific American.
Ichi chinyorwa chesayenzi chakatiwo: “Upfumi haurevi mufaro. Vanhu havana kuwedzera kufara apo tsika dzavo dzakawedzera kupfuma. . . . Munyika zhinjisa kuwirirana kuri pakati pemari nomufaro kuduku zvikuru.”
Nzvero dzacho dzinoratidza mavara mana anoratidza vanhu vanofara: Vanozvida uye vanozviremekedza, vanonzwa kuti vanogona kudzora upenyu hwavo, vane tariro, uye vanofarira vanhu. Mukuwedzera, roorano dzakanaka neukama hwapedyo hwomunhu oga ndemamwe maidi muupenyu hunofadza, uye izvi zvinowedzera utano nenduramo.
Zvinofadza kuti Scientific American yakashuma kuti: “Vanhu vanoshingaira mune zverudzidziso vanoshumawo mufaro mukuru. Imwe nzvero yeboka yakawana kuti vanhu vanoita zvorudzidziso zvikuru vaibvira kuzviti vanofara zvikuru kakapetwa kaviri kupfuura vasingabatanidzwi mune zvorudzidziso. Dzimwe nzvero, kubatanidza nzvero yenyika 16 pavanhu 166 000 vari munyika 14, dzakawana kuti unonzi mufaro nokugutsikana noupenyu zvinowedzera kana vanhu vachida zvorudzidziso zvikuru uye vachipinda misangano yekunamata.”
Kare kare wezvemapisarema Dhavhidhi akazivisa kuti mufaro womunhu oga wakabatana zvikuru nokunamata Jehovha Mwari nokubatana, achinyora kuti: “Ndakafara panguva yavakati kwandiri: Hendei kumba kwaJehovha.”—Pisarema 122:1.
Ndosaka muapostora Pauro akakurudzira vaKristu biyake kuti: “Ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe”! (VaHebheru 10:24, 25) Zvirokwazvo, kuunganira kunamata Mwari nevamwe vane kutenda kunokosha kwakafanana chiitiko chinofadza vanoda chokwadi cheBhaibheri. Mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha akawana izvi kuva zvechokwadi uye vanokukurudzira kuti uzvinzwire woga kupfurikidza nokuvakumbanira mukunamata paHoro yoUmambo iri pedyo newe.