Zita raMwari
“Kutoti Jehovha akavaka imba, vavaki vanoshanda pasina.” Runorava kudaro urwu runyoro rwechiLatin. Mashoko acho akavakirwa paPisarema 127:1 muBhaibheri, uye ane zvokwadi huru: Vavariro ipi neipi isina chikomborero chaJehovha pakupedzisira ichava isina maturo.
Runyoro rwacho, rwomusi wa 1780, runowanwa pachimwe chivako muColombo, Sri Lanka, uye runokosha nemhaka yokuti rune zita raMwari, Jehovha. (Ona mufanikiso.) Mumazana amakore apakuvamba zvikuru zita iroro raishandiswa zvakafara. Raiwanzonyorwa pazvivako zvenyika, chechi, kunyange mari. Vafundisi vaishandisa zita raMwari apo vaiendesa Bhaibheri kunyika dziri kure, uko pasina panikiro kunotsanangura urwu runyoro muSri Lanka.
Zvinhu zvasiana sei nhasi! Vashomanene vanonzi maKristu vanoitira hanya zita raMwari. Dzimwe nyanzvi dzinototsoropodza Zvapupu zvaJehovha nokuda kwokurisimbisa. Neiko? Mukuwirirana nedzimwe, nemhaka yokuti kududzwa kwaro kwechiHebheru hakuzivikanwi chaizvoizvo. Asi vangani vanoziva kududzwa kwapakuvamba kwechiHebheru kwezita raJesu? Bva, zita rake rinoshandiswa nokuremekedzwa munyika yose.
Kuna Jesu, zita raMwari rakanga richikosha zvikuru. Iye akatidzidzisa kunyengetera, kuti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateo 6:9, NW) Uye pamberi chaipo porufu rwake, iye akati kuna Mwari: “Ndakaratidza vanhu, vamakandipa panyika, zita renyu.” (Johane 17:6) MaKristu echokwadi vateveri vamakwara aJesu. Haafaniriwo ‘kuratidzira zita raMwari’ here? Zvapupu zvaJehovha zvinoita saizvozvo, uye Jehovha anokomborera zvikuru “imba” yazvo. Kwazviri pisarema nderechokwadi, rinoti: “Vano mufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.”—Pisarema 144:15.