-
Unozorodza Vamwe Here?Nharireyomurindi—2007 | November 15
-
-
Unozorodza Vamwe Here?
GOMO reHemoni riri nechokumaodzanyemba kwemakomo eAnti-Lebanon, uye rakareba mamita 2 814. Nguva yakawanda yegore, pamusoro pegomo reHemoni panenge paine sinou, uye izvi zvinoita kuti mhepo inodziya yousiku iite makore pova nedova. Dova iri rinobva raita pamiti yakasvibira neyemichero iri pamateru ari nechepasi uye paminda yemizambiringa. Mumwaka yeIsraeri yekare yaisanaya mvura kwenguva refu, dova rakadaro rinozorodza ndiro rainyorovesa zvinomera.
Mune rumwe rwiyo rwakafuridzirwa naMwari, kubatana kunozorodza kwakaita vanhu vaJehovha kunofananidzwa ne“dova reHemoni riri kuburuka pamakomo eZiyoni.” (Pisarema 133:1, 3) Isuwo tinogona kuzorodza vaya vatinosangana navo, sezvinoita Gomo reHemoni rine dova rinonyorovesa zvinomera. Tingazviita sei?
-
-
Unozorodza Vamwe Here?Nharireyomurindi—2007 | November 15
-
-
[Mifananidzo iri papeji 16]
Dova reGomo reHemoni rinonyorovesa zvinomera
-