Jerusarema—Ndiro ‘Mufaro Wako Mukuru Unopfuura Zvose Here’?
“Rurimi rwangu ngarunamatire kumatadza angu . . . kana ndisingati Jerusarema ndiwo mufaro wangu mukuru unopfuura zvose.”—PISAREMA 137:6.
1. Nhapwa dzakawanda dzechiJudha dzaifunga sei nezveguta rakasarudzwa naMwari?
KWAKANGA kwapfuura makumi amakore anoda kusvika manomwe kubvira pakadzokera nhapwa dzechiJudha dzokutanga kuJerusarema muna 537 B.C.E. Temberi yaMwari yakanga yavakwazve, asi guta racho rakanga richiri matongo. Munguva iyi, chizvarwa chitsva chakanga chakura muutapwa. Pasina kupokana vakawanda vavo vakanzwa sezvakaita munyori wepisarema uyo akaimba kuti: “Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema, ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.” (Pisarema 137:5) Vamwe vakaita zvinopfuura kungoyeuka Jerusarema; vakaratidza nezviito zvavo kuti rakanga rapfuura “mufaro wa[vo] mukuru unopfuura zvose.”—Pisarema 137:6.
2. Ezra aiva ani, uye akakomborerwa sei?
2 Somuenzaniso, funga nezvomupristi Ezra. Kunyange asati adzokera kunyika yake, akanga atsigira kunamata kwechokwadi nokushingairira muJerusarema. (Ezra 7:6, 10) Ezra akakomborerwa zvikuru nokuda kwaizvozvo. Jehovha Mwari akasunda mwoyo wamambo wavaPersia kuti ape Ezra ropafadzo yokutungamirira boka rechipiri renhapwa dzaidzokera kuJerusarema. Uyezve, mambo akavapa mupiro mukuru wendarama nesirivha “kuti anatse imba yaJehovha iri Jerusarema.”—Ezra 7:21-27.
3. Nehemia akaratidza sei kuti ainetseka zvikuru nezveJerusarema?
3 Kwapera makore anenge 12 gare gare, pakanga pane mumwe muJudha akaita chiito chokutsunga—Nehemia. Aishanda muimba yamambo wePersia paShushani. Akanga ane basa rapamusoro somudiri waMambo Artashasta, asi handicho chaiva chikonzero chaNehemia “chomufaro wa[ke] mukuru unopfuura zvose.” Panzvimbo pezvo, aishuva kuenda kunovakazve Jerusarema. Kwemwedzi yakawanda Nehemia akanyengeterera izvi, uye Jehovha Mwari akamukomborera nemhaka yokuita kudaro. Paakaziva nezvezvainetsa Nehemia, mambo wePersia akamupa mauto netsamba achimubvumira kuti avakezve Jerusarema.—Nehemia 1:1–2:9.
4. Tingaratidza sei kuti kunamata Jehovha kunopfuura chimwe chikonzero chipi nechipi chokufara chatingava nacho?
4 Pasina mubvunzo, Ezra, Nehemia, navaJudha vakawanda vaishanda pamwe navo vakaratidza kuti kunamata Jehovha, kwaiva muJerusarema, kwaikosha kupfuura zvinhu zvose—kuti kwaiva ‘mufaro wavo mukuru unopfuura zvose,’ zvichireva kuti, kupfuura chimwe chinhu chipi nechipiwo zvacho chavangafarira. Vanhu vakadaro vanokurudzira zvakadini nhasi vose vanoona Jehovha, kunamata kwake, nesangano rake rinotungamirirwa nomudzimu wake nenzira yakafanana! Ndozvaunoita here? Kupfurikidza nokutsungirira kwako mumabasa okuda Mwari unoratidza kuti chinokufadza zvikuru iropafadzo yokunamata Jehovha navanhu vake vakazvitsaurira here? (2 Petro 3:11) Ngatimbofungei nezvemigumisiro yakanaka yorwendo rwaEzra rwokuJerusarema sechimwe chinokurudzira panhau iyi.
Zvikomborero Nemabasa
5. VaJudha vakakomborerwa nei mumazuva aEzra?
5 Boka renhapwa dzinenge 6 000 dzakanga dzichidzokera naEzra rakaunza mipiro yendarama nesirivha zvetemberi yaJehovha. Izvi zvakasvika madhora anenge mamiriyoni 10 115 pamari yanhasi. Izvi zvaipfuura ndarama nesirivha zvakanga zvakwanisa kuunzwa nenhapwa dzokutanga nekanenge kanomwe. Vagari vomuJerusarema nomuJudha vanofanira kuva vakafara sei kutsigirwa navanhu nezvinhu zvokunyama! Asi zvikomborero zvakapfuma zvinobva kuna Mwari zvinounzawo mutoro.—Ruka 12:48.
6. Ezra akazivei munyika yake, uye akaita sei?
6 Ezra akakurumidza kuona kuti vaJudha vakawanda, kubatanidza vamwe vapristi navakuru, vakanga vadarika Mutemo waMwari kupfurikidza nokuroora vakadzi vechihedheni. (Dheuteronomio 7:3, 4) Nenzira yakakodzera, akanga aodzwa mwoyo zvikuru nekuputswa uku kwesungano yoMutemo yaMwari. “Ndakati ndichizvinzwa, ndikabvarura nguo yangu nejasi rangu, . . . ndikagara pasi ndakakanuka.” (Ezra 9:3) Ipapo, vaIsraeri vaida kuziva varipo, Ezra akadurura mwoyo wake achinyengetera kuna Jehovha. Vose vachinzwa, Ezra akataura kusateerera kwaIsraeri kwomunguva yakapfuura nokunyevera kwaMwari kwezvaizoitika kana vakaroorana navagari venyika yacho vechihedheni. Akagumisa achiti: “Jehovha, Mwari waIsraeri, imi makarurama; nokuti tasiyirwa vamwe vakapukunyuka, sezvazvakaita nhasi; tarirai tiri pamberi penyu nemhosva dzedu, nokuti hakuna ungamira pamberi penyu nokuda kwechinhu ichi.”—Ezra 9:14, 15.
7. (a) Ezra akagadza muenzaniso upi wakanaka paaitaura nezvokuita zvakaipa? (b) Vaiva nemhaka vakaita sei muzuva raEzra?
7 Ezra akashandisa kutaura kwokuti “tiri.” Hungu, akazvibatanidza, kunyange zvazvo iye pachake akanga asina mhosva. Kutambura kukuru kwaEzra pamwe chete nomunyengetero wake wokuzvininipisa zvakabaya mwoyo yavanhu ndokuvasunda kuti vaite mabasa akafanira kupfidza. Vakabvuma nokuzvidira kuagadzirisa nenzira inorwadza—vose vakanga vaputsa Mutemo waMwari vaizodzorera vadzimai vavo vokumwe kunyika dzavo, pamwe chete navana vavakanga vaberekerwa. Ezra akabvuma nhano iyi ndokukurudzira vose vaiva nemhaka kuti vaite izvozvo. Nechiremera chaakanga apiwa namambo wePersia, Ezra akanga ane kodzero yokuparadza vose vaityora mutemo kana kuti yokuvadzinga muJerusarema nomuJudha. (Ezra 7:12, 26) Asi zvinoita sokuti haana kuzoita chiito chakadaro. “Ungano yose” yakati: “Sezvamataura pamusoro pedu, ndizvo zvatinofanira kuita.” Uyezve, vakareurura vachiti: “Takadarika kwazvo pachinhu ichi.” (Ezra 10:11-13) Bhuku raEzra ganhuro 10 rine mazita evarume 111 vakateerera chisarudzo chacho kupfurikidza nokudzinga vakadzi vavo navana vavakanga vaberekerwa.
8. Nei chiito chokukurumidza chokudzorera vadzimai vokumwe chakanga chakanakira vanhu vose?
8 Chiito ichi chakanga chisina kungonakira vaIsraeri bedzi asiwo vanhu vose. Kudai pakanga pasina chinhu chakaitwa kuti nhau yacho igadziriswe, vaIsraeri vaigona kudai vakamedzwa namarudzi aiva akapoteredza. Kana zvaizodaro, mutsara wedzinza waizosvika kuMbeu Yakapikirwa yaizokomborera vanhu vose ungadai wakasvibiswa. (Genesi 3:15; 22:18) Zvingadai zvakaoma kuziva Mbeu Yakapikirwa somuzukuru waMambo Dhavhidhi wendudzi yaJudha. Makore anenge 12 gare gare, iyi nhau inokosha yakataurwazve nezvayo apo “vorudzi rwavaIsraeri vakazviraura pavatorwa vose.”—Nehemia 9:1, 2; 10:29, 30.
9. Bhaibheri rinopa vaKristu vakaroorana navasingatendi zano ripi rakanaka?
9 Vabatiri vaJehovha vomuzuva ranhasi vanogona kudzidzei munhoroondo iyi? VaKristu havasi musungano yoMutemo. (2 VaKorinte 3:14) Panzvimbo pezvo, vanoteerera “murayiro waKristu.” (VaGaratia 6:2) Nokudaro, muKristu akaroorana nomunhu asingatendi anoteerera zano raPauro rokuti: “Kana hama ine mukadzi usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumurasha.” (1 VaKorinte 7:12) Uyezve, vaKristu vakaroorana navasingatendi vanosungirwa naMagwaro kushanda kuita kuti roorano yavo ibudirire. (1 Petro 3:1, 2) Kuteerera zano iri rakanaka kakawanda kwakaguma nechikomborero chokuti vasingatendi vavakaroorana navo vakachinja mwoyo pamusoro pokunamata kwechokwadi. Vamwe vakatova vaKristu vakatendeka vakabhabhatidzwa.—1 VaKorinte 7:16.
10. VaKristu vanogona kudzidza chidzidzo chipi muvarume vechiIsraeri 111 vakadzinga vadzimai vavo vokumwe?
10 Asi, nhau yavaIsraeri vakadzinga vadzimai vavo vokumwe inopa vaKristu vasati varoora kana kuti kuroorwa chidzidzo chakaisvonaka. Ivava havafaniri kutanga kudanana navanhu vasiri vatendi. Zvingava zvakaoma kudzivisa ukama hwakadaro, zvinotorwadza, asi ndiyo nzira yakanakisisa yokuita kuti munhu arambe achikomborerwa naMwari. VaKristu vanorayirwa kuti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi.” (2 VaKorinte 6:14) MuKristu oga oga asina kuroora kana kuti kuroorwa anoda kuroora kana kuti kuroorwa anofanira kuronga kuroorana neanotendawo zvechokwadi.—1 VaKorinte 7:39.
11. Kufanana navarume vaIsraeri, tingaedzwa sei pamusoro pemufaro wedu mukuru?
11 Munzira dzakawandawo, vaKristu vakagadziridza pavakaudzwa kuti vakanga vachifamba nenzira isiri yomumagwaro. (VaGaratia 6:1) Panguva nenguva, magazini ino yakazivisa mufambiro usiri womumagwaro waizoita kuti munhu asakodzera kuramba ari musangano raMwari. Somuenzaniso, muna 1973 vanhu vaJehovha vakasvika pakunyatsonzwisisa kuti kushandisa zvinodhaka zvisina kufanira nokushandisa fodya zvivi zvakakomba. Kuti tirambe tichifamba munzira yaMwari, tinofanira ku“zvinats[a] pamatsvina ose enyama noomweya.” (2 VaKorinte 7:1) Vakati wandei vakateerera zano reBhaibheri iroro nomwoyo wose; vakanga vachida kutambura nemarwadzo anotanga anoparirwa nokurega kuitira kuti varambe vari vamwe vevanhu vaMwari vakachena. Nhungamiro yakajeka yomuMagwaro yakapiwawo pamusoro penhau dzevatano, kupfeka, kuzvishambidza, uye kusarudza basa nokuchenjera, varaidzo, nenziyo. Ipi neipi ingava mitemo yomuMagwaro yatinotaurirwa, ngatiratidzei kuva takagadzirira ku“ruramiswa,” kufanana navarume 111 vaIsraeri. (2 VaKorinte 13:11, NW) Izvi zvicharatidza kuti ropafadzo yokunamata Jehovha pamwe chete navanhu vake vatsvene ‘mufaro wedu mukuru unopfuura zvose.’
12. Chii chakaitika muna 455 B.C.E.?
12 Rapedza kushuma chiitiko chaibatanidza vadzimai vokumwe, Bhaibheri harititauriri chakaitika muJerusarema kwamakore 12 akatevera. Pasina mubvunzo, marudzi akavakidzana akanyanya kuva noutsinye nemhaka yokugurwa kwemichato yakawanda. Muna 455 B.C.E., Nehemia akasvika muJerusaema akachengetedzwa namauto. Akanga agadzwa kuva gavhuna weJudha uye akanga aunza tsamba dzaibva kuna mambo wePersia dzaimubvumidza kuti avakezve guta racho.—Nehemia 2:9, 10; 5:14.
Kushorwa Navavakidzani Vane Godo
13. Vavakidzani vezvitendero zvenhema vevaJudha vakaratidza mafungiroi, uye Nehemia akaita sei?
13 Vavakidzani vaiva vezvitendero zvenhema vakashora chinangwa chokuuya kwaNehemia. Vatungamiriri vavo vakamutyisidzira nokubvunza kuti: “Munoda kumukira mambo kanhi?” Achiratidza kutenda muna Jehovha, Nehemia akapindura achiti: “Mwari wokudenga uchatifambisa zvakanaka; saka isu varanda vake tichasimuka, nokuvaka; asi imi hamuna mugove kana simba kana chirangaridzo paJerusarema.” (Nehemia 2:19, 20) Pakatanga kugadzirwa masvingo acho, vavengi vamwe chetevo vakaseka vachiti: ‘VaJudha ava vasina simba vanobateiko? Vachararamisa mabwe pamaturunhuru here? Kana gava rikakwirapo, richakoromora rusvingo rwavo rwamabwe.’ Panzvimbo pokupindura kutaura uku, Nehemia akanyengetera achiti: “Inzwai henyu, Mwari wedu, nokuti tinoninipiswa; dzoserai kushoora kwavo pamisoro yavo.” (Nehemia 4:2-4) Nehemia akaramba achigadza muenzaniso uyu wakaisvonaka wokuvimba naJehovha!—Nehemia 6:14; 13:14.
14, 15. (a) Nehemia akabata sei kutyisidzira kwamasimba masimba omuvengi? (b) Zvapupu zvaJehovha zvakakwanisa sei kupfuurira nebasa razvo rokuvaka mumudzimu pasinei zvapo nokushorwa kunotyisa?
14 Kuti zviite basa razvo rinokosha rokuparidza, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinovimbawo naMwari. Vashori vanoedza kuvhiringidza basa iri kupfurikidza nokuseka. Pane dzimwe nguva, vanhu vanoda shoko roUmambo vanorega nemhaka yokuti havagoni kuramba vachitsungirira kusekwa. Kana kuseka kukakundikana, vashori vangashatirwa ndokutsvaka kutyisidzira kwamasimba masimba. Ndizvo zvakaitika kuvavaki vemasvingo eJerusarema. Asi Nehemia akaramba kutyisidzirwa. Panzvimbo pezvo, akaita kuti vavaki vacho vave nezvombo kuitira kana vakadenhwa nomuvengi uye akasimbisa kutenda kwavo achiti: “Regai kuvatya; rangarirai Jehovha mukuru unotyisa, murwire hama dzenyu, navanakomana venyu, navakunda venyu, navakadzi venyu, nedzimba dzenyu.”—Nehemia 4:13, 14.
15 Somumazuva aNehemia, Zvapupu zvaJehovha zvakanyatsoshongedzerwa basa razvo rokuvaka mumudzimu pasinei zvapo nokushorwa kunotyisa. “Muranda wakatendeka, wakangwara” akagovera zvokudya zvomudzimu zvinosimbisa kutenda, zvinoita kuti vanhu vaMwari vagone kubudirira kwakarambidzwa basa. (Mateo 24:45) Somugumisiro, Jehovha akaramba achikomborera vanhu vake nokuwedzera munyika yose.—Isaya 60:22.
Zvinetso Zvomunyika Macho
16. Zvinetso zvipi zvomunyika imomo zvakatyisidzira vavaki vemasvingo eJerusarema?
16 Sezvo kuvakwazve kwemasvingo eJerusarema kwakapfuurira uye rusvingo rwacho rwakaramba rwuchikura, basa rakava rakaoma zvikuru. Ndipo pakajeka chinetso chaityisidzira vavaki vaiparapatika. Nemhaka yokuperevedza kwezvokudya, vamwe vaJudha vakanga vachizviwana zvakaoma kugovera mhuri dzavo zvokudya nokubhadhara mitero yavo kuhurumende yePersia. VaJudha vakanga vakapfuma vakavakweretesa zvokudya nemari. Zvisinei, mukupesana noMutemo waMwari, vaIsraeri varombo vaifanira kuvimbisa kuti vaJudha vatore havo minda yavo nevana kana vakatadza kubhadhara mari iyoyo yabereka. (Eksodho 22:25; Revhitiko 25:35-37; Nehemia 4:6, 10; 5:1-5) Zvino vakanga vavakweretesa vakanga vava kuvatyisidzira kuti vaizotora minda yavo yose ndokuvamanikidza kuti vatengese vana vavo savaranda. Nehemia akashatiriswa nemafungiro aya asina rudo, okudisa pfuma. Akakurumidza kuita chiito kuti avimbise chikomborero chaJehovha chinopfuurira pabasa rokuvakazve masvingo eJerusarema.
17. Nehemia akaitei kuti ave nechokwadi chokuti Jehovha aizoramba achikomborera basa rokuvaka, uye zvakaguma nei?
17 “Ungano huru” yakarongwa, uye Nehemia akaratidza vaIsraeri vakanga vakapfuma vacho zvakajeka kuti zvavakanga vaita zvakanga zvisingafadzi Jehovha. Ipapo akateterera vaiva nemhaka, kubatanidza vamwe vapristi, kuti vadzorere mhindu yose yavakanga vatora uye vadzorere minda yavakanga vatorera avo vakanga vasingagoni kubhadhara mhindu nenzira isiri yapamutemo. Nenzira inorumbidzwa, vakanga vane mhaka vakati: “Tichazvidzosa, hatingarevi chinhu kwavari; sezvamunotaura, ndizvo zvatichaita.” Aya akanga asiri mashoko okungotaurawo zvako, nokuti Bhaibheri rinoshuma kuti “vanhu vakaita izvozvo zvakapikirwa [naNehemia].” Uye ungano yose yakarumbidza Jehovha.—Nehemia 5:7-13.
18. Zvapupu zvaJehovha zvakazivikanwa nokuda kwomuitiroi?
18 Zvakadini nezuva redu? Panzvimbo pokudzvinyirira, Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa kwose kwose nokuda kwemuitiro wazvo worupo kuvazvinotenda navo navamwe vanowirwa nenhamo. Somuzuva raNehemia, izvi zvakaguma nekutaura kwakawanda kwokurumbidza Jehovha. Zvisinei, panguva imwe cheteyo, “muranda wakatendeka, wakangwara” akaona zvichikosha kuti ape zano romuMagwaro pamusoro penhau dzebhizimisi uye kudikanwa kwokudzivisa kukara nokudzvinyirira vamwe. Mune dzimwe nyika zvakarovedzeka kutaura mari yeroora yakawandisa, asi Bhaibheri rinonyevera zvakajeka kuti vanhu vanokara nembavha havazogari nhaka Umambo hwaMwari. (1 VaKorinte 6:9, 10) Kugamuchira zvakanaka zano rakadaro kwavaKristu vakawanda kunotiyeuchidza nezvenzira iyo vaJudha vaya vakaona nayo kutadza kwavo kwokudzvinyirira hama dzavo dzaiva varombo.
Masvingo eJerusarema Anopedzwa
19, 20. (a) Kupedzwa kwamasvingo eJerusarema kwakaita kuti vashori vezvitendero vanzwe sei? (b) Zvapupu zvaJehovha zvakakunda sei munyika dzakawanda?
19 Pasinei zvapo nokushorwa kwose, masvingo eJerusarema akapedzwa mumazuva 52. Izvi zvakaita kuti vaishora vanzwe sei? Nehemia akati: “Zvino vavengi vedu vose vakati vachizvinzwa, vahedheni vose vakanga vakatipoteredza vakatya, vakaora mwoyo; nokuti vakaziva kuti basa iri rakaitwa naMwari wedu.”—Nehemia 6:16.
20 Nhasi, kushora basa raMwari kwavavengi kunopfuurira munzira nenzvimbo dzakasiyana-siyana. Zvisinei, mamiriyoni avanhu akaona kusashanda kwokushora Zvapupu zvaJehovha. Somuenzaniso, funga nezvekuedza kwakamboitwa kugumisa basa rokuparidza muNazi Germany, Eastern Europe, nedzimwe nyika dzakawanda dzeAfrica. Kuedza kwose kwakadaro kwakakundikana, uye vanhu vakawanda zvino vanobvuma kuti ‘basa redu riri kuitwa nemhaka yaMwari.’ Izvi zvave zviri mubayiro wakadini kuvagara musangano vakatendeka vakaita kuti kunamata Jehovha kuve ‘mufaro wavo mukuru unopfuura zvose’ munyika dzakadaro!
21. Zviitiko zvipi zvinokosha zvichakurukurwa munyaya inotevera?
21 Munyaya inotevera, tichahwirudzura zviitiko zvinokosha zvakaita kuti kutsaurirwa kunofadza kwerusvingo rwakavakwazve rweJerusarema kuitike. Tichadzidzawo nezvekuti kupedzwa kweguta rakatonyanyisa kukura kunobetsera vanhu vose kwava kuswedera pedyo sei.
Unoyeuka Here?
◻ Ezra navamwe vakafarira Jerusarema sei?
◻ Ezra naNehemia vakabetsera vaJudha vakawanda kugadzirisa mhosho dzipi?
◻ Unogona kudzidzei munhoroondo dzinobatanidza Ezra naNehemia?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Chaikosha kuna Nehemia raiva Jerusarema, kwete basa rake rakakwirira paShushani
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Kufanana naNehemia, tinofanira kunyengeterera nhungamiro yaJehovha nesimba rokuramba tiri mubasa redu rinokosha zvikuru rokuparidza