Mwari Anokuziva Chaizvoizvo Here?
“Jehovha, . . . munoziva nzira dzangu dzose.”—PISAREMA 139:1, 3.
1. Kurangarira kwokuti ‘vamwe havanzwisisi’ funganyo, zvinetso, uye dzvinyiriro zvatinotarisana nazvo kwakapararira sei?
MUNHU upi noupi anonzwisisa chaizvoizvo funganyo, dzvinyiriro, uye zvinetso zvaunotarisana nazvo here? Munyika yose mune mamirioni avanhu, vaduku navakuru, vasina mhuri kana kuti hama dzokunyama vanoitira hanya chinoitika kwavari. Kunyange mukati memhuri, madzimai mazhinji—hungu, uye varumewo—vanorangarira kuti vakwanyina vavo veroorano havasati vachinzwisisa zvirokwazvo dzvinyiriro dzinovaremera. Padzimwe nguva, muvhiringidziko, vanonyunyuta, kuti: “Asi haunzwisisi!” Uye vanhu vaduku vasiri vashomanene vakagumisa kuti hapana anovanzwisisawo. Bva, pakati paavo vanoshuva kunzwisisa kukuru zvikuru kunobva kuna vamwe pane vamwe vane upenyu hwakava gare gare nerevo huru. Ikoko kunobvira sei?
2. Chii chinogona kugonesa vanamati vaJehovha kuva noupenyu hunogutsa zvikuru?
2 Imhaka yokuti, pasinei zvapo nokuti vanhu biyavo vanonzwisisa zvizere mirangariro yavo kana kuti kwete, vane chivimbo chokuti Mwari anonzwisisa zvavari kuwana uye kuti, savabatiri vake, havafaniri kutarisana nezvinetso zvavo voga. (Pisarema 46:1) Kupfuurirazve, Shoko raMwari pamwe chete nebetsero yavakuru vechiKristu vanonzwisisa zvinovagonesa kuona zvinopfuura zvinetso zvavo zvomunhu oga. Magwaro anovabetsera kunzwisisa kuti basa ravo rokutendeka rinokosha mumaziso aMwari uye kuti pane nguva yemberi yakachengeteka nokuda kwaavo vanoisa tariro yavo maari uye gadziriro dzaakaita kupfurikidza naJesu Kristu.—Zvirevo 27:11; 2 VaKorinte 4:17, 18.
3, 4. (a) Kunzwisisa idi rokuti “Jehovha ndiye Mwari” uye kuti iye “wakatiita” kunogona sei kutibetsera kuwana mufaro mubasa rake? (b) Nei tine chivimbo chakakwana mutarisiro yorudo yaJehovha?
3 Ungave wakarovedzana nePisarema 100:2, rinoti: “Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake muchiimba.” Vangani vanopa zvirokwazvo kunamata kuna Jehovha nomutoo iwoyo? Zvikonzero zvakanaka zvokuita kudaro zvinopiwa mundima 3, inotiyeuchidza, kuti: “Ziva kuti Jehovha ndiye Mwari; ndiye wakatiita, tiri vanhu vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.” Murugwaro rwechiHebheru, anonongedzerwa kwaari imomo sa’Elo·himʹ, nokudaro kuchiratidzira ukuru hwake musimba, chiremera, uye kuisvonaka. Ndiye Mwari bedzi wechokwadi. (Dheuteronomio 4:39; 7:9; Johane 17:3) Vabatiri vake vanosvika pakuziva uMwari hwake, kwete seidiwo zvaro rakadzidziswa kwavari asi sechimwe chinhu chavanowana uye icho vanopa ufakazi hwacho kupfurikidza nokuteerera, chivimbo, uye kuzvipira.—1 Makoronike 28:9; VaRoma 1:20.
4 Nemhaka yokuti Jehovha ndiye Mwari mupenyu, anokwanisa kuona kunyange mwoyo wedu, hapana chakavanzwa kumaziso ake. Anoziva zvizere zviri kuitika muupenyu hwedu. Anonzwisisa chinoparira zvinetso zvatinotarisana nazvo pamwe chete nenyongano yendangariro neyemirangariro zvingabva muna izvozvi. SoMusiki, anotiziva zviri nani kupfuura kuziva kwatinozviita timene. Anozivawo nzira yokutibetsera nayo kugonana nomugariro wedu uye nzira yokugovera nayo rusununguko runogarisa. Nenzira yorudo achatibetsera—kufanana nomufudzi anobata gwaiana muchipfuva chake—sezvatinovimba naye nomwoyo wedu wose. (Zvirevo 3:5, 6; Isaya 40:10, 11) Kufundwa kwePisarema 139 kunogona kuita zvakawanda kusimbisa chivimbo ichocho.
Uyo Unoona Nzira Dzedu Dzose
5. ‘Kutinzvera’ kwaJehovha kunorevei, uye nei ikoko kuchishuviwa?
5 Nokuonga kukuru, wezvamapisarema Dhavhidhi akanyora, kuti: “Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva.” (Pisarema 139:1) Dhavhidhi akanga ane chivimbo chokuti zivo yaJehovha yake yakanga isiri yapamusoro. Mwari haana kuona Dhavhidhi seizvo vanhu vangaita, vachicherechedza bedzi chimiro chake chomuviri, mano ake okutaura, kana kuti unyanzvi hwake mukuridza udimbwa. (1 Samueri 16:7, 18) Jehovha akanga “anzvera” mukati-kati maDhavhidhi amene uye akanga aita kudaro neitiro hanya yorudo nokuda kwegarikano yake yomudzimu. Kana uri mumwe wavabatiri vaJehovha vakazvipira, anokuziva kungofanana nezvaakaita Dhavhidhi. Ikoko hakusati kuchinyandura mukati mako kunzwa kwose kuri kuviri kwokuonga nokworukudzo here?
6. Pisarema 139:2, 3 rinoratidza sei kuti Jehovha anoziva chinhu chiri chose chatinoita, kunyange mifungo yedu yose?
6 Mibato yose yaDhavhidhi yakanga ichionekwa naJehovha, uye Dhavhidhi akanga achiziva izvozvo. “Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu,” wezvamapisarema akanyora kudaro. “Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure. Munocherekedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, munoziva nzira dzangu dzose.” (Pisarema 139:2, 3) Idi rokuti Jehovha ari mumatenga, kure zvikuru nepasi, harina kudzivisa kuziva kwake izvo Dhavhidhi akanga ari kuita kana kuti zvaakanga achifunga. Aka“cherekedza,” kana kuti kusanonzvera, mibato yaDhavhidhi, pose pari paviri masikati nousiku, kuti agoziva rudzi rwayo.
7. (a) Uchishandisa zvinoitika zvomuupenyu hwaDhavhidhi sehwaro, tsinhira pazvimwe zvezvinhu zviri muupenyu hwedu izvo Mwari anoziva nezvazvo. (b) Kuziva izvozvi kunofanira kutitapura sei?
7 Apo rudo nokuda kwaMwari nechivimbo musimba Rake rokununura zvakasunda Dhavhidhi somurume muduku kuzvipira kurwisa hofori yechiFiristia Goriati, Jehovha akaziva izvozvo. (1 Samueri 17:32-37, 45-47) Gare gare, apo utsinye hwavanhu hwakaparira mwoyo waDhavhidhi marwadzo akakomba, apo dzvinyiriro yakanga iri huru kwazvo zvokuti akachema usiku, akanyaradzwa nezivo yokuti Jehovha akanzwa mukumbiro wake. (Pisarema 6:6, 9; 55:2-5, 22) Nenzira yakafanana, apo mwoyo wakazadzwa nokuonga wakaparira Dhavhidhi kufungisisa pamusoro paJehovha mukati mousiku hwokusarara, Jehovha akanga achisanoziva nezvako. (Pisarema 63:6; enzanisa naVaFiripi 4:8, 9.) Humwe usiku apo Dhavhidhi akatarira mudzimai womuvakidzani achishamba, Jehovha aizivawo izvozvo, uye akaona chakaitika apo Dhavhidhi, kunyange kwenhambo pfupi, akabvumira chishuvo chokutadza kutsvikinyidzira Mwari kunze kwemifungo yake. (2 Samueri 11:2-4) Gare gare, apo muporofita Natani akatumwa kuzoita kuti Dhavhidhi anangane noukombi hwechivi chake, Jehovha haana kungonzwa bedzi mashoko akabuda mumuromo maDhavhidhi asiwo akanzwisisa mwoyo unopfidza umo akabuda. (2 Samueri 12:1-14; Pisarema 51:1, 17) Ikoko hakufaniri kutiita kuti tifunge zvakakomba pamusoro pokwatinoenda, chatinoita, uye chiri mumwoyo wedu here?
8. (a) ‘Mashoko ari parurimi rwedu’ anopesvedzera chimiro chedu munzirai naMwari? (b) Utera mukushandiswa kworurimi hunogona sei kukurirwa? (Mateo 15:18; Ruka 6:45)
8 Sezvo Mwari achiziva chinhu chiri chose chatinoita, hakufaniri kutishamisa kuti anoziva mashandisire atinoita mutezo womuviri kunyange muduku sorurimi. Mambo Dhavhidhi akaziva ikoku, uye akanyora, kuti: “Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose.” (Pisarema 139:4) Dhavhidhi aisanoziva kuti avo vaizogamuchirwa savaeni mutende yaJehovha vaizova vanhu vaisachera vamwe uye vairamba kushandisa rurimi rwavo kuparadzira mashoko anokarakadzira anotapira eguhwa angaunza ruzvidzo pamuzivikanwi wapedyo. Avo Jehovha akaitira nyasha vaizova vanhu vakataura zvokwadi kunyange mumwoyo yavo. (Pisarema 15:1-3; Zvirevo 6:16-19) Hapana navamwe vedu vanokwanisa kuchengeta rurimi rwedu rwuchidzorwa zvakakwana, asi Dhavhidhi haana kugumisa asina simba kuti hapana chaakanga achigona kuita kuvandudza mugariro wake. Akapedza nguva yakawanda achironga nokuimba mapisarema erumbidzo kuna Jehovha. Akabvumawo norusununguko kuda kwake betsero ndokunyengetera kuna Mwari nokuda kwayo. (Pisarema 19:12-14) Kushandisa kwedu rurimi kunodawo ngwariro yokunyengetera here?
9. (a) Rondedzero iri paPisarema 139:5 inoratidzirei pamusoro pokuti Mwari anoziva zvakakwana sei mugariro wedu? (b) Ikoku kunotiita kuti tive nechivimbo nezvechii?
9 Jehovha haationi kana kuti mugariro wedu mumurangariro wakaganhurirwa chete. Ane chiono chakazara, kubva kurutivi rwuri rwose. Achishandisa guta rakakomberedzwa somuenzaniso, Dhavhidhi akanyora, kuti: “Makandikomberedza shure kwangu nemberi.” Muchinoitika chaDhavhidhi, Mwari akanga asiri muvengi anokomberedza; akanga ari, panzvimbo pezvo, murindiri akangwarira. “Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu,” Dhavhidhi akawedzera kudaro, nokudaro achiratidzira kudzora kwaMwari nedziviriro zvinoshandiswa nokuda kwebetserwo inogarisa yaavo vanomuda. “Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri,” Dhavhidhi akabvuma kudaro. (Pisarema 139:5, 6) Zivo yaMwari yavabatiri vake yakazara kwazvo, yakakwana kwazvo, zvokuti hatigoni kuinzwisisa zvizere. Asi tinoziva yakakwana zvokuva nechivimbo chokuti Jehovha anotinzwisisa zvirokwazvo uye kuti betsero yaanopa ichava yakanakisisa zvikuru.—Isaya 48:17, 18.
Kuri Kwose Kwatiri, Mwari Anogona Kutibetsera
10. Izvokwadii inokurudzira inopiwa nerondedzero yakajeka iri paPisarema 139:7-12?
10 Achirangarira tarisiro yorudo yaJehovha mumumwe murangariro, wezvamapisarema anopfuurira, kuti: “Ndingaendepiko ndibve pa[mudzimu, NW] wenyu? Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu?” Akanga asina chishuvo chokuedza kubva kuna Jehovha; panzvimbo pezvo, aiziva kuti kuri kwose kwaangava, Jehovha aizoziva uye, kupfurikidza nomudzimu mutsvene, aigona kumubetsera. “Kana ndikakwira kudenga muripowo,” akapfuurira kudaro, “kana ndikazviwarira nhovo paSheori, tarirai muripo. Kana ndikabhururuka namapapiro amangwanani, ndikandogara pamigumo yegungwa; naipapowo ruoko rwenyu ruchandifambisa, ruoko rwenyu rworudyi ruchandifambisa, kana ndikati: ‘Zvirokwazvo, rima richandifukidza,’ chiedza chinondikomberedza chichava sousiku; kunyange rima haringandivanzi kwamuri, asi usiku hunopenya samasikati; rima nechiedza zvakafanana.” (Pisarema 139:7-12) Hapana kwatingaenda, hapana mugariro watingatarisana nawo, ungatiisa kusingaonwi naJehovha kana kuti kusingasviki mudzimu wake kuti utibetsere.
11, 12. (a) Kunyange zvazvo Jona akarasikirwa nechiono chawo kwenguva yakati, mano aJehovha okuona nokubetsera akaratidzirwa sei muchinoitika chaJona? (b) Chinoitika chaJona chinofanira kutibetsera sei?
11 Pane imwe nguva muporofita Jona akakanganwa ikoko. Jehovha akanga amugovera kuti aparidzire kuvanhu veNinevhe. Nokuda kwechikonzero chakati akanzwa kuti aisagona kuita mugove iwoyo. Zvichida nemhaka yomukurumbira unotyisa wavaAsiria, mufungo wokubatira muNinevhe wakatyisa Jona. Naizvozvo akaedza kuhwanda. Pachiteshi chengarava cheJopa, akakwira chikepe chaienda Tarshishi (kazhinji kazhinji inobatanidzwa neSpain, anopfuura makiromita 3 500 kumadokero kweNinevhe). Kunyanguvezvo, Jehovha akamuona achikwira chikepe ndokuenda kundorara pasi munochengeterwa zvinhu. Mwari aizivawo uko Jona akanga ari apo gare gare akakandirwa mumvura, uye Jehovha akanzwa Jona apo akavimbisa ari mukati medumbu rehove huru kuti aizoripira mhiko dzake. Anunurwa kudzoka kunyika yakaoma, Jona akapiwa zvakare banza rokuita mugove wake.—Jona 1:3, 17; 2:1–3:4.
12 Kungadai kwakava kuri nani zvikuru sei nokuda kwaJona kubva pakutanga kuva akavimba nomudzimu waJehovha kumubetsera kuita mugove wake! Gare gare, kunyanguvezvo, Jona nenzira yokuzvininipisa akanyora chinoitika chake, uye chinyorwa ichocho chakabetsera vakawanda chifo chapanguva iyeyo kuratidzira chivimbo muna Jehovha icho chakaratidzika kuva chakaoma kwazvo nokuda kwaJona kuwana.—VaRoma 15:4.
13. (a) Migovei iyo Eria akanga aita nenzira yokutendeka asati atiza Mambokadzi Jezebheri? (b) Jehovha akabetsera sei Eria kunyange apo akatsvaka kuhwanda kunze kwendima yaIsraeri?
13 Chinoitika chaEria chakanga chakati sianei. Nenzira yokutendeka akanga apa murairo waJehovha wokuti Israeri yaizotambura kusanaya kwemvura sechirango nokuda kwezvivi zvavo. (1 Madzimambo 16:30-33; 17:1) Akanga atsigira kunamata kwechokwadi nenzira youshingi mumakwikwi pakati paJehovha naBhaari paGomo reKarmeri. Uye akanga auraya vaporofita 450 vaBhaari parukova rwomumupata rwaKishoni. Asi apo Mambokadzi Jezebheri nehasha akapika kuita kuti Eria aurawe, Eria akatiza munyika macho. (1 Madzimambo 18:18-40; 19:1-4) Jehovha akanga aripo kuti amubetsere panguva iyoyo yakaoma here? Hungu, zvamazvirokwazvo. Kudai Eria akanga akwira gomo refu, sokunge kudenga; kudai akanga ahwanda mubako pasi mukati mepasi, sokunge muSheori; kudai akanga atizira kuchitsuwa chakati chiri kure nokumhanya kwakafanana nouko kwechiedza chamambakwedza chinopararira pamusoro papasi—ruoko rwaJehovha rungadai rwakavapo kuti rwumusimbise nokumutungamirira. (Enzanisa naVaRoma 8:38, 39.) Uye Jehovha akasimbisa Eria kwete bedzi nezvokudya zverwendo rwake asiwo neratidziro dzinoshamisa dzesimba Rake rinobata basa. Asimbiswa kudaro, Eria akaita mugove wake unotevera wouporofita.—1 Madzimambo 19:5-18.
14. (a) Nei kwaizova kwakaipa kugumisa kuti Mwari ari munzvimbo iri yose? (b) Jehovha akachengeta vabatiri vake nenzira yorudo munguva dzazvino uno mumigariroi? (c) Kunodaro sei kuti kunyange kudai taiva muSheori, Mwari aizovamo?
14 Mashoko ouporofita ePisarema 139:7-12 haarevi kuti Mwari ari munzvimbo iri yose, kuti aripo somunhu oga munzvimbo dzose panguva dzose. Magwaro anoratidza zvakasiana nenzira yakajeka. (Dheuteronomio 26:15; VaHebheru 9:24) Bva, vabatiri vake havatongovi kwaasingasviki. Ikoko ndokwechokwadi nezvaavo vane migove youbati ushe hwaMwari yakavaendesa kunzvimbo dziri kure. Kwakanga kuri kwechokwadi nezveZvapupu zvakavimbika mumisasa yechibharo yeNazi mukati meHondo yeNyika II, uye kwakanga kuri kwechokwadi nezvavafundisi vakachengetwa mavaigara vari voga muChina mukati mokupera kwama 1950 uye kuvamba kwama 1960. Kwakanga kuri kwechokwadi nokuda kwehama dzedu nehanzvadzi munyika yeCentral Africa vaitofanira kutiza vatizazve misha yavo, kunyange munyika yacho. Kana kukadikanwa, Jehovha anogona kusvika muSheori chaimo, guva ravose, uye achidzorera vanhu vakatendeka kupfurikidza norumuko.—Jobho 14:13-15; Ruka 20:37, 38.
Munhu Anotinzwisisa Zvirokwazvo
15. (a) Jehovha akakwanisa kucherechedza kukura kwedu kuvambira panguvai yapakuvamba? (b) Tambanuko yezivo yaMwari yedu inoratidzirwa sei nenongedzero yowezvamapisarema kuitsvo?
15 Achifuridzirwa, wezvamapisarema anokwevera ngwariro kuidi rokuti zivo yaMwari wedu inotangira kunyange nguva yokuzvarwa kwedu, achiti: “Nokuti imi makaumba itsvo dzangu; makandiruka mudumbu ramai vangu. Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; mweya wangu unozviziva kwazvo.” (Pisarema 139:13, 14) Kubatanidzwa kwamagene anobva kuna baba vedu namai vedu panguva yokunambwa kunoparira mutoo unopesvedzera zvikuru simba redu romuviri nerendangariro. Mwari anonzwisisa simba iroro. Muiri pisarema kududzwa chaiko kunoitwa kweitsvo, idzo dzinoshandiswa kazhinji kazhinji muMagwaro kumirira mativi omukati-kati ohunhu.a (Pisarema 7:9; Jeremia 17:10) Jehovha akaziva uhu udzame nezvedu tisati taberekwa. Iye ndiyewo uyo neitiro hanya yorudo akagadzira muviri womunhu zvokuti sero rakaberekeswa riri mukati medumbu raamai rinoita imba inodzivirira ‘kudzivirira’ munhu asati akwaniswa ndokudzivirira sezvaanokura.
16. (a) Pisarema 139:15, 16 rinosimbisa sei simba guru rokuona kwaMwari? (b) Nei ikoku kuchifanira kuva kunokurudzira kwatiri?
16 Ipapo, achisimbisa simba guru rokuona kwaMwari, wezvamapisarema anowedzera kuti: “Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri, panguva yandakaitwa pakavanda, pakuumbwa kwangu nenjere panzvimbo dzezasi dzapasi [sezviri pachena nongedzero yenhetembo kudumbu raamai vake asi nenongedzero kukusikwa kwaAdhama achibva muguruva]. Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa, zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu, zuva rimwe nerimwe rokuumbwa [mativi omuviri] kwazvo, kusati kwava nechimwe [rutivi rwomuviri rwakaparadzana] chazvo.” (Pisarema 139:15, 16) Hapana panikiro pamusoro pako—kana vanhu biyedu vachitinzwisisa kana kuti kwete, Jehovha anodaro. Ikoko kunofanira kutitapura sei?
17. Apo tinorangarira mabasa aMwari saanoshamisa, ikoku kunotisunda kuitei?
17 Munyori wePisarema 139 akabvuma kuti mabasa aMwari ayo akanga achinyora pamusoro pawo akanga achishamisa. Unonzwawo nenzira yakadaro here? Chimwe chinhu chinoshamisa chinoita kuti munhu afunge zvikuru kana kuti kuratidza ngwariro huru. Sezvingabvira unoita nenzira yakadaro kumabasa aJehovha echisiko chinooneka. (Enzanisa nePisarema 8:3, 4, 9.) Unopawo rudzi irworwo rwomufungo kune izvo akaita mukutanga Umambo hwouMesia, kune izvo ari kuita mukuita kuti mashoko akanaka aparidzirwe mupasi rose, uye kunzira iyo Shoko rake rinochinja nayo hunhu hwavanhu here?—Enzanisa na 1 Petro 1:10-12.
18. Kana tichiwana basa raMwari kuva rinotyisa, kuchatitapura sei?
18 Ndichinoitika chakowo here kuti kurangarirwa kwebasa raMwari kunotyisa, kuti kunoparira mauri rutyo rwakanaka, rwunosunda zvakasimba, rune muuyo mukuru pahunhu hwako uye panzira yaunoshandisa upenyu hwako here? (Enzanisa nePisarema 66:5.) Kana zvakadaro, mwoyo wako uchakusunda kurumbidza Jehovha, kumukudza, kuita mabanza okuudza vamwe nezvedonzo rake uye zvinhu zvinoshamisa zvaakachengetera avo vanomuda.—Pisarema 145:1-3.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Insight on the Scriptures, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., Vhoriyamu 2, peji 150.
Chii Chiri Tsinhiro Yako?
◻ Kuziva kwedu kuti “Jehovha ndiye Mwari” kunotibetsera sei kumubatira nokufara?
◻ Upenyu hwedu hunofanira kutapurwa sei nokuziva kwaMwari chinhu chiri chose chatinoita?
◻ Nei idi rokuti hatitongovi vasingaonwi naMwari richikurudzira?
◻ Nei Mwari achikwanisa kutinzwisisa munzira idzo pasina munhu anogona?
◻ Nei fundo yakadai seiyi ichitiita kuti tide kurumbidza Jehovha?