Upenyu—Chipo Chinobva Kuna Mwari
MAAWA ane makumi maviri namana pazuva, mwoyo wedu unopomba ropa rinokosha mumuviri wedu. Tinovata, uye mapapu edu anopfuurira kufutunuka nokufototoka. Tinodya zvokudya, uye zvokudya zvacho zvinoerekana zvaseredzwa. Kwose ikoku kunoitika zuva riri rose, nenhamburiko duku kana kuti yokusaziva kwatiri. Iyi miitiro yakavanzika neinoshamisa, inorerutswa nenzira iri nyore kwazvo, rutivi rwechipo chatinodana kuti upenyu. Munzira yakati icho chipo chinogona kunzi chinoshamisa.
Rangarira muitiro wokunambwa nokuberekwa kwomunhu. Kunyange zvazvo muviri uchiwanzoramba chinhu chechienzi, chibereko chinorega zai raberekeswa. Panzvimbo pokuramba chichangobva kunambwa chinokura sechinhu chechienzi, icho chinochitarisira nokuchidzivirira kutozosvikira chagadzirira kubuda somwana. Pasina simba rechibereko rouku kurega kunokosha mutemo wokuramba chinhu chechienzi, kuberekwa kwomunhu kwaizova kusingabviri.
Kunyange zvakadaro, upenyu hwomwana achangobva kuberekwa hwaizova hupfupi kudai kwaisava nokuda kwokukura kunoitika muchibereko apo mwana achangobva kunambwa anenge ava neinenge mwedzi mina bedzi yokukura. Panguva iyoyo iye anovamba kuyamwa chigunwe chake, kushandisa tsinga idzo gare gare dzichamugonesa kudya pamazamu amai vake. Uye ikoku kunongova chete chimwe chezvinhu zvinokosha zvikuru zvakawanda zvinoitwa nguva refu pamberi pokuberekwa kwomwana.
Apo mwana achangobva kunambwa anenge ari muchibereko, pane mwena uri murutivi rwomwoyo wake. Uyu mwena, zvisinei, unoerekana wavhara pakuberekwa. Mukuwedzera, tsinga huru yeropa iyo inopfuura mapapu apo mwana achangobva kunambwa anenge ari muchibereko inoerekana yatinya pakuberekwa; ropa zvino rinoenda kumapapu, uko rinogona kuva neoxygen sezvo mwana anovamba kufema.
Kwose ikoku kunongova mavambo chete. Muupenyu hwose, nhevedzano yegadziriro dzakarongedzerwa zvakaisvonaka (zvakadai segadziriro yokufema, yokutenderera kweropa, yetutsinganana, uye yokupinza zvinhu muropa) dzichaita ndokutsinhiranisa mabasa adzo nokubudirira kunokatyamadza nzwisiso yomunhu—zvose nokuda kwokupfuuridzirwa kwoupenyu. Hakushamisi kuti munyori wakare akataura nenongedzero kuna Mwari, achiti: “Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; mweya wangu unozviziva kwazvo.”—Pisarema 139:14.
Nenzira yakajeka, munyori wamashoko iwayo akaisvonaka aisadavira kuti upenyu hunongova zvahwo muuyo webviro isingazivi, yemhindumupindu kana kuti yetsaona. Kudai kwakanga kwakadaro, taisazova nemisengwa chaiyoiyo kana kuti mitoro pamusoro pokuti tinofanira kushandisa sei upenyu hwedu. Zvisinei, kugadzirwa kwoupenyu kunoratidzira nenzira yakajeka gadziriro, uye gadziriro inoda mugadziriri. Bhaibheri rinoonesa iyi nzira: “Chokwadika, imba iri yose inovakwa nomumwe munhu, asi iye uyo akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” (VaHebheru 3:4, NW) Naizvozvo kunokosha ku“ziva kuti Jehovha ndiMwari. Ndiye akatiita, uye kwete isu timene.” (Pisarema 100:3, NW) Hungu, upenyu hunopfuura tsaona yomutsa; chipo chinobva kuna Mwari amene.—Pisarema 36:9.
Zvakwakadaro, misengwai yatinayo kuMupi woupenyu? Iye anotikarira sei kushandisa upenyu hwedu? Iyoyi nemibvunzo inowirirana icharangarirwa munyaya inotevera.