Jehovha Anosanotiziva!
JEHOVHA anotiziva zvirokwazvo, zvikurukuru kana tiri vabatiri vake vakavimbika. Shamwari dzapedyo, hama dzokunyama, kunyange vabereki, havasanotizivi sezvaanoita. Chokwadi, Mwari anotiziva zviri nani kupfuura kuzviziva timene kwatinoita!
Zivo yakakwana yaJehovha yavabatiri vake yakasanoratidzirwa muPisarema 139. Chii chakataura Dhavhidhi mupisarema iroro? Uye zivo yaMwari yedu inofanira kutapura sei mashoko edu nezviito?
Kuti Jehovha Anoziva Zvakawanda Sei!
Sezvo Mwari ari Musiki wedu, tinofanira kumukarira kuva nezivo yakazara yedu. (Mabasa 17:24-28) Nokudaro, Dhavhidhi aigona kuti: “Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva.” (Pisarema 139:1) Zivo yaMwari yaDhavhidhi yakanga yakafanana neiyo inowanwa kupfurikidza nokuongorora kwakakwana. Achifara kuti Jehovha amunzvere, wezvamapisarema akatera zvizere kuudzori nenhungamiro zvaMwari. Nenzira yakafanana, Zvapupu zvaJehovha nenzira yokunyengetera ‘zvinoisa pana Jehovha nzira yazvo, zvichivimba naye,’ zvine chokwadi chokuti iye nguva dzose anoita chiri chakarurama. (Pisarema 37:5) Pane pfungwa yechengeteko yomudzimu mumwoyo yedu nemhaka yokuti tinotsvaka kutungamirirwa nouchenjeri hwoumwari, uye tinobvuma nokudisa nhungamiro youmwari. (Zvirevo 3:19-26) Kufanana naDhavhidhi, tinogona kuwana nyaradzo muzivo yokuti Mwari anoticherechedza, anonzwisisa zvinetso zvedu, uye nguva dzose akagadzirira kutibetsera.
“Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu,” akabvuma kudaro wezvamapisarema. (Pisarema 139:2a) Mwari aiziva chinhu chiri chose pamusoro pemibato yaDhavhidhi, zvakadai sokugara kwake pasi pamugumo wezuva rokushanda nokumuka kwake pashure pokurara kwousiku. Kana isu tiri Zvapupu zvaJehovha, ngative nechokwadi chokuti Mwari anosanotizivawo.
Dhavhidhi akabvuma, kuti: “Imi makarangarira mufungo wangu muri kure.” (Pisarema 139:2b, NW) Kunyange zvazvo Mwari achigara mumatenga kure kwazvo napasi, aiziva izvo Dhavhidhi akanga achifunga. (1 Madzimambo 8:43) Nzwisiso yakadaro haifaniri kutishamisa, nokuti Jehovha “anoona chiri mwoyo.” (1 Samueri 16:7, NW; Zvirevo 21:2) Idi rokuti Mwari anorangarira mifungo yedu rinofanira kutisunda kufunga pamusoro pezvinhu zvakachena, zvakarurama, zvinorumbidzwa. Uye kwakakodzera sei kuti titaure nguva dzose mifungo yedu mumunyengetero wechokwadi kuti tigova nenhungamiro youmwari no“rugare rwaMwari”!—VaFiripi 4:6-9.
Wezvamapisarema akawedzera, kuti: “Munocherechedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, munoziva nzira dzangu dzose.” (Pisarema 139:3) Kuyera kufamba kwaDhavhidhi achibva panzvimbo imwe achienda kuimwe nokurara kwake akatambarara achizorora sezviri pachena kwakareva kuti Jehovha akaongorora chinhu chiri chose chaiita wezvamapisarema. Wokumusorosoro akanga achiyera mabasa ose aDhavhidhi kuti azive rudzi chairwoirwo rwechimiro chake. Mwari aiva nezivo yakazara yenzira dzaDhavhidhi, nzira dzaaitevera muupenyu. Apo Baba vedu vokudenga vanotinzvera nenzira yakafanana, vangawana here kuti tiri kumubatira nenzira yokutendeka uye tiri kuramba tiri mu“nzira yokururama” inotungamirira kuupenyu husingagumi.—Zvirevo 12:28, NW.
Sezvo pasina chinhu chaangataura chaizovanzirwa Mwari, Dhavhidhi akati: “Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose.” (Pisarema 139:4) Kana taora mwoyo kwazvo zvokuti hatizivi chokutaura mumunyengetero, mudzimu waJehovha “unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi.” (VaRoma 8:26) Mukurukurirano dzedu, Mwari anonzwisisa zvinhu zviri pamberi porurimi asi zvisingataurwi, nokuti anoziva mirangariro yedu yechokwadi. Uye kana tine rudo runobva muku“tenda kusina unyengeri,” hatisati tichizotongoedza kunyengera vamwe no“kutaura kunobata kumeso.”—1 Timotio 1:5; VaRoma 16:17, 18, NW.
Dhavhidhi akawedzera, kuti: “Makandikomberedza shure kwangu nemberi, nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.” (Pisarema 139:5) Chaizvoizvo, Jehovha akakomberedza Dhavhidhi seguta rakakombwa muhondo. Sezviri pachena wezvamapisarema aiziva kuti kwakanga kune miganhu kuizvo aigona kuita munduramo yake. Iye aizivawo kuti kwakanga kusingabviri kunzvenga ziso noruoko zvinorinda zvaMwari, kana kuti udzori. Chokwadika, Dhavhidhi haana kuedza kuita kunzvenga kwakadaro, uye isu hatidarowo. Asi nguva dzose ngatizvibatei timene nokuziva kuti ruoko rwaJehovha rwuri pamusoro pedu seZvapupu zvake.
Zivo yaMwari yaDhavhidhi yakamuzadza norutyo. Nokudaro, iye akazivisa, kuti: “Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri.” (Pisarema 139:6) Zivo yaMwari yedu savanhu vamwe navamwe yakakwana kwazvo zvokuti hatigoni kuiyera, pasinei zvapo noruzivo kana kuti rovedzo. Sezvo iyo ichipfuura kunzwisisa kwavanhu, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anoziva chakanakisisa nokuda kwedu. Nokudaro, kana tikanyengetera nokuda kwechimwe chinhu uye mhinduro yake iri aiwa, ngatizviisei pasi pokuda kwoumwari. Muapostora Johane akanyora, kuti: “Pasinei zvapo nechatinokumbira mukuwirirana nokuda kwake, anotinzwa.”—1 Johane 5:14, NW.
Hapana Kunzvenga Mumudzimu waMwari
Jehovha haasati achingopindura bedzi minyengetero yavabatiri vake vakavimbika asi mudzimu wake unoshandawo kwavari uye unovabetsera kuita kuda kwake. Kutaura idi, Dhavhidhi akabvunza, kuti: “Ndingaendepiko ndibve pa[mudzimu, NW] wenyu? Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu?” (Pisarema 139:7) Wezvamapisarema aiziva kuti aisagona kunzvenga mudzimu waJehovha, kana kuti simba rinoshanda, uyo unogona kusvika kunyange mativi ari kure zvikurusa echisiko chapose pose. Uye hakuna munhu anogona kutiza pamberi paMwari, ndiko kuti, kunzvenga cherechedzo yake. Chokwadi, “Jona akasimuka achida kutizira Tarshishi abve pamberi paJehovha,” asi muporofita iyeyo aisagona kunzvengawo hove huru iyo Mwari akasarudza kuti imumedze kana kuti kuzvidavirira nokuda kwomugove wake woumwari. (Jona 1:3, 17; 2:10–3:4) Naizvozvo ngativimbei nomudzimu waJehovha kutigonesa kuita migove yakapiwa naMwari.—Zekaria 4:6.
Sezvo Dhavhidhi aiziva kuti kwaizova kusingabviri kubva kuna Mwari, iye akati: “Kana ndikakwira kudenga muripo; kana ndikazviwarira nhovo paSheori, tarirai muripo.” (Pisarema 139:8) Muzuva rowezvamapisarema, ‘kukwira kudenga’ kwakareva kukwira mumakomo marefu, urengarenga hwawo hwaiwanzofukidzwa kwazvo namakore. Bva, kudai taiva paurengarenga hwegomo hwakareba zvikurusa, hatisati taizova kusingasvikwi nomudzimu waMwari. Uyezve, hatingagoni kunzvenga cherechedzo yake kana tikava nenhovo yedu muSheori, kuratidzira nenzira yokufananidzira mativi akaderera zvikurusa apasi.—Enzanisa naDheuteronomio 30:11-14; Amosi 9:2, 3.
“Kana ndikabhururuka namapapiro amangwanani, ndikandogara pamigumo yegungwa;” akadaro Dhavhidhi, “naipapowo ruoko rwenyu ruchandifambisa, ruoko rwenyu rworudyi ruchandifambisa.” (Pisarema 139:9, 10) Chii chinorehwa na“mapapiro amangwanani”? Aya mashoko anorondedzera nokudetembedza nzira iyo chiedza chamangwanani, sokunge chine mapapiro, chinopararira nayo nokukurumidza chichibva kumabvazuva kuenda kumadokero. Asi zvakadiniko kudai Dhavhidhi aigona kubhururuka namapapiro amagwanani ndokusvika kugungwa kana kuti zvitsuwa zviri kure zvikurusa mumadokero? Aizongova ari pasi poruoko rwaMwari, kana kuti udzori nenhungamiro. Kupfurikidza nomudzimu Wake, Jehovha aizovapo kuti atungamirire wezvamapisarema nenzira yengoni.—Pisarema 51:11.
Rima Harisi Chinetso Nokuda kwaMwari
Daro kana kuti rima hazvigoni kuisa munhu pasingasviki Mwari. Naizvozvo Dhavhidhi anowedzera, kuti: “Kana ndikati: ‘Zvirokwazvo, rima richandifukidza,’ chiedza chinondikomberedza chichava sousiku; kunyange rima haringandivanzi kwamuri, asi usiku hunopenya samasikati; rima nechiedza zvakafanana.” (Pisarema 139:11, 12) Munhu angagona kufukidzwa murima guru, sokunge abatwa naro. Asi kuna Jehovha aizova anooneka sokunge akamira muchiedza chezuva chakajeka. Hakuna munhu anogona kuvanzira Mwari zvivi zvipi nezvipi zvinoitirwa murima.—Isaya 29:15, 16.
Kuvanzwa hakudzivisi cherechedzo inoitwa noMusiki. Muna ikoku Dhavhidhi akati: “Nokuti imi makaumba itsvo dzangu; makandiruka mudumbu raamai vangu. Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; mweya wangu unozviziva kwazvo. Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri, panguva yandakaitwa pakavanda, pakuumbwa kwangu nenjere panzvimbo dzezasi dzapasi. Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa, zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo [mativi omuviri] kusati kwava [rutivi rwomuviri rwakajeka] nechimwe chazvo.”—Pisarema 139:13-16.
Jehovha Mwari, uyo anoziva mirangariro yedu mikurusa, akaita itsvo dzaDhavhidhi. Zvadziri pasi mukati momuviri, itsvo dziri pakati pemitezo yakavanzwa neisingasvikiki zvikurusa, asi Mwari anogona kudziona. Iye anogona kutarira kunyange mudumbu raamai, kana kuti mimba. Chokwadi, Jehovha anogona kuona muviri uchigere kukwaniswa uri kukura! Kungofunga chete pamusoro penzira inoshamisa yaakaumbwa nayo mudumbu kwakasunda Dhavhidhi kurumbidza Muiti wake. Wezvamapisarema sezviri pachena akanongedzera kudumbu raamai se“nzvimbo dzezasi dzapasi.” Ikoko, akavanzwa kuchiono chavanhu asi achioneka kuna Mwari, mapfupa omwana, tsinga, midzira, tutsinga, uye tsinga dzeropa dzinorukwa pamwe chete.
Mativi omuviri waDhavhidhi asati aoneka mudumbu raamai vake, chitarisiko chake chaizivikanwa kuna Mwari. Neiko? Nemhaka yokuti kukura kwomuviri uchigere kukwaniswa kwakatevera mutoo chaiwo, sokunge kuteerera miraidzo yakanyorwa mubhuku. Haiwa ikoku kunoratidza sei uchenjeri hwaJehovha nesimba rokuona kunyange zvinhu zvakavanzwa! Kunofanira kutiitawo tinzwisise kuti Mwari akasika rudzi rwomunhu uye ane mutoro womuitiro unoshamisa wokubereka uyo wakaguma nokuvapo kwedu savanhu vamwe navamwe.
Mifungo yaMwari Inokosha Sei!
Kufunga pamusoro pokukura kwomwana mudumbu kwakaita kuti Dhavhidhi arangarire pamusoro pouchenjeri hwaMwari. Nokudaro, wezvamapisarema akati: “Mirangariro yenyu, Mwari, inodikanwa sei neni! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!” (Pisarema 139:17) Dhavhidhi aida mifungo yaJehovha Mwari, uye iyo yakawanda kwazvo zvokuti akaororwa no“kukura kwayo.” Kana mifungo yaMwari ichikosha kwatiri, tichava vadzidzi vanoshingaira vaMagwaro. (1 Timotio 4:15, 16) Mifungo yake yakanyorwa “inobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama, kuti munhu waMwari agokwanisa zvizere, akashongedzerwa chose chose nokuda kwebasa riri rose rakanaka.”—2 Timotio 3:16, 17, NW.
Pamusoro pemifungo yaJehovha, Dhavhidhi akati: “Kana ndikaiverenga, ingapfuura jecha pakuwanda; kana ndichipepuka, ndichinemi.” (Pisarema 139:18) Sezvo mifungo yaMwari yakawanda zvikuru kupfuura kunyange jecha, kudai Dhavhidhi akatanga kuiverenga pakubuda kwezuva, haasati aizoipedza panosvika nguva yokurara. Pakumuka mumangwanani, aizongova ana Jehovha. Ndiko kuti, aizongova achiverenga mifungo yaMwari. Kutaura idi, sezvo tichida nhungamiro yaJehovha, rangariro yokunyengetera pamusoro pemifungo yake namadonzo ingasanova inozadza mirangariro yedu pakupedzisira usiku uye chinhu chokutanga mumangwanani.—Pisarema 25:8-10.
Chirango Nokuda Kwavakaipa
Sezvo Mwari achipa nhungamiro yokuchenjera, Dhavhidhi akanzwa sei pamusoro paavo vanoramba nhungamiro youmwari? Iye akanyengetera, kuti: “Dai muchiuraya henyu vakaipa, Mwari; naizvozvo ibvai kwandiri, imi vanhu veropa. Nokuti vanokutaurirai zvakaipa, vavengi venyu vanovenga zita renyu pasina.” (Pisarema 139:19, 20) Dhavhidhi haana kuedza kuuraya vakaipa asi akanyengetera kuti ivo vawane chirango pasimba raJehovha. Tinofanira kuva nechimiro chakafanana. Somuenzaniso, tinogona kunyengeterera ushingi hwokutaura shoko raMwari apo vavengi vanotitambudza. (Mabasa 4:18-31) Asi hatitsvaki kuparadza vavengi vedu, nokuti tinoziva kuti Jehovha akati: “Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira.”—VaHebheru 10:30; Dheuteronomio 32:35.
Kudai Mwari akauraya vakaipa, vanhu vakadaro vane mhaka yeropa vaizobva kuna Dhavhidhi. Ivo vaiva nechinyorwa chemhaka mukudeura ropa uyewo vaitaura zvinhu pamusoro paJehovha mukuwirirana nepfungwa yavo, kwete mutsinhirano nemifungo yake. Uyezve, ivo vakafanirwa norufu nokuda kwokuunza ruzvidzo pazita raMwari kupfurikidza nokurishandisa nenzira isina maturo, sezvinobvira kupfurikidza nokurishandisa sezvavakatsigira mazano avo akaipa. (Eksodho 20:7) Tisatongova nemhaka yezvivi zvakafanana!
Nemhaka yokuti vakaipa vakanga vane mhaka yokudeura ropa uye yokuunza ruzvidzo pazita raMwari, Dhavhidhi akazivisa, kuti: “Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha? Handine shungu here navanokumukirai? Ndinovavenga nembengo huru; vava vavengi vangu.” (Pisarema 139:21, 22) Dhavhidhi aisema ava vanhu nemhaka yokuti vaivenga zvikuru Jehovha uye vaipandukira Iye. Ivo vakanga vari vavengi vewozvamapisarema nemhaka yokuti iye akasema uipi hwavo, kusava noumwari, uye kupandukira Wokumusorosoro.
Mwari Ngaakunzvere
Dhavhidhi haana kuda kuva akafanana navanhu vakaipa, asi aiziva kuti haafaniri kuva noruvengo kwavari. Naizvozvo iye akateterera, achiti: “Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu; ndiidzei, muzive ndangariro dzangu; mutarire kana pane nzira dzakaipa mandiri, mundifambise munzira isingaperi.” (Pisarema 139:23, 24) Kufanana nowezvamapisarema, tinofanira kuda kuti Mwari anzvere mwoyo yedu ndokunzwisisa kana tine vavariro dzisakafanira. (1 Makoronike 28:9) Tinofanira kukumbira Jehovha kutinzvera, kuziva mifungo yedu inoshungushidza, kuona kana pane nzira ipi neipi inorwadza matiri. Kana tikakomberedzwa nefunganyo pamusoro pemhosho dzedu kana kuti pane chinhu chinokuvadza mukati medu kana kuti chakaipa nevavariro dzedu, ngatinyengeterei nokuzvininipisa ndokubvuma zvizere nhungamiro yomudzimu waMwari nezano reShoko rake. (Pisarema 40:11-13) Kupfurikidza nomutoo wakadaro, Shamwari yedu yakanakisisa, Jehovha, inogona kutitungamirira munzira yenguva isingazivikanwi, ichitibetsera kuronda kunzira yokururama inotungamirira kuupenyu husingagumi.
Pisarema 139 nokudaro rinogovera kurudziro chaiyoiyo. Rinoratidzira kuti, sezvo pasina chinhu chinonzvenga cherechedzo yaBaba vedu vokudenga, iye anogona kutibetsera munguva ipi neipi yokushaiwa. (VaHebheru 4:16) Uyezve, nemhaka yokuti Jehovha anotiziva zviri nani kupfuura zvatinozviziva timene, takachengeteka mutarisiro yake yorudo. (Dheuteronomio 33:27) Kana tikamukumbira nokuzvininipisa kutinzvera ndokuvigira utera hwomunhu oga kungwariro yedu, tinogona kururamisa zvinhu nebetsero yake. Zvirokwazvo, ipapoka, zivo yaMwari yedu savanhu vamwe navamwe inofanira kutapura upenyu hwedu nenzira yakanaka. Inofanira kutisunda kuva varevereri vakavimbika vokunamata kwechokwadi nokufamba nokuzvininipisa pamberi paJehovha, uyo anosanotiziva.