Chikonzero Nei Bhaibheri Riri Chipo chaMwari Chakafuridzirwa
BHAIBHERI rinotaura kuti “Mwari rudo” uye rinoti uchenjeri nesimba ndezvake. (1 Johane 4:8; Jobho 12:13; Isaya 40:26) Iro rinotiudza kuti “nzira dzake dzose iruramisiro.” (Dheuteronomio 32:4, NW) Mukuwirirana neBhaibheri, Mwari anoratidzirawo mavara akadai sengoni netsitsi.—Eksodho 34:6; VaRoma 9:15.
Nemhaka yokuti Bhaibheri rinoti mavara akadaro ndeaJehovha Mwari, iro rinokwevera vanhu vanotsvangadzira kwaari. Bhuku irori rinotaura nezvechisiko, mavambo echivi norufu, uye mutoo wokuyanana nawo naMwari. Rinopa tariro inoshamisa yeParadhiso ichadzorerwa kupasi. Asi kose ikoku ndekwoukoshi bedzi kana kuchigona kubvumikiswa kuti Bhaibheri chipo chakafuridzirwa chakabva kuna Mwari.
Bhaibheri Nesayenzi
Bhaibheri rakakunda nguva dzose kutsoropodzwa. Somuenzaniso, apo rinoraviwa nendangariro yakazaruka, rinowanwa kuva rinotsinhirana nesayenzi yechokwadi. Chokwadika, Bhaibheri rakagadzirirwa senhungamiro yomudzimu, kwete sebhuku rinofundwa resayenzi. Asi ngationei kana Bhaibheri richibvumirana namaidi esayenzi.
Kudzidzwa Kwamativi Omuviri: Bhaibheri rinotaura zvakarurama kuti ‘mativi ose’ omwana wohunhu achangobva kunambwa “akanyorwa.” (Pisarema 139:13-16) Uropi, mwoyo, mapapu, meso—izvozvi namamwe mativi ose omuviri ‘zvakanyorwa’ mugadziriro yamavara anogarwa nhaka yezai rinoberekeswa riri mudumbu ramai. Ari muiyi gadziriro marudungwe enguva omukati okuoneka kworumwe norumwe rwaaya mativi munhevedzano yakafanira. Uye imbofunga hako! Iri idi pamusoro pokukura kwomuviri womunhu rakanyorwa muBhaibheri anodokusvika makore 3 000 maseyendisiti asati awana gadziriro yamavara anogarwa nhaka.
Mhuka: Mukuwirirana neBhaibheri, “tsuro . . . inodzeya.” (Revhitiko 11:6) François Bourlière (The Natural History of Mammals, 1964, peji 41) anoti: “Muitiro we‘refection,’ kana kuti kupfuudza zvokudya kaviri muura panzvimbo pekamwe bedzi, unoratidzika kuva chinoitika chinozivikanwa mumbira netsuro. Mbira dzinopfuyiwa dzinowanzodya ndokumedza dzisingatsengi nhoko dzadzo dzousiku, idzo dzinoumba mumangwanani zvakawanda sehafu yehwerengedzo yezviri mudumbu. Mumbira yomusango kupfuudza zvokudya kaviri muura kunoitika kaviri zuva nezuva, uye muitiro mumwe chetewo unoshumwa nokuda kwetsuro yeEurope.” Muna ikoku, bhuku rinonzi Mammals of the World (rakanyorwa naE. P. Walker, 1964, Volume II, peji 647) rinoti: “Ikoku kungafanana no‘kudzeya’ mumhuka dzinoyamwisa dzinodzeya.”
Ruzivo Rwezvokucherwa Kwamatongo: Madzimambo eBhaibheri, maguta, uye marudzi zvakava chaizvoizvo nokuwanwa kwamahwendefa edongo, zviumbwa, manyoro, uye zvakafanana. Somuenzaniso, vanhu vakadai savaHeti vanodudzwa muMagwaro vaivapo zvomenemene. (Eksodho 3:8) Mubhuku rake rinonzi The Bible Comes Alive, Sir Charles Marston akati: “Avo vakazunungusa kutenda kwakakurumbira muBhaibheri, uye vakasekesa chiremera charo, vanosekeswawo ivo vamene noufakazi hwakawanwa, uye chiremera chavo chinoparadzwa. Foshoro iri kubudisa kutsoropodza munzvimbo yamaidi anopanikirika ndokupinza muiyo yenhau inobvumwa.”
Ruzivo rwezvokucherwa kwamatongo rwakatsigira Bhaibheri munzira dzakawanda. Somuenzaniso, zvakawanwa zvakasimbisa nzvimbo namazita zvinowanwa muna Genesi ganhuro 10. Vacheri vakafukunura guta reKardhia reUri, nzvimbo yezvokutengeserana neyorudzidziso uko Abrahama akaberekwa. (Genesi 11:27-31) Pamusoro petsime reGihoni murutivi rwokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweJerusarema, voruzivo rwezvokuchera matongo vakawana guta ravaJebhusi rakatorwa naMambo Dhavhidhi. (2 Samueri 5:4-10) Manyoro eSiroami akatemerwa kurutivi rumwe rwomugero waMambo Hezekia, kana kuti mukoto, akawanwa muna 1880. (2 Madzimambo 20:20) Kuwa kweBhabhironi kuna Koreshi Mukuru muna 539 P.N.V. kunorondedzerwa muNabonidus Chronicle, yakafukunurwa muzana ramakore rechi 19 N.V. Udzame huri mubhuku raEstere hwakasimbiswa namanyoro akabva Persepolis nokuwanwa kweimba yamambo yaMambo Xerxes (Ahashivheroshi) paShushani, kana kuti Susa, pakati pa 1880 na 1890 N.V. Runyoro rwakawanwa muna 1961 mumatongo ehoro yeRoma paKesaria rwakabvumikisa kuvapo kwagavhuna weRoma Pontio Pirato, uyo akapa Jesu kuti arovererwe.—Mateo 27:11-26.
Ruzivo Rwemitumbi Yomudenga: Makore 2 700 apfuura—nguva refu vanhu vose zvavo vasati vaziva kuti pasi rakatenderera—muporofita Isaya akanyora, kuti: “Ndiye ugere pamusoro penyika yakaurungana.” (Isaya 40:22) Shoko rechiHebheru rokuti chugh pano rinoshandurwa kuti “yakaurungana,” ringashandurwawo kuti “denderedzwa.” (A Concordance of the Hebrew and Chaldee Scriptures, yakanyorwa naB. Davidson) Ipapowo, ku“urungana” kwejengachenga rapasi kunooneka zvakajeka muchadenga uye pane dzimwe nguva mukati mokufamba nendege munzvimbo yakakwirira. Sezvineiwo, Jobho 26:7 inotaura kuti Mwari ano“turikira nyika pasina chinhu.” Ikoku ndokwechokwadi, nokuti vazivi vemitumbi yomudenga vanoziva kuti pasi harina chinotsigira chinooneka.
Kudzidzwa Kwemiti: Vamwe vanogumisa nenzira isina kururama kuti Bhaibheri harina kururama nemhaka yokuti Jesu Kristu akataura nezve“tsanga yemastardha” se“duku kumbeu dzose.” (Marko 4:30-32) Sezvingabvira, Jesu aireva mbeu yomuti mutema wemastardha (Brassica nigra kana kuti Sinapis nigra), iyo ine anenge mamirimita 1 kusvikira ku 1,6 bedzi mukufara. Kunyange zvazvo kune mbeu duku zvikuru, dzakadai sembeu dzakatsetseka soupfu dzeorchid, Jesu akanga asati ari kutaura kuvanhu vairima maorchid. VaJudha veGarirea ivavo vaiziva kuti pamarudzi akasiana-siana embeu dzaidyarwa navarimi vomunzvimbomo, mbeu yemastardha yakanga iri dukusa. Jesu akanga ari kutaura pamusoro poUmambo, kwete kudzidzisa chidzidzo mukudzidzwa kwemiti.
Kudzidzwa Kwapasi: Pamusoro penhauro yeBhaibheri yechisiko, muzivi wezvokudzidzwa kwapasi akatanhamara Wallace Pratt akati: “Kudai ini somuzivi wezvokudzidzwa kwapasi ndikakumbirwa kutsanangura nokupfupikisa pfungwa dzedu dzazvino uno dzamavambo apasi nokutanga kwoupenyu pariri kuvanhu vakaderera, vomumaruwa, vakadai sendudzi idzo Bhuku raGenesi rakanyorwa kwadziri, ndingasatongogona kuita zviri nani kupfuura kusanotevera wakawanda womutauro weganhuro rokutanga raGenesi.” Pratt akataura kuti nhevedzano yezvinoitika iri muna Genesi—mavambo amakungwa, kuvapo kwenyika, uye ipapo kuoneka kwoupenyu hwomumvura, shiri, uye mhuka dzinoyamwisa—zvikurukuru inhevedzano yezvikamu zvikuru zvenguva yenhau yapasi.
Mushonga: Mubhuku rake rinonzi The Physician Examines the Bible, C. Raimer Smith akanyora, kuti: “Kunoshamisa zvikuru kwandiri kuti Bhaibheri rakarurama kwazvo mumurangariro womushonga . . . Apo kurapa kunodudzwa, sekwomota, zvironda, uye zvimwewo, kwakarurama kunyange nemipimo yazvino uno. . . . Mashura akawanda achiri kudavirwa nezviverengero zvikuru zvavanhu zvakadai, sokuti mbeu yebuckeye iri muhomwe ichadzivirira rheumatism; kuti kubata matatya kuchaparira mhopo; kuti kusunga flannel tsvuku mumutsipa kuchaporesa pahuro panorwadza; kuti bhegi rine asafetida richadzivirira hosha; kuti nguva iri yose apo mwana anenge ari kurwara ane makonye; uye zvimwewo, asi hapana kutaura kwakadaro kunowanikwa muBhaibheri. Ikoku makuri kumene kunoshamisa uye kwandiri ndechimwe chibvumikiso chamavambo aro oumwari.”
Rakavimbika Muudzame Hwenhau
Mubhuku rake rinonzi A Lawyer Examines the Bible, gweta rinonzi Irwin H. Linton rakati: “Nepo mabhuku enhau dzorudo, ngano uye uchapupu hwenhema zvichingwarira kuisa zvinoitika zvinorondedzerwa munzvimbo iri kure nenguva isingazivikanwi, nokudaro zvichishatisa mitemo yokutanga iyo isu magweta tinodzidza yokuteterera kwakanaka, kuti ‘kutaura kunofanira kupa nguva nenzvimbo,’ nhauro dzeBhaibheri dzinotipa musi nenzvimbo zvezvinhu zvinorondedzerwa noururami hukurusa.”
Kubvumikisa pfundo irori, Linton akadudza Ruka 3:1, 2. Ipapo munyori weEvhangeri akadudza vakuru vakuru vanomwe kuti asimbise nguva apo Jesu Kristu akavamba ushumiri Hwake. Cherekedza udzame uhwo Ruka akagovera muaya mashoko, anoti: “Negore regumi namashanu rokubata kwaTibherio Kesari, Pontio Pirato ari mubati weJudhea, Herodhe ari mubati weGarirea, Firipo munun’una wake, ari mubati weIturea neTrakoniti, Risanio ari mubati weAbhirene. Anasi naKayafasi vari vaprista vakuru, shoko raMwari rakauya kuna Johane, mwanakomana waZakaria, murenje.”
Bhaibheri rakazadzwa noudzame hwakafanana. Uyezve, zvikamu zvaro zvakadai seEvhangeri zvakanyorwa mukati menhambo yetsika yakabudirira zvikuru yechiJudha, yechiGiriki, uye yechiRoma. Yakanga iri nguva yamagweta, vanyori, vadzori, uye vakafanana. Zvirokwazvo, ipapoka, kudai udzame hunowanwa muEvhangeri namamwe mativi eBhaibheri hwakanga husiri hwechokwadi, hungadai hwakaratidzirwa sohunonyengera. Asi vezvenhau venyika vakasimbisa mapfundo akadai sokuvapo kwaJesu Kristu. Somuenzaniso, pamusoro paJesu navateveri Vake wezvenhau weRoma Tacitus akanyora, kuti: “Christus, kwaari zita rokuti [maKristu] rakava namavambo aro, akatambura chirango chikurusa mukati mokutonga kwaTibherio pamaoko omumwe wavamiriri vedu, Pontio Pirato.” (Annals, Book XV, 44) Ururami hwenhau hweBhaibheri hunobetsera kubvumikisa kuti iro chipo chaMwari kurudzi rwomunhu.
Ufakazi Hukurusa
Kunyange zvazvo ruzivo rwezvokucherwa kwamatongo, ruzivo rwemitumbi yomudenga, nhau, uye mamwe mativi ezivo zvichitsigira Bhaibheri, kutenda mariri hakutsamiri pakusimbisa kwakadaro. Pakati pezvibvumikiso zvakawanda zvokuti Bhaibheri chipo chakafuridzirwa chaMwari kwatiri, hapana ufakazi hukuru zvikuru hunogona kupiwa kupfuura zadziko yamauporofita aro.
Jehovha Mwari ndiye Manyuko ouporofita hwechokwadi. Kupfurikidza nomuporofita wake Isaya, iye akati: “Tarirai, zvinhu zvakare zvaitika, ndinoparidza zvinhu zvitsva; ndinokuudzai izvozvo zvisati zvabukira.” (Isaya 42:9) Uyezve, Bhaibheri rinotaura kuti vanyori varo vakafuridzirwa naMwari kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake, kana kuti simba rinobata basa. Somuenzaniso, muapostora wechiKristu Pauro akanyora, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timotio 3:16, NW) Muapostora Petro akanyora, kuti: “Hakuna uporofita hworugwaro hunongodudzirwa nomunhu; nokuti hakuna uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa no[mudzimu, NW] mutsvene.” (2 Petro 1:20, 21) Naizvozvo ngatitarirei uporofita hweBhaibheri.
Pakati pamazana amauporofita ari muBhaibheri pane ayo ane chokuita nedzimbahwe reAsiria, Ninevhe, “guta reropa” iro rakatyisa muMiddle East yose yakare kwamazana amakore anopfuura 15. (Nahumi 3:1) Bva, apo Ninevhe yakanga ine simba gurusa, Bhaibheri rakadeya kutaura, kuti: “Ninevhe [Mwari] uchariita dongo, riome serenje. Zvipfuwo zvichavata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; hukurwizi nenungu zvichavata pamisoro yembiru dzaro; inzwi rokurira kwazvo richanzwika pamawindi; kuparadzwa kuchavapo pazvikumbaridzo; nokuti wakafukunura zvakavezwa zvemisidhari.” (Zefania 2:13, 14) Nhasi, vashanyi vanoona kuti gomo bedzi rinoratidzira dongo reNinevhe yakare. Kupfuurirazve, mapoka amakwai anofura imomo, sezvakadeya kutaurwa.
Muchiono, muporofita waMwari Dhanieri akaona gondohwe rine nyanga mbiri nenhongo ine nyanga huru pakati pamaziso ayo. Mbudzi yakatunga gondohwe, ichigura nyanga dzayo mbiri. Pashure pacho, nyanga huru yembudzi yakaguka, uye nyanga ina dzakabuda panzvimbo payo. (Dhanieri 8:1-8) Ngirozi Gabrieri yakatsanangura, kuti: “Gondohwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPersia. Uye nhongo ine mvere ndiye mambo weGirisi, runyanga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutanga. Kana ruri runyanga rwakavhunika, dzimwe ina dzikabuda panzvimbo yarwo, ushe huna huchabuda parudzi urwo, asi hahungavi nesimba rarwo.” (Dhanieri 8:20-22) Sokubvumikisa kwakaita nhau, gondohwe rine nyanga mbiri—Umambo hweMedhia nePersia—rakakurirwa na“mambo weGirisi.” Nhongo yokufananidzira iyoyo yakanga ine “runyanga rukuru” muna Alexander Mukuru. Pashure porufu rwake, vakuru vakuru vake vana vamauto vakatsiva “runyanga rukuru” irworwo kupfurikidza nokuzvigadza vamene musimba mu“umambo huna.”
Mauporofita akawanda muMagwaro echiHebheru (“Testamente Yekare”) akazadzikwa pamusoro paJesu Kristu. Mamwe aiwaya akashandiswa kwaari navanyori vakafuridzirwa nenzira youmwari vaMagwaro echiKristu echiGiriki (“Testamente Itsva”). Somuenzaniso, munyori weEvhangeri Mateo akaonesa zadziko yamauporofita aMagwaro mukuzvarwa kwaJesu kupfurikidza nemhandara, mukuva Kwake nomutangiri, uye mukupinda Kwake muJerusarema ari pamhuru yembongoro. (Enzanisa Mateo 1:18-23; 3:1-3; 21:1-9 naIsaya 7:14; 40:3; Zekaria 9:9.) Mauporofita akazadzikwa akadaro anobetsera kubvumikisa kuti Bhaibheri zvamazvirokwazvo chipo chaMwari chakafuridzirwa.
Zadziko yazvino youporofita hweBhaibheri inobvumikisa kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1-5) Hondo, perevedzo dzezvokudya, nhenda, uye kudengenyeka kwapasi kwemwero isingaenzaniswi rutivi rwe“chiratidzo” cho“kuvapo” kwaJesu musimba roUmambo. Chiratidzo ichocho chinobatanidzawo mubato wenyika yose weZvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamirioni mana, izvo zviri kuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwakagadzwa. (Mateo 24:3-14, NW; Ruka 21:10, 11) Uporofita hweBhaibheri huri kuzadzika zvino hunotivimbisawo kuti hurumende yaMwari yokudenga inodzorwa naJesu Kristu ichakurumidza kuparira nyika itsva yomufarwa usingagumi nokuda kworudzi rwomunhu runoteerera.—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1-5.
Chati yabatanidzwa ine musoro unoti “Mauporofita eBhaibheri Akazadzikwa” inopa mashomanene chete amazana amauporofita eBhaibheri aigona kurongwa. Zadziko yamamwe aiwaya yakanyorwa muMagwaro amene, asi anokosha zvikuru mauporofita ari kuzadzikwa nhasi.
Sezvingabvira, unogona kuona zvinoitika zvakati zvenyika yose zvakadeya kutaurwa muBhaibheri. Asi kuregererei kunzverazve? Zvapupu zvaJehovha zvichagovera nomufaro udzame hwokuwedzera pakukumbira kwako. Uye kutsvaka kwako kwapachokwadi zivo yoWokumusorosoro namadonzo ake ngakukupwise kuti Bhaibheri zvirokwazvo chipo chaMwari chakafuridzirwa.
[Chati iri papeji 7]
MAUPOROFITA EBHAIBHERI AKAZADZIKWA UPOROFITAZADZIKO
UPOROFITA ZADZIKO
Genesi 49:10 Judha akaitwa rudzi rwoumambo rwaIsraeri
Zefania 2:13, 14 Ninevhe rakaparadzwa munenge muna 632 P.N.V.
Jeremia 25:1-11; Kukundwa kweJerusarema kunovamba dongo
Isaya 39:6 ramakore 70 (2 Makoronike 36:17-21;
Isaya 13:1, 17-22; Koreshi anokunda Bhabhironi; vaJudha
Isa. 44:24-28; 45:1, 2 vanodzokera kunyika yokumusha
Dhanieri 8:3-8, 20-22 Medhia nePersia zvinokurirwa naAlexander
Mukuru uyeUmambo hweGirisi hunokamurwa
Isaya 7:14; Jesu akaberekwa nemhandara muBhetrehema
Dhanieri 9:24-26 Kuzodzwa kwaJesu saMesia (29 N.V.)
Isaya 9:1, 2 Ushumiri hunovhenekera hwaJesu hunotanga
muGarirea (Mateo 4:12-23)
Isaya 53:4, 5, 12 Rufu rwaKristu sechibairo chorudzikinuro
Pisarema 22:18 Kukandwa kwemijenya nokuda kwenguvo dzaJesu(Johane 19:23, 24)
Pisarema 16:10; Rumuko rwaKristu pazuvarechitatu
Ruka 19:41-44; 21:20-24 Kuparadzwa kweJerusarema navaRoma (70 N.V.)
Ruka 21:10, 11; Hondo isingaenzaniswi, nzara, kudengenyeka
Mateo 24:3-13; kwapasi, nhenda, kusateerera mutemo, uye
2 Timotio 3:1-5 zvichingodaro, zvinoratidzira “mazuva
okupedzisira”
Mateo 24:14; Ziviso yomunyika yose inoitwa neZvapupu
Isaya 43:10; zvaJehovha yokuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa
Pisarema 2:1-9 uye huchakurumidza kukunda vashori vose
Mateo 24:21-34, NW; Mhuri yamarudzi ose yeZvapupu zvaJehovha
Zvakazarurwa 7:9-17 inonamata Mwari uye inogadzirira nokuda
kwokupukunyuka “dambudziko guru”
[Mufananidzo uri papeji 8]
Hondo, nzara, nhenda, uye kudengenyeka kwapasi zvinoparira kuvadziko yazvo huru nhasi, asi nyika itsva yorugare nomufarwa yava pedyo