-
Ta“kaitwa Nenzira Inoshamisa”Nharireyomurindi—2007 | June 15
-
-
Pfungwa Dzedu Dzinoshamisa
12. Chii chinonyanya kusiyanisa vanhu nemhuka?
12 “Naizvozvo, pfungwa dzenyu dzinokosha sei kwandiri! Haiwa Mwari, dzose zvadzo izhinji sei! Kudai ndaizoedza kudziverenga, dzinopfuura kunyange jecha.” (Pisarema 139:17, 18a) Mhuka dzakasikwawo zvinoshamisa, uye dzimwe dzinotoona kana kutonhuhwidza kupfuura vanhu. Asi Mwari akapa vanhu pfungwa dzinopfuura dzemhuka nokure. Rimwe bhuku resayenzi rinoti: “Kunyange zvazvo isu vanhu takafanana nezvimwe zvinhu mune zvakawanda, takasiyana nezvimwe zvinhu zvipenyu nokuti tinokwanisa kutaura nokufunga. Takasiyanawo pakuti tinoda chaizvo kunzwisisa zvatiri: Muviri wedu wakabatanidzwa sei? Takaumbwa sei?” Dhavhidhi akafungawo nezvemibvunzo iyi.
13. (a) Dhavhidhi aikwanisa sei kufungisisa zvaifungwa naMwari? (b) Tingatevedzera sei muenzaniso waDhavhidhi?
13 Zvinonyanya kukosha ndezvokuti tinokwanisa kufunga sezvinodiwa naMwari, kusiyana nemhuka.c Chipo ichi chinokosha ndeimwe yenzira dzatakaitwa nadzo “nomufananidzo waMwari.” (Genesisi 1:27) Dhavhidhi akashandisa zvakanaka chipo ichi. Akafungisisa zvairatidza kuti Mwari ariko uye unhu hwakanaka hwaioneka munyika yakanga yakamupoteredza. Dhavhidhi aivawo nemabhuku okutanga eMagwaro Matsvene, anozivisa nezvaMwari nemabasa ake. Manyoro matsvene aya akabatsira Dhavhidhi kunzwisisa zvaifungwa naMwari, unhu hwake uye chinangwa chake. Kufungisisa Magwaro, zvakasikwa, uye zvaaiitirwa naMwari kwakaita kuti Dhavhidhi arumbidze Muiti wake.
-
-
Ta“kaitwa Nenzira Inoshamisa”Nharireyomurindi—2007 | June 15
-
-
c Mashoko aDhavhidhi ari muPisarema 139:18b anenge anoreva kuti kudai Dhavhidhi aipedza zuva rose achiverenga zvinofungwa naJehovha kusvikira paaizonorara, aizomuka mangwanani achine zvimwe zvokuverenga.
-