Ganhuro 18
Ko Iwe Wakavimbika Kuna Mambo Mutsva Wapasi Here?
1. Apo Jesu akapiwa saMambo muna 33 N.V., ko boka rakadavidza sei?
PANA Nisani 9 wa 33 N.V., Jesu Kristu akazvipa amene kuvaJudha saMambo wavo, Mesia akadeya kuziviswa. Zvaakaburuka muGomo reMiorivhi akananga Jerusarema, vadzidzi vazhinji zhinji vakafara ndokurumbidza Mwari nokuda kwamabasa esimba akanga aitwa naJesu. (Ruka 19:37, 38; Zekaria 9:9) Asika ivo vaizobvumikisa kuva vakavimbika kuna Iyeyo wavakanga varumbidza saMambo here? Kuvimbika kwavo kwakakurumidza kuedzwa.
2. (a) Ko vanhu vazhinji nhasi vari kudavidza sei chiziviso chokuti Kristu ndiye Mambo mutsva wapasi? (b) Asika mibvunzoi inoda kurangarira kwakakomba?
2 Kubvira muna 1914 Jesu Kristu akapiwa mbiri anobata ushe nomutoo wokushingaira ari kudenga akasvitswa kuvanhu vose saMambo mutsva wapasi. Kariro youpenyu muhurumende iri mukudzora kwaKristu, ane gadzikiso chaidzoidzo dzezvinetso zvavanhu, yakaparira vanhu vanobva kumarudzi ose kufara. Asika vachabvumikisa kuva vakavimbika here? Zvakadiniko nomumwe nomumwe wedu somunhu mumwe nomumwe?
CHINYORWA CHAMAMBO AMENE CHORUVIMBIKO
3. (a) Neiko Jesu iye amene achitaurwa nezvake so“muvimbiki waJehovha”? (b) Ko ruvimbiko chii?
3 Jesu Kristu akapa hufakazi hwakawanda hwokuti ruvimbiko rwake amene kuna Jehovha, Changamire Wechisiko Chapose pose, haruzununguki. Iye nomutoo wakakodzera anotaurwa nezvaka muMagwaro so“muvimbiki” waJehovha. (Pisarema 16:10; Mabasa 2:24-27) Shoko rechiHebheru rokuti “ruvimbiko” rinoshandiswa pano rine mufungo wokuva nomutsa worudo. Harisati riri chimwe chinhu chakatonhora, chakavakirwa bedzi bedzi pamutemo kana kuti ruramisiro, asi rinosundwawo norudo nokunzwisisa.—Enzanisa Pisarema 40:8; Johane 14:31.
4, 5. (a) Ko ruvimbiko rwaJesu rwakaratidzirwa sei mudenga, pashure pokupanduka kwaSatani? (b) Ko ruvimbiko irworwo rwakaratidzirwawo sei pasi?
4 Mumatenga, apo Satani akavamba kuzvitsvakira iye amene rukudzo rwakanga rwuri bedzi rwaMwari uye apo dzimwe dzengirozi dzakasiya nzvimbo dzadzo dzakafanira musangano rokudenga raJehovha, Mwanakomana wedangwe waMwari haana kutevedzera chimiro chadzo chendangariro. Kuita saizvozvo kwakanga kusingafungiki kwaari! Kuzvipira kwake kwokuzvibaira kwakanga kuri kukuru zvokuti, mukuita kuda kwaBaba vake, uyu Mwanakomana akavimbika akasia mbiri yake yokudenga, akava munhu uye kunyange kuzviisa kurufu padanda rokutambudzira. Norudo, akasimbisira kuti, chero bedzi kwaitsamira paari, hapana mashoko ose oudzame eizvo Magwaro akarondedzera nokuda kwake asati aizozadzika.—VaFiripi 2:5-8; Ruka 24:44-48.
5 Apo Jesu akanga ari pasi pano, Satani akaunza kudzvinyirira kukuru kwaari kumutsausa pabasa iro Mwari akanga amupa kuti aite—kana kuchibvira, kumunyengedza kuita chimwe chinhu chaizoparira Mwari amene kuramba Mwanakomana wake. Iye akakuchidzira Jesu kuita zvinhu zvaigona kuparira utanhamari nesimba—asi sorutivi rwenyika iyo Satani akanga ari mubati ushe wayo. Jesu akaramba, achinokora mashoko Magwaro Matsvene senhungamiro yake. (Mateo 4:1-10) Jesu akanga ana mano akatanhamara uye akasanoashandisa, asi nguva dzose mukutsinhirana nokuda kwaBaba vake. Iye akazvibatikanisa amene zvizere mukuita basa iro Mwari akanga amutumira kuzoita. (Johane 7:16-18; 8:28, 29; 14:10) Haiwa muenzaniso wakaisvonaka sei woruvimbiko!
6. Ko mubairo wakapiwa kuna Jesu unoda ruvimbiko kwatiri munzirai?
6 Nemhaka yoruvimbiko rwakabvumikiswa rwaJesu, Jehovha akamumutsa muna vakafa, “akamukwiridzira kunzvimbo yapamusoro uye nomutoo wetsitsi ndokumupa zita riri pamusoro perimwe zita riri rose, kuti ibvi riri rose . . . rigopfugama muzita raJesu, uye ndimi iri yose igobvuma pamhene kuti Jesu Kristu ndiye Ishe kukurumbidzwa kwaMwari Baba.” (VaFiripi 2:9-11) Iri “zita riri pamusoro perimwe zita riri rose” rinomirira simba nechiremera zvakapiwa Jesu kuti agone kuzadzika kuda kwaJehovha. ‘Kupfugama’ kwaari kunoreva kuziva nzvimbo yake ndokuzviisa pasi pechiremera chake. Kunobatanidzawo kuva anozviisa pasi mukuvimbika kwaari saMambo.
KUDA KWOKUVIMBIKA KWAVAKAZODZWA VAJEHOVHA
7. Ko vateveri vaJesu vanoedzwa pamsoro poruvimbiko panhaui?
7 Idi rokuti, pashure pokukwira kwake kudenga, Jesu haati aigonazve kuonwa nameso ohunhu raizoparira miedzo yakaoma yokuvimbika kwavateveri vake. Ko ivo vaizorarama mukuwirirana nenheyo dzaakanga avadzidzisa here? Ko ivo vaizoramba vakasiana nenyika here? Ko ivo vaizoremekedza avo mudzimu mutsvene wakaisa mitoro yokutarisira pavari here? Ko ivo vaizova vomweya wose mukuita basa raakanga avagovera here?
8. Chii chakadeya kufananidzirwa nokuda kwokuvimbika pakati paJonatani naDhavhidhi?
8 Munguva yakafanira “mamwe makwai” aizounganidzwa mukubatana ne“boka duku” ravadyi venhaka voUmambo hwokudenga. Ko ivo vaizonzwisisa chaizvoizvo nzvimbo dzakagoverwa mukuwirirana naKristu saMambo nokuno mumwe nomumwe here? Maidi anoratidzira kuti kudanana chaizvoizvo kwakakudziridzika pakati paavo vose vari rutivi rwe“boka rimwe” rinotungamirirwa naJesu Kristu. Ikoku kwakadeya kufananidzirwa nokuda kusingaputsiki, kusingafi kwaJonatani, mwanakomana waMambo Sauro, kwaDhavhidhi. Pakuona kuzvipira kwakakwana kwaDhavhidhi kuna Jehovha nokutsamira kwake pana Mwari mukuuraya Goriati hofori, Jonatani akatapurika zvikuru kwazvo uye “mweya wake umene wakanamatirana nomweya waDhavhidhi, uye Jonatani akavamba kumuda sokuda kwaaiita mweya wake amene.” Kuda kwake hakuna kushomeka apo kwakaratidzika kuti Jehovha aizoisa umambo pana Dhavhidhi uye pasati pari pana Jonatani. Jonatani akatopinza apinzazve upenyu hwake pangozi nokuda kwaDhavhidhi.—1 Samueri 17:45-47; 18:1; 23:16, 17.
9. Ko ruvimbiko rumwe cheterwo rwakaratidzirwa sei navasati vari vaIsraeri avo vakabatira muuto raDhavhidhi?
9 Kunze kwaJonatani, kwakanga kuna vasati vari vaIsraeri vakazvinamatidza ivo vamene naDhavhidhi. Ivava vakanga vasati vari varwi vokumwe vanoripirwa mari asi varume vane simba vakaita nokuda kwokuzvipira kwavo kuna Dhavhidhi somuzodziwa waJehovha. VaKereti, vaPereti navaichimbova vagari vomuguta reFiristia reGati vaiva pakati paivava. Ivo mukuvimbika vakanamatirana naDhavhidhi apo mwanakomana wake Absaromi mukunyengera akatsvaka kuba mwoyo yavarume vaIsraeri. Pasinei hapo noutanhamari hwaAbsaromi nouchenjeri, ivo havana kupinzwa munzira inonyengera kupfurikidza nokutaura kwake kwokunyengedza.—2 Samueri 15:6, 10, 18-22.
10. (a) Ko ukama chaihwoihwo pakati paKristu, vakasarira vakazodzwa ne“mamwe makwai” hunoratidzirwa sei muPisarema 45? (b) Ko ‘shamwari dzemhandara dzinopinda muimba youmambo yamambo’ mupfungwai?
10 Kumwe kurondedzera kunofadza pakati poukama hwaKristu, vakasarira vakazodzwa na“mamwe makwai” kunowanwa muPisarema 45. Iyi haisati ichingova nhetembwa inonakidza bedzi bedzi asi ndeye chiporofita yoUmambo hwaMesia—Mwari amene achiva “chigaro choumambo,” ndiko kuti, nheyo nomusimboti woumambo hwaJesu. (Pisarema 45:1-7; VaHebheru 1:8, 9) Wezvamapisarema anorondedzera mwenga waKristu, “mwanasikana wamambo,” achiunzwa kuna Mambo pazuva rake romuchato. Vanaye i“mhandara . . . shamwari dzake.” Ndivanaaniko ivava? Ndaavo vanokarira kuva vadzorwi vapasi voUmambo hwaMwari. “Nokufara nomufaro” idzo dzinoperekedza boka ro“mwenga” kutozosvikira vokupedzisira vamene vaivava vabatana naKristu mudenga. Pamwe chete navo, vano“pinda muimba youmambo yamambo,” kwete kupfurikidza nokukwira kudenga, asi kupfurikidza nokuzvipira ivo vamene nokuda kwebasa raMambo. Ko iwe wati wava rutivi rwechinoitika ichecho chinofadza here?—Pisarema 45:13-15.
KO KUVIMBIKA KUNODEI KWATIRI?
11. Migariroi inotiedza pamsoro pokuva “vasati vari rutivi rwenyika”?
11 Migariro isingaverengeki muupenyu inoratidzira kuti rudzii rwavanhu rwatiri. Ko isu tinodavira zvomenemene Umambo hwaMesia hwaJehovha here? Ko ihwo chinhu chaichoicho kwatiri here? Jesu akataura kuti vateveri vake vechokwadi vaizova “vasati vari rutivi rwenyika.” Ndozvauri here?—Johane 17:15, 16.
12. Kunyange zvazvo tiri vasina kukwana, tinogona kubvumikisa ruvimbiko mune dzimwe nziraizve?
12 Muchinoitika chedu isu vanhu vasina kukwana, ruvimbiko harusati ruchida kukwana. Asi runoda kuti tidzivise kuputsa noune mirairo yeBhaibheri, kunyange vamwe vakationa kana kuti kwete. Ruchatisunda kutamburira kushandisa nheyo dzeBhaibheri zvizere, panokuona kuti tingaswedera pedyo zvikuru zvakadini nenzira dzenyika. Ruchatisakisa kukudziridza kuvenga chaikoiko chiri chakashata.—Pisarema 97:10.
13. Ko ruvimbiko ruchatitaviridzira sei pakutaura kwokunyengera kwavatsauki?
13 Kana tichivenga chaizvoizvo chiri chakashata, hatisati tichizobvumidza chiringa chichitinyengedza kuswedera pedyo nacho. Kuva ane chiringa pamusoro poupenyu hwavanhu voutere muvatano kunogona kuparira munhu kushatswa. (Zvirevo 7:6-23) Saizvozvowo, kushatswa kwomudzimu kungakurira avo nokuda kwechiringa vanotenga ndokurava mabhuku anobudiswa navatsauki, vanhu vakasiya Jehovha nesangano rake dzokonokei vo“rova” namashoko okutaura vaichimbova vavaisonganirana navo vavo. (Mateo 24:48-51) Zvirevo 11:9 inonyevera kuti: “Uyo ari mutsauki unoparadza munhu biyake kupfurikidza nomuromo wake.” Asika ruvimbiko ruchatitaviridzira pakuva vanotsauswa nokutaura kwavo kwokunyengera.—2 Johane 8-11.
14. (a) Ndeipi iri imwe yenzira dzinoisvokosha idzo tinogona kuratidzira nadzo ruvimbiko rwedu kuna Kristu saMambo? (b) Neiko iri basa richikosha zvikuru?
14 Imwe yenzira dzinoisvokosha dzatingagona kuratidzira nadzo ruvimbiko iri kupfurikidza nokuva vomweya wose mubasa iro Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuita. Iye amene akagadza muenzaniso kupfurikidza nokuenda paguta neguta napamusha nomusha, achiparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Ruka 8:1) Jesu akadeya kuzivisa icho maKristu echokwadi aizove achiita nhasi apo iye akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14) Kuri kupfurikidza nouku kuparidzirwa kwamashoko akanaka kuti chirevo choUmambo chiri kusvitswa kuvanhu kunzvimbo iri yose kuti vagone kuita chisarudzo chomunhu mumwe nomumwe. Kuboka guru, chisarudzo ichecho chichaparira kuchengetwa richipfuura nomudambudziko guru. (Zvakazarurwa 7:9, 10) Ko iwe mukuvimbika unopinda muiri basa rokukurumidzira here?
15. (a) Ko Pisarema 145:10-13 rinoreva kuti vakavimbika vaJehovha vaizotaura pamsoro pei? (b) Ko ikoko kunoshanda sei kwatiri?
15 Kare kare wezvamapisarema Dhavhidhi akanyora, kuti: “Mabasa enyu ose achakukudzai, haiwa Jehovha, uye vakavimbika venyu vachakurumbidzai. Ivo vachataura pamsoro pembiri youmambo hwenyu, uye ivo vachataura pamsoro pesimba renyu, kuzivisa kuvanakomana vavanhu mabasa ake esimba nembiri yokubwinya kwoumambo hwake. Umambo hwenyu ndihwo umambo nokuda kwenguva dzose dzisingazivikanwi, uye uchangamire hwenyu ndohwomuzvizvarwa zvose zvinotevedzana.” (Pisarema 145:10-13) Umambo ihwohwo zvino huri kudzorwa noUmambo hwaMesia huri musimba rakavimbika raJesu Kristu, uye isu tinoratidzira ruvimbiko rwedu kuvose vari vaviri Mwari naKristu kupfurikidza nokutaura norusununguko uye mumbavarira pamsoro pahwo.
16. Ko ruvimbiko runofanira kupesvedzera sei tambanuko youko tinogoverana mukuparidzira Umambo nevavariro yatinokuita nayo?
16 Utanhamarii muupenyu hwako umene hwawakapa kune iri basa rokupupurira Umambo? Ko iwe unohuisa zvomenemene pamberi pezvimwe zvinorondwa here? Zvaunoita iwe umene zvingava zvakawanda kana kuti zvingava zvishoma pane zvinoitwa navamwe. Migariro yavanhu yakasiana. Asi tose tinogona kubetserekana kupfurikidza nokuzvibvunza timene mibvunzo yakadai seiyi: ‘Ko kutora rutivi kwangu kunoratidzira bedzi bedzi pfungwa yomusengwa here, chipiriso chebata kumeso? Ko ini ndinokurangarira bedzi bedzi sechinodikanwa chokupukunyuka here? Kana kuti kuda Jehovha, kuzvipira kuna Mambo wake Mesia nokuitira hanya chaikoiko munhu biyangu kunondisunda kuhupa nzvimbo yokutanga zvikuru zvokuti dzimwe fariro muupenyu hwangu dzinovakirwa pakuri here?’ Ruvimbiko ruchatisundira kukutsvaka nzira dzokuratidzira nadzo kuti iri basa rinokosha zvikuru kwatiri sezvariri kuna Mambo wedu.
17. Ko Jesu acha“taura rugare” kuna vanaani apo iye anoparadza vakaipa?
17 Nokukurumidza uyo akarumbidzwa nomufaro saMambo navadzidzi vake zvaakapinda muJerusarema muna 33 N.V. achaparadza vose avo vanoramba uchangamire hwaJehovha sohunoratidzirwa kupfurikidza naMambo Wake woUmesia. Asi acha“taura rugare” ku“boka guru” iroro ravanhu vanobva mumarudzi ose vakatevedzera muenzaniso wake amene woruvimbiko. Ko iwe uchava pakati pavo here?—Zekaria 9:10; VaEfeso 4:20-24.