Muti “Une Mashizha Asingasvavi”
WAKAMBOONA here nzvimbo inenge yakasvibira nemiti? Unogona kubvuma kuti inoyevedza zvikuru kuona. Kana ukaona miti mikuru yakawanda yakapfumvutira, ungafungidzira here kuti nzvimbo yacho yava nenguva isiri kunaya mvura? Aiwa, chokwadi unobva waziva kuti pane mvura yakawanda inoita kuti miti yacho ikure zvakanaka.
Bhaibheri rinobva rafananidza vaya vakasimba mune zvokunamata nemiti mikuru yakasvibira. Somuenzaniso, ona chikamu chakanaka chinotangira pandima nhatu dzokutanga dzePisarema rokutanga:
“Anofara munhu asingafambi maererano nezano revakaipa, asingamiri munzira yevatadzi, asingagari pachigaro chevaseki. Asi anofarira mutemo waJehovha, anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi masikati nousiku. Achava somuti wakadyarwa pedyo nehova dzemvura, unobereka michero yawo mumwaka wawo uye une mashizha asingasvavi, uye zvose zvaanoita zvichabudirira.”
Uyewo pana Jeremiya 17:7, 8 tinoverenga kuti: “Akakomborerwa murume anovimba naJehovha, uye akaita Jehovha chivimbo chake. Achava somuti wakadyarwa pedyo nemvura, unoendesa midzi yawo kurwizi chaiko; uye haazooni panouya kupisa, asi mashizha ake achava akasvibirira. Mugore rokusanaya kwemvura haazozvidyi mwoyo, uyewo haazoregi kubereka zvibereko.”
Mundima mbiri idzi, miti inoshandiswa kufananidza zvinoitika kumunhu anoita zvakanaka, anofarira mitemo yaMwari, uye anonyatsomuvimba. Izvi zvinoita kuti tibvunze kuti, Kana toreva nezvokunamata, munhu akadaro akafanana papi nomuti wakasvibira? Ngatimboongororai zvakadzama ndima idzi.
“Wakadyarwa Pedyo Nehova Dzemvura”
Miti iri kurehwa inonzi yakadyarwa “pedyo nehova dzemvura” kana kuti “pedyo nemvura,” kwete parwizi kana kuti parukova rumwe chete. Mufananidzo wakafanana unowanikwa pana Isaya 44:3, 4, Jehovha Mwari paanotaura nezvematarisiro aaizoita vaJudha vaipfidza vaizodzoka vachibva kuusungwa kuBhabhironi. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akati: “Nokuti ndichadururira mvura pamunhu ane nyota, uye hova dzinoyerera zvinyoronyoro panzvimbo yakaoma. . . . Ivo vachamera sevari pakati pouswa hwakasvibirira, semiti yemishambangwena iri pedyo nemigero yemvura.” Hova uye migero yemvura inonzi inoita kuti vanotungamirirwa uye vanochengetwa naMwari vakure sezvinoita miti mirefu yakasvibira.
Kunyange iye zvino munzvimbo dzinoitwa zvokurima, unogona kuona migero yemvura uye hova dziine mvura inoyerera ichibva mutsime rakadzika, murwizi, mudziva kana kuti mudhamu. Inowanzoshandiswa pakudiridza miti yemichero. Pane dzimwe nguva, hova idzi dzinenge dzichidiridza minda nokune rumwe rutivi uye kune rumwe rutivi kunenge kuine miti yakawanda yakasvibira, zvimwe ichiratidza muganhu wemunda wacho.
Miti yakadyarwa pane hova dzemvura inokura zvakadini? Pisarema 1:3 inotaura nezvomuti “unobereka michero yawo mumwaka wawo.” Miti yemionde, yemipomigraneti, yemiapuro, kunyange michindwe nemiorivhi inowanikwawo munzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri. Kunyange zvazvo mionde ichireba zvokusvika mamita mapfumbamwe iine mapazi akakura, mimwe miti yemichero hairebi saizvozvo. Asi inogona kunge yakasvibira uye ichikura zvakanaka uye ichiita michero yakawanda panguva chaiyo.
Kare, miti mihombe yemishambangwena yaikura mumahombekombe menzizi nehova muSiriya uye muPalestine. Kazhinji panotaurwa nezvemishambangwena muBhaibheri panotaurwawo nzizi kana kuti ‘mipata ine hova.’ (Revhitiko 23:40) Rumwe rudzi rwomushambangwena rwaiwanzowanikawo munzvimbo dzaiva nemvura yakawanda. (Ezekieri 17:5) Miti yakakura, yakasvibira iyi inonyatsofananidzira pfungwa yaida kutaurwa nemunyori wepisarema uye Jeremiya yokuti: Vaya vanoda kutevedzera mitemo yaMwari uye vanonyatsovimba naye vacharamba vaine ukama hwakasimba naMwari, ‘uye zvose zvavachaita zvichabudirira.’ Handizvo here zvatinoda—kubudirira muupenyu?
Kufarira Mutemo waJehovha
Mazuva ano vanhu vari kuedza kubudirira nenzira dzakasiyana-siyana. Vanoti sika-sika nezvinangwa zvavanofunga kuti zvinozoita kuti vave nomukurumbira uye upfumi, asi kakawanda kunenge kuri kurota uye zvinoguma nokuora mwoyo. Zvisinei, chii chinoita kuti munhu agutsikane zvechokwadi uye afare nokusingaperi muupenyu? Tinogona kuwana mhinduro yacho mumashoko aJesu aakataura muMharidzo yepaGomo. Akati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo.” (Mateu 5:3) Kutaura zvazviri, mufaro wechokwadi haubvi pakuita zvinhu zvakawanda, asi unobva pakuziva kuti tinoda ukama hwakanaka naMwari uye kuita zvakakodzera kuti tive nahwo, semiti yakasvibira inobereka michero panguva chaiyo. Tingava sei noukama hwakanaka saizvozvo naMwari?
Maererano nomunyori wepisarema, chokutanga, pane zvatinofanira kudzivisa. Akataura nezve“zano revakaipa,” “nzira yevatadzi,” uye “chigaro chevaseki.” Kuti tifare, tinofanira kusiyana nevaseki kana kuti vaya vanopira makotsi kumitemo yaMwari.
Zvadaro, tinofanira kufarira mutemo waMwari. Patinofarira chimwe chinhu kana kuti rimwe basa, hatiedzi here zvose zvatinokwanisa kuita kuti tizviwane kana kuti tizviite? Saka kufarira mutemo waMwari kunoreva kukoshesa zvakadzama Shoko raMwari, kuda zvikuru kudzidza zvakawanda zvirimo uye kuunzwisisa zviri nani.
Pakupedzisira, tinofanira kuuverenga “nenzwi riri pasi masikati nousiku.” Izvi zvinoreva kugara tichiverenga uye tichifungisisa pamusoro pezvatinenge taverenga. Manzwiro atinofanira kuita nezveShoko raMwari anofanira kufanana neomunyori wePisarema akaimba kuti: “Ndinoda mutemo wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.”—Pisarema 119:97.
Chokwadi, patinowana zivo yakarurama uye patinonzwisisa Jehovha Mwari uye patinovimba naye zvizere uye zvaanotivimbisa, tinonyatsova noukama hwakasimba naMwari. Kana zvakadaro, tinofanana nomunhu anofara anotsanangurwa nomunyori wePisarema—“zvose zvaanoita zvichabudirira.”