“Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”
“Jehovha ndiye Mufudzi wangu; hapana chandingashaiwa.”—PISAREMA 23:1, NW.
1, 2. Ndaapi aiva akati kuti amabasa aDhavhidhi, uye mapisarema mangani aakaronga?
FUNGIDZIRA ichi chiono: Mauto eFiristia akatarisana nehondo yaIsraeri. Goriati, hofori yechiFiristia, anokwesa. Jaya, rakangoshongedzerwa bedzi nechipfuramabwe namabwe, rinomhanya kundosangana naye. Ibwe rasanotondekwa rinoboora dehenya rehofori uye rinomuuraya. Ndiani akanga ari jaya racho? Dhavhidhi, mufudzi uyo akahwina rukundo irworwu rwunokatyamadza neyamuro yaJehovha Mwari.—1 Samueri, ganhuro 17.
2 Pashure penguva yakati, iri jaya rakava mambo waIsraeri, richitonga kwamakore 40. Iro rakanga riri nyanzvi yokuridza mbira uye rakaronga madetembedzo akawanda mufuridziro youmwari. Dhavhidhi akanyorawo mapisarema akaisvonaka anopfuura 70 ayo ari manyuko ekurudziro huru nenhungamiro nokuda kwavanhu vaJehovha nhasi. Rinozivikanwa zvikurusa raiwawa Pisarema 23. Wadiiko kuvhura Bhaibheri rako ndokutevera sezvatinovamba kufundwa kwendima nendima kweiri pisarema?
Jehovha, Mufudzi Ano Rudo
3. (a) Panguvai apo Dhavhidhi akapinza mungozi upenyu hwake kudzivirira makwai ake? (b) Jehovha ndiye Mufudzi wedu mupfungwai?
3 “Jehovha ndiye Mufudzi wangu.” (Pisarema 23:1) Somufudzi ane ruzivo rwokuzviwanira, Dhavhidhi aiziva nzira yokutungamirira nayo, kufudza, uye kudzivirira makwai. Somuenzaniso, iye akadzivirira noushingi makwai ake pashumba pane imwe nhambo nebere pane imwezve. (1 Samueri 17:34-36) Makwai aDhavhidhi aivimba nomufudzi wawo chose chose. Asi muukama naJehovha, iye amene akanga ari gwai. Sezvo Dhavhidhi akanzwa akakotsekana mutarisiro yorudo yaMwari, iye aigona kuti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu.” Ko iwe unofarikanya here uku kunzwa kwechengeteko pasi poMufudzi Mukuru, Jehovha Mwari? Iye zvirokwazvo anotungamirira, kufudza, uye anodzivirira vanamati vake vakafanana namakwai nhasi. Uyezve, savafudzi vakagadzwa vomuungano yeZvapupu zvaJehovha, vafudzi vaduku vakatendeka, vane rudo vanotarisira makwai nokushingaira.—1 Petro 5:1-4.
4. Mugariro wedu nhasi wakafanana sei nouyo wavaIsraeri murenje?
4 “Hapana chandingashaiwa.” Funga nokungwarira pamusoro pouku kutaura. Nemhaka yetarisiro yorudo yaJehovha, iwe hauna here kunzwa kunonyaradza kwokuterama nechivimbo? Unoyeuka here chakaitika kuvaIsraeri pavakadzungaira murenje kwamakore 40? Chokwadi, Mwari akagovera zvinodikanwa zvavo zvikuru zvose! Ndizvimwe chetezvo nhasi. Vabatiri vakatendeka vaJehovha havashaiwi chinhu. Vazhinji vanogona kudzokorora aya mashoko akafuridzirwa aDhavhidhi: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya.” (Pisarema 37:25) Nhasi, zvokudya zvomudzimu zvakawanda zviri kugoverwa kupfurikidza no“muranda akatendeka nowakachenjera.” (Mateo 4:4; 24:45-47, NW) Mukuwedzera kumisangano inoverengeka pavhiki, tine Bhaibheri, magazini eNharireyomurindi naMukai!, uye zvimwe zvinyorwa zvakawanda. Kunyange munyika umo basa rokuparidzira reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa, migove yezvokudya zvomudzimu inogamuchirwa nguva dzose. Makwai aJehovha haashaiwi chinhu!
5. Neiko makwai aJehovha nhasi ane rugare uye akaterama, uye nomuuyoi?
5 “Unondivatisa pasi pamafuro manyoro.” (Pisarema 23:2) Mumaguta akawanda muna Israeri wakare makanga mune mafuro makuru. Sezvo mufudzi ane rudo panguva iyoyo aitungamirira makwai ake kumafuro akaisvonaka, akakotsekana, naizvozvo Jehovha anotarisira makwai ake nhasi. Wezvamapisarema anoti: “Isu tiri vanhu vanofudzwa naye.” (Pisarema 79:13; 95:7) Makwai chaiwoiwo anoita zvakanaka paanogutswa uye anokwanisa kuzorora mukupisa kwezuva. Makwai aJehovha nhasi ane rugare uye akazorora nemhaka yokuti ane chivimbo muvafudzi vakakura mumudzimu—vatariri vakarovedzwa vari muungano namatunhu. Somuuyo, mapoka amakwai omudzimu ari kuwedzera. Vanhu vazhinji vaisibatwa zvakashata navafudzi venhema veBhabhironi Guru zvino vanofara zvikuru uye vanogutswa samakwai aJehovha.
6. Jehovha ‘unotisesedza [sei] munzvimbo dzokuzorora dzine mvura yakanaka’?
6 “Unondisesedza pamvura inozorodza.” Muna Israeri mufudzi aifanira kutungamirira boka rake ramakwai kudziva kana kuti kurwizi nokuda kwemvura. Asi mvura yaiwanzova yakaoma kuwana mumwaka wakaoma. Nhasi, Jehovha ‘anotisesedza munzvimbo dzokuzorora dzine mvura yakanaka’ kupfurikidza nokugovera mvura dzezvokwadi dzakawanda zvikuru. (Enzanisa naEzekieri 34:13, 14.) Uye muporofita Isaya anopa iyi kokero inonyandura, inoti: “Nhai, imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji.” (Isaya 55:1) Kupfurikidza nokunwa idzi mvura dzomudzimu, makwai anowana dziviriro pamarutongeso omwoto achauya paavo “vasingazivi Mwari naavo vasingateereri mashoko akanaka.”—2 VaTesaronika 1:8 (NW); Zvakazarurwa 7:16, 17.
7. Zorodzo yomudzimu inobva kuna Jehovha inobetsera sei zvikuru, uye mumigariroi umo magwaro eBhaibheri akadzidzwa nomusoro anogona kubvumikisa kuva anobetsera zvikuru kwazvo?
7 “Unoponesa mweya wangu.” (Pisarema 23:3) Patinenge taneta, tiri munhamo, taodzwa mwoyo, kana kuti takatarisana nechishoro chakakomba, Jehovha anotizorodza kupfurikidza neShoko rake. Nokudaro, kwakanakira maKristu kukuita muitiro kurava chikamu cheBhaibheri zuva riri rose. Iwe unoita ikoku here? Vamwe vanokuwana kuchibetsera kudzidza nomusoro magwaro akati, zvakadai saEksodho 34:6, 7 kana kuti Zvirevo 3:5, 6. Neiko ikoku kuchibetsera? Eya, kana njodzi ikafanira kuitika uye iwe usina Bhaibheri, mifungo yapaMagwaro inonyaradza inogona kukurumidza kukusimbisa. Hama dzakawanda dzakashurikidzirwa kumatorongo kana kuti misasa yetorongo nemhaka yokumira dzakasimba nokuda kwenheyo dzakarurama dzakazorodzwa zvikuru kwazvo ndokusimbiswa kupfurikidza nokuyeuka magwaro akadzidzwa nomusoro. Hungu, Shoko raMwari rinogona kuparira “mwoyo kufara” uye kuita kuti “meso apenye”!—Pisarema 19:7-10, NW.
8. Kuri nyore here kutevera “makwara okururama,” asi kuita saizvozvo kunotungamirira kuchii?
8 “Unondifambisa panzira dzokururama.” Nzira dzokururama dzakaoma kutevera, asi dzinotungamirira kuupenyu. Jesu akati: “Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu.” (Mateo 7:14) Muapostora Pauro akataura mufungo wakafanana kupfurikidza nokuudza vadzidzi vomuRistira, Ikonio, uye Antiokia kuti: “Tinofanira kupinda muushe hwaMwari namadambudziko mazhinji.” Uye Pauro zvamazvirokwazvo aiziva chaakanga achitaura pamusoro pacho. Chinguvana pamberi paizvozvo, iye akanga atakwa namabwe paRistra ndokusiiwa odokufa!—Mabasa 14:19-22.
9. (a) Mwari ‘anotitungamirira [sei] munzira dzokururama’? (b) Pisarema 19:14 rinogona kuva rebetsero munzirai? (c) Magwaroi anogona kutibetsera kudzivisa hunza dzevatano yakaipa?
9 Jehovha ‘anotitungamirira munzira dzokururama’ kupfurikidza nokutitungamirira nokutiraidza kupfurikidza neShoko rake nesangano. Asi vanhu vazhinji vanotevera nzira yakafara neyakapamhama “inoenda kukuparadzwa.” (Mateo 7:13) Kusachena kwevatano kwapararira nedenda rinopararira nokukurumidza reAIDS zvinosimbisa kudikanwa kwokuti maKristu adzivise songaniro dzakashata. (1 VaKorinte 15:33) Tinofanirawo kungwarira kudzivisa mifungo yedu imene kudzungaira ichipinda mumikoto isina kuchena. (Pisarema 19:14) Nedonzo iroro, nguva dzose ngatishandisei zano rakaisvonaka rinopa Shoko raMwari pamusoro pevatano nenzira yokudzivisa nayo hunza dzakawanda dzoutere.—1 VaKorinte 7:2-5; VaEfeso 5:5; 1 VaTesaronika 4:3-8.
10. (a) Mutoroi une Zvapupu zvaJehovha pamusoro pezita roumwari? (b) Neiko vanhu venyika vachiwanzotitsoropodza? (c) Jehovha achatibetsera mumigariroi?
10 “Nokuda kwezita rake.” Zvapupu zvaJehovha zvine mutoro unorema wokurumbidza zita raMwari nokusaunza ruzvidzo pariri. (Mateo 6:9; Eksodho 6:3; Ezekieri 38:23) Vanhu vazhinji venyika vanokurumidza kunongedzera munwe wokupomera kuvanhu vaJehovha. Kana ikoku kukaitwa nemhaka yechimiro chedu nokuda kwenheyo dzeBhaibheri dzakadai sokusatora rutivi kana kuti utsvene hweropa, hana yedu yakachena. Asi kana ikoku kukaitika nemhaka yechakaipa chedu, taizova tichizvidza Jehovha. (Isaya 2:4; Mabasa 15:28, 29; 1 Petro 4:15, 16) Naizvozvo ngativengei chakashata. (Pisarema 97:10) Kana tichifanira kutambura chitambudzo, Jehovha nguva dzose achatibetsera ndokutidzivirira nokuda kwezita rake.
Jehovha Anodzivirira Makwai Ake
11. Chii chinorehwa no“mupata womumvuri worufu,” uye ikoku kungatiyeuchidza nezvechii pamusoro paJesu?
11 “Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, handingatongotyi zvakaipa.” (Pisarema 23:4) Shanduro yaIsaac Leeser inorava, kuti: “Hungu, kunyange zvazvo ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handisati ndichizotya chakaipa.” Ikoku kungayeuchidza mapiriviri, kana kuti mipata, inodzika mumakomo eJudhea parutivi rwokumadokero rweGungwa Rakafa. Bani, kana kuti nhika, umo zvikara zvinovanda mumimvuri inzvimbo ine ngozi nokuda kwamakwai. Dhavhidhi akapfuura nomumipata yakawanda ine ngozi muupenyu hwake, rufu rwakatarisana naye mumeso. Asi sezvo Mwari akanga achimutungamirira, iye akanga ane chivimbo uye haana kutera kurutyo rusingadzorwi. Tinofanira kuva nechivimbo chakafanana muna Jehovha. Iyi nongedzero ku“mumvuri worufu” ingatiyeuchidzawo nezvouporofita hwaIsaya, hunoti: “Vaigara munyika yomumvuri worufu, vakapenyerwa chiedza.” Mateo akanongedzera kuuporofita ihwohwu ndokuhushandisira kuna Jesu Kristu, achiti: “Vanhu vakanga vagere murima vakaona chiedza chikuru; navakanga vagere panyika yorufu, nomumumvuri worufu, chiedza chakavabudira.” Seiko? Kupfurikidza nenhimbe huru yokuparidzira iyo Jesu akaita.—Isaya 9:2; Mateo 4:13-16.
12. (a) Vabatiri vaJehovha vakachinjira sei kuchitambudzo munyika dzakawanda, uye nomuuyoi? (b) Petro akakurudzira sei maKristu apakuvamba aitambudzwa?
12 Dhavhidhi ‘aisatya chinhu chakashata.’ Chinhu chimwe chetecho ndechechokwadi nezvavabatiri vaJehovha nhasi, kunyange zvazvo vasina kukurumbira munyika ino yakaipa inotongwa naSatani. (1 Johane 5:19) Vanhu vazhinji vanovavenga zvomenemene, uye vanotambudzwa zvakakomba mudzimwe nyika. Asi muidzi nyika ivo vanopfuurira kuparidzira mashoko akanaka oUmambo, kunyange zvazvo pasiri pachena sezvavaizoita nguva dzose. Ivo vanoziva kuti Jehovha anavo uye achavadzivirira. (Pisarema 27:1) Fambiro mberi yakaisvonaka iri kuitwa munyika dzakawanda umo basa roUmambo rinofanira kuitwa pasi pevhu. Munyika dzakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvinodzokorora mashoko episarema, anoti: “Jehovha uri kurutivi rwangu; handingatyi; munhu ungandiiteiko?” (Pisarema 118:6) Izvi Zvapupu zviri mumugariro wakafanana nouyo wamaKristu apakuvamba muapostora Petro akanyorera aya mashoko anokurudzira, anoti: “Asi kana muchitambudzika nokuda kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, uye musakanganiswa.”—1 Petro 3:14.
13. (a) Ichinjoi inofadza inoitika paPisarema 23:4, uye nei? (b) MaKristu anogona sei kukurira rutyo rwawo?
13 “Nokuti imi muneni.” Tapota cherechedza chinhu chinofadza zvikuru chiri muichi chitsama chamashoko. Wezvamapisarema akafuridzirwa achinja kubva pamunhu wechitatu kuenda kuwechipiri. Panzvimbo pokutaura nezvaJehovha sa“iye,” Dhavhidhi zvino anoshandisa shoko rinomirira zita “imi.” Neiko? Nemhaka yokuti nderapedyo zvikuru. Ngozi inotiswededza pedyo zvikuru naBaba vedu vane rudo, Jehovha. Isu ipapo tinofarikanya ukama hwapedyo zvikuru naye. Kupfurikidza nomunyengetero nomukumbiro, tinogona kudana paari nokuda kwedziviriro, nokudaro ndokukurira rutyo rwedu.—Enzanisa naZefania 3:12.
14. (a) Zvinhui zvaiva navafudzi munguva yaDhavhidhi, uye vaizvishandisa sei? (b) Vafudzi vechiKristu vanodzivirira sei boka ramakwai nhasi?
14 “Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.” Shoko rechiHebheru rokuti sheʹvet, rinoshandurwa kuti “tsvimbo,” rinogona kureva mudonzvo womufudzi. Zvose zviri zviviri tsvimbo nomudonzvo zvinogona kushandiswa nokuda kwedziviriro uye kumirira kana kuti kuratidzira chiremera. Zvamazvirokwazvo, izvi zvinhu zvaizova zvinobetsera zvikuru mukudzivisa zvinoparadza zvakadai samapere nenyoka. Mudonzvo womufudzi waigona kushandiswawo kutibvurira makwai munzira yakarurama kana kuti kunyange kudzosa gwai riri kunyanyoenda pedyo zvikuru nenzvimbo paringawira kana kuti kukuvadzwa. Nhasi, Jehovha anogovera vafudzi vakatendeka, vakuru muungano, avo vanodzivirira boka pamharadzi dzomudzimu dzakadai savawi pakutenda. Kana kuti vakuru vangafanira kupa zano avo vanova vanoregeredza mukupinda misangano kana kuti kubva pamufambiro wechiKristu.
Madyo Akapfuma Pakati Pavavengi
15. (a) Ichinjoi ine revo yomuenzanisiro inoitika paPisarema 23:5? (b) Maidii anoratidza kuti vanhu vaJehovha vanosanodyiswa mumudzimu, mukupesana navanaani?
15 “Munondigadzirira tafura pamberi pavadzivisi vangu.” (Pisarema 23:5) Pano tine chinjo ine revo yomuenzanisiro, kubva pamufudzi kuenda kumugamuchiri. Somugamuchiri ano rupo zvikuru, Jehovha anogovera zvokudya zvomudzimu zvakawanda kupfurikidza neboka rakazodzwa ro“muranda.” (Mateo 24:45) Kunyange zvazvo tiri kurarama munyika ine utsinye, tinosanodyiswa. Nharireyomurindi inobudiswa mumitauro inopfuura zana zvokuti vanhu vanogara munzvimbo dzakasiana-siana dzakadai seSouth Africa, Greenland, Solomon Islands, uye India dzinogona kudyiswa mumudzimu. Kunze kwezvo, ungano dzinenge 55 000 munyika yose dzine vakurukuri vapachena vakasanorovedzwa navadzidzisi uye nzvimbo dzakaisvonaka dzemisangano, kubatanidza mazana eHoro dzoUmambo itsva. Fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinopfuura 3 000 000 dziri kuitiswa kubetsera vakafanana namakwai. Mukupesana, avo vari muBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, vanonzwa nzara.—Isaya 65:13.
16. (a) Mukupesana nomukadzi anotadza, chii chakakundikana muFarise akati kuitira Jesu? (b) Rudzii rwamafuta runogovera Jehovha nokuda kwavabatiri vake vakavimbika nhasi?
16 “Makazodza musoro wangu namafuta.” Muna Israeri wakare mugamuchiri ane mutsa aigovera mafuta okuzora misoro yavaenzi vake. Nenzira inofadza, pane imwe nhambo Jesu akanga ari muenzi womuFarise uyo asina kuzora musoro waJesu namafuta kana kuti kugovera mvura yokushamba tsoka dzake. Panguva iyoyo, mukadzi anotadza akashamba tsoka dzake nemisodzi yake ndokudzizora namafuta chaiwo anonhuwirira. (Ruka 7:36-38, 44-46) Asi Jehovha mugamuchiri ane mutsa zvikuru! Nokuda kwavabatiri vake vakavimbika, iye anogovera “mafuta [omudzimu] omufaro.” (Isaya 61:1-3) Hungu, vanhu vaJehovha zvamazvirokwazvo vari kufara nhasi.
17. (a) ‘Mukombe unopfachuka’ unoratidzira chii? (b) Jehovha anogovera sei ‘mukombe unopfachuka’ nokuda kwavabatiri vake nhasi?
17 “Mukombe wangu unopfachuka.” Imwe shanduro ndeiyi: “Mukombe wangu uri kurasikira.” (Moffatt) Uku kunoratidzira zvakawanda zvomudzimu. Kunyange zvazvo kunyanyonwisa kusingarehwi pano, aya mashoko anokarakadza mukombe wewaini yakaisvonaka. Ichi chinwiwa chine zvinhu zvinorapa, sezvinoratidzwa nepangiro yaPauro kuna Timotio, inoti: “Usaramba uchingonwa mvura bedzi, asi unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako noutera hwako huzhinji.” (1 Timotio 5:23) Mupfungwa yomudzimu, waini inoitawo kuti mwoyo yedu ifare. (Pisarema 104:15) Baba vedu vane rudo, Jehovha, vanogovera norupo madyo omudzimu ezvinhu zvakanaka nokuda kwavabatiri vavo vakavimbika, kubatanidza ‘mukombe unopfachuka’ womufaro.
18. (a) Runako rwaJehovha nomutsa worudo zvinofarikanywa navanaani, uye Pisarema 103:17, 18 rinoratidza sei ikoku? (b) Ikariroi ine mbiri iri mberi nokuda kwaavo vakatendeka kuna Jehovha?
18 “Zvirokwazvo unyoro nenyasha zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu.” (Pisarema 23:6) Runako rutivi rwechibereko chomudzimu mutsvene waJehovha. (VaGaratia 5:22, 23) Runako rwaMwari nomutsa worudo zvinofarikanywa naavo vanofamba munzira yake. (Pisarema 103:17, 18) Nokutenda kwakasimba muna Jehovha, vanhu vake vanogona kutarisana nomuedzo upi noupi wavanosangana nawo. Ivo nguva dzose vagamuchiri vechikomborero chake netarisiro yorudo. Uye kutendeka kusvikira kumugumo kuchareva upenyu husingaperi munyika itsva. Ikariro inoshamisa zvakadini!
19. (a) “Kugara muimba maJehovha” kunorevei? (b) Chii chakatanga sangano raJehovha kusimudzira namato yechokwadi nhasi, uye neiko zviuru zvavanhu vakazvitsaurira zvichikurangarira kuva ropafadzo kubatirapo? (c) Ndivanaanizve vakatsunga kubatira Mwari nokusingaperi?
19 “Ini ndichagara mumba maJehovha mazuva namazuva.” Muzuva raDhavhidhi nzvimbo tsvene yaMwari yakanga iri tabhernakeri, nokuti tembere yakanga ichigere kuvakwa. Sezvo wezvemapisarema airangarira mugamuchiri ane nyasha, ‘kugara mumba maJehovha’ kwakareva kuva noukama hwakanaka naMwari somuenzi Wake. (Pisarema 15:1-5) Nhasi, imba iyoyo inogona kuziviswa netembere tsvene yaJehovha, gadziriro yake yokunamata kwakachena. Mambo Soromoni akaropafadzwa kuvaka tembere inooneka yokutanga, yakanatswa zvikuru nendarama uye yakavakwa kukudza Jehovha. Yakanga iri ropafadzo huru yakadini kubatira ipapo! Kunyange zvazvo tembere yakadaro isati ichavapo, Mwari ane sangano dzvene rokumukudza nokusimudzira namato yakachena. Somutoo mumwe wokuita ikoku, sangano raJehovha rakatanga Misha yeBheteri munyika dzakawanda. “Bheteri” rinoreva “Imba yaMwari,” uye zviuru zvavanhu vakazvitsaurira zvinobatira muidzi nzvimbo dzoushe. Vamwe vaava varume navakadzi vakabatira neiyi nzira “mazuva namazuva,” vachiva vakapedza huzhinjisa hwoupenyu hwavo vari mubasa reBheteri. Mamirioni avamwe, vasiri mitezo yemhuri yeBheteri, vakatsunga zvakafanana kubatira Jehovha nokusingaperi.
20. (a) Neiko Pisarema 23 rwuri rwutivi rwakatanhamara rwaMagwaro, uye inotibetsera kusakurirei? (b) Maropafadzoi akamirira vabatiri vakatendeka vaJehovha?
20 Pisarema rechi Pis. 23 rakafanana nebwe rinokosha rina mativi akawanda ayo anopenya nechiedza. Iro rinorumbidza zita rine mbiri raBaba vedu vokudenga, Jehovha, uye rinozivisa kuti anotungamirira, anodzivirira, uye anogovera sei makwai ake. Somuuyo, vanhu vake vanofara, vanosanodyiswa mumudzimu, uye vanowedzera nokukurumidza muchiverengero, kunyange munyika umo mune chishoro chakakasharara. Pisarema 23 rinotibetserawo kusakurira chisungo choushamwari, chapedyo noMusiki wedu. Uye patinotarira matenga ane nyeredzi, sezvaiwanzoita Dhavhidhi achifudza makwai ake, tinoonga kuti Musiki weichi chisiko chapose pose chinotyisa anotiitira hanya soMufudzi ane rudo. Nenzira yorudo, iye anotipawo upenyu husingagumi munyika itsva kana tikachengeta perero yedu kwaari. Kuchava kwakaisvonaka sei panguva iyeyo kusangana navabatiri vanomutswa vakatendeka vakadaro vaMwari saDhavhidhi! Uye iropafadzo yakadini kubatira Jehovha, Mufudzi Mukuru, kunguva isingagumi!
Ungapindura Sei?
◻ Jehovha anobvumikisa sei kuva Mufudzi wedu ane rudo?
◻ Mwari ‘anotungamirira munzira dzokururama’ nomutooi?
◻ Jehovha anodzivirira sei makwai ake?
◻ Mwari akatiwadzira tafura pakati pavavengi vedu muchii?