Nguva Dzose Kandira Mutoro Wako Pana Jehovha
VAZHINJI nhasi vanonzwa vakaremerwa nemitoro. Zvinetso zvemari, zvinetso zvemhuri zvinorwadza, zvinetso zvoutano, marwadzo nokutambura nemhaka yedzvinyiriro nekushusha, uye mamwe matambudziko mazhinji anorembera samakuyo pamitsipa yavo. Kunze kweidzi dzvinyiriro dzokunze, vamwe vanonzwa vakaremedzwa nepfungwa yokuva vasina maturo kwomunhu oga uye kukundikana nemhaka yokusakwana kwavo vamene. Vazhinji vanoedzwa kuti varege kurwa chose chose. Unogona sei kukunda apo mitoro inoratidzika kuva isingatsungiririki?
Pane imwe nguva Mambo Dhavhidhi waIsraeri akanzwa kuti dzvinyiriro yakanga iri inodokuva isingatsungiririki. Maererano nePisarema 55, iye akatsamwa nefunganyo nemhaka yedzvinyiriro uye ruvengo zvaibva kuvavengi vake. Akanzwa marwadzo makuru nekutya. Aingogona bedzi kugomera munhamo yake. (Pisarema 55:2, 5, 17) Pasinei zvapo nenhamo yake yose, zvisinei, akawana nzira yokukunda nayo. Seiko? Akatarira kuna Mwari wake nokuda kwetsigiro. Zano rake kuna vamwe vanganzwa sezvaakaita rakanga riri rokuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha.”—Pisarema 55:22.
Chii chaakareva nokuti “kandira mutoro wako pamusoro paJehovha”? Inhau zvayo yokuenda kuna Jehovha mumunyengetero uye kutaura funganyo yedu here? Kana kuti tinogona kuita chimwe chinhu timene chokubetsera kuderedza mamiriro acho ezvinhu here? Zvakadiniko kana tichinzwa tisingafaniri zvikuru kusvika Jehovha? Tinogona kuwana icho Dhavhidhi akareva kupfurikidza nokutarira zvimwe zvakaitika zvaangadai akayeuka zvakajeka apo akanyora mashoko iwayo.
Ita Zvinhu Musimba raJehovha
Unoyeuka here nzira iyo Goriati akatyisidzira nayo varume vairwa vaIsraeri? Iyi hofori yomurume, yaipfuura mamita 2,7 mukureba, yakavatyisa. (1 Samueri 17:4-11, 24) Asi Dhavhidhi akanga asingatyi. Nei? Nemhaka yokuti haana kuedza kurwisana naGoriati musimba rake amene. Kubvira panguva yaakazodzwa samambo weramangwana waIsraeri, akanga abvumira mudzimu waMwari kumutungamirira uye kumusimbisa mune zvose zvaaiita. (1 Samueri 16:13) Naizvozvo akati kuna Goriati: “Ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsraeri, vaunoshora. Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu.” (1 Samueri 17:45, 46) Dhavhidhi akanga ane unyanzvi somupfuri wemabwe, asi tinogona kuva nechokwadi chokuti mudzimu mutsvene waJehovha wakatungamirira ndokuita kuti dombo raakapfura kuna Goriati rive rinouraya zvikuru.—1 Samueri 17:48-51.
Dhavhidhi akagonana nedenho iyi huru ndokukunda kupfurikidza nokuva nechivimbo chokuti Mwari aizomutsigira nokumusimbisa. Akanga atanga ukama hwakanaka, hwokuvimba naMwari. Ikoku pasina panikiro kwakasimbiswa nenzira iyo Jehovha akanga amununura nayo pakuvamba. (1 Samueri 17:34-37) Kufanana naDhavhidhi, unogona kuchengeta ukama hwomunhu oga hwakasimba naJehovha ndokuva nechivimbo chakakwana musimba rake nokudisa kukusimbisa nokukutsigira mumamirire ose ezvinhu.—Pisarema 34:7, 8.
Ita Chaunogona Kupedza Chinetso
Ikoku hakurevi, zvisinei, kuti hakusati kuchizotongova nenguva dzamarwadzo makuru, funganyo, uye kunyange kutya, seizvo Pisarema 55 rinoratidza zvakajeka. Makore akati pashure pouku kuratidzirwa kwokusatya kwechivimbo muna Jehovha, somuenzaniso, Dhavhidhi akava nokutya kukuru mukutarisana navavengi vake. Akashayiwa nyasha dzaMambo Sauro uye aifanira kutiza nokuda kweupenyu hwake. Edza kufungidzira kusagadzikana kwemirangariro ikoku kunofanira kuva kwakaparira Dhavhidhi, mibvunzo yakunofanira kuva kwakamutsa mundangariro yake pamusoro pokushanda kwechinangwa chaJehovha. Pashure pezvose, akanga azodzwa samambo weramangwana waIsraeri, bva pano aifanira kupukunyuka somupoteri murenje, achivhimwa sechikara. Apo akaedza kutsvaka utiziro muguta reGati, taundi rokumusha raGoriati, akazivikanwa. Nemugumisiroi? Chinyorwa chacho chinotaura kuti “akatya kwazvo.”—1 Samueri 21:10-12.
Asi haana kubvumira kutya kwake uye funganyo huru kumuregedzesa kutarira kuna Jehovha nokuda kwebetsero. Maererano nePisarema 34 (rakanyorwa somugumisiro wechakaitika ichi), Dhavhidhi akati: “Ndakatsvaka Jehovha, akandipindura, akandisunungura pakutya kwangu kwose. Murombo uyu wakachema, Jehovha akamunzwa, akamuponesa panjodzi dzake dzose.”—Pisarema 34:4, 6.
Jehovha akamutsigira, chokwadika. Bva cherekedza kuti Dhavhidhi haana kungozogara zvake ndokumirira Jehovha kumununura. Akaziva kudikanwa kwake kwokuita zvose zvaaigona mumamirire ezvinhu acho kuti abude muchinetso chakaoma. Akabvuma ruoko rwaJehovha mukununurwa kwake, asi iye amene akaita chiito, achinyepedzera kupenga zvokuti mambo weGati haana kumuuraya. (1 Samueri 21:14—22:1) Isuwo tinofanira kuita zvose zvatingagona kugonana nemitoro, panzvimbo pokungomirira chete Jehovha kuti atinunure.—Jakobho 1:5, 6; 2:26.
Usawedzere Kumitoro Yako
Dhavhidhi akadzidza chimwe chidzidzo, chairwadza, gare gare muupenyu hwake. Chakanga chiri chii? Kuti dzimwe nguva tinowedzera kumitoro yedu timene. Pashure pokukunda vaFiristia, zvinhu zvakaipira Dhavhidhi apo akasarudza kuendesa areka yesungano kuJerusarema. Nhoroondo yenhau yacho inotiudza, kuti: “Dhavhidhi akasimuka, akaenda navanhu vose vaakanga anavo, vachibva Baari-judha, kuti vatorepo areka yaMwari . . . Vakaisa areka yaMwari pamusoro pengoro itsva, . . . Uza naAhiyo, vanakomana vaAbhinadhabi, vakafambisa ngoro itsva.”—2 Samueri 6:2, 3.
Kushandisa ngoro kutakurisa Areka kwakaputsa mirayiridzo yose iyo Jehovha akanga apa pamusoro payo. Kwakataurwa zvakajeka kuti vatakuri bedzi vaibvumirwa, vaRevhi vaKohati, vaifanira kutakura Areka pamafudzi avo, vachishandisa matanda akapfekerwa mumaburi akavakirwa chaizvo muAreka. (Eksodho 25:13, 14; Numeri 4:15, 19; 7:7-9) Kufuratira mirayiridzo iyi kwaiunza ngwavaira. Apo nzombe dzaidhonza ngoro dzakadokuiparira kupidiguka, Uza, uyo sezvingabvira akanga ari muRevhi asi zvirokwazvo kwete muprista, akatambanudzira maoko kuti atsigise Areka uye akaurawa naJehovha nokuda kwokusaremekedza kwake.—2 Samueri 6:6, 7.
Dhavhidhi samambo aifanira kuva nemhaka yaikoku. Kuita kwake kunoratidza kuti kunyange avo vane ukama hwakanaka naJehovha vanogona kuita zvakaipa panhambo nenhambo kumamirire ezvinhu anonetsa. Kutanga Dhavhidhi akatsamwa. Ipapo akatya. (2 Samueri 6:8, 9) Ukama hwake hwokuvimba naJehovha hwakaedzwa zvakakomba. Pano pakanga pane nhambo apo sezvinooneka akakundikana kukandira mutoro wake pana Jehovha, apo asina kutevera mirayiro yake. Iwaya anofanira kuva mamirire ezvinhu edu padzimwe nguva here? Tinomboshora Jehovha nokuda kwezvinetso zvinovapo nemhaka yokuti tinofuratira mirayiridzo yake here?—Zvirevo 19:3.
Kugonana Nomutoro Wemhaka
Gare gare, Dhavhidhi akaita mutoro mukuru wokuva nemhaka nokuda kwake amene kupfurikidza nokutadza zvakakomba mukurwisana nemipimo yaJehovha yetsika. Panhambo iyi Dhavhidhi akanga aramba basa rake rokutungamirira vanhu vake muhondo. Akagara muJerusarema apo vaienda kundorwa. Ikoku kwakatungamirira kunhamo yakakomba.—2 Samueri 11:1.
Mambo Dhavhidhi akaona Bhatishebha akaisvonaka achigeza. Iye akabatanidzwa naye muutere, uye akava nepamuviri. (2 Samueri 11:2-5) Kuti aedze kufukidza kusazvibata kwacho, akaronga kuti murume wake, Uria, adzoke kuJerusarema achibva kunhandare yehondo. Uria akaramba kuvatana nomudzimai wake apo Israeri akanga ari muhondo. (2 Samueri 11:6-11) Dhavhidhi zvino akatendeukira kumutoo wakaipa nowamanomano kuti afukidze chivi chake. Akaronga kuti varwi biyake vaUria vasiye Uria munzvimbo ine ngozi muhondo yacho kuti aurawe. Chivi chakashata, chakakomba!—2 Samueri 11:12-17.
Pakupedzisira, chokwadika, chivi chaDhavhidhi chakamubata, uye akafumurwa. (2 Samueri 12:7-12) Edza kufungidzira ukuru hwenhamo nokuva nemhaka izvo Dhavhidhi anofanira kuva akanzwa apo akaziva uipi hwezvaakanga aita somugumisiro weruchiva rwake. Aigona kuva akakurirwa nepfungwa yake amene yokukundikana, zvikurukuru nemhaka yokuti akanga ari sezvingabvira murume aitungamirirwa nemirangariro, aitapurika. Angava akasanonzwa chose chose asina maturo!
Zvisinei, Dhavhidhi akakurumidza kubvuma chakaipa chake, achibvuma kumuporofita Natani, kuti: “Ndatadzira Jehovha.” (2 Samueri 12:13) Pisarema 51 rinotiudza manzwire aakaita uye nzira iyo akakumbira nayo Jehovha Mwari kuchenesa uye kumukanganwira. Akanyengetera, kuti: “Ndisukei zvakaipa zvangu chose, ndinatsei chivi changu. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu; chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.” (Pisarema 51:2, 3) Nemhaka yokuti akapfidza zvirokwazvo, iye akakwanisa kuvakazve ukama hwake hwakasimba, hwapedyo naJehovha. Dhavhidhi haana kuramba achizvidemba nokunzwa asina maturo. Akakandira mutoro wake pana Jehovha kupfurikidza nokubvuma nokuzvininipisa kuva kwake nemhaka, achiratidzira kupfidza kwapachokwadi, uye achinyengetera zvakakomba nokuda kwekanganwiro yaJehovha. Iye akawanazve nyasha dzaJehovha.—Pisarema 51:7-12, 15-19.
Kugonana Nokunyengera
Ikoku kunotisvitsa kunhoroondo yakasunda Dhavhidhi kunyora Pisarema 55. Akanga achitambudzika mudzvinyiriro huru nemirangariro. “Mwoyo wangu unorwadziwa kwazvo mukati mangu,” akanyora kudaro, “garudzo rorufu rwangu rakandiwira.” (Pisarema 55:4) Chii chakaparira marwadzo aya? Absaromi, mwanakomana waDhavhidhi, akanga aronga kuba umambo kuna Dhavhidhi. (2 Samueri 15:1-6) Uku kunyengera kwakaitwa nomwanakomana wake kwakanga kwakaoma zvikuru kukutsungirira, asi chakakuita kwakaipa zvikuru chakanga chiri chokuti mupizano aivimbwa zvikurusa waDhavhidhi, murume ainzi Ahitoferi, akakumbanira kurangana mukurwisana naDhavhidhi. NdiAhitoferi uyo Dhavhidhi anorondedzera paPisarema 55:12-14. Somugumisiro werangano yacho nokunyengera, Dhavhidhi aifanira kutiza Jerusarema. (2 Samueri 15:13, 14) Ikoku kunofanira kuva kwakamuparira nhamo yakadini!
Zvisinei, haana kubvumira kuti murangariro wake wakakomba nenhamo zvinetese chivimbo chake muna Jehovha. Akanyengetera kuna Jehovha kuti avhiringidze rongedzero dzavarangani vacho. (2 Samueri 15:30, 31) Zvakare tinoona kuti Dhavhidhi haana kungomirirawo zvake akazorora kuti Jehovha aite basa rose. Nokukurumidza apo mukana wakazvipa umene, akaita zvaaigona kurwisa kurangana mukurwisana naye. Akatuma mumwe wevapizano vake, Hushai, kudzokera muJerusarema kundonyepedzera kukumbanira kurangana kwacho, kunyange zvazvo, kutaura idi, akaenda kundosekesa. (2 Samueri 15:32-34) Netsigiro yaJehovha, iyi rongedzero yakashanda. Hushai akawana nguva yakakwana yokuti Dhavhidhi arongezve uye kuti arongeke kuti azvidzivirire amene.—2 Samueri 17:14.
Dhavhidhi muupenyu hwake hwose anofanira kuva akaonga sei tarisiro yaJehovha yedziviriro pamwe chete nekushivirira kwake nokudisa kukanganwira! (Pisarema 34:18, 19; 51:17) Dhavhidhi anotikurudzira nechivimbo nemamiriro aya ezvinhu ekare munguva dzedu dzenhamo kutendeukira kuna Jehovha nokuda kwebetsero, ku‘kandira mutoro wedu pana Jehovha.’—Enzanisa na1 Petro 5:6, 7.
Vaka Uye Chengeta Ukama Hwakasimba, Hwokuvimba naJehovha
Tinowana sei rudzi rwoukama naJehovha urwo Dhavhidhi aiva narwo, ukama hwakamutsigira munguva dzokuedzwa kukuru nekutambudzika? Tinovaka ukama hwakadaro kupfurikidza nokuva vadzidzi vanoshingaira veShoko raMwari, Bhaibheri. Tinomubvumira kutirayiridza pamusoro pemitemo yake, nheyo, uye unhu. (Pisarema 19:7-11) Sezvatinofungisisa Shoko raMwari, tinoswedera pedyo zvikuru nguva dzose naye kwaari ndokudzidza kumuvimba chose chose. (Pisarema 143:1-5) Tinokudza ndokusimbisa ukama ihwohwo sezvatinosonganirana navanamati biyedu kuti tirayiridzwezve naJehovha. (Pisarema 122:1-4) Tinosimbisa ukama hwedu naJehovha kupfurikidza nomunyengetero womwoyo wose.—Pisarema 55:1.
Chokwadi, Dhavhidhi, kufanana nesu, aiodzwa mwoyo apo ukama hwake naJehovha hwakanga husina kusimba sezvahwaifanira kuva hwakaita. Dzvinyiriro inogona kutiita “benzi.” (Muparidzi 7:7) Asi Jehovha anoona zviri kuitika, uye anoziva zviri mumwoyo medu. (Muparidzi 4:1; 5:8) Tinofanira kushanda zvakaoma kuti tichengete ukama hwedu naJehovha hwakasimba. Ipapo, mitoro ipi kana ipi yatinofanira kutakura, tinogona kuvimba naJehovha kuderedza dzvinyiriro kana kuti kutipa simba rokugonana nemamiriro edu ezvinhu. (VaFiripi 4:6, 7, 13) Inhau yokugara kwedu pedyo naJehovha. Apo Dhavhidhi akaita ikoku, akanga akachengeteka chose chose.
Naizvozvo, api kana api ari mamiriro ako ezvinhu, anodaro Dhavhidhi, nguva dzose kandira mutoro wako pana Jehovha. Ipapo tichawana chokwadi chechipikirwa, chokuti: “Iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.”—Pisarema 55:22.