CHIDZIDZO 36
Iva Munhu Akatendeseka Pazvinhu Zvese
Hapana munhu asingadi shamwari yaanovimba nayo. Jehovha anodawo shamwari dzakatendeseka. Asi hazvisi nyore nekuti tiri kurarama munyika yakazara vanhu vasina kuvimbika. Zvakanakirei kuva munhu akatendeseka pazvinhu zvese?
1. Ndechipi chikonzero chikuru chekuva vanhu vakatendeseka?
Kana tiri vanhu vakatendeseka, tinenge tichitoratidza Jehovha kuti tinomuda uye tinomuremekedza. Yeuka kuti Jehovha anoziva zvese zvatinofunga uye zvatinoita. (VaHebheru 4:13) Patinosarudza kuva vanhu vakatendeseka anozviona uye zvinomufadza. Shoko rake rinoti: “Jehovha anosema munhu anonyengera, asi ishamwari yepedyo yevakarurama.”—Zvirevo 3:32.
2. Tingaratidza sei kuti takatendeseka muupenyu hwedu?
Jehovha anoti: “Tauriranai chokwadi.” (Zekariya 8:16, 17) Mashoko aya anorevei? Patinenge tichitaura neveukama, vatinoshanda navo, hama nehanzvadzi dzatinonamata nadzo kana vakuru vakuru vehurumende, hativanyeperi kana kuvataurira zvisiri izvo. Vanhu vakatendeseka havabire vamwe kana kuvatsotsa. (Verengai Zvirevo 24:28 uye VaEfeso 4:28.) Vanobhadharawo mitero yese. (VaRoma 13:5-7) Panyaya idzi nedzimwewo, tinoratidza kuti tiri vanhu “vakatendeseka pazvinhu zvese zvatinoita.”—VaHebheru 13:18.
3. Zvakanakirei kuva munhu akatendeseka?
Kana vanhu vachitiziva nekutendeseka, vanovimba nesu. Izvi zvinobatsira kuti vanhu vari muungano vanyatsoita semhuri imwe chete. Tinova nehana isingazvitongesi. Kana takatendeseka tinoita kuti “dzidziso yeMuponesi wedu, Mwari, ioneke kunaka kwayo,” zvoita kuti vamwe vanhu vade kushumirawo Jehovha.—Tito 2:10.
WEDZERA KUONGORORA
Ona kuti kutendeseka kunokubatsira sei uye kuti kana wakatendeseka, Jehovha anokuona sei. Onawo kuti ungaratidza sei kutendeseka pazvinhu zvakasiyana-siyana muupenyu.
4. Jehovha anofadzwa nevanhu vakatendeseka
Verengai Pisarema 44:21 uye Maraki 3:16, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Nei kuri kuzvinyepera kufunga kuti tinokwanisa kuvanza chokwadi?
Unofunga kuti Jehovha anonzwa sei patinosarudza kutaura chokwadi kunyange pazvinenge zvisiri nyore?
5. Iva munhu akatendeseka nguva dzese
Vanhu vakawanda vanofunga kuti dzimwe nguva hazviiti kuti urambe wakatendeseka. Asi ona kuti nei tichifanira kuva vanhu vakatendeseka nguva dzese. Ngationei VHIDHIYO.
Verengai VaHebheru 13:18, mobva makurukura kuti tingaratidza sei kutendeseka . . .
mumhuri.
kuchikoro.
pane dzimwewo nyaya.
6. Kutendeseka kunotibatsira
Kutendeseka kunogona kuita kuti tisangane nemamwe matambudziko. Asi nekufamba kwenguva, tinozoona kuti kutendeseka ndiyo nzira yakanakisisa. Verengai Pisarema 34:12-16, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Kutendeseka kunovandudza sei upenyu hwako?
Kana murume nemudzimai vakavimbika, imba yavo inosimba
Vashandi vakatendeseka vanovimbwa navo nevakuru vavo pamabasa
Vanhu vakatendeseka munyika vanoyemurwa nehurumende
VAMWE VANOTI: “Kunyepa patunyaya tudiki hakuna basa.”
Unofunga kuti pane dzimwe nhema dzinofarirwa naJehovha here?
PFUPISO
Jehovha anoda kuti shamwari dzake dzitendeseke pane zvese zvadzinotaura uye zvadzinoita.
Kudzokorora
Tingaratidza sei kuti takatendeseka?
Nei kuri kuzvinyepera kufunga kuti tinokwanisa kuvanza chokwadi?
Nei uchifanira kuva akatendeseka nguva dzese?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Vabereki vangadzidzisa sei vana vavo kuva vakatendeseka?
Kuita zvatinenge tavimbisa kunobatsirei?
Ona kuti nei tichifanira kubhadhara mitero pasinei nekuti inoshandiswa sei.
“Mitero—Unofanira Kuibhadhara Here?” (Nharireyomurindi, September 1, 2011)
Mumwe murume aibiridzira vanhu akachinja sei upenyu hwake?
“Ndakadzidza Kuti Jehovha Ane Ngoni Uye Anoregerera” (Nharireyomurindi, May 1, 2015)