“Kutanga Rwendo Mugungwa Rine Dutu”
HAWAIZOONA rwendo rwakadaro serwusina kuitwa panguva yakakodzera, rwuri rwoupenzi, uye rwungangova nenjodzi here? Zvisinei, vamwe, vanozvipinza pachavo mumamiriro ezvinhu akadaro nenzira yokufananidzira. Zvinodaro sei? Munyori weChirungu wemuzana rechi17 remakore Thomas Fuller akati: “Usaita chinhu wakatsamwa. Zvakafanana nokutanga rwendo mugungwa rine dutu.”
Kuita chimwe chinhu une hasha dzisingadzoreki zvinogona kuva nemhedziso yakaipa. Izvi zvinotsigirwa nechiitiko chakanyorwa muBhaibheri. Simoni naRevhi, vanakomana vatateguru wekare Jakobho, pakachinywa hanzvadzi yavo Dhina vakava nehasha dzokunokutsiva nechisimba. Zvakaguma nokuponda kwokusasarura nokupamba. Hazvishamisi kuti Jakobho akashora chiito chavo chakaipa, achiti: “Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vanogara munyika ino.”—Genesi 34:25-30.
Nouchenjeri, Shoko raMwari, Bhaibheri, rinorumbidza zvakasiyana neizvi. Rinoti: “Rega kutsamwa, urashe hasha; usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.” (Pisarema 37:8) Kutevera zano iroro kunogona kudzivisa zvivi zvakakura kwazvo.—Muparidzi 10:4; onawo Zvirevo 22:24, 25.