Ruvimbiko—Pamutengoi?
“Nomumwe munhu akavimbika muchaita noruvimbiko.”—PISAREMA 18:25, “NW.”
1, 2. (a) Ruvimbiko chii, uye mativi arwo anotapura sei upenyu hwedu? (b) Nei kwakanaka kutendeukira kuna Jehovha soMuenzaniso wedu wakatanhamara?
KUTENDEKA, basa, rudo, musengwa, kutendeseka. Mashoko aya anei chakafanana? Iwo mativi akasiana-siana oruvimbiko. Ruvimbiko ivara roumwari rinobva mukuzvipira kwomwoyo wose. Zvisinei, kuvanhu vazhinji nhasi, ruvimbiko runoreva zvishomanene. Kutendeka kumukwanyina weroorano, misengwa kumitezo yakura yemhuri, kutendeseka kwomushandi kumushandirwi wake—zvose hazvisi zvenguva dzose uye kazhinji kazhinji zvinobvumiraniswa pane zvisina kufanira. Uye chii chinoitika apo bonderano yoruvimbiko inomuka? Misi ichangobva kupfuura iyi, muEngland, apo mutarisiri wamaakaundi akataura zvokwadi pamusoro pomugariro wemari wekambani yake kuvaongorori vemitero, akarasikirwa nebasa rake.
2 Kuri nyore kungotaurawo nezvoruvimbiko, asi ruvimbiko rwechokwadi runofanira kutsigirwa nechiito chisingabatanidzi kubvumirana pane zvisina kufanira kwokutya. Savanhu vasina kukwana, kazhinji kazhinji tinokundikana muna ikoku. Naizvozvo kwakanaka kuti tirangarire muenzaniso wouyo ane ruvimbiko rusingagoni kupanikirwa nenzira inobudirira, Jehovha Mwari amene.
Ruvimbiko Runoenzanisirwa
3. Jehovha akabvumikisa sei kuva akavimbika kudonzo rake rinotaurwa pana Genesi 3:15?
3 Apo Adhama akatadza, Jehovha akataura zvakajeka donzo rake rokununura mhuri yavanhu iyo yakanga ichigere kuberekwa. Hwaro hweichi chiito hwaiva rudo rwake rwechisiko chake chohunhu. (Johane 3:16) Munguva yakafanira, Jesu Kristu, mbeu yechipikirwa yakadeya kutaurwa pana Genesi 3:15, akabvumikisa kuva chibairo chorudzikinuro, uye kungadai kwakava kusingafungiki kuti Jehovha akundikane kuita donzo rake rakataurwa. Mukugamuchira chibairo chaJesu, kutenda kwedu hakusati kuchizotungamirira kukuodzwa mwoyo.—VaRoma 9:33.
4. Jehovha akabvumikisa sei kuva akavimbika kuna Jesu, uye nomuuyoi?
4 Ruvimbiko rwaJehovha kuna Jesu rwakasimbisa zvikuru Mwanakomana mukati menguva yake pasi pano. Jesu aiziva kuti aifanira kutarisana norufu, uye akanga akatsunga zvakasimba kuramba akavimbika kuna Mwari wake kusvikira kumugumo. Zivo yakazara zvikuru yokuvapo kwake asati ava munhu yakawadzanyurwa kwaari parubhapatidzo rwake napakuzodzwa nomudzimu mutsvene. Pausiku hwokushambadzwa kwake, akanyengetera kudzorerwa kuna Baba vake vokudenga, ku‘mbiri yaakanga anayo pamwe chete naJehovha nyika isati yavapo.’ (Johane 17:5) Ikoku kwaizobvira sei? Kupfurikidza bedzi nokusasiya kwaJehovha Mwanakomana wake akavimbika muguva kuti aone kuora. Jehovha akamumutsa murufu kukusafa, nokudaro achizadzika nokuvimbika chipikirwa chechiporofita chakanyorwa paPisarema 16:10, kuti: “Hamusati muchizosiya mweya wangu muSheori.”—Mabasa 2:24-31; 13:35; Zvakazarurwa 1:18.
5. Ndezvipi zvimwe zviito zvokuvimbika zvine chokuita nezvipikirwa zvaMwari kuna Jesu?
5 Pashure porumuko rwake, Jesu nenzira yakafanana aiziva kuti aigona kuvimba nokutaura kwaJehovha kwoku‘isa vavengi vake sechitsiko chetsoka dzake.’ (Pisarema 110:1) Nguva iyoyo yakasvika muna 1914, pamugumo we“nguva dzakagadzwa dzamarudzi,” nokugadzwa kwoUmambo mumatenga. Kukurira kwakapikirwa kwaJesu pavavengi vake kwakavamba nokudzingwa kwaSatani namadhemoni ake mudenga. Kuchaguma apo vanopinzwa mugomba rakadzika-dzika kwamakore ane chiuru uye “madzimambo apasi nehondo dzavo” zvaparadzwa.—Ruka 21:24, NW; Zvakazarurwa 12:7-12; 19:19, NW; Zva 20:1-3.
6. Jehovha anotambanudza kwatiri tariroi yakavimbika, uye tinogona sei kuratidza kuonga kwedu nokuda kwayo?
6 Wezvamapisarema akakurudzira, kuti: “Vimba naJehovha ndokuchengeta nzira yake, uye iye achakukudza kuti ugare papasi.” (Pisarema 37:34, NW) Tinogona kuvimba kuti Jehovha achapfuurira kuchengeta shoko rake, uye kusvikira kumugumo chaiko kweiyi nyika yakaipa, achaponesa varume, vakadzi, uye vana “vanochengeta nzira yake.” Mashoko iwayo muchiHebheru chapakuvamba anopa mufungo wezvose zviri zviviri kushingaira nokutendeka mukubatira Jehovha. Naizvozvo, zvino, haisiri nguva yokuneta kana kuti kurega maropafadzo ebasa anotambanudzirwa kwatiri. Iyi inguva yokuzvishandisa timene mubasa rokuvimbika raMwari wedu noUmambo hwake. (Isaya 35:3, 4) Kune mienzaniso yakaisvonaka yokutikurudzira. Ngatirangarirei mimwe yayo.
Madzitateguru Anoratidzira Ruvimbiko
7, 8. (a) Migovei yebasa iyo Jehovha akapa kuna Noa nemhuri yake? (b) Mhuri yaNoa yakabvumikisa sei kuva yakafanirwa nedziviriro yaMwari mukati meboporodzi rapasi rose?
7 Apo Jehovha akaronga kuparadza chaunga chavanhu vakaipa neboporodzi remvura, akaita sungano nomusoro wemhuri tateguru Noa yokuchengetedzwa kwemhuri yake nokupfuuridzirwa kwoupenyu papasi rino. (Genesi 6:18) Noa akaonga kariro yedziviririro youmwari, asi iye nemhuri yake vaifanira kubvumikisa kuva vakafanirwa nayo. Seiko? Kupfurikidza nokuita izvo Jehovha akaraira. Ivo vakatanga kutarisana nebasa hombe rokuvaka areka. Apo yakapedzwa, Noa aifanira kuizadza navamiriri vemhuka uye nezvokudya zvakaringana kuvatsigira kwenhambo yakareba. Asi kwakanga kusiriko bedzi. Mukati menguva yakareba yokugadzirira, Noa akanga achiita zvose izvo aigona mubasa risino muenzaniso rokuparidzira, kunyevera nezvorutongeso rwoumwari rwaizouya.—Genesi, ganhuro 6 ne 7; 2 Petro 2:5.
8 Bhaibheri rinotiudza kuti “Noa akapfuurira kuita mukuwirirana nezvose izvo Mwari akanga amuraira. Akaita saizvozvo chaizvo.” (Genesi 6:22; 7:5, NW) Noa nemhuri yake vakabvumikisa kuva vakavimbika mukuita migove yavo. Mudzimu wavo wokuzvibaira wakareva kuti nguva yavo yakashandiswa nenzira inobetsera, asi basa racho rakanga rakaoma uye kuparidzira kwakanga kuchinetsa. Kupfurikidza nokusabereka kwavo vana pamberi paMafashamo, vanakomana vaNoa navadzimai vavo vakabetserwa kupa ngwariro pabasa rakagoverwa rakanga riripo uye kubatanidza mubato wavo. Mashafamo iwayo engwavaira akaunza mugumo wakarurama kunyika yakaipa. Noa bedzi, mudzimai wake, uye vanakomana vavo vatatu navaroora vatatu vakapukunyuka. Tinogona kufara kuti vakanga vakavimbika kuna Mwari nenhungamiro dzake, sezvo ari wose wedu akabva zvakananga kuna Noa kupfurikidza naShemi, Hami, kana kuti zvimwe Jafeti.—Genesi 5:32; 1 Petro 3:20.
9. (a) Kuedza kwaJehovha Abrahama kwakanga kuri muedzo woruvimbiko rwake sei? (b) Isaka akaratidzira sei ruvimbiko muna ikoku?
9 Apo Abrahama akagadzirira kupa Isaka sechibairo, akanga chiita mukuteerera kwokutendeka kumurairo waJehovha. Iwoyo wakanga uri muedzo wakadini woruvimbiko rwake! Bva, Jehovha akabata ruoko rwaAbrahama, achiti: “Zvino ndinoziva kuti unotya Mwari zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.” Kunyanguvezvo, tinoita zvakanaka, kurangarira chakatangira ikoko. Mukati merwendo rwamazuva matatu rwokuenda kuGomo reMoria, Abrahama zvirokwazvo akanga ane nguva yakaringana yokuyera zvinhu nokuchinja ndangariro yake. Zvakadiniko naIsaka, uyo akatakura huni dzechibairo uye uyo akazvibvumidza amene kusungwa maoko netsoka? Haana kuzununguka mukutendeseka kwake kuna baba vake, Abrahama, uyewo haana kupanikira nzvimbo yaaifanira kuita, kunyange zvazvo kwakaratidzika kuti nzira yake yoruvimbiko yaizoparira kurasikirwa noupenyu hwake.—Genesi 22:1-18; VaHebheru 11:17.
Ruvimbiko rwechiKristu
10, 11. MaKristu apakuvamba anogovera mienzanisoi yoruvimbiko?
10 Jehovha akaita noruvimbiko rwechokwadi nguva dzose. “Ivai vatevedzeri vaMwari,” anokurudzira kudaro muapostora Pauro. (VaEfeso 5:1, 2, NW) Sezvo madzitateguru akaita chimwe chinhu, naizvozvo maKristu aifanira kuita chimwe chinhu. MaKristu apakuvamba akagadza mienzaniso yakaisvonaka mukunamata kwokuvimbika, sokuratidza kunoita chinoitika chinotevera.
11 Mambo weRoma Constantius I, baba vaMambo Constantine, sezviri pachena vaiva noruremekedzo rukuru nokuda kwavateveri vaJesu Kristu. Kuti aedze ruvimbiko rwamaKristu akanga akabatanidzwa neimba yake youmambo, akaaudza kuti aizogona kugara mubasa rake bedzi kana akabvuma kubaira zvibairo kuzvidhori. Vakaudzwa kuti, kuramba kwaizotungamirira kukudzingwa kwavo nokutsiviwa noruoko rwake. Kupfurikidza neiri zano rakapfava, Constantius aida kuziva avo vakanga vasati vaizotongobvumiranisa ruvimbiko rwavo pane zvisina kufanira. Avo vakabvumikisa kuva vakavimbika kuna Mwari nenheyo dzake vakachengetwa mubasa ramambo, vamwe vachiva kunyange vapi vezano vanovimbwa. Avo vasina kuvimbika kumurairo waMwari vakadzingwa nenzira inonyadzisa.
12. Vatariri vechiKristu vanofanira kuratidzira sei ruvimbiko, uye nei ikoku kuchikosha nokuda kwegarikano yeungano?
12 Kunyange zvazvo ruvimbiko ruchifanira kuratidzira upenyu hwamaKristu ose, rwunodudzwa zvakananga muna Tito 1:8 mundaza yamavara ari madikanwa kuti murume ave mutariri wechiKristu. William Barclay anotaura kuti hoʹsi·os, shoko rechiGiriki pano rinoshandurwa so“kuvimbika,” rinorondedzera “munhu anoteerera mitemo isingagumi iyo yaiva neiri pamberi pemitemo ipi neipi yakaitwa navanhu.” Kunokosha kuti vakuru vatore chimiro chokuvimbika chakadaro cheteerero kumitemo yaMwari. Uyu muenzaniso wakarurama uchabetsera ungano kuti ikure ndokuva yakasimba zvakaringana kusangana nemiedzo yose nedzvinyiriro izvo zvingaityisidzira somutumbi kana kuti mitezo yawo somunhu mumwe nomumwe. (1 Petro 5:3) Vakuru vakagadzwa vane mutoro mukuru kuboka wokusatongobvumiranisa ruvimbiko rwavo kuna Jehovha pane zvisina kufanira, nokuti ungano inorairwa ku“tevedzera kutenda kwavo.”—VaHebheru 13:7, NW.
Ruvimbiko—Pamutengoi?
13. Chii chinorehwa nokutaura kwokuti “Vanhu vose vane mutengo wavo,” uye mienzanisoi inoratidzika kuva inotsigira ikoku?
13 “Vanhu vose vane mutengo wavo” kutaura kunonzi kwakaitwa naSir Robert Walpole, gurukota guru reBritain romuzana ramakore rechi 18. Kunosanopeta idi rokuti munhau yose ruvimbiko rwakawanzotengeswa nokuda kwemhindu youdyire. Rangarira mushanduri weBhaibheri William Tyndale, uyo akagamuchira nokukanganisa Henry Phillips seshamwari yakavimbika. Muna 1535 Phillips akatengesa Tyndale nokusavimbika kuvavengi vake, kuchitungamirira kukuiswa mutorongo kwokukurumidza kwaTyndale uye rufu rwokukurumidza. Mumwe wezvenhau anotaura kuti Phillips, zvichida mushandiri wamambo weEngland kana kuti Vakaturike veEngland, “akasanobhadharwa nokuda kwebasa rake raJudhasi.” Wezvenhau wacho akanga achinongedzera, chokwadika, kuna Judhasi Iskarioti, uyo akagamuchira zvidumbu 30 zvesirivha somutengo wokushambadza Jesu Kristu. Hatifaniri kugumisa kubva muiyi mienzaniso, zvisinei, kuti “mutengo” woruvimbiko rwomunhu imari nguva dzose. Hausati uri.
14. Ruvimbiko rwaJosefa kuna Jehovha rwakaedzwa sei, uye nomuuyoi?
14 Apo mudzimai waPotifari akakumbira Josefa ku“rara” naye, ruvimbiko rwake kuna Jehovha rwakaedzwa. Iye aizoitei? Nendangariro yakatojeka panheyo dzinobatanidzwa, Josefa akamhanya achibva mumba, akatsunga kuti akanga asingazotongo“iti chinhu chakaipa zvikuru ndokutadzira Mwari.” Kariro yomufarwa wevatano yakanga isingagoni kukurira ruvimbiko rwaJosefa kuna Mwari wake, Jehovha.—Genesi 39:7-9.
15. Absaromi akaratidzira sei kusavimbika, uye nomuuyoi?
15 Bva, kune dzimwe ngozi; gwinyiro rinogona kusekesa ruvimbiko. Iyoyo ndiyo yakanga iri sundo yaiva seri kwokupandukira kwaAbsaromi baba vake, Mambo Dhavhidhi. Kupfurikidza nokuruka mazano nokuronga, Absaromi akatsvaka kudiwa navanhu. Pakupedzisira, akamutsa uto rokurwisana navatsigiri vakavimbika vababa vake. Rufu rwake paruoko rwaJoabhi rwakaunza mugumo kukusavimbika kwaAbsaromi kuna baba vake, Dhavhidhi, asi mutengo wakadini wokubhadhara nokuda kwokuedza kuparadza gadziriro youbati ushe hwaMwari!—2 Samueri 15:1-12; 18:6-17.
Ruvimbiko Rusina Mutengo
16. Ko 2 VaKorinte 11:3 inoratidzira chii pamusoro pevavariro dzaSatani?
16 Kunyange zvazvo Satani achitaura kuti munhu ari wose ane mutengo wake, uye ikoku kwakanga kuri kwechokwadi nezvaAbsaromi, kwakanga kusiri kwechokwadi nezvaJosefa, uye hakuna kutongova kwechokwadi nezvavanamati vakavimbika vaJehovha. Kunyanguvezvo, Satani achagovera chipi kana chipi chokutiita tipunze ruvimbiko rwedu kuMusiki wedu. Muapostora Pauro akataura kutya kwake kuti “nenzira yakati, sezvo nyoka yakanyengera Evha namano ayo,” kufunga kwedu kungashatiswa, kuchititungamirira kukubvumiranisa pane zvisina kufanira ruvimbiko rwedu kuna Jehovha nokumunamata.—2 VaKorinte 11:3, NW.
17. Vamwe vakatengesa maropafadzo anokosha ebasa nokuda kwechii?
17 Kwakafanira kuti tizvibvunze timene, kuti: ‘Pane mutengo upi noupi wandingagamuchira mutsinhano neropafadzo yangu yokunamata Musiki wangu nokuvimbika here?’ Iidi rinosuruvarisa kuti, kusafanana naJosefa, vamwe vakanga vari vabatiri vakazvitsaurira vaJehovha vakakumbira zvishomanene zvikuru mutsinhano. Kunyange vamwe vakuru vakatengesa maropafadzo avo anokosha ebasa rinoyera nokuda kwokufarikanywa kwechinguvana kwemifarwa yokunyama youtere. Vakuru kana kuti kwete, vazhinji vaavo vanoita ikoku vakarasikirwa chose chose nechinzwano chemhuri, rudo uye ruremekedzo zveungano, uye tendero yaJehovha—Uyo amene anogona kupa simba rokuchengeta ruvimbiko nokudzivisa muedzo upi noupi unobva kuna Satani.—Isaya 12:2; VaFiripi 4:13.
18. Neiko kuchikosha kutetekera nyevero iri pana 1 Timotio 6:9, 10?
18 Vamwe, mukutsunga kwegwinyiro rokupfuurira muzvirondwa zvenyika, vaka“zvibaya vamene pose pose namarwadzo mazhinji,” pasinei zvapo nenyevero dzakajeka dzeBhaibheri. (1 Timotio 6:9, 10) Dhemasi, muKristu anodudzwa naPauro, akarasikirwa pana ikoku, zvichida kwechinguvana kana kuti kwechigarire. (2 Timotio 4:10) Ruvimbiko kuna Jehovha harutongogoni kubvumiraniswa pane zvisina kufanira pasina miuyo ine ngwavaira. “Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve.”—VaGaratia 6:7.
19, 20. (a) Ndedzipi dziri dzimwe dzengozi dzakabatana nokunyanyisa kutarisa terevhizheni? (b) Muenzanisoi uyo imwe mhuri chapupu yakagadza?
19 Pane dzimwe nguva muripo wokutenga unooneka munzira yamanomano zvikuru. Somuenzaniso, mushumo wakabva kuUnited States unotaura kuti mhuri zhinji dzinopedzera inenge hafu yamaawa adzo okusarara pamusha dzichitarira terevhizheni, vanhu vaduku zvikurukuru vachipindwa muropa zvikuru. Kana muKristu akadyisa ndangariro yake zvikurukuru neterevhizheni, nevatano yayo namasimba masimba, iye nokukurumidza angagona kusekesa nheyo dzake dzechiKristu. Ikoko kungatungamirira nyore nyore kukuva kwake asina kuvimbika, kukubviswa kuna Jehovha. Songaniro yakaipa yakadaro inoshatisa tsika dzinobetsera. (1 VaKorinte 15:33) Hatifaniri kukanganwa kuti Magwaro anotipa zano rokuwana nguva yokufunda nokufungisisa pamusoro peShoko raJehovha. Ko nguva yakanyanyisa inopedzerwa wakazorora pamberi peterevhizheni itsinhano yakanaka nenguva ingagona kushandiswa kuwana zivo inotungamirira kuupenyu husingaperi somunamati akavimbika waJehovha here? Vazhinji vari kusvika pazivo yezvokwadi nhasi vaitofanira kuita gadziridzo dzakakura mukufunga kwavo muna ikoku.—1 Timotio 4:15, 16; 2 Timotio 2:15.
20 Takashi murume webhizimisi weJapan anogara muEngland. Iye aisipedzera maawa matatu kana kuti mana madekwana mazhinjisa achitarira terevhizheni nemhuri yake. Pashure pokunge iye nomudzimai wake vabhapatidzwa makore matatu apfuura, akasarudza kuti fundo yomunhu oga neyemhuri yeBhaibheri inofanira kupiwa nzvimbo yokutanga. Kupfurikidza nokuderedza kutarira kwake terevhizheni kusvikira kumaminiti 15 kana kuti 30 chete pazuva paavhareji, akatungamirira zvakaisvonaka mumhuri. Kunyange zvazvo Takashi achifanira kufunda achishandisa maBhaibheri maviri, rimwe rechiNgezi uye rimwe rechiJapan, kukura kwake mumudzimu kwave kuchikurumidza, uye zvino anobatira somubatiri anoshumira muungano inotaura chiNgezi. Mudzimai wake ndipiona webetsero. “Kuti titaviridzire umudzimu hwavakomana vedu vaduku vaviri,” iye anodaro, “zuva rimwe nerimwe ndinosanoongorora icho mudzimai wangu neni tinovabvumira kuona muterevhizheni.” Kuzviranga kwakadaro kunotusa.
21. Tinozivei pamusoro pamanomano aSatani, uye tinogona sei kuzvitaviridza timene?
21 Tinogona kuva nechokwadi cheizvi: Satani anoziva utera hwedu, zvimwe zviri nani kupfuura kuhuziva kwatinoita timene. Haasati achizorega sezvaanoedza kutiita kuti tibvumirane pane zvisina kufanira kana kuti kunetesa kutendeseka kwedu kuna Jehovha. (Enzanisa naMateo 4:8, 9.) Tinogona sei, ipapoka, kuzvitaviridzira timene? Kupfurikidza nokuchengeta nguva dzose tsauriro yedu pamberi pedu uye kupfurikidza nokufarira mukukudza unyanzvi sezvatinotarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvavamwe. Savabatiri vakavimbika vaJehovha, tinofanira kuramba takabatikana mubasa rake ndokutungamirirwa panguva dzose neShoko rake dzvene. Ikoku kuchatibetsera mukusarudza kwedu kwakasimba kuti hapana mutengo Satani anogona kugovera uchatibvisa paruvimbiko kuna Mwari.—Pisarema 119:14-16.
Unopindura Sei?
◻ Jehovha naJesu vakaratidzira sei ruvimbiko?
◻ Ndeipi iri mimwe mienzaniso yeBhaibheri yoruvimbiko?
◻ Chii icho Satani angatigovera kana kuti kuedza kuita?
◻ Tinogona sei kuzvisimbisa timene kuti tirambe takavimbika mukunamata kwedu Jehovha?