-
Vimba naJehovhaNharireyomurindi—1987 | December 15
-
-
13, 14. Ndokupi kunoisa Zvapupu zvaJehovha tariro yazvo, uye chii chazvinoita pamsoro payo?
13 Chokwadika, Jesu haana kutsiva Jehovha setariro yorudzi rwomunhu. Pisarema 37:34, NW rinoramba richiri rinoshanda: “Vimba naJehovha uye chengeta nzira yake, ipapo iye achakukudza kuti uve muridzi wapasi. Apo vakaipa vanogurwa iwe uchazviona.” Kuchiri madikanwa kuramba tichivimba naJehovha nokukurudzira vanhu vose kurega kuvimba namasangano akaitwa nomunhu.
-
-
Vimba naJehovhaNharireyomurindi—1987 | December 15
-
-
16. Neiko kuchigona kutaurwa kuti Jesu aiva nomurangariro mumwe chetewo nowaiva naDhavhidhi?
16 Mambo Dhavhidhi akanga ari mufudzi womudzimu waJehovha wamarudzi aIsraeri wakare, uye iye akagadzirira nzira yokuti Jerusarema rive dzimbahwe rorudzi, umo mwanakomana wake Soromoni akatonga kwamakore 40. Nechikonzero chakanaka, Jesu Kristu akataurwa nezvake so“mwanakomana waDhavhidhi.” (Ruka 1:31; 18:39; 20:41) Kana Dhavhidhi aivimba naJehovha Mwari, muzukuru wake wapasi Jesu Kristu aizoita zvakafanana. Uye iye akadaro.
17. Ufakazii huripo hwokuti Jesu aivimba naJehovha?
17 Sohufakazi hwokuti muzukuru wapasi akakurumbira zvikurusa waDhavhidhi, Jesu Kristu, akatevera zano rePisarema 37:34 pakufira padanda rokutambudzira, Jesu akati: “Baba, ndinoisa mudzimu wangu mumaoko enyu.” (Ruka 23:46, NW) Iye akanga achinokora mashoko nokuzadzika mashoko aDhavhidhi ari pana Pisarema 31:5, NW akataurwa kuna Mwari, anoti: “Ndinoisa mudzimu wangu muruoko rwenyu.” Tariro yaJesu haina kukundikana, sezvakangoita iyo yaMambo Dhavhidhi. Kristu akamutswa muna vakafa pazuva rechitatu. Mazuva ane makumi mana gare gare iye akadzokera kuna Baba vake vokudenga. Pamugumo weNguva dzaVamarudzi muna 1914, Jehovha akasimudza Mwanakomana wake kuti ave Mutongi wapasi.
Nguva Yetariro Zvino
18. Neiko nhasi iri nguva yakafanira yetariro?
18 Nhasi, sezvo gore idzva 6 014 A.M. (muGore reNyika) rinopinza mhuri yomunhu munguva yemberi, itariroi inogona kuviwa nayo nokuda kwemhuri yomunhu? Mubvunzo iwoyo zvino wakakodzera zvikurusa nemhaka yokuti tadokuva namakore 1 900 munhambo yapashure peBhaibheri. Yave iri nguva refu chibviro chaapo Dhavhidhi akanyora Pisarema 37:34.
-