Tembere yaJehovha Huru Yomudzimu
“Tine muprista mukuru wakadai . . . mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabhenakeri chaiyo, yakamiswa naShe, isina kumiswa nomunhu.”—VAHEBHERU 8:1, 2.
1. Igadziriroi yorudo iyo Mwari akaitira rudzi rwomunhu runotadza?
JEHOVHA MWARI, nekuda kwokuda kwake kukuru rudzi rwemunhu, akagovera chibayiro chokubvisa zvivi zvenyika. (Johane 1:29; 3:16) Kwakada kuchinjira upenyu hweMwanakomana wake wedangwe kubva kudenga kuenda mudumbu remhandara yechiJudha yainzi Maria. Ngirozi yaJehovha yakatsanangurira Maria zvakajeka kuti mwana waaizova nemimba yake a“chanzi: Mwanakomana waMwari.” (Ruka 1:34, 35) Josefa, uyo akanga akavimbisana naMaria, akaudzwa nezvemutoo unoshamisa wokuva nemimba yaJesu ndokuziva kuti iyeyu aizo“ponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”—Mateo 1:20, 21.
2. Jesu akaitei apo akanga ava nemakore anenge 30 okukura, uye nei?
2 Sezvo Jesu aikura, anofanira kuva akanzwisisa mamwe amaidi aya pamusoro pekuberekwa kwake kunoshamisa. Aiziva kuti Baba vake vokudenga vakanga vane basa rokuponesa upenyu rokuti aite pasi pano. Naizvozvo, somurume akura zvakakwana weanenge makore 30 ezera, Jesu akauya kumuporofita waMwari Johane kuti abhapatidzwe muRwizi rwaJoridhani.—Marko 1:9; Ruka 3:23.
3. (a) Jesu akarevei nemashoko okuti, “Chibayiro nechipo makazviramba”? (b) Muenzanisoi wakatanhamara uwo Jesu akagadzira vose vanoda kuva vadzidzi vake?
3 Jesu akanga achinyengetera panguva yerubhapatidzo rwake. (Ruka 3:21) Sezviri pachena, kubva panguva iyi zvichienda mberi muupenyu hwake, akazadzika mashoko ePisarema 40:6-8, sezvakaratidzirwa gare gare nomuapostora Pauro, kuti: “Chibayiro nechipo makazviramba, asi makandigadzirira muviri.” (VaHebheru 10:5) Nokudaro Jesu akaratidza kuziva kwake kuti Mwari aka“ramba” zvibayiro zvemhuka kuti zvipfuurire kupiwa patembere yeJerusarema. Panzvimbo pezvo, akaziva kuti Mwari akanga amugadzirira muviri womunhu wakakwana, Jesu, kuti ape sechibayiro. Ikoku kwaizobvisa kumwe kudikanwa kupi nokupi kwezvibayiro zvemhuka. Achiratidza chishuvo chake chomwoyo wose chokuzviisa pasi pekuda kwaMwari, Jesu akapfuurira kunyengetera, kuti: “Tarirai, ndauya, (pabhuku yakapetwa pakanyorwa zvangu) kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.” (VaHebheru 10:7) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini woushingi nekuzvipira kusina udyire uyo Jesu akagadza pazuva iroro nokuda kwaavo vose vaizova vadzidzi vake gare gare!—Marko 8:34.
4. Mwari akaratidza sei kutendera kwake kuzvipa kwaJesu amene?
4 Mwari akaratidza kutendera munyengetero waJesu wokubhapatidzwa here? Rega mumwe wavaapostora vaJesu akasarudzwa atipe mhinduro yacho: “Jesu, wakati abhapatidzwa, pakarepo akabuda mumvura; zvino, tarira, denga rakamuzarurirwa, akaona Mweya waMwari achiburuka senjiva, akauya pamusoro pake. Zvino tarira, inzwi rakabva kudenga, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandino[tendera, NW]!”—Mateo 3:16, 17; Ruka 3:21, 22.
5. Chii chaifananidzirwa neatari chaiyoiyo yetembere?
5 Kugamuchira kwaMwari kupiwa kwomuviri waJesu nokuda kwechibayiro kwakareva kuti, mupfungwa yomudzimu, atari huru zvikuru kupfuura iya yaiva mutembere yeJerusarema yakanga yasvika pakutanhamara. Atari chaiyoiyo iyo mhuka dzaipiwa nokuda kwechibayiro yakafanofananidzira atari iyoyo yomudzimu, iyo yaiva chaizvoizvo “kuda” kwaMwari kana kuti gadziriro yokugamuchira upenyu hwaJesu hwomunhu sechibayiro. (VaHebheru 10:10) Ndicho chikonzero nei muapostora Pauro aigona kunyorera vaKristu biyake, kuti: “Isu tine atari, pasingatenderwi kudyiwa navanoshumira tabhenakeri [kana kuti, tembere].” (VaHebheru 13:10) Nemamwe mashoko, vaKristu vechokwadi vanobetserwa nechibayiro chikuru chinoyananisa zvivi, icho vaprista vazhinjisa vechiJudha vakaramba.
6. (a) Chii chakasvika pakutanhamara panguva yorubhapatidzo rwaJesu? (b) Zita rokuremekedza rokuti Mesiya, kana kuti Kristu, rinorevei?
6 Kuzodzwa kwaJesu nemudzimu mutsvene kwakareva kuti Mwari zvino akanga abudisa gadziriro yake yose yetembere yomudzimu, naJesu achibatira seMuprista Mukuru. (Mabasa 10:38; VaHebheru 5:5) Mudzidzi Ruka akafuridzirwa kuratidzira gore reiyi nguva inokosha kuva “gore regumi namashanu rokubata kwaTibherio Kesari.” (Ruka 3:1-3) Ikoko kunowirirana negore ra29 C.E.—vhiki 69 chaidzoidzo dzamakore, kana kuti makore 483, kubva panguva iyo Mambo Artashasta akanga apa murayiro wokuti masvingo eJerusarema avakwezve. (Nehemia 2:1, 5-8) Maererano neuporofita, “Mesiya Mutungamiriri” aizooneka mugore iroro rakaratidzirwa. (Dhanieri 9:25, NW) VaJudha vazhinji sezviri pachena vaiziva nezveikoku. Ruka anoshuma kuti “vakati vachatarira” pamusoro pokuoneka kwaMesiya, kana kuti Kristu, mazita okuremekedza anobva mumashoko echiHebheru nechiGiriki ayo ane revo imwe cheteyo, “wakazodzwa.”—Ruka 3:15.
7. (a) Mwari akazodza rini “nzvimbo tsvene-tsvene,” uye ikoku kwakarevei? (b) Chiizve chakaitika kuna Jesu panguva yorubhapatidzo rwake?
7 Panguva yorubhapatidzo rwaJesu, ugaro hwaMwari hwokudenga hwakanga hwakazodzwa, kana kuti kutsaurwa, se“nzvimbo tsvene-tsvene” mugadziriro yetembere huru yomudzimu. (Dhanieri 9:24) “Tabhenakeri chaiyo [kana kuti, tembere], yakamiswa naShe, isina kumiswa nomunhu” yakanga yava kushanda. (VaHebheru 8:2) Uyewo, kupfurikidza norubhapatidzo rwake nemvura nemudzimu mutsvene, munhu Jesu Kristu akaberekwazve seMwanakomana womudzimu waMwari. (Enzanisa naJohane 3:3.) Ikoku kwakareva kuti Mwari munguva yakafanira aizodanirazve Mwanakomana wake kuupenyu hwokudenga, uko aizobatira kuruoko rworudyi rwaBaba vake saMambo neMuprista Mukuru “nokusingaperi, une rudzi naMerkisedheki.”—VaHebheru 6:20; Pisarema 110:1, 4.
Nzvimbo Tsvene-tsvene Yokudenga
8. Mativii matsva ayo chigaro choumambo chaMwari mudenga zvino chakava nawo?
8 Pazuva rorubhapatidzo rwaJesu, chigaro choumambo chaMwari chokudenga chakanga chava nemativi matsva. Kuzivikanwa kwechibayiro chomunhu akakwana kuti chiyananise zvivi zvenyika kwakasimbisa utsvene hwaMwari mukupesana nekutadza kwemunhu. Ngoni dzaMwari dzakasimbiswawo mukuti zvino akaratidza kuda kwake kunyaradzwa, kana kuti kuyananiswa. Nokudaro chigaro choumambo chaMwari mudenga chakanga chava sekamuri romukatikati retembere, umo muprista mukuru aipinda kamwe pagore ane ropa remhuka kuti ayananise chivi nenzira yokufananidzira.
9. (a) Chidzitiro chaiva pakati peNzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvene-tsvene chaifananidzirei? (b) Jesu akapinda sei achipfuura chidzitiro chetembere yomudzimu yaMwari?
9 Chidzitiro chaiparadzanisa Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvene-tsvene chakafananidzira muviri wenyama waJesu. (VaHebheru 10:19, 20) Wakanga uri mupingo uwo wakadzivisa Jesu kupinda pamberi paBaba vake paakanga ari munhu pasi pano. (1 VaKorinte 15:50) Panguva yokufa kwaJesu, “chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi.” (Mateo 27:51) Ikoku kwakaratidzira nenzira inoshamisa kuti mupingo waidzivisa kupinda kwaJesu mudenga zvino wakanga wabviswa. Mazuva matatu gare gare, Jehovha Mwari akaita chishamiso chakatanhamara. Akamutsa Jesu muvakafa, kwete semunhu anofa wenyama neropa, asi sechisikwa chomudzimu chine mbiri chino“gara nokusingaperi.” (VaHebheru 7:24) Mazuva makumi mana gare gare, Jesu akakwira kudenga ndokupinda mu“nzvimbo tsvene-tsvene” chaiyoiyo, kuti “azviise pamberi paMwari nokuda kwedu.”—VaHebheru 9:24.
10. (a) Chii chakaitika pashure pekunge Jesu apa ukoshi hwechibayiro chake kuna Baba vake vokudenga? (b) Kuzodzwa nemudzimu mutsvene kwakarevei nokuda kwevadzidzi vaKristu?
10 Mwari akagamuchira ukoshi hweropa raJesu rakadeurwa serinoyananisa zvivi zvenyika here? Zvirokwazvo akadaro. Chibvumikiso chaikoku chakauya mazuva 50 chaiwoiwo pashure pokumutswa kwaJesu, pazuva romutambo wePentekosta. Mudzimu mutsvene waMwari wakadururirwa pavadzidzi 120 vaJesu vakanga vakaungana pamwe chete muJerusarema. (Mabasa 2:1, 4, 33) SeMuprista Mukuru wavo, Jesu Kristu, zvino vakanga vazodzwa kuti vabatire se“uprista hutsvene, kuti mubayire zvibayiro zvoMweya” mugadziriro yaMwari yetembere huru yomudzimu. (1 Petro 2:5) Kupfuurirazve, ava vakazodzwa vakaumba rudzi rutsva, “rudzi rutsvene” rwaMwari rwaIsraeri womudzimu. Kubvira panguva iyoyi zvichienda mberi, uporofita hwose hwezvinhu zvakanaka pamusoro paIsraeri, zvakadai sechipikirwa che“sungano itsva” yakanyorwa pana Jeremia 31:31, hwaizoshanda kuungano yakazodzwa yechiKristu, “vaIsraeri vaMwari” chaivoivo.—1 Petro 2:9; VaGaratia 6:16.
Mamwe Mativi eTembere yaMwari Yomudzimu
11, 12. (a) Chii chaifananidzirwa neruvazhe rwevaprista kuna Jesu, uye kune vateveri vake vakazodzwa? (b) Mudziyo wokushambidzira unofananidzirei, uye uri kushandiswa sei?
11 Kunyange zvazvo Nzvimbo Tsvene-tsvene yaifananidzira “kudenga kumene,” uko Mwari akagara pachigaro choumambo, mamwe mativi ose etembere yaMwari yomudzimu ane chokuita nezvinhu zviri pasi pano. (VaHebheru 9:24) Mutembere yaiva muJerusarema, makanga mune ruvazhe rwomukati rwavaprista rwaiva neatari yechibayiro nemudziyo mukuru wokushambidzira, uwo vaprista vaishandisa kuzvichenesa vamene vasati vaita basa rinoera. Zvinhu izvi zvinofananidzirei mugadziriro yaMwari yetembere yomudzimu?
12 Kuna Jesu Kristu, ruvazhe rwomukati rwavaprista rwaifananidzira mumiriro wake wezvinhu usina chivi seMwanakomana womunhu akakwana waMwari. Kupfurikidza nokushandisa kutenda muchibayiro chaJesu, vateveri vakazodzwa vaKristu vanopiwa kururama. Nokudaro, Mwari nenzira yakarurama anogona kubata navo sokunge kuti havana chivi. (VaRoma 5:1; 8:1, 33) Nokudaro, ruvazhe urwu runofananidzirawo mumiriro wezvinhu wakarurama wakapiwa munhu uwo mitezo mimwe nemimwe yeuprista hutsvene inofarikanya pamberi paMwari. Panguva imwe cheteyo, vaKristu vakazodzwa vachiri vasina kukwana uye vanogona kuita chivi. Mudziyo wokushambidzira waiva muruvazhe unofananidzira Shoko raMwari, iro Muprista Mukuru anoshandisa kuchenesa uprista hutsvene nenzira inofambira mberi. Kupfurikidza nokuzviisa pasi peuyu muitiro wokuchenesa, vakawana chitarisiko chakaisvonaka icho chinokudza Mwari ndokukwevera vokunze kukunamatwa kwake kwakachena.—VaEfeso 5:25, 26; enzanisa naMaraki 3:1-3.
Nzvimbo Tsvene
13, 14. (a) Nzvimbo Tsvene yetembere inofananidzirei kuna Jesu navateveri vake vakazodzwa? (b) Chigadziko chemwenje chendarama chinofananidzirei?
13 Kamuri rokutanga retembere rinofananidzira mumiriro wezvinhu mukuru kupfuura uya weruvazhe. Kune munhu akakwana Jesu Kristu, rinofananidzira kuberekwazve kwake soMwanakomana waMwari womudzimu anofanira kudzokera kuupenyu hwokudenga. Pashure pokururamiswa pahwaro hwekutenda kwavo muropa raKristu rakadeurwa, vateveri ava vakazodzwa vanowana uku kushanda chaiko kwemudzimu waMwari. (VaRoma 8:14-17) Kupfurikidza “nemvura [ndiko kuti, rubhapatidzo rwavo] noMweya,” vano“berekwa kutsva” savanakomana vomudzimu vaMwari. Savakadaro, vane tariro yokumutsirwa kuupenyu hwokudenga savanakomana vomudzimu vaMwari, chero bedzi vachiramba vari vakatendeka kusvikira kurufu.—Johane 3:5, 7; Zvakazarurwa 2:10.
14 Vaprista vaibatira mukati meNzvimbo Tsvene yetembere yapasi vaisaonekwa nevanamati vaiva kunze. Nenzira yakafanana, vaKristu vakazodzwa vanowana mumiriro wezvinhu womudzimu usingagoveranwi kana kuti kunzwisiswa zvizere nevazhinji vevanamati vaMwari, vane tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi. Chigadziko chemwenje chendarama chetabhenakeri chinofananidzira mumiriro wezvinhu wakavhenekerwa wevaKristu vakazodzwa. Kushanda kwomudzimu mutsvene waMwari, semafuta ari mumwenje, kunopa chiedza paBhaibheri. Kunzwisisa uko vaKristu vanowana somugumisiro, havakuchengeti kwavari vamene. Panzvimbo pezvo, vanoteerera Jesu, uyo akati: “Muri chiedza chenyika. . . . Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.”—Mateo 5:14, 16.
15. Chii chinofananidzirwa nechingwa chaiva patafura yechingwa chokuratidza?
15 Kuti varambe vari mumamiriro ezvinhu aya akavhenekerwa, vaKristu vakazodzwa vanofanira kudya nguva dzose chinofananidzirwa nechingwa chaiva pamusoro petafura yechingwa chokuratidza. Manyuko avo makuru ezvokudya zvomudzimu iShoko raMwari, iro vanoedza kurava ndokufungisisa zuva nezuva. Jesu akapikirawo kuvagovera “zvokudya nenguva yakafanira” kupfurikidza ne“muranda [wake] wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45) Uyu “muranda” iboka rose revaKristu vakazodzwa pasi pano panguva ipi neipi yakati. Kristu akashandisa iri boka rakazodzwa kubudisa mashoko pakuzadzika kweuporofita hweBhaibheri nokupa nhungamiro yakakodzera nguva pamusoro pekushandiswa kwenheyo dzeBhaibheri muupenyu hwazvino uno hwezuva nezuva. Nokudaro, vaKristu vakazodzwa vanodya nokunzwisisa gadziriro dzose dzakadaro dzomudzimu. Asi kutsigirwa kweupenyu hwavo hwomudzimu kunotsamira pane zvinopfuura kupinza kuziva Mwari mundangariro dzavo nemwoyo. Jesu akati: “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwowakandituma, nokupedza basa rake.” (Johane 4:34) Nenzira yakafanana, vaKristu vakazodzwa vanova negutsikano kupfurikidza nokuzvishandisa vamene zuva nezuva kukuita kuda kwaMwari kunoziviswa.
16. Chii chinofananidzwa nebasa repaatari yezvinonhuwira?
16 Mumangwanani uye mumanheru, muprista aipa zvinonhuwira kuna Mwari paatari yezvinonhuwira muNzvimbo Tsvene. Panguva imwe cheteyo, vanamati vaisava vaprista vainyengetera kuna Mwari vakamira muvazhe dzekunze dzetembere yake. (Ruka 1:8-10) “Zvinonhuwira,” rinotsanangura kudaro Bhaibheri, “minyengetero yavatsvene.” (Zvakazarurwa 5:8) “Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu sezvinonhuwira,” akanyora kudaro wezvamapisarema Dhavhidhi. (Pisarema 141:2) VaKristu vakazodzwa vanokoshesawo ropafadzo yavo yokusvika Jehovha mumunyengetero kupfurikidza naJesu Kristu. Minyengetero ine simba iyo inobva mumwoyo yakaita sezvinonhuwira. VaKristu vakazodzwa vanorumbidzawo Mwari nedzimwe nzira, vachishandisa miromo yavo kudzidzisa vamwe. Kutsungirira kwavo mukutarisana nenhamo uye kuperera kwavo mumiedzo zvinofadza Mwari zvikuru.—1 Petro 2:20, 21.
17. Chii chaibatanidzwa mukuzadzikwa kwemufananidzo wouporofita wakagoverwa nekupinda kwokutanga kwomuprista mukuru muNzvimbo Tsvene-tsvene paZuva reYananiso?
17 PaZuva reYananiso, muprista mukuru waIsraeri aifanira kupinda muNzvimbo Tsvene-tsvene ndokupisa zvinonhuwira mundiro yendarama iyo yaiva nemarasha anopisa. Ikoku kwaifanira kuitwa asati apinza ropa rezvipiriso zvechivi. Mukuzadzikwa kweuyu mufananidzo wouporofita, munhu Jesu akachengeta kuperera kwakakwana kuna Jehovha Mwari asati apa upenyu hwake sechibayiro chimwe chinogara chezvivi zvedu. Nokudaro akaratidzira kuti munhu akakwana aigona kuchengeta kuperera kwake kuna Mwari pasinei zvapo nedzvinyiriro iyo Satani akaunza paari. (Zvirevo 27:11) Paakaedzwa, Jesu akashandisa munyengetero “nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi.” (VaHebheru 5:7) Nenzira iyi akarumbidza Jehovha saChangamire akarurama uye ane maruramiro wechisiko chose. Mwari akatusa Jesu kupfurikidza nokumumutsa kuvakafa achimuendesa kuupenyu hwokusafa hwokudenga. Ari munzvimbo iyi yakakwirira, Jesu anopa ngwariro kuchikonzero chechipiri chokuuya kwake kupasi, ndiko kuti, kuyananisa vanhu vanotadza vanopfidza naMwari.—VaHebheru 4:14-16.
Mbiri Huru Zvikuru yeTembere yaMwari Yomudzimu
18. Jehovha akaunza sei mbiri yakatanhamara kutembere yake yomudzimu?
18 “Kubwinya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga,” Jehovha akafanotaura kudaro. (Hagai 2:9) Kupfurikidza nokumutsa Jesu saMambo asingafi neMuprista Mukuru, Jehovha akaunza mbiri yakatanhamara kutembere yake yomudzimu. Jesu zvino anokwanisa kuunza “kuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera.” (VaHebheru 5:9) Vokutanga kuratidza kuteerera kwakadaro vakanga vari vadzidzi 120 avo vakagamuchira mudzimu mutsvene paPentekosta muna 33 C.E. Bhuku raZvakazarurwa rakafanotaura kuti ava vanakomana vomudzimu vaIsraeri vaizosvika 144 000 pakupedzisira. (Zvakazarurwa 7:4) Pakufa, vazhinji vavo vaifanira kuvata vasingazivi muguva ravose rorudzi rwomunhu, vakamirira nguva yokuvapo kwaJesu musimba roumambo. Kuverenga nguva kwouporofita kuri pana Dhanieri 4:10-17, 20-27 kunonongedzera kuna 1914 senguva yaJesu yokuvamba kutonga pakati pavavengi vake. (Pisarema 110:2) Kwamakumi amakore pachine nguva mberi, vaKristu vakazodzwa vakamirira nekudisa gore iroro. Hondo yokutanga yenyika nenhamo dzakabatanidzwa parudzi rwomunhu zvakapa chibvumikiso chokuti Jesu zvirokwazvo akagadzwa saMambo muna 1914. (Mateo 24:3, 7, 8) Nokukurumidza pashure pako, pashure pekunge nguva yasvika “yokuti kutonga kutange paimba yaMwari,” Jesu aizozadzika chipikirwa kuvadzidzi vake vakazodzwa avo vakanga vavata murufu: “Ndinozouyazve, ndikugamuchirei kwandiri.”—1 Petro 4:17; Johane 14:3.
19. Vakasarira ve144 000 vachapinda sei muNzvimbo Tsvene-tsvene yokudenga?
19 Mitezo 144 000 yeuprista hutsvene yose haina pakupedzisira kuiswa chisimbiso ndokuunganidzwa kumusha wayo wokudenga. Vakasarira vavo vachiri kugara pasi pano mumumiriro wezvinhu womudzimu wakafananidzirwa neNzvimbo Tsvene, vakaparadzaniswa nekuvapo kutsvene kwaMwari ne“chidzitiro,” kana kuti mupingo, wemiviri yavo yenyama. Sezvo ava vanofa vakatendeka, vanomutsirwa kamwe kamwe sezvisikwa zvomudzimu zvisingafi kuti vakumbanire avo ve144 000 vanotova mudenga.—1 VaKorinte 15:51-53.
20. Ibasai rinokosha iro vakasarira veuprista hutsvene vari kuita panguva ino, uye nemigumisiroi?
20 Navaprista vazhinji kwazvo vanobatira pamwe chete neMuprista Mukuru zvikuru mudenga, tembere yaMwari yomudzimu yakava nembiri yakawedzerwa. Munguva ino, vakasarira veuprista hutsvene vari kuita basa rinokosha pasi pano. Kupfurikidza nokuparidza kwavo, Mwari ari ‘kuzunungusa marudzi ose’ nekutaurwa kwerutongeso rwake, sezvakafanotaurwa pana Hagai 2:7. Panguva imwe cheteyo, mamiriyoni avanamati anorondedzerwa se“zvinodikanwa nendudzi dzose” ari kudirana achipinda muvazhe dzepasi dzetembere yaJehovha. Ava vanokodzera sei mugadziriro yaMwari yokunamata, uye imbirii yeramangwana yatinogona kukarira nokuda kwetembere yake huru yomudzimu? Mibvunzo iyi ichanzverwa munyaya inotevera.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Muenzanisoi wakatanhamara uwo Jesu akagadza muna 29 C.E.?
◻ Igadziriroi yakatanga kushanda muna 29 C.E.?
◻ Chii chinofananidzirwa neNzvimbo Tsvene uye Nzvimbo Tsvene-tsvene?
◻ Tembere huru yomudzimu yakaitwa ine mbiri sei?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Apo Jesu akazodzwa nemudzimu mutsvene muna 29 C.E., tembere yaMwari huru yomudzimu yakavamba kushanda