-
Rumbidzai Kristu—Mambo Anokudzwa!Nharireyomurindi—2014 | February 15
-
-
MAMBO ANOTASVA BHIZA RAKE “NOKUDA KWECHOKWADI”
11. Kristu anotasva sei ‘bhiza rake nokuda kwechokwadi’?
11 Verenga Pisarema 45:4. Mambo haarwi kuti awane nzvimbo dzokutonga uye kuti awane vanhu vokutonga. Anorwa hondo yokururama aine chinangwa chakanaka. Anotasva bhiza rake “nokuda kwechokwadi nokuzvininipisa nokururama.” Uchangamire hwaJehovha ndicho chokwadi chinonyanya kukosha chaanofanira kudzivirira. Satani paakapanduka, akaramba kuti Jehovha ndiye ane nekodzero yokutonga. Kubvira ipapo, chokwadi ichocho chinokosha chave chichirambwa nemadhimoni uye vanhu. Iye zvino yava nguva yokuti Mambo akazodzwa naJehovha atasve bhiza rake kekupedzisira kuti atsigire chokwadi chokuti uchangamire hwaJehovha hwakarurama.
12. Mambo anotasva sei bhiza rake ‘nokuda kwokuzvininipisa’?
12 Mambo anotasvawo bhiza rake ‘nokuda kwokuzvininipisa.’ Zvaari Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga, Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka wokuzvininipisa uye wokuvimbika kuuchangamire hwaBaba vake. (Isa. 50:4, 5; Joh. 5:19) Vanhu vose vakavimbika kuna Jesu vanofanira kumutevedzera vozviisa pasi pouchangamire hwaJehovha vachizvininipisa. Vaya chete vanodaro ndivo vachabvumirwa kurarama munyika itsva yakavimbiswa naMwari.—Zek. 14:16, 17.
13. Kristu anotasva sei bhiza rake ‘nokuda kwokururama’?
13 Kristu anotasvawo bhiza rake ‘nokuda kwokururama.’ Mambo anodzivirira “kururama kwaMwari,” kureva zvinhu zvinonzi naJehovha zvakarurama kana kuti zvakaipa. (VaR. 3:21; Dheut. 32:4) Isaya akaprofita nezvaMambo Jesu Kristu kuti: “Mambo achatonga kuti pave nokururama.” (Isa. 32:1) Utongi hwaJesu ndihwo huchaita kuti pave ne“matenga matsva nenyika itsva” uye “kururama kuchagara mazviri.” (2 Pet. 3:13) Munhu wose achagara munyika itsva achatarisirwa kuti ararame maererano nemitemo yaJehovha.—Isa. 11:1-5.
MAMBO ANOITA “ZVINHU ZVINOTYISA”
14. Ruoko rworudyi rwaKristu ruchaita sei “zvinhu zvinotyisa”? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)
14 Mambo uyu zvaakatasva bhiza rake ane bakatwa rakasungirwa pachidya chake. (Pis. 45:3) Asi nguva inosvika yokuti avhomore bakatwa rake orishandisa neruoko rwake rworudyi. Munyori wepisarema akaprofita kuti ruoko rwaMambo rworudyi rwaizoita “zvinhu zvinotyisa.” (Pis. 45:4) Jesu Kristu achaita “zvinhu zvinotyisa” paachatasva bhiza rake kuti aparadze vavengi vake paAmagedhoni. Hatizivi kuti achashandisei kuti aparadze nyika yaSatani. Asi zvaachaita izvozvo zvichatyisa chaizvo vanhu vari panyika vasina kuteerera nyevero yaMwari yokuti vazviise pasi poutongi hwaMambo. (Verenga Pisarema 2:11, 12.) Jesu paaiprofita nezvenguva yomugumo, akataura kuti vanhu vaizopera “simba nokutya uye nokutarisira zvinhu zvinouya pamusoro penyika inogarwa; nokuti masimba okudenga achazununguswa.” Akawedzerawo kuti: “Panguva iyoyo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mugore aine simba nokubwinya kukuru.”—Ruka 21:26, 27.
15, 16. “Mauto” okudenga achange achitevera Kristu muhondo ndivanani?
15 Bhuku raZvakazarurwa rinozivisa kuuya kwaMambo ne“simba nokubwinya kukuru” kuti azoparadza vavengi vaMwari richiti: “Zvino ndakaona denga rakavhurika, uye, tarira! kwaiva nebhiza jena. Akanga akaritasva anonzi Akatendeka uye weChokwadi, anotonga uye anorwa zvakarurama. Uyewo, mauto akanga ari kudenga akanga achimutevera akatasva mabhiza machena, uye akanga akapfeka nguo yerineni chena, yakachena, yakanaka kwazvo. Mumuromo make makabuda bakatwa refu rakapinza, kuti ateme marudzi naro, uye achaafudza netsvimbo yesimbi. Iye anotsikawo chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wemasimbaose.”—Zvak. 19:11, 14, 15.
16 “Mauto” okudenga achange achitevera Kristu muhondo ndivanani? Jesu aiva “nengirozi dzake” paakatanga kusungira bakatwa rake kuti adzinge Satani nemadhimoni ake kudenga. (Zvak. 12:7-9) Saka zvinoita sezvine musoro kugumisa kuti pahondo yeAmagedhoni, mauto aKristu achasanganisira ngirozi tsvene. Pane vamwe vachange vari mumauto iwayo here? Jesu akavimbisa hama dzake dzakazodzwa kuti: “Anokunda ochengeta mabasa angu kusvikira pakuguma ndichamupa simba pamusoro pemarudzi, rakafanana nerandakagamuchira kubva kuna Baba vangu, uye achafudza vanhu netsvimbo yesimbi zvokuti vachaputswa-putswa semidziyo yevhu.” (Zvak. 2:26, 27) Saka mauto aKristu okudenga achasanganisirawo hama dzake dzakazodzwa, dzichange dzawana mubayiro wadzo wokudenga. Vakazodzwa vaachatonga navo vachange vainaye paachaita “zvinhu zvinotyisa” achifudza marudzi netsvimbo yesimbi.
-
-
Rumbidzai Kristu—Mambo Anokudzwa!Nharireyomurindi—2014 | February 15
-
-
19. Kristu ‘achaenda’ uye achapedzisa sei kukunda kwake?
19 Paachange aparadza nyika yakaipa yaSatani, Kristu ‘achaenda kuti akunde nokubwinya kwake.’ (Pis. 45:4) Achapedzisa kukunda kwake nokukanda Satani nemadhimoni ake mugomba rakadzikadzika munguva yose yoKutonga Kwemakore Ane Chiuru. (Zvak. 20:2, 3) Dhiyabhorosi nengirozi dzake pavachange vasisina zvavanokwanisa kuita sokunge kuti vafa, vanhu vanogara panyika vachange vasingachatsauswi naSatani uye vachanyatsozviisa pasi paMambo wavo anokunda uye anokudzwa. Zvisinei, nyika isati yachinjwa zvishoma nezvishoma kuti ive paradhiso, pachava nechimwe chiitiko chichaita kuti vafare pamwe chete naMambo wavo nevaanotonga navo kudenga. Munyaya inotevera, tichakurukura nezvechiitiko ichi chinofadza.
-