-
Ngatifarirei Kuroora kweGwayana!Nharireyomurindi—2014 | February 15
-
-
6. Nei vakazodzwa vachinzi “mwanasikana wamambo,” uye vachirayirwa kuti ‘vakanganwe vanhu vavo’?
6 Mwenga uyu haangoshevedzwi kuti “mwanasikana” asi anonziwo “mwanasikana wamambo.” (Pis. 45:13) “Mambo” uyu ndiani? NdiJehovha. Anogamuchira vaKristu vakazodzwa se“vana” vake. (VaR. 8:15-17) Sezvo vachava mwenga wokudenga, vakazodzwa vanorayirwa kuti: “Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako [vepanyika].” Vanofanira kuramba vakaisa pfungwa dzavo “pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zviri panyika.”—VaK. 3:1-4.
-
-
Ngatifarirei Kuroora kweGwayana!Nharireyomurindi—2014 | February 15
-
-
MWENGA ‘ANOUNZWA KUNA MAMBO’
8. Nei zvakakodzera kuti mwenga anzi “anokudzwa kwazvo” kana kuti anobwinya?
8 Verenga Pisarema 45:13, 14a. Mwenga wacho anounzwa kumuchato waMambo ‘seanokudzwa kwazvo’ kana kuti seanobwinya. Pana Zvakazarurwa 21:2, mwenga anofananidzwa neguta, Jerusarema Idzva, uye “akashongera murume wake.” Guta iri rokudenga rine “kubwinya kwaMwari” uye rinopenya kufanana “nedombo rinokosha kwazvo, sedombo rejaspa rinopenya zvinoonekera sekristaro.” (Zvak. 21:10, 11) Kubwinya kweJerusarema Idzva kunonyatsotsanangurwa mubhuku raZvakazarurwa. (Zvak. 21:18-21) Ndosaka munyori wepisarema achiti mwenga wacho “anokudzwa kwazvo” kana kuti anobwinya! Uye izvozvo ndizvo chaizvo zvinotarisirwa pamuchato wamambo unoitirwa kudenga.
9. ‘Ndimambo’ upi ari kuunzirwa mwenga, uye mwenga wacho akashongei?
9 Mwenga ari kuunzwa kuMuroori, kureva Mambo Mesiya. Jesu ave achigadzirira mwenga wake, ‘nokumushambidza nemvura achishandisa shoko.’ Mwenga uyu ‘mutsvene uye haana gwapa.’ (VaEf. 5:26, 27) Anofanirawo kupfeka zvinoenderana nechiitiko chacho. Uye ndiwo mapfekero aakaita! Chokwadi, “zvipfeko zvake zvakarukwa nendarama,” uye “achaunzwa kuna mambo akapfeka chipfeko chakarukwa.” Kuti achate neGwayana, “abvumirwa kushonga nguo yerineni inopenya, yakachena, yakanaka kwazvo, nokuti rineni yakanaka kwazvo inomirira mabasa akarurama evatsvene.”—Zvak. 19:8.
-